Shona

Hebrew: Modern

Galatians

3

1Haiwa vaGaratia matununu, ndiani wakakuroyai, kuti murege kuteerera chokwadi, imwi makaratidzwa Jesu Kristu pachena pamberi pemeso enyu, akarovererwa pamuchinjikwa pakati penyu?
1אהה גלטים חסרי דעת מי התעה אתכם בכשפיו משמע את האמת אחרי אשר ציר בתוככם ישוע המשיח הצלוב לנגד עיניכם׃
2Ichechi chete ndinoda kudzidza kwamuri: Makagamuchira Mweya nemabasa emurairo here, kana nekunzwa kwerutendo?
2זאת לבד חפצתי ללמד מכם האם ממעשי התורה קבלתם את הרוח או משמועת האמונה׃
3Ko muri matununu akadai? Mambotanga muMweya, zvino mopedzeredzwa nenyama here?
3האתם סכלים כל כך אשר החלותם ברוח ועתה תכלו בבשר׃
4Makatambudzika zvikuru zvakadai pasina here? Kana zvakadaro ndinoreva pasina!
4הכזאת סבלתם לריק אם אמנם אך לריק׃
5Naizvozvo uyo unokupai Mweya nekuita mabasa esimba pakati penyu, unozviita nemabasa emurairo here, kana nekunzwa kwerutendo?
5הנה המפיק לכם את הרוח ופעל בכם גבורות הכי ממעשי התורה הוא עשה אלה או משמועת האמונה׃
6Abhurahamu sezvaakatenda Mwari zvikaverengwa kwaari kuti kururama.
6כאשר האמין אברהם באלהים ותחשב לו לצדקה׃
7Naizvozvo munoziva kuti avo vari verutendo ndivo vana vaAbhurahamu.
7דעו אפוא כי בני האמונה בני אברהם המה׃
8Nerugwaro zvarwakaona zviri mberi kuti Mwari unoti vahedheni vakarurama kubudikidza nerutendo, rwakagara rwaparidza evhangeri kuna Abhurahamu, ruchiti: Mauri marudzi ose acharopafadzwa.
8והמקרא בראתו מראש כי האלהים יצדיק את הגוים מתוך האמונה קדם לבשר את אברהם לאמר ונברכו בך כל הגוים׃
9Naizvozvo ivo vari verutendo vanoropafadzwa pamwe naAbhurahamu wakatendeka.
9על כן בני האמונה יתברכו עם אברהם המאמין׃
10Nekuti vose vari vemabasa emurairo vari pasi perushambwa; nekuti kwakanyorwa, kuchinzi: Vakapiwa rushambwa vose vasingarambiri pazvinhu zvose zvakanyorwa mubuku yemurairo kuti vazviite.
10כי בני מעשי התורה תחת הקללה המה שנאמר ארור אשר לא יקים את כל הדברים הכתובים בספר התורה לעשות אותם׃
11Zvino, zviri pachena kuti hakuna munhu unonzi wakarurama nemurairo pamberi paMwari, nekuti kunonzi: Wakarurama uchararama nerutendo.
11וגלוי הוא כי על ידי התורה לא יצדק האדם לפני האלהים כי צדיק באמונתו יחיה׃
12Zvino murairo haubvi parutendo; asi uyo unozviita uchararama mazviri.
12והתורה איננה מן האמונה כי אם אשר יעשה אתם האדם וחי בהם׃
13Kristu wakatidzikunura parushambwa rwemurairo, aitwa rushambwa nekuda kwedu, nekuti kwakanyorwa, kuchinzi: Vane rushambwa vose vanoturikwa pamuti;
13המשיח פדנו מקללת התורה בהיותו לקללה בעדנו שנאמר קללת אלהים תלוי׃
14Kuti ropafadzo yaAbhurahamu isvike kuvahedheni kubudikidza naJesu Kristu; kuti tigamuchire chivimbiso cheMweya kubudikidza nerutendo.
14למען אשר תבא ברכת אברהם במשיח ישוע על הגוים למען אשר נשא את הבטחת הרוח על ידי האמונה׃
15Hama, ndinotaura nemutowo wevanhu; kunyange iri sungano yevanhu, kana yasimbiswa hakuna munhu unoikonesa kana kuwedzera kwairi.
