1Shure kwezvinhu izvi shoko raJehovha rakauya kuna Abhuramu pachiratidzo richiti: Usatya Abhuramu, ndiri nhovo yako, nemubayiro wako mukuru-kuru.
1אחר הדברים האלה היה דבר יהוה אל אברם במחזה לאמר אל תירא אברם אנכי מגן לך שכרך הרבה מאד׃
2Abhuramu ndokuti: Ishe Jehovha, muchandipei? zvandoenda ndisina mwana; uchava mudyi wenhaka yeimba yangu ndiEriezeri weDhamasiko?
2ויאמר אברם אדני יהוה מה תתן לי ואנכי הולך ערירי ובן משק ביתי הוא דמשק אליעזר׃
3Abhuramu ndokuti: Tarira, kwandiri hamuna kupa mbeu; uye tarira, uyo wakaponerwa mumba mangu ndiye achava mudyi wenhaka yangu.
3ויאמר אברם הן לי לא נתתה זרע והנה בן ביתי יורש אתי׃
4Zvino tarira, shoko raJehovha kwaari rakati: Uyu haangavi mudyi wenhaka wako; asi uyo uchabuda paura hwako, ndiye achava mudyi wenhaka wako.
4והנה דבר יהוה אליו לאמר לא יירשך זה כי אם אשר יצא ממעיך הוא יירשך׃
5Zvino wakamubudisa panze akati: Zvino tarira kumatenga, ugoverenga nyeredzi, kana ungagona kudziverenga. Ndokuti kwaari: Ndizvo zvichaita mbeu yako.
5ויוצא אתו החוצה ויאמר הבט נא השמימה וספר הכוכבים אם תוכל לספר אתם ויאמר לו כה יהיה זרעך׃
6Iye ndokutenda kuna Jehovha. Zvino akamuverengera izvi kuva kururama.
6והאמן ביהוה ויחשבה לו צדקה׃
7Zvino wakati kwaari: Ndini Jehovha wakakubudisa paUri yevaKaradhea, ndikupe nyika iyi ive nhaka yako.
7ויאמר אליו אני יהוה אשר הוצאתיך מאור כשדים לתת לך את הארץ הזאת לרשתה׃
8Ndokubva akati: Ishe Jehovha, ndichaziva sei kuti ichava nhaka yangu?
8ויאמר אדני יהוה במה אדע כי אירשנה׃
9Zvino akati kwaari: Nditorere tsiru remakore matatu, nesheche yembudzi yemakore matatu, negondohwe remakore matatu, nenjiva, nemwana wehangaiwa.
9ויאמר אליו קחה לי עגלה משלשת ועז משלשת ואיל משלש ותר וגוזל׃
10Akamutorera zvose izvi, akazvipamura nepakati, akagadzika rwumwe rutivi rwakatarisana nerwumwe; asi shiri haana kudzipamura.
10ויקח לו את כל אלה ויבתר אתם בתוך ויתן איש בתרו לקראת רעהו ואת הצפר לא בתר׃
11Zvino magora akaburukira kuzvitunha, asi Abhuramu wakaadzinga.
11וירד העיט על הפגרים וישב אתם אברם׃
12Zvino zuva rakati rovira, hope huru dzakawira pana Abhuramu; zvino tarira, kutya nerima guru zvakawira pamusoro pake.
12ויהי השמש לבוא ותרדמה נפלה על אברם והנה אימה חשכה גדלה נפלת עליו׃
13Zvino wakati kuna Abhuramu: Uzive kwazvo kuti mbeu yako ichava mutorwa munyika isiri yavo, uye vachavashandira, uye vachatambudzwa makore mazana mana.
13ויאמר לאברם ידע תדע כי גר יהיה זרעך בארץ לא להם ועבדום וענו אתם ארבע מאות שנה׃
14Asi rudzi rwavachashandira ndicharwutonga, uye pashure vachabuda nenhumbi zhinji.
14וגם את הגוי אשר יעבדו דן אנכי ואחרי כן יצאו ברכש גדול׃
15Asi iwe uchaenda kuna madzibaba ako nerugare, uchavigwa pakukwegura kwakanaka.
15ואתה תבוא אל אבתיך בשלום תקבר בשיבה טובה׃
16Zvino rudzi rwechina ruchadzoka pano; nekuti kuipa kwevaAmori kuchigere kuzara.
16ודור רביעי ישובו הנה כי לא שלם עון האמרי עד הנה׃
17Zvino zvakaitika kuti zuva ravira, uye kwasviba, zvino tarira, choto chinopfungaira nemwenje unopfuta zvinopfuura pakati penhindi idzodzo.
17ויהי השמש באה ועלטה היה והנה תנור עשן ולפיד אש אשר עבר בין הגזרים האלה׃
18Nezuva iroro Jehovha wakaita sungano naAbhuramu achiti: Kumbeu yako ndapa nyika iyi, kubva parwizi rweEgipita kusvikira kurwizi rukuru, rwizi Yufuratesi.
18ביום ההוא כרת יהוה את אברם ברית לאמר לזרעך נתתי את הארץ הזאת מנהר מצרים עד הנהר הגדל נהר פרת׃
19VaKeni nevaKenizi nevaKadhimoni
19את הקיני ואת הקנזי ואת הקדמני׃
20nevaHeti nevaPerezi nevaRefaimi,
20ואת החתי ואת הפרזי ואת הרפאים׃
21nevaAmori nevaKanani nevaGirigashi nevaJebhusi.
21ואת האמרי ואת הכנעני ואת הגרגשי ואת היבוסי׃