1Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Pinda kuna Farao, undomuudza, uti, Zvanzi naJehovha, Mwari waVaHebheru: Tendera vanhu vangu kuenda vandinamate.
1ויאמר יהוה אל משה בא אל פרעה ודברת אליו כה אמר יהוה אלהי העברים שלח את עמי ויעבדני׃
2nekuti kana ukaramba kuvatendera, ukaramba uchivadzivisa,
2כי אם מאן אתה לשלח ועודך מחזיק בם׃
3tarira, ruoko rwaJehovha ruchava pamusoro pezvipfuwo zvako zviri kusango, napamusoro pamabhiza, napamusoro pemadhongi, napamusoro pamakamera, napamusoro pemombe, napamusoro pezvipfuwo zviduku; hosha yakaipa kwazvo ichavapo.
3הנה יד יהוה הויה במקנך אשר בשדה בסוסים בחמרים בגמלים בבקר ובצאן דבר כבד מאד׃
4Jehovha acharaura zvipfuwo zvavaIsiraeri pazvipfuwo zvavaEgipita; hapana chimwe chingafa pazvipfuwo zvose zvavaIsiraeri.
4והפלה יהוה בין מקנה ישראל ובין מקנה מצרים ולא ימות מכל לבני ישראל דבר׃
5Zvino Jehovha akatara nguva akati, Mangwana Jehovha achaita chinhu ichi munyika ino.
5וישם יהוה מועד לאמר מחר יעשה יהוה הדבר הזה בארץ׃
6Fume mangwana Jehovha akaita chinhu ichocho, zvipfuwo zvose zveEgipita zvikafa; asi pazvipfuwo zvavana vaIsiraeri hapana zvakafa, kunyange nechimwe chete.
6ויעש יהוה את הדבר הזה ממחרת וימת כל מקנה מצרים וממקנה בני ישראל לא מת אחד׃
7Farao akatuma vanhu, vakawana kuti pazvipfuwo zvavaIsiraeri hapana zvakafa, kunyange chimwe chete. Asi moyo waFarao wakava mukukutu, akasatendera vanhu kuenda.
7וישלח פרעה והנה לא מת ממקנה ישראל עד אחד ויכבד לב פרעה ולא שלח את העם׃
8Zvino Jehovha akati kuna Mozisi naAroni, Torai tsama dzamadota echoto, Mozisi aakushire kudenga pamberi paFarao.
8ויאמר יהוה אל משה ואל אהרן קחו לכם מלא חפניכם פיח כבשן וזרקו משה השמימה לעיני פרעה׃
9Achashanduka guruva rakatsetseka panyika yose yeEgipita, achiita mamota anoputika semhoni pavanhu napazvipfuwo zvose zveIjjipiti.
9והיה לאבק על כל ארץ מצרים והיה על האדם ועל הבהמה לשחין פרח אבעבעת בכל ארץ מצרים׃
10Ivo vakatora madota echoto, vakamira pamberi paFarao, Mozisi akaakushira kudenga, akaita mamota anoputika semhoni pavanhu napazvipfuwo.
10ויקחו את פיח הכבשן ויעמדו לפני פרעה ויזרק אתו משה השמימה ויהי שחין אבעבעת פרח באדם ובבהמה׃
11Zvino n'anga dzakanga dzisingagoni kumira pamberi paMozisi nokuda kwamamota, nekuti mamota akanga ari pan'anga napavaEgipita vose.
11ולא יכלו החרטמים לעמד לפני משה מפני השחין כי היה השחין בחרטמם ובכל מצרים׃
12Asi Jehovha akaomesa moyo waFarao, akasavateerera, sezvakanga zvarehwa naJehovha kuna Mozisi.
12ויחזק יהוה את לב פרעה ולא שמע אלהם כאשר דבר יהוה אל משה׃
13Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Fumira mangwanani, undomira pamberi paFarao, uti kwaari, Zvanzi naJehovha, Mwari wavaHebheru: Tendera vanhu vangu kuenda vandinamate.
13ויאמר יהוה אל משה השכם בבקר והתיצב לפני פרעה ואמרת אליו כה אמר יהוה אלהי העברים שלח את עמי ויעבדני׃
14Nekuti nenguva ino ndichatuma matambudziko angu ose pamusoro pomoyo wako, napamusoro pavaranda vako, napamusoro pavanhu vako, uzive kuti hapana akafanana neni panyika dzose.
14כי בפעם הזאת אני שלח את כל מגפתי אל לבך ובעבדיך ובעמך בעבור תדע כי אין כמני בכל הארץ׃
15Nekuti dai ndisakadaro, ndingadai ndaitambanudza ruoko rwangu, ndikakurova iwe navanhu vako nehosha yakaipa, ukaparadzwa chose panyika;
15כי עתה שלחתי את ידי ואך אותך ואת עמך בדבר ותכחד מן הארץ׃
16asi zvirokwazvo ndakakuraramisa nokuda kwaizvozvo, kuti ndikuratidze simba rangu, uye kuti zita rangu rikurumbire kunyika dzose.
16ואולם בעבור זאת העמדתיך בעבור הראתך את כחי ולמען ספר שמי בכל הארץ׃
17Zvino ucharamba uchingozvikudza uchirwa navanhu vangu, usingadi kuvatendera kuenda here?
17עודך מסתולל בעמי לבלתי שלחם׃
18Tarira, mangwana, nenguva yakaita seino, ndichanisa chimvuramabwe chakaipa kwazvo, chisina kumbovapo paEgipita kubva pakuvambwa kwayo kusvikira zvino.
18הנני ממטיר כעת מחר ברד כבד מאד אשר לא היה כמהו במצרים למן היום הוסדה ועד עתה׃
19Naizvozvo zvino tuma vanhu, uunganidze zvipfuwo zvako nezvose zvaunazvo kusango, nekuti vanhu vose nezvipfuwo zvose zvinowanikwa kusango, zvisina kuiswa mudzimba, zvicharohwa nechimvuramabwe zvikafa.
19ועתה שלח העז את מקנך ואת כל אשר לך בשדה כל האדם והבהמה אשר ימצא בשדה ולא יאסף הביתה וירד עלהם הברד ומתו׃
20Zvino vakatya shoko raJehovha pakati pavaranda vaFarao vakaraira kuti varanda vavo nezvipfuwo zvavo zvitizire mudzimba.
20הירא את דבר יהוה מעבדי פרעה הניס את עבדיו ואת מקנהו אל הבתים׃
21Asi vakanga vasingateereri shoko raJehovha, vakarega varanda vavo nezvipfuwo zvavo kusango.
21ואשר לא שם לבו אל דבר יהוה ויעזב את עבדיו ואת מקנהו בשדה׃
22Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Tambanudzira ruoko rwako kudenga, chimvuramabwe chivepo panyika yose yeEgipita, pamusoro pavanhu, napamusoro pezvipfuwo, napamusoro pemiriwo yose yeminda panyika yose yeEgipita.
22ויאמר יהוה אל משה נטה את ידך על השמים ויהי ברד בכל ארץ מצרים על האדם ועל הבהמה ועל כל עשב השדה בארץ מצרים׃
23Mozisi akatambanudzira tsvimbo yake kudenga, Jehovha akatuma kutinhira nechimvuramabwe, moto wemheni ukarova pasi. Jehovha akanaisa chimvuramabwe panyika
23ויט משה את מטהו על השמים ויהוה נתן קלת וברד ותהלך אש ארצה וימטר יהוה ברד על ארץ מצרים׃
24Chimvuramabwe chikavapo, nomoto wakavengana nechimvuramabwe, chikanyanya kwazvo, chisina kumbovapo panyika yose yeEgipita, kubva pakutanga korudzi ipapo.
24ויהי ברד ואש מתלקחת בתוך הברד כבד מאד אשר לא היה כמהו בכל ארץ מצרים מאז היתה לגוי׃
25Chimvuramabwe chikarova zvose zvakanga zviri kusango, vanhu nezvipfuwo, panyika yose yeEgipita; chimvuramabwe chikarova miriwo yose yeminda, chikavhuna miti yose yesango.
25ויך הברד בכל ארץ מצרים את כל אשר בשדה מאדם ועד בהמה ואת כל עשב השדה הכה הברד ואת כל עץ השדה שבר׃
26Asi munyika yeGosheni chete, imo makanga muna vana vaIsiraeri, ndipo pakanga pasina chimvuramabwe.
26רק בארץ גשן אשר שם בני ישראל לא היה ברד׃
27Zvino Farao akatuma vanhu kundodana Mozisi naAroni, akati kwavari, Nguva ino ndatadza; Jehovha akarurama, asi ini navaranda vangu takaipa.
27וישלח פרעה ויקרא למשה ולאהרן ויאמר אלהם חטאתי הפעם יהוה הצדיק ואני ועמי הרשעים׃
28Nyengeterai kuna Jehovha, nekuti kutinhira kukuru kwaMwari nechimvuramabwe zvaringana; ndichakutenderai kuenda, murege kugara.
28העתירו אל יהוה ורב מהית קלת אלהים וברד ואשלחה אתכם ולא תספון לעמד׃
29Mozisi akati kwaari, Kana ndangobuda paguta, ndichatambanudzira maoko angu kuna Jehovha; ipapo kutinhira kuchanyarara, nechimvuramabwe hachizovipo; muchaziva kuti nyika yose ndeyaJehovha.
29ויאמר אליו משה כצאתי את העיר אפרש את כפי אל יהוה הקלות יחדלון והברד לא יהיה עוד למען תדע כי ליהוה הארץ׃
30Asi kana murimwi navaranda venyu, ndinoziva kuti hamungatyi Jehovha Mwari.
30ואתה ועבדיך ידעתי כי טרם תיראון מפני יהוה אלהים׃
31Miti yoruchinda nebhari zvikarohwa, nekuti bhari yakanga yatumbuka, nemiti yoruchinda yakanga yava namaruva.
31והפשתה והשערה נכתה כי השערה אביב והפשתה גבעל׃
32Asi zviyo zvegorosi nezvesipereti hazvina kurohwa, nekuti zvakanga zvisina kukura.
32והחטה והכסמת לא נכו כי אפילת הנה׃
33Zvino Mozisi akabuda muguta pamberi paFarao, akatambanudzira maoko ake kuna Jehovha, kutinhira nechimvuramabwe zvikanyarara, nemvura ikasadururirwa panyika.
33ויצא משה מעם פרעה את העיר ויפרש כפיו אל יהוה ויחדלו הקלות והברד ומטר לא נתך ארצה׃
34Zvino Farao akati aona kuti mvura nechimvuramabwe nokutinhira zvanyarara, akawedzera kutadza, akaomesa moyo wake, iye navaranda vake.
34וירא פרעה כי חדל המטר והברד והקלת ויסף לחטא ויכבד לבו הוא ועבדיו׃
35moyo waFarao ukaomeswa, akasatendera vana vaIsiraeri kuenda; sezvakanga zvarehwa naJehovha nomuromo waMozisi.
35ויחזק לב פרעה ולא שלח את בני ישראל כאשר דבר יהוה ביד משה׃