15אחי לפי דרך אדם אדבר אפלו דיתיקי של בן אדם אם מקימת היא לא יפרנה איש גם לא יוסיף עליה דבר׃
16Zvino zvivimbiso zvakaitwa kuna Abhurahamu nekumbeu yake. Haarevi, achiti: Nekumbeu dzako sevanenge vazhinji; asi saanenge ari mumwe, unoti; Nokumwana wako; unova Kristu.
16והנה לאברהם נאמרו ההבטחות ולזרעו ולא אמר ולזרעיך כאלו לרבים אלא כאלו ליחיד ולזרעך והוא המשיח׃
17Zvino ndinoreva ichi: Sungano yakagara yasimbiswa naMwari muna Kristu, murairo wakazouya makore mazana mana nemakumi matatu apfuura haungaishaisi maturo, kuti chivimbiso chishaiswe maturo.
17וזאת אני אמר כי דיתיקי אשר קימה האלהים מאז לימות המשיח לא תוכל התורה אשר באה אחרי ארבע מאות ושלשים שנה להפר אותה ולבטל את ההבטחה׃
18Nekuti kana nhaka ichibva kumurairo, haichabvi kuchivimbiso; asi Mwari wakapa kuna Abhurahamu nechivimbiso.
18כי אם תבוא הנחלה מתוך התורה לא תבוא עוד מתוך ההבטחה אבל את אברהם חנן האלהים על ידי הבטחה׃
19Ko murairo chii? Wakawedzerwa nekuda kwekudarika, kusvikira mbeu yasvika yakaitirwa chivimbiso; wakagadzwa nevatumwa muruoko rwemurevereri.
19אם כן התורה מה היא מפני הפשעים נוספה עד כי יבוא הזרע אשר לו ההבטחה ותושם התורה על ידי המלאכים וביד סרסר׃
20Asi murevereri haazi weumwe, asi Mwari ndeumwe.
20והסרסר לא של אחד הוא אך האלהים הוא אחד׃
21Ko murairo unopesana nezvivimbiso zvaMwari here? Ngazvisadaro! Nekuti dai pakanga pane murairo wakapiwa unogona kuraramisa, zvirokwazvo kururama kungadai kuchiuya nemurairo.
21ועתה הכי התורה סתרת את הבטחות האלהים חלילה כי אלו נתנה תורה אשר בכחה להחיות אז באמת היתה הצדקה על ידי התורה׃
22Asi rugwaro rwakapfigira zvose pasi pechivi, kuti chivimbiso chinobva parutendo rwaJesu Kristu chipiwe kune vanotenda.
22אבל הכתוב סגר את הכל ביד החטא למען תנתן ההבטחה אל המאמינים באמונת ישוע המשיח׃
23Asi rutendo rwusati rwasvika, taichengetwa pasi pemurairo, takapfigirwa murutendo rwaizozarurwa shure.
23לפני בוא האמונה היינו סגורים ונשמרים תחת התורה אלי האמונה העתידה להגלות׃
24Saizvozvo murairo wakange uri murairidzi wedu, kutiisa kuna Kristu kuti tinzi takarurama nerutendo.
24ובכן התורה היתה אמנת אותנו אל המשיח למען נצדק על ידי האמונה׃
25Zvino rutendo rwakati rwasvika, hatisisiri pasi pemurairidzi.
25אבל עתה אחרי אשר באה האמונה אין אנחנו עוד תחת יד האמן׃
26Nekuti mose muri vana vaMwari nerutendo rwaKristu Jesu.
26כי כלכם בני אלהים אתם על ידי האמונה במשיח ישוע׃
27Nekuti mose makabhabhatidzwa muna Kristu makafuka Kristu;
27כי כלכם אשר נטבלתם למשיח לבשתם את המשיח׃
28Hakuna muJudha kana muGiriki, hakuna wakasungwa kana wakasununguka, hakuna munhurume kana munhukadzi; nekuti imwi mose muri vamwe muna Kristu Jesu.
28ואין עוד לא יהודי ולא יוני לא עבד ולא בן חורין לא זכר ולא נקבה כי אתם כלכם אחד במשיח ישוע׃
29Zvino kana muri vaKristu, saka muri vana vaAbhurahamu, vadyi venhaka maererano nechivimbiso.
29ואם אתם למשיח הנכם זרע אברהם ונחלים כפי ההבטחה׃