Shona

Hebrew: Modern

Ecclesiastes

3

1Chinhu chimwe nechimwe chino musi wacho, uye shoko rimwe nerimwe pasi pedenga rine nguva yaro.
1לכל זמן ועת לכל חפץ תחת השמים׃
2Nguva yokuberekwa, nenguva yokufa; nguva yokusima, nenguva yokudzura chakasimwa;
2עת ללדת ועת למות עת לטעת ועת לעקור נטוע׃
3nguva yokuuraya, nenguva yokuporesa; nguva yokuputsa, nenguva yokuvaka;
3עת להרוג ועת לרפוא עת לפרוץ ועת לבנות׃
4nguva yokuchema, nenguva yokuseka; nguva yokuungudza, nenguva yokupembera;
4עת לבכות ועת לשחוק עת ספוד ועת רקוד׃
5nguva yokurasha mabwe, nenguva yokuunganidza mabwe; nguva yokumbundikira, nenguva yokurega kumbundikira;
5עת להשליך אבנים ועת כנוס אבנים עת לחבוק ועת לרחק מחבק׃
6nguva yokutsvaka mibairo, nenguva yokurasikirwa; nguva yokuchengeta, nenguva yokurasha;
6עת לבקש ועת לאבד עת לשמור ועת להשליך׃
7nguva yokubvarura, nenguva yokusona; nguva yokunyarara, nenguva yokutaura;
7עת לקרוע ועת לתפור עת לחשות ועת לדבר׃
8nguva yokuda, nenguva yokurwa, nenguva yorugare.
8עת לאהב ועת לשנא עת מלחמה ועת שלום׃
9Ko iye anobata anobatsirwei nezvaanotamburira?
9מה יתרון העושה באשר הוא עמל׃
10Ndakaona kutambudzika kwakapiwa vanakomana vavanhu naMwari, kuti vazvitambudze nazvo.
10ראיתי את הענין אשר נתן אלהים לבני האדם לענות בו׃
11Chinhu chimwe nechimwe akachiita chakanaka panguva yacho; akaisawo zvisingaperi mumoyo mavo, kunyange zvakadaro munhu haangagoni kunzwisisa zvakabatwa naMwari kubva pakutanga kusvikira pakupedzisira.
11את הכל עשה יפה בעתו גם את העלם נתן בלבם מבלי אשר לא ימצא האדם את המעשה אשר עשה האלהים מראש ועד סוף׃
12Ndinoziva kuti hakune chinhu chakanaka pakati pavo chingapfuura ichi, kuti vafare, uye kuti vaite zvakanaka upenyu hwavo hwose.
12ידעתי כי אין טוב בם כי אם לשמוח ולעשות טוב בחייו׃
13Uyewo, kuti chipo chaMwari kuti munhu mumwe nomumwe adye, amwe, afarire zvinhu zvakanaka pakubata kwake kose.
13וגם כל האדם שיאכל ושתה וראה טוב בכל עמלו מתת אלהים היא׃
14Ndinoziva kuti zvose zvinoitwa naMwari, zvichagara nokusingaperi; hakune chinhu chingawedzerwa, kana chingabviswa pazviri; Mwari akazviita izvozvo, kuti vanhu vamutye.
14ידעתי כי כל אשר יעשה האלהים הוא יהיה לעולם עליו אין להוסיף וממנו אין לגרע והאלהים עשה שיראו מלפניו׃
15Zviripo zvino, zvakanguva zvavapo; uye izvo, zvichavapo, zvakanguva zvavapo; anotsvakazve zvakanga zvadzinganiswa.
15מה שהיה כבר הוא ואשר להיות כבר היה והאלהים יבקש את נרדף׃
16Uyezve, ndakaona pasi pezuva, kuti panzvimbo yokururamisira, zvakaipa zvakanga zviripo; uye panzvimbo yokururama, zvakaipa zvakanga zviripo.
16ועוד ראיתי תחת השמש מקום המשפט שמה הרשע ומקום הצדק שמה הרשע׃
17Ndakati mumoyo mangu, Mwari ndiye achatonga akarurama nowakaipa, nekuti nguva iripo yeshoko rimwe nerimwe nebasa rimwe nerimwe.
17אמרתי אני בלבי את הצדיק ואת הרשע ישפט האלהים כי עת לכל חפץ ועל כל המעשה שם׃
18Ndakati mumoyo mangu, Izvi zvinoitwa nokuda kwavanakomana vavanhu, kuti Mwari avaidze, aone kuti ivo vamene vakangoita semhuka.
18אמרתי אני בלבי על דברת בני האדם לברם האלהים ולראות שהם בהמה המה להם׃
19nekuti zvinoitirwa vanakomana vavanhu ndizvo zvinoitirwawo mhuka; zvose zvinoitirwa chinhu chimwe. Mufiro womunhu, ndiwo mufiro wemhuka, zvose zvinokufema kumwe; munhu haana paanopfuura mhuka; nekuti zvose hazvina maturo.
19כי מקרה בני האדם ומקרה הבהמה ומקרה אחד להם כמות זה כן מות זה ורוח אחד לכל ומותר האדם מן הבהמה אין כי הכל הבל׃
20Zvose zvinoenda kunzvimbo imwe; zvose zvinobva pavhu, zvose zvinodzokerazve kuvhu.
20הכל הולך אל מקום אחד הכל היה מן העפר והכל שב אל העפר׃
21Ndiani ungaziva kana kufema kunopa upenyu kumunhu kunokuisa kumusoro, kana kufema kunopa upenyu kumhuka kuchiburukira pasi?
21מי יודע רוח בני האדם העלה היא למעלה ורוח הבהמה הירדת היא למטה לארץ׃
22Saka ndakaona kuti hakune chinhu chinopfuura ichi, kuti munhu afarire mabasa ake, nekuti ndiwo mugove wake; nekuti ndiani achamudzosazve kuti aone zvichamutevera.
22וראיתי כי אין טוב מאשר ישמח האדם במעשיו כי הוא חלקו כי מי יביאנו לראות במה שיהיה אחריו׃