1Pauro muapositori waKristu Jesu nekuda kwechido chaMwari, naTimotio hama,
1פולוס שליח ישוע המשיח ברצון אלהים וטימותיוס אחינו׃
2kuvatsvene nehama dzakatendeka muna Kristu vari paKorose: Nyasha kwamuri, nerugare rwunobva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu.
2אל הקדשים והאחים הנאמנים במשיח אשר הם בקולשא חסד לכם ושלום מאת האלהים אבינו ואדנינו ישוע המשיח׃
3Tinopa kuvonga kuna Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Kristu, tichikunyengetererai nguva dzose,
3נודה לאלהים אבי אדנינו ישוע המשיח בכל עת אשר אנחנו מתפללים בעדכם׃
4sezvo takanzwa zverutendo rwenyu muna Kristu Jesu, uye zverudo kuvatsvene vose,
4אחרי אשר שמענו אמונתכם במשיח ישוע ואהבתכם אל כל הקדשים׃
5nekuda kwetariro yakagadzirirwa imwi kumatenga, yamakagara manzwa pashoko rechokwadi cheevhangeri,
5בעבור התקוה הצפונה לכם בשמים ונודעתם לכם מקדם בדבר אמת הבשורה׃
6iyo yasvika kwamuri sepanyika yosewo; ichibereka chibereko, sezvainoitawo kwamuri, kubvira pazuva ramakanzwa nekuziva nyasha dzaMwari muchokwadi;
6אשר באה אליכם וגם לכל העולם ותפרה ותרבה כמו גם בתוככם למן היום אשר שמעתם והכרתם באמת את חסד אלהים׃
7sezvamakadzidzawo kuna Epafrasi, muranda unodikamwa pamwe nesu, mushumiri wakatendeka waKristu nekuda kwenyu,
7כאשר למדתם מן אפפרס חברנו החביב אשר הוא משרת נאמן בעדכם למשיח׃
8iye wakatiudzawo zverudo rwenyu muMweya.
8והוא גם הודיע אתנו את האבתכם ברוח׃
9Nekuda kweizvi isuwo, kubvira pazuva ratakanzwa, hatimiri kukunyengetererai, nekukumbira kuti muzadzwe neruzivo rwechido chake, pauchenjeri hwose nekunzwisisa kwemweya;
9בעבור זאת גם אנחנו למן היום אשר שמענוה לא חדלנו להתפלל בעדכם ולבקש שתמלאו דעת רצון האלהים בכל חכמה ותבונה רוחנית׃
10kuti mufambe sezvinofanira Ishe muchimufadza pazvose, muchibereka zvibereko pabasa rose rakanaka, muchikura paruzivo rwaMwari;
10להתהלך כטוב בעיני האדון וככל רצונו ולעשות פרי בכל מעשה טוב ולרבות בדעת אלהים׃
11muchisimbiswa nesimba rose, zvichienderana nesimba rekurumbidzwa kwake, muve nemoyo murefu nekutsungirira nemufaro;
11להתחזק בכל כח כגבורת כבודו לכל סבלנות וארך רוח עם שמחה׃
12muchipa kuvonga kuna Baba, vakatiita kuti tifanire kugoverana kwenhaka yevatsvene muchiedza.
12ולתת תודה לאבינו העשה אתנו ראוים לחלק נחלת הקדשים באור׃
13vakatinunura pasimba rerima, vakatishandurira muushe hweMwanakomana werudo rwavo,
13אשר הוא חלצנו מממשלת החשך והעבירנו למלכות בן אהבתו׃
14watine dzikinuro maari kubudikidza neropa rake, ndiko kukangamwirwa kwezvivi.
14אשר יש לנו בו הפדיון בדמו סליחת החטאים׃
15Ndiye mufananidzo waMwari usingaonekwi, dangwe rechisikwa choga choga;
15והוא צלם האלהים הנעלם ובכור כל נברא׃
16Nekuti maari zvinhu zvose zvakasikwa, zviri kumatenga nezviri panyika, zvinoonekwa nezvisingaonekwi, kana zviri zvigaro zveushe kana ushe, kana ukuru, kana masimba; zvinhu zvose zvakasikwa naye, zvikasikirwa iye.
