1Zvino nemazuva iwayo, vadzidzi vachiwanda, kwakamuka kunyunyuta kwemaHerenisiti* akanangana nevaHebheru, nekuti chirikadzi dzavo dzisingatariswi pakushandirwa kwemusi umwe neumwe.
1בימים ההם כאשר רבו התלמידים היתה תלונת היונים על העבריים על אשר העלימו עיניהם מאלמנותיהם לבלתי תת להן יום יום את ארוחתן׃
2Zvino vanegumi nevaviri vakadanira kwavari chaunga chevadzidzi, vakati: Hazvina kufanira kuti isu tisiye shoko raMwari, tishande pamatafura.
2ויקראו שנים העשר את המון התלמידים ויאמרו לא נאוה לנו כי נעזב את דבר האלהים ונשמש את השלחנות׃
3Naizvozvo, hama, tarirai pakati penyu varume vanomwe vanopupurwa zvakanaka, vazere neMweya Mutsvene nenjere, vatingagadza pabasa rakafanira iri.
3לכן אחי ברו לכם שבעה אנשים מקרבכם אשר שם טוב להם ומלאים רוח הקדש וחכמה ונפקידם על הענין הזה׃
4Asi isu tichatsungirira pamunyengetero nepabasa reshoko.
4ואנחנו נשקד על התפלה ועל שמוש הדבר׃
5Zvino shoko rikafadza pamberi pechaunga chose; uye vakasarudza Sitefano, murume azere nerutendo uye neMweya Mutsvene, naFiripi, naProkoro, naNikanori, naTimoni, naPamenasi, naNikorasi weAndiyokiya wakatendeukira kuvaJuda,
5וייטב הדבר לפני כל ההמון ויבחרו את אסטפנוס איש מלא אמונה ורוח הקדש ואת פילפוס ואת פרוכורוס ואת ניקנור ואת טימון ואת פרמנס ואת ניקלס גר אנטיוכיא׃
6vavakagadza pamberi pevaapositori; uye vakati vanyengetera vakaisa maoko pamusoro pavo.
6את אלה העמידו לפני השליחים ויתפללו ויסמכו את ידיהם עליהם׃
7Zvino shoko raMwari rikakura, uye uwandu hwevadzidzi hukapamhidzira muJerusarema zvikurusa, nechaunga chikuru chevapristi vazhinji chakateerera rutendo.
7ויהי דבר האלהים הולך וגדל וירב מספר התלמידים בירושלים עד מאד וגם המון רב מן הכהנים נכנעו אל האמונה׃
8Zvino Sitefano azere nerutendo nesimba wakaita zvishamiso nezviratidzo zvikuru pakati pevanhu.
8ואסטפנוס מלא אמונה וגבורה ויעש אתות ומופתים גדולים בקרב העם׃
9Zvino kwakamuka vamwe vesinagoge rinonzi reVakasununguka, nevaKureni, nevaArekisandira, nereavo vaibva Kirikia neAsiya, vachikakavadzana naSitefano.
9ויקומו אנשים מבית הכנסת הנקרא על שם הליברטינים ושל קורינים ואלכסנדריים ומן בני קיליקיא ואסיא ויתוכחו עם אסטפנוס׃
10Asi vakange vasingagoni kupikisa uchenjeri neMweya waaitaura nawo.
10ולא יכלו עמד לנגד החכמה והרוח אשר דבר בו׃
11Ipapo vakapa pfumbamuromo varume vaiti: Tamunzwa achitaura mashoko anonyomba akanangana naMozisi naMwari.
11ויסיתו בו אנשים אמרים שמענו אתו מדבר גדופים במשה ובאלהים׃
12Zvino vakamutsa vanhu nevakuru nevanyori, vakamusvikira vakamubata vakamuuisa kudare remakurukota,
12ויעוררו את העם ואת הזקנים והסופרים ויקומו עליו ויחטפהו ויביאהו לפני הסנהדרין׃
13ndokuisapo zvapupu zvenhema zvakati: Munhu uyu haamiri kutaura mashoko anomhura pamusoro penzvimbo iyi tsvene nemurairo,
13ויעמידו עדי שקר אשר אמרו האיש הזה איננו חדל מהטיח דברים נגד מקום הקדש הזה ונגד התורה׃
14nekuti tamunzwa achiti uyu Jesu muNazareta uchaparadza nzvimbo iyi, uye uchashandura tsika Mozisi dzaakatikumikidza.
14כי שמענהו אמר זה ישוע הנצרי יתץ את המקום הזה וישנה את החקים אשר מסר לנו משה׃
15Zvino vose vakange vagere padare remakurukota vakamudzvokora, vakaona chiso chake sechainge chiso chemutumwa.
15ויסתכלו בו כל הישבים בסנהדרין ויראו את פניו כפני מלאך אלהים׃