Shona

Hebrew: Modern

Genesis

24

1Zvino Abhurahamu wakange akwegura, ava nemazuva mazhinji kwazvo; naJehovha wakange aropafadza Abhurahamu pazvinhu zvose.
1ואברהם זקן בא בימים ויהוה ברך את אברהם בכל׃
2Abhurahamu ndokuti kumuranda wake, mukurusa weimba yake, waitonga zvose zvaaka­nge anazvo: Chimboisa chanza chako pasi pechidya changu,
2ויאמר אברהם אל עבדו זקן ביתו המשל בכל אשר לו שים נא ידך תחת ירכי׃
3ndigokupi­kisa naJehovha, Mwari wekumatenga, naMwari wepasi, kuti haungatoreri mwanakomana wangu mukadzi kuvanasikana veKanani, vandinogara pakati pavo;
3ואשביעך ביהוה אלהי השמים ואלהי הארץ אשר לא תקח אשה לבני מבנות הכנעני אשר אנכי יושב בקרבו׃
4asi uchaende kunyika yekwangu nekuhama dzekwