1Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
1ויהי דבר יהוה אלי לאמר׃
2Mwanakomana womunhu, muti womuzambiringa unopfuura mimwe miti yose neiko, iro davi romuzambiringa riri pakati pemiti iri kudondo?
2בן אדם מה יהיה עץ הגפן מכל עץ הזמורה אשר היה בעצי היער׃
3Danda ringatorwapo rokuita basa naro here? Kana vanhu vangatorapo mbambo yokuturikisa mudziyo upi noupi here?
3היקח ממנו עץ לעשות למלאכה אם יקחו ממנו יתד לתלות עליו כל כלי׃
4Tarirai, unokandirwa mumoto dzive huni; moto wapedza miromo miviri yawo, napakati watsvawo, zvino uchabatsira pabasa here?
4הנה לאש נתן לאכלה את שני קצותיו אכלה האש ותוכו נחר היצלח למלאכה׃
5Tarirai, uchakanaka hauna kukwanira basa chose; ndoda zvino kana moto waupedza, kana watsva, haukwaniri basa!
5הנה בהיותו תמים לא יעשה למלאכה אף כי אש אכלתהו ויחר ונעשה עוד למלאכה׃
6Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Somuti womuzambiringa pakati pemiti iri kudondo, wandakaisa kumoto dzive huni, saizvozvo ndakaisa vagere Jerusaremu pakuparadzwa.
6לכן כה אמר אדני יהוה כאשר עץ הגפן בעץ היער אשר נתתיו לאש לאכלה כן נתתי את ישבי ירושלם׃
7Ndichavarinzira chiso changu ndivaitire zvakaipa; vakabuda pamoto, asi moto uchavapedza; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha, kana ndichivarinzira chiso changu ndivaitire zvakaipa.
7ונתתי את פני בהם מהאש יצאו והאש תאכלם וידעתם כי אני יהוה בשומי את פני בהם׃
8Ndichaparadza nyika, nekuti vakandidarikira, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
8ונתתי את הארץ שממה יען מעלו מעל נאם אדני יהוה׃