16כי בו נברא כל אשר בשמים ואשר בארץ כל הנראה וכל אשר איננו נראה הן כסאות וממשלות הן שררות ורשיות הכל נברא על ידי ולמענהו׃
17Ndiye unotangira zvinhu zvose, uye zvinhu zvose zvakabatanidzwa maari.
17והוא לפני הכל והכל קים בו׃
18Uye ndiye musoro wemuviri, kereke; unova kutanga, dangwe kune vakafa; kuti pazvose iye ave wokutanga.
18והוא ראש גוף העדה אשר הוא ראשית ובכור מעם המתים למען יהיה הראשון בכל׃
19Nekuti zvakafadza Baba, kuti kuzara kose kugare maari,
19כי כן היה הרצון לשכן בו את כל המלוא׃
20uye akonzere naye kuti zvinhu zvose zviyananiswe kwaari, amboita rugare kubudikidza neropa remuchinjikwa wake kubudikidza naiye, kunyange zviri panyika kunyange zviri kumatenga.
20ולרצות אל עצמו את הכל על ידו בעשותו שלום בדם צלבו על ידו הן אשר בארץ הן אשר בשמים׃
21Nemwi maimbova vaeni nevavengi mufungwa nemabasa akaipa, asi zvino wayanana nemwi
21וגם אתם אשר הייתם מלפנים מוזרים ואיבים בנטות לבבכם אחרי המעשים הרעים׃
22mumuviri wenyama yake kubudikidza nekufa akukumikidzei muri vatsvene, uye musina mhosva uye musingamhuriki pachiso chake,
22עתה רצה אתכם בגוף בשרו על ידי מותו להעמידכם לפניו קדשים ובלי מום ודפי׃
23kana muchirambira parutendo makateyiwa uye makasimbiswa, uye hamubviswi patariro yeevhangeri yamakanzwa, yakaparidzirwa chisikwa choga choga chiri pasi pedenga; iyo yandakaitwa mushumiri wayo ini Pauro.
23אם תעמדו מיסדים ונכונים באמונה ולא תזועו מתוחלת הבשורה אשר שמעתם ואשר נשמעה לכל הנברא תחת השמים ואני פולוס הייתי לה למשרת׃
24Zvino ndinofara pamatambudziko angu nekuda kwenyu, nekuzadzisa zvakasara pamatambudziko aKristu munyama yangu nekuda kwemuviri wake, inova kereke;
24עתה הנני שמח בענויי אשר אני סבל למענכם ואמלא את החסר ביסורי המשיח בבשרי בעד גופו היא העדה׃
25iyo ini yandakaitwa mushumiri wayo zvichienderana nekuita kwaMwari kwandakapiwa pamusoro penyu, kuzadzisa shoko raMwari,
25אשר הייתי לה למשרת כפי פקדת אלהים אשר נתנה לי עליכם למלאת את דבר האלהים׃
26chakavanzika chakange chakafukidzwa kubvira kare, nekubva kumazera, asi zvino chinoratidzwa kuvatsvene vake,
26את הסוד אשר היה נסתר מעולמים ומדור ודור ועתה נגלה לקדושיו׃
27kuna ivo Mwari vaakada kuzivisa kiti fuma yekubwinya kwechakavanzika ichi pakati pevahedheni chii, chinova Kristu mamuri, tariro yekubwinya;
27אשר רצה האלהים להודיעם אי זה הוא עשר כבוד הסוד ההוא בגוים והוא המשיח אשר בכם אשר הוא תקות הכבוד׃
28watinoparidza isu, tichiyambira munhu umwe neumwe, nekudzidzisa munhu umwe neumwe munjere dzose, kuti tikumikidze munhu umwe neumwe akakwana muna Kristu;
28ואותו משמיעים אנחנו בהוכיחנו כל איש ובלמדנו כל איש בכל חכמה למען העמיד כל איש שלם במשיח ישוע׃
29ndizvo zvandinoshingairirawo, ndichirwa zvinoenderana nekubata kwake kunobata mandiri nesimba.
29ובזאת אף אני עמל ונלחם כפי פעלת כחו הפעל בי בגבורה׃