1Zvino akandidzosa nenzira yesuwo rokunze renzvimbo tsvene, rakanga rakatarira kurutivi rwamabvazuva; asi rakanga rakapfigwa.
1וישב אתי דרך שער המקדש החיצון הפנה קדים והוא סגור׃
2Jehovha akati kwandiri, suwo iri rinofanira kugara rakapfigwa, harifaniri kuzarurwa, uye hakuna munhu anofanira kupinda naro, nekuti Jehovha Mwari waIsiraeri wapinda naro; saka rinofanira kuramba rakapfigwa.
2ויאמר אלי יהוה השער הזה סגור יהיה לא יפתח ואיש לא יבא בו כי יהוה אלהי ישראל בא בו והיה סגור׃
3Kana ari muchinda, iye anofanira kugaramo ari muchinda, adye zvokudya pamberi paJehovha; anofanira kupinda nenzira yeberere resuwo, ndokubudazve nenzira iyeyo.
3את הנשיא נשיא הוא ישב בו לאכול לחם לפני יהוה מדרך אלם השער יבוא ומדרכו יצא׃
4Ipapo akaenda neni nenzira yesuwo rokurutivi rwokumusoro pamberi peimba; ndikatarira, ndikaona kubwinya kwaJehovha kuchizadza imba yaJehovha; ndikawira pasi nechiso changu.
4ויביאני דרך שער הצפון אל פני הבית וארא והנה מלא כבוד יהוה את בית יהוה ואפל אל פני׃
5Jehovha akati kwandiri, Mwanakomana womunhu, cherechedza zvakanaka, utarire nameso ako, unzwe nenzeve dzako zvose zvandinokuudza pamusoro pemitemo yose yeimba yaJehovha, nemirayiro yayo yose; cherechedza zvakanaka panopindwa napo paimba, napanobudiwa napo pose panzvimbo tsvene.
5ויאמר אלי יהוה בן אדם שים לבך וראה בעיניך ובאזניך שמע את כל אשר אני מדבר אתך לכל חקות בית יהוה ולכל תורתו ושמת לבך למבוא הבית בכל מוצאי המקדש׃
6Zvino uti kuna vakandimukira, kuimba yaIsiraeri, zvanzi naIshe Jehovha, Nhai, imwi imba yaIsiraeri, chiringaniswai nezvinonyangadza zvenyu,
6ואמרת אל מרי אל בית ישראל כה אמר אדני יהוה רב לכם מכל תועבותיכם בית ישראל׃
7izvo zvokupinza kwenyu vatorwa, vane moyo isina kudzingiswa nenyama isina kudzingiswa, kuti vave munzvimbo yangu, muchimhura iyo imba yangu, kana muchindivigira zvokudya, namafuta neropa; vakaputsa sungano yangu, vachinyanyisa zvinonyangadza zvenyu.
7בהביאכם בני נכר ערלי לב וערלי בשר להיות במקדשי לחללו את ביתי בהקריבכם את לחמי חלב ודם ויפרו את בריתי אל כל תועבותיכם׃
8Hamuna kuchengeta zvinhu zvangu zvitsvene, asi makagadza vatariri vanokuchengeterai imwi zvinhu zvangu munzvimbo yangu tsvene.
8ולא שמרתם משמרת קדשי ותשימון לשמרי משמרתי במקדשי לכם׃
9Zvanzi naIshe Jehovha, Mutorwa unomoyo usinokudzingiswa nenyama isina kudzingiswa ngaarege kupinda munzvimbo yangu tsvene, Ani naani wavatorwa vari pakati pavana vaIsiraeri.
9כה אמר אדני יהוה כל בן נכר ערל לב וערל בשר לא יבוא אל מקדשי לכל בן נכר אשר בתוך בני ישראל׃
10Asi vaRevhi, vakaenda kure neni panguva yokutsauka kwaIsiraeri, vakatsauka kwandiri vachitevera zvifananidzo zvavo, ivo vachava nemhosva yezvakaipa zvavo.
10כי אם הלוים אשר רחקו מעלי בתעות ישראל אשר תעו מעלי אחרי גלוליהם ונשאו עונם׃
11Asi vanofanira kuva vashumiri munzvimbo yangu tsvene, navatariri pamasuwo eimba, navanoshumira mumba; ivo vanofanira kubayira chipiriso chinopiswa, nezvinobayirwa vanhu, nokumira pamberi pavo kuvashumirira.
11והיו במקדשי משרתים פקדות אל שערי הבית ומשרתים את הבית המה ישחטו את העלה ואת הזבח לעם והמה יעמדו לפניהם לשרתם׃
12Zvavakavashumirira pamberi pezvifananidzo zvavo, vakazova chigumbuso chezvakaipa kuimba yaIsiraeri; naizvozvo ndakavasimudzira ruoko rwangu, ndizvo zvinotaura Jehovha vachava nemhosva yezvakaipa zvavo.
12יען אשר ישרתו אותם לפני גלוליהם והיו לבית ישראל למכשול עון על כן נשאתי ידי עליהם נאם אדני יהוה ונשאו עונם׃
13Havangaswederi kwandiri, kundiitira basa rohupristi, kana kuswedera kuchinhu chipi nechipi chezvinhu zvangu zvitsene, kuzvinhu zvitsvene kwazvo; asi vachava nemhosva yokunyadziswa kwavo, neyezvinonyadzisa zvavo zvavakaita.
13ולא יגשו אלי לכהן לי ולגשת על כל קדשי אל קדשי הקדשים ונשאו כלמתם ותועבותם אשר עשו׃
14Asi ndichavaita vatariri vanochengeta imba, vaite basa rayo rose, nezvose zvinofanira kuitwamo.
14ונתתי אותם שמרי משמרת הבית לכל עבדתו ולכל אשר יעשה בו׃
15Asi vapristi vaRevhi, ivo vanakomana vaZadhoki, vaichengeta basa renzvimbo yangu tsvene panguva yokutsauka kwavana vaIsiraeri vachibva kwandiri, ndivo vachaswedera kwandiri kuzondishumira; ivo vachamira pamberi pangu kuzondibayira mafuta neropa, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha;
15והכהנים הלוים בני צדוק אשר שמרו את משמרת מקדשי בתעות בני ישראל מעלי המה יקרבו אלי לשרתני ועמדו לפני להקריב לי חלב ודם נאם אדני יהוה׃
16vachapinda munzvimbo yangu tsvene, vachaswedera kutafura yangu, kuti vandishumire, uye vachachengeta basa rangu.
16המה יבאו אל מקדשי והמה יקרבו אל שלחני לשרתני ושמרו את משמרתי׃
17Zvino kana vachipinda pamasuwo oruvanze rwomukati, vachafanira kufuka nguvo dzemicheka; makushe ngaarege kuva pamiviri yavo, kana vachishumira mumasuwo oruvanze rwomukati, nomukati meimba.
17והיה בבואם אל שערי החצר הפנימית בגדי פשתים ילבשו ולא יעלה עליהם צמר בשרתם בשערי החצר הפנימית וביתה׃
18Vachafanira kufuka ngowani dzemicheka pamisoro yavo, uye vachafanira kuva namabhurukwa emicheka pazviuno zvavo; ngavarege kuzvisunga chiuno nechinhu chinobudisa ziya.
18פארי פשתים יהיו על ראשם ומכנסי פשתים יהיו על מתניהם לא יחגרו ביזע׃
19Kana vachibudira kuruvanze rwokunze, iko kuruvazhe rwokunze kuvanhu, vanofanira kubvisa nguvo dzavo dzavanoshumira nadzo, ndokudziisa mumakamuri matsvene; vanofanira kufuka dzimwe nguvo, uye varege kuita vanhu vatsvene nenguvo dzavo.
19ובצאתם אל החצר החיצונה אל החצר החיצונה אל העם יפשטו את בגדיהם אשר המה משרתם בם והניחו אותם בלשכת הקדש ולבשו בגדים אחרים ולא יקדשו את העם בבגדיהם׃
20Varege kuveura misoro yavo, kana kurega vhudzi ravo richireba; ngavagunde chete misoro yavo.
20וראשם לא יגלחו ופרע לא ישלחו כסום יכסמו את ראשיהם׃
21Mupristi upi noupi ngaarege kumwa waini, kana achipinda muruvanze rwomukati.
21ויין לא ישתו כל כהן בבואם אל החצר הפנימית׃
22Havafaniri kuwana chirikadzi, kana mukadzi akarambwa nomurume; asi vanofanira kuwana mhandara pakati pavana veimba yaIsiraeri, kana chirikadzi, iri chirikadzi yomupristi.
22ואלמנה וגרושה לא יקחו להם לנשים כי אם בתולת מזרע בית ישראל והאלמנה אשר תהיה אלמנה מכהן יקחו׃
23Vanofanira kudzidzisa vanhu vangu kusiyana kwezvitsvene nezvisi zvitsvene, nokuvadzidzisa kutsaura pakati pezvisina kunaka nezvakanaka.
23ואת עמי יורו בין קדש לחל ובין טמא לטהור יודעם׃
24Kana panegakava vanofanira kuva vatongi; vanofanira kutonga nemitemo yangu; vachafanira kuchengeta mirayiro yangu nemitemo yangu pamitambo yangu yose yakatarwa; masabata angu ngaave matsvene kwavari.
24ועל ריב המה יעמדו לשפט במשפטי ושפטהו ואת תורתי ואת חקתי בכל מועדי ישמרו ואת שבתותי יקדשו׃
25Ngavarege kupinda kune zvitunha, kuti varege kuzvisvibisa; asi vangazvisvibisa nokuda kwababa, kana mai, kana mwanakomana, kana mwanasikana, kana mukoma nomunin'ina, kana hanzvadzi yakanga ichigere kuwanikwa.
25ואל מת אדם לא יבוא לטמאה כי אם לאב ולאם ולבן ולבת לאח ולאחות אשר לא היתה לאיש יטמאו׃
26Zvino kana iye apera kunatswa, anofanira kutarirwa mazuva manomwe.
26ואחרי טהרתו שבעת ימים יספרו לו׃
27Nezuva raanozopinda munzvimbo tsvene, muruvanze rwomukati, kundoshumira munzvimbo tsvene, achafanira kubayira chipiriso chake chezvivi, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
27וביום באו אל הקדש אל החצר הפנימית לשרת בקדש יקריב חטאתו נאם אדני יהוה׃
28Vachava nenhaka; ini ndini nhaka yavo; hamufaniri kuvapa fuma pakati paIsiraeri, ini ndini fuma yavo.
28והיתה להם לנחלה אני נחלתם ואחזה לא תתנו להם בישראל אני אחזתם׃
29Vanofanira kudya chipiriso choupfu, nechipiriso chezvivi, nechipiriso chemhosva; chinhu chipi nechipi chakatsaurirwa Jehovha pakati paIsiraeri chichava chavo.
29המנחה והחטאת והאשם המה יאכלום וכל חרם בישראל להם יהיה׃
30Chakaisvonaka pamichero yokutanga yezvose, nezvipiriso zvakatsaurwa zvezvose, zvezvipo zvenyu zvose, zvinofanira kuva zvavapristi; munofanira kupawo vapristi zvokutanga zvoupfu bwenyu hwakakuyiwa, kuti mugarise ropafadzo paimba yenyu.
30וראשית כל בכורי כל וכל תרומת כל מכל תרומותיכם לכהנים יהיה וראשית ערסותיכם תתנו לכהן להניח ברכה אל ביתך׃
31Vapristi ngavarege kudya chinhu chipi nechipi chakangofa choga, kana chakabvamburanyiwa, kana iri shiri kana chipfuwo.
31כל נבלה וטרפה מן העוף ומן הבהמה לא יאכלו הכהנים׃