1Zvino Abhuramu wakakwira kubva Egipita, iye nemukadzi wake nezvose zvaakange anazvo, naRoti anaye, vakaenda kuchamhembe.
1ויעל אברם ממצרים הוא ואשתו וכל אשר לו ולוט עמו הנגבה׃
2Zvino Abhuramu wakange akafuma kwazvo pazvipfuwo, pasirivha, nepandarama.
2ואברם כבד מאד במקנה בכסף ובזהב׃
3Zvino wakafamba nzendo dzake kubva kuchamhembe kusvikira paBheteri, panzvimbo paiva netende rake pakutanga, pakati peBheteri neAi;
3וילך למסעיו מנגב ועד בית אל עד המקום אשר היה שם אהלה בתחלה בין בית אל ובין העי׃
4kunzvimbo yearitari yaakange aitapo pakutanga; Abhuramu ndokudana zita raJehovha ipapo.
4אל מקום המזבח אשר עשה שם בראשנה ויקרא שם אברם בשם יהוה׃
5NaRotiwo, waifamba naAbhuramu, wakange ane makwai, nenzombe, nematende.
5וגם ללוט ההלך את אברם היה צאן ובקר ואהלים׃
6Nyika ikakonewa kuvatakura kuti vagare pamwe; nekuti fuma yavo yakange iri zhinji; zvekuti vakange vasingagoni kugara pamwe.
6ולא נשא אתם הארץ לשבת יחדו כי היה רכושם רב ולא יכלו לשבת יחדו׃
7Zvino pakava nemakakatamwa pakati pevafudzi vezvipfuwo zvaAbhuramu nevafudzi vezvipfuwo zvaRoti. Zvino nenguva iyo vaKanani nevaPerezi vaigara panyika iyo.
7ויהי ריב בין רעי מקנה אברם ובין רעי מקנה לוט והכנעני והפרזי אז ישב בארץ׃
8Abhuramu ndokuti kuna Roti: Makakatamwa ngaarege kuvapo, ndinokukumbira, pakati pangu newe, nepakati pevafudzi vangu nevafudzi vako, nekuti tiri hama.
8ויאמר אברם אל לוט אל נא תהי מריבה ביני וביניך ובין רעי ובין רעיך כי אנשים אחים אנחנו׃
9Nyika yose haizi pamberi pako here? Paradzana hako neni; kana ukaenda kuruboshwe, ndichaenda kurudyi; kana ukaenda kurudyi ini ndichaenda kuruboshwe.
9הלא כל הארץ לפניך הפרד נא מעלי אם השמאל ואימנה ואם הימין ואשמאילה׃
10Roti ndokusimudza meso ake, akaona rose bani reJoridhani kuti rakadiridzwa zvakanaka rose, Jehovha asati aparadza Sodhoma neGomora; rakaita semunda waJehovha, senyika yeEgipita, kana achiinda Zoari.
10וישא לוט את עיניו וירא את כל ככר הירדן כי כלה משקה לפני שחת יהוה את סדם ואת עמרה כגן יהוה כארץ מצרים באכה צער׃
11Roti akazvisarudzira bani rose reJoridhani; Roti ndokuenda kumabvazuva; ndokuzviparadzanisa umwe kubva kune umwe.
11ויבחר לו לוט את כל ככר הירדן ויסע לוט מקדם ויפרדו איש מעל אחיו׃
12Abhuramu wakagara munyika yeKanani, Roti ndokugara pamaguta emapani, akadzika tende pedo neSodhoma.
12אברם ישב בארץ כנען ולוט ישב בערי הככר ויאהל עד סדם׃
13Asi vanhu veSodhoma vaiva vakaipa, uye vatadzi pamberi paJehovha zvikuru.
13ואנשי סדם רעים וחטאים ליהוה מאד׃
14Jehovha ndokuti kuna Abhuramu Roti aparadzana naye: Simudza hako meso ako ipapo paugere, utarire kumaodzanyemba nekuchamhembe, nekumabvazuva, nekumavirira;
14ויהוה אמר אל אברם אחרי הפרד לוט מעמו שא נא עיניך וראה מן המקום אשר אתה שם צפנה ונגבה וקדמה וימה׃
15nekuti nyika yose yaunoona ndichaipa kwauri nekumbeu yako kusvikira rinhi narinhi.
15כי את כל הארץ אשר אתה ראה לך אתננה ולזרעך עד עולם׃
16Uye ndichaita mbeu yako seguruva renyika, kuti kana kune munhu anogona kuverenga guruva renyika, nembeu yako ingaverengwawo.
16ושמתי את זרעך כעפר הארץ אשר אם יוכל איש למנות את עפר הארץ גם זרעך ימנה׃
17Simuka, famba uchigura nyika paurefu hwayo, nepaupamhi hwayo, nekuti ndichaipa kwauri.
17קום התהלך בארץ לארכה ולרחבה כי לך אתננה׃
18Abhuramu ndokubvisa tende, akasvika ndokugara pamiti yemiouki* yeMamure, iri muHebhuroni, akavakirapo Jehovha aritari.
18ויאהל אברם ויבא וישב באלני ממרא אשר בחברון ויבן שם מזבח ליהוה׃