Shona

Hebrew: Modern

Genesis

19

1Zvino vatumwa vaviri vakasvika So­dhomua madekwanai. Uye Roti wakangae agere pasuwo reSodhoma. Roti ndokuvaona, ndokusimuka kunovachingamidza, akakotamira pasi nechiso chake;
1ויבאו שני המלאכים סדמה בערב ולוט ישב בשער סדם וירא לוט ויקם לקראתם וישתחו אפים ארצה׃
2ndokuti: Tarirai zvino, madzishe angu, chitsaukirai henyu mumba memuranda wenyu, mu­gare usiku, uye mushambe tsoka dzenyu, mugofumira moenda rwendo rwenyu. Zvino vakati: Kwete asi tichagara panzira usiku hwose.
2ויאמר הנה נא אדני סורו נא אל בית עבדכם ולינו ורחצו רגליכם והשכמתם והלכתם לדרככם ויאמרו לא כי ברחוב נלין׃
3Zvino wakavagombedzera zvikuru kusvikira vatendeukira kwaari ndokupinda mimba make; iye ndokuvaitira mabiko, ndokuvabikira chingwa chisina mbiriso, ndokubva va­dya.
3ויפצר בם מאד ויסרו אליו ויבאו אל ביתו ויעש להם משתה ומצות אפה ויאכלו׃
4Zvino vasati vavata, varume veguta, varume veSodhoma, vakako­mba imba, kubva kumuduku kusvikira kumukuru, vanhu vose vachibva kumugumo.
4טרם ישכבו ואנשי העיר אנשי סדם נסבו על הבית מנער ועד זקן כל העם מקצה׃
5Zvino vakadana Roti ndokuti kwaari: Varipi varume vasvika kwauri usiku huno? Vabudisire kwatiri kuti tiva­zive.
5ויקראו אל לוט ויאמרו לו איה האנשים אשר באו אליך הלילה הוציאם אלינו ונדעה אתם׃
6Roti ndokubudira kwavari kumusuwo, ndokuvhara musuwo shure kwake.
6ויצא אלהם לוט הפתחה והדלת סגר אחריו׃
7Ndokuti: Ndinokukumbirai, hama dzangu, musaita zvakaipa.
7ויאמר אל נא אחי תרעו׃
8Tarirai zvino, ndine vakunda vaviri vasina kumboziva murume, ndinokumbirisa, regai ndivabudisire kwamuri, mugoita kwavari sezvakanakira meso enyu; asi kuvarume ava, musaita chinhu, nekuti ndizvo zvava­kapindira mumumvuri wedenga reimba rangu.
8הנה נא לי שתי בנות אשר לא ידעו איש אוציאה נא אתהן אליכם ועשו להן כטוב בעיניכם רק לאנשים האל אל תעשו דבר כי על כן באו בצל קרתי׃
9Asi vakati: Suduruka! Vakatizve: Uyu woga wakauya kuva mweni, zvino unoda kuva mutongi here? Ikozvino tichaita zvakaipa kwauri kupfuura ivo. Vakamanikidza zvikuru murume Roti, vakaswedera kuputsa gonhi.
9ויאמרו גש הלאה ויאמרו האחד בא לגור וישפט שפוט עתה נרע לך מהם ויפצרו באיש בלוט מאד ויגשו לשבר הדלת׃
10Asi va­rume vakatambanudza maoko avo, vaka­kwevera Roti mumba mavari, ndokupfiga gonhi.
10וישלחו האנשים את ידם ויביאו את לוט אליהם הביתה ואת הדלת סגרו׃
11Ndokurova varume vaiva pamusuwo weimba neupofu, kubva kumuduku kusvikira kumukuru, vakaneta nekutsvaka musuwo.
11ואת האנשים אשר פתח הבית הכו בסנורים מקטן ועד גדול וילאו למצא הפתח׃
12Va­rume ndokuti kuna Roti: Uchine vana ani pano? Mukwasha, nevanakomana vako, nevakunda vako, newose waunaye muguta, mubudise panzvimbo ino.
12ויאמרו האנשים אל לוט עד מי לך פה חתן ובניך ובנתיך וכל אשר לך בעיר הוצא מן המקום׃
13Nekuti tichaparadza nzvimbo ino, nekuti kuchema kwavo kukuru pamberi pechiso chaJehovha; zvino Jehovha watituma kuiparadza.
13כי משחתים אנחנו את המקום הזה כי גדלה צעקתם את פני יהוה וישלחנו יהוה לשחתה׃
14Zvino Roti wakabuda, ndokutaura nevakwasha vake, vaizo­wana vakunda vake, ndokuti: Simukai mubude munzvimbo ino; nekuti Jehovha uchaparadza guta. Asi vakaita seunoita musara pameso evakwasha vake.
14ויצא לוט וידבר אל חתניו לקחי בנתיו ויאמר קומו צאו מן המקום הזה כי משחית יהוה את העיר ויהי כמצחק בעיני חתניו׃
15Zvino utonga huchitsvuka, vatumwa va­kakurumidzisa Roti vachiti: Simuka, tota mukadzi wako nevakunda vako vaviri vari pano, zvimwe ungaparadzwa mukurangwa kweguta.
15וכמו השחר עלה ויאיצו המלאכים בלוט לאמר קום קח את אשתך ואת שתי בנתיך הנמצאת פן תספה בעון העיר׃
16Asi achiri kunonoka, varume vakabata ruoko rwake, neruoko rwemukadzi wake, neruoko rwevakunda vake vaviri; Jehovha achimuitira tsitsi; ndokumubudisa, vakamuisa kunze kweguta.
16ויתמהמה ויחזקו האנשים בידו וביד אשתו וביד שתי בנתיו בחמלת יהוה עליו ויצאהו וינחהו מחוץ לעיר׃
17Zvino zvakaitika vavabu­disa kunze, kuti wakati: Tiza nekuda kweupenyu hwako, usacheuka shure kwako, kana kumira pabani rose, tizira kugomo, zvimwe ungaparadzwa.
17ויהי כהוציאם אתם החוצה ויאמר המלט על נפשך אל תביט אחריך ואל תעמד בכל הככר ההרה המלט פן תספה׃
18Roti ndokuti kwavari: Zvisadaro Ishe wangu.
18ויאמר לוט אלהם אל נא אדני׃
19Tarirai zvino, muranda wenyu wakawana nyasha pameso enyu, uye ma­kurisa tsitsi dzenyu dzamaira kwandiri, pakuponesa upenyu hwangu; asi handigoni kutizira kugomo, zvimwe zvakaipa zvingandinamatira ndikafa.
19הנה נא מצא עבדך חן בעיניך ותגדל חסדך אשר עשית עמדי להחיות את נפשי ואנכי לא אוכל להמלט ההרה פן תדבקני הרעה ומתי׃
20Tarirai zvino, guta iri riri pedo kutizira kwariri; uye iduku. ndinokumbira nditizire kwariri (harizi duku here?) Mweya wangu ugorarama.
20הנה נא העיר הזאת קרבה לנוס שמה והיא מצער אמלטה נא שמה הלא מצער הוא ותחי נפשי׃
21Zvino wakati kwaari: Tarira, ndagamuchira chiso chako pachinhu ichi, kuti ndisaparadza guta iri rawareva.
21ויאמר אליו הנה נשאתי פניך גם לדבר הזה לבלתי הפכי את העיר אשר דברת׃
22Kurumi­dza, tizirako, nekuti handigoni kuita chinhu kusvikira wasvikapo. Naizvozvo zita reguta rakanzi Zoari.
22מהר המלט שמה כי לא אוכל לעשות דבר עד באך שמה על כן קרא שם העיר צוער׃
23Zuva rakange rabuda panyika Roti paakasvika paZoari.
23השמש יצא על הארץ ולוט בא צערה׃
24Zvino Jehovha wakanaisa pamusoro peSodhoma nepamusoro peGomora sarufa nemoto, zvichibva kunaJehovha kumatenga.
24ויהוה המטיר על סדם ועל עמרה גפרית ואש מאת יהוה מן השמים׃
25Zvino wakaparadza maguta iwawo, nebani rose, nevagari vose vemaguta, nezvaitunga pavhu.
25ויהפך את הערים האל ואת כל הככר ואת כל ישבי הערים וצמח האדמה׃
26Asi mukadzi wake wakacheuka ari shure kwake, akava mbiru yemunyu.
26ותבט אשתו מאחריו ותהי נציב מלח׃
27Zvino Abhurahamu wakafumira kunzvimbo kwaakamira pamberi paJehovha.
27וישכם אברהם בבקר אל המקום אשר עמד שם את פני יהוה׃
28Zvino wakatarira kurutivi rweSodhoma neGomora neku­nyika yose yebani, akaona, zvino tarira, utsi hwenyika iyo huchikwira seutsi hwechoto.
28וישקף על פני סדם ועמרה ועל כל פני ארץ הככר וירא והנה עלה קיטר הארץ כקיטר הכבשן׃
29Zvino zvakaitika Mwari paakaparadza maguta ebani, kuti Mwari wakarangarira Abhurahamu, akabudisa Roti pakati pekuparadzwa ikoko, nguva yaakaparadza maguta makanga muchigara Roti.
29ויהי בשחת אלהים את ערי הככר ויזכר אלהים את אברהם וישלח את לוט מתוך ההפכה בהפך את הערים אשר ישב בהן לוט׃
30Zvino Roti wakakwira achibuda muZoari, akagara mugomo, nevaku­nda vake vaviri pamwe naye; nekuti wakatya kugara muZoari; ndokugara, mubako, iye nevakunda vake vaviri.
30ויעל לוט מצוער וישב בהר ושתי בנתיו עמו כי ירא לשבת בצוער וישב במערה הוא ושתי בנתיו׃
31Zvino dangwe rakati kumuduku: Baba vedu vakwegura, uye hakuna murume panyika ino ungapinda kwatiri, nemutowo wenyika yose.
31ותאמר הבכירה אל הצעירה אבינו זקן ואיש אין בארץ לבוא עלינו כדרך כל הארץ׃
32Uya timwise baba vedu waini, tigovata navo kuti tichengete mbeu kubva kuna baba vedu.
32לכה נשקה את אבינו יין ונשכבה עמו ונחיה מאבינו זרע׃
33Vakamwisa baba vavo waini usiku ihwohwo, dangwe ndokupinda ndoku­vata nababa vake; asi havana kuziva pakuvata kwake pasi kana pakumuka kwake.
33ותשקין את אביהן יין בלילה הוא ותבא הבכירה ותשכב את אביה ולא ידע בשכבה ובקומה׃
34Zvino zvakaitika chifume kuti dangwe rakati kumuduku: Tarira, ndakavata nababa va­ngu usiku hwapfuura; ngativamwise waini usiku hunowo, ugopinda, vata navo kuti tichengete mbeu kubva kuna baba vedu.
34ויהי ממחרת ותאמר הבכירה אל הצעירה הן שכבתי אמש את אבי נשקנו יין גם הלילה ובאי שכבי עמו ונחיה מאבינו זרע׃
35Vakamwisa baba vavo waini usiku ihwohwowo, muduku akasimuka, ndokuvata navo, asi havana ku­ziva pakuvata kwake pasi kana pakumuka kwake.
35ותשקין גם בלילה ההוא את אביהן יין ותקם הצעירה ותשכב עמו ולא ידע בשכבה ובקמה׃
36Naizvozvo vakunda vaRoti va­viri vakava nemimba kuna baba vavo.
36ותהרין שתי בנות לוט מאביהן׃
37Zvino dangwe rakabereka mwanakomana, akatumidza zita rake kuti Moabhu, ndiye baba vevaMoabhu ku­svikira zuva rino.
37ותלד הבכירה בן ותקרא שמו מואב הוא אבי מואב עד היום׃
38Nemuduku wakaberekawo mwanakomana, akatumi­dza zita rake kuti Bheniami; ndivo baba vevana vaAmoni kusvikira zuva rino.
38והצעירה גם הוא ילדה בן ותקרא שמו בן עמי הוא אבי בני עמון עד היום׃