1Akati kwandiri, Mwanakomana womunhu, mira namakumbo ako, ini nditaure newe.
1ויאמר אלי בן אדם עמד על רגליך ואדבר אתך׃
2Zvino akati achitaura neni, Mweya ndokupinda mukati mangu, akandimisa namakumbo angu; ndikanzwa akanga achitaura neni.
2ותבא בי רוח כאשר דבר אלי ותעמדני על רגלי ואשמע את מדבר אלי׃
3Iye akati kwandiri, Mwanakomana womunhu, ndinokutumira kuvana vaIsiraeri, kumarudzi anomukira simba, akandimukira simba ini; ivo namadzibaba avo vakandidarikira, kusvikira zuva irori ranhasi.
3ויאמר אלי בן אדם שולח אני אותך אל בני ישראל אל גוים המורדים אשר מרדו בי המה ואבותם פשעו בי עד עצם היום הזה׃
4Vana vane moyo mikukutu nemoyo yakasindimara; ndinokutumira kwavari, iwe uti kwavari, zvanzi nalshe Jehovha.
4והבנים קשי פנים וחזקי לב אני שולח אותך אליהם ואמרת אליהם כה אמר אדני יהוה׃
5Zvino ivo, kana vachida kunzwa, kana vasingadi nekuti ivo iimba inondimukira simba, vachaziva kuti muporofita akanga aripo pakati pavo.
5והמה אם ישמעו ואם יחדלו כי בית מרי המה וידעו כי נביא היה בתוכם׃
6Asi iwe, mwanakomana womunhu, usavatya ivo, usatya mashoko avo, kunyange uri pakati porukato nemhinzwa, ugere pakati pezvinyavada; usatya mashoko avo, usavhunduswa nezviso zvavo, nekuti ivo iimba inondimukira simba kwazvo.
6ואתה בן אדם אל תירא מהם ומדבריהם אל תירא כי סרבים וסלונים אותך ואל עקרבים אתה יושב מדבריהם אל תירא ומפניהם אל תחת כי בית מרי המה׃
7Asi iwe unofanira kuvavudza mashoko angu, kana vachida kunzwa, kana vasingadi; nekuti vanondimukira simba kwazvo.
7ודברת את דברי אליהם אם ישמעו ואם יחדלו כי מרי המה׃
8Asi iwe, Mwanakomana womunhu, teerera zvandinokuudza; usandimukira simba, sezvinondimukira imba iyo; shamisa muromo wako udye zvandichakupa.
8ואתה בן אדם שמע את אשר אני מדבר אליך אל תהי מרי כבית המרי פצה פיך ואכל את אשר אני נתן אליך׃
9Zvino ndakati ndichitarira, ndikaona ruoko rwakatambanudzirwa kwandiri, tarira, bhuku yakapetwa yakanga irimo;
9ואראה והנה יד שלוחה אלי והנה בו מגלת ספר׃
10akaipetenura pamberi pangu; yakanga yakanyorwa mukati nokunze, makanga makanyorwa mariro, nokuchema, nenhamo.
10ויפרש אותה לפני והיא כתובה פנים ואחור וכתוב אליה קנים והגה והי׃