Shona

Hebrew: Modern

Esther

10

1Zvino mambo Ahashivheroshi akateresa nyika, nezviwi zvegungwa.
1וישם המלך אחשרש מס על הארץ ואיי הים׃
2Zvino mabasa ake ose echikuriri, nesimba rake, uye zvose zvoukuru hwaModhekai, hwaakakudzwa nahwo namambo, hazvina kunyorwa here pabhuku yaMakoronike amadzimambo eMedhia nePerisa?
2וכל מעשה תקפו וגבורתו ופרשת גדלת מרדכי אשר גדלו המלך הלוא הם כתובים על ספר דברי הימים למלכי מדי ופרס׃
3nekuti Modhekai muJudha wakange ari wechipiri paushe achitevera mambo Ahashivheroshi; aiva mukuru pakati pavaJudha, akadikamwa navazhinji vehama dzake; waitsvakira vanhu vake zvakanaka, achitaurira rudzi rwake rwose zvorugare.
3כי מרדכי היהודי משנה למלך אחשורוש וגדול ליהודים ורצוי לרב אחיו דרש טוב לעמו ודבר שלום לכל זרעו׃