Shona

Hebrew: Modern

Exodus

14

1Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,
1וידבר יהוה אל משה לאמר׃
2Udza vana vaIsiraeri, kuti vadzoke, vavake misasa yavo pamberi paPihahiroti, pakati peMigodhori negungwa, pamberi peBhaarizefoni; muvake misasa yenyu pagungwa pakatarisana napo.
2דבר אל בני ישראל וישבו ויחנו לפני פי החירת בין מגדל ובין הים לפני בעל צפן נכחו תחנו על הים׃
3Zvino Farao achati pamusoro pavana vaIsiraeri, Varasa nzira panyika, renje ravadzivirira.
3ואמר פרעה לבני ישראל נבכים הם בארץ סגר עליהם המדבר׃
4Ndichaomesa moyo waFarao kuti avateverere; ini ndichakudzwa pamusoro paFarao napahondo yake yose; vaEgipita vachaziva kuti ndini Jehovha. Vakaita saizvozvo.
4וחזקתי את לב פרעה ורדף אחריהם ואכבדה בפרעה ובכל חילו וידעו מצרים כי אני יהוה ויעשו כן׃
5Zvino mambo weEgipita akaudzwa kuti vanhu vatiza; moyo waFarao nowavaranda vake ukashandukira vanhu, vakati, Taita seiko zvatatendera vaIsiraeri vakanga vachitibatira kuti vaende?
5ויגד למלך מצרים כי ברח העם ויהפך לבב פרעה ועבדיו אל העם ויאמרו מה זאת עשינו כי שלחנו את ישראל מעבדנו׃
6Zvino akagadzira ngoro yake, akaenda navanhu vake;
6ויאסר את רכבו ואת עמו לקח עמו׃
7akatora ngoro dzakatsaurwa dzina mazana matanhatu, nengoro dzose dzeEgipita, dzina vatariri vadzo dzose.
7ויקח שש מאות רכב בחור וכל רכב מצרים ושלשם על כלו׃
8Jehovha akaomesa moyo waFarao, mambo weEgipita, akateverera vana vaIsiraeri, nekuti vana vaIsiraeri vakanga vabuda noruoko rune simba.
8ויחזק יהוה את לב פרעה מלך מצרים וירדף אחרי בני ישראל ובני ישראל יצאים ביד רמה׃
9VaEgipita vakavateverera namabhiza ose nengoro dzaFarao, navatasvi vake vamabhiza, nehondo yake, vakavabata vachiri pamisasa pagungwa, paPihahiroti pamberi peBhaarizefoni.
9וירדפו מצרים אחריהם וישיגו אותם חנים על הים כל סוס רכב פרעה ופרשיו וחילו על פי החירת לפני בעל צפן׃
10Zvino Farao akati asvika pedo, vana valsiraeri vakasimudza meso avo, vakaona vaEgipita vachivateverera, vakatya kwazvo; vana vaIsiraeri vakachema kuna Jehovha.
10ופרעה הקריב וישאו בני ישראל את עיניהם והנה מצרים נסע אחריהם וייראו מאד ויצעקו בני ישראל אל יהוה׃
11Vakati kuna Mozisi, Makanga muchiti hamuna mahwiro paEgipita, mukatibvisako kuti tifire murenje here? Makatiitireiko zvamatibudisa paEgipita?
11ויאמרו אל משה המבלי אין קברים במצרים לקחתנו למות במדבר מה זאת עשית לנו להוציאנו ממצרים׃
12Ko harizi shoko iro ratakakuudzai paEgipita here, tichiti, Tiregei, tibatire hedu vaEgipita? Nekuti zviri nani kuti tibatire vaEgipita, pakuti tifire murenje.
12הלא זה הדבר אשר דברנו אליך במצרים לאמר חדל ממנו ונעבדה את מצרים כי טוב לנו עבד את מצרים ממתנו במדבר׃
13Zvino Mozisi akati kuvanhu, Musatya henyu, mirai, mugoona sununguro yaJehovha, yaachakuitirai nhasi, nekuti vaEgipita vamaona nhasi, hamungazovaonizve nokusingaperi.
13ויאמר משה אל העם אל תיראו התיצבו וראו את ישועת יהוה אשר יעשה לכם היום כי אשר ראיתם את מצרים היום לא תסיפו לראתם עוד עד עולם׃
14Jehovha achakurwirai, imwi munofanira kunyarara henyu.
14יהוה ילחם לכם ואתם תחרישון׃
15Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Unodanidzireiko kwandiri? Udza vana valsiraeri kuti vapfuurire mberi.
15ויאמר יהוה אל משה מה תצעק אלי דבר אל בני ישראל ויסעו׃
16Iwe simudza tsvimbo yako, utambanudzire ruoko rwako pamusoro pegungwa, uritsemure napakati, kuti vana vaIsiraeri vafambe pakaoma mukati megungwa.
16ואתה הרם את מטך ונטה את ידך על הים ובקעהו ויבאו בני ישראל בתוך הים ביבשה׃
17Tarira, ndichaomesa moyo yavaEgipita, kuti vapindewo vachivateverera, ini ndizokudzwa pamusoro paFarao napamusoro pehondo yake yose, napamusoro pengoro dzake, napamusoro pavatasvi vake vamabhiza.
17ואני הנני מחזק את לב מצרים ויבאו אחריהם ואכבדה בפרעה ובכל חילו ברכבו ובפרשיו׃
18Ipapo vaEgipita vachaziva kuti ndini Jehovha, kana ndakudzwa pamusoro paFarao, napamusoro pengoro dzake, napamusoro pavatasvi vake vamabhiza.
18וידעו מצרים כי אני יהוה בהכבדי בפרעה ברכבו ובפרשיו׃
19Zvino mutumwa waMwari, akanga akatungamirira hondo yavaIsiraeri, akabvapo, akaenda shure kwavo; shongwe yegore ikabva mberi kwavo, ikandomira shure kwavo.
19ויסע מלאך האלהים ההלך לפני מחנה ישראל וילך מאחריהם ויסע עמוד הענן מפניהם ויעמד מאחריהם׃
20Ikapinda pakati pemisasa yavaEgipita nemisasa yavaIsiraeri; gore nerima, zvikavapo asi rakavhenekera usiku; havana kuswederana usiku hwose.
20ויבא בין מחנה מצרים ובין מחנה ישראל ויהי הענן והחשך ויאר את הלילה ולא קרב זה אל זה כל הלילה׃
21Zvino Mozisi akatambanudzira ruoko rwake pamusoro pegungwa, Jehovha akadzinga gungwa nemhepo ine simba, yakabva mabvazuva usiku hwose, akashandura gungwa, rikaita ivhu rakaoma, mvura ikatsemuka.
21ויט משה את ידו על הים ויולך יהוה את הים ברוח קדים עזה כל הלילה וישם את הים לחרבה ויבקעו המים׃
22Zvino vana valsiraeri vakapinda nomukati megungwa pakaoma, mvura ikavaitira madziro kurudyi rwavo nokuruboshwe rwavo.
22ויבאו בני ישראל בתוך הים ביבשה והמים להם חמה מימינם ומשמאלם׃
23vakavateverera, vakapinda shure kwavo mukati megungwa namabhiza aFarao ose, nengoro dzake navatasvi vake vamabhiza.
23וירדפו מצרים ויבאו אחריהם כל סוס פרעה רכבו ופרשיו אל תוך הים׃
24Mangwanani Jehovha akatarira hondo yavaEgipita, ari mushongwe yomoto neyegore, akavhundusa hondo yavaEgipita.
24ויהי באשמרת הבקר וישקף יהוה אל מחנה מצרים בעמוד אש וענן ויהם את מחנה מצרים׃
25Akanyudza makumbo engoro dzavo, dzikatambudzika pakufamba; vaEgipita vakazoti, Ngatitize pamberi pavaIsiraeri, nekuti Jehovha anovarwira ivo, asi anorwa navaEgipita.
25ויסר את אפן מרכבתיו וינהגהו בכבדת ויאמר מצרים אנוסה מפני ישראל כי יהוה נלחם להם במצרים׃
26Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Tambanudzira ruoko rwako pamusoro pegungwa, kuti mvura idzokere pamusoro pavaEgipita, napamusoro pengoro dzavo, napamusoro pavatasvi vavo vamabhiza.
26ויאמר יהוה אל משה נטה את ידך על הים וישבו המים על מצרים על רכבו ועל פרשיו׃
27Mozisi akatambanudzira ruoko rwake pamusoro pegungwa, gungwa rikadzokera kwakare koedza; vaEgipita vakatizira mukati maro; Jehovha akaparadza vaEgipita mukati megungwa;
27ויט משה את ידו על הים וישב הים לפנות בקר לאיתנו ומצרים נסים לקראתו וינער יהוה את מצרים בתוך הים׃
28mvura ikadzoka, ikafukidza ngoro, navatasvi vamabhiza, nehondo yose yaFarao yakanga yapinda mugungwa ichivateverera; hakuna kusara kunyange nomumwe wavo.
28וישבו המים ויכסו את הרכב ואת הפרשים לכל חיל פרעה הבאים אחריהם בים לא נשאר בהם עד אחד׃
29Asi vana vaIsiraeri vakafamba pakaoma mukati megungwa; mvura ikavaitira madziro kurudyi rwavo nokuruboshwe rwavo.
29ובני ישראל הלכו ביבשה בתוך הים והמים להם חמה מימינם ומשמאלם׃
30Jehovha akarwira vaIsiraeri saizvozvo nomusi iwoyo pamaoko avaEgipita; vaIsiraeri vakaona vaEgipita vakanga vafa pamahombekombe egungwa.
30ויושע יהוה ביום ההוא את ישראל מיד מצרים וירא ישראל את מצרים מת על שפת הים׃
31Ipapo vana vaIsiraeri vakaona basa guru rakanga raitirwa vaEgipita naJehovha, vanhu vakatya Jehovha, vakatenda Jehovha naMozisi muranda wake.
31וירא ישראל את היד הגדלה אשר עשה יהוה במצרים וייראו העם את יהוה ויאמינו ביהוה ובמשה עבדו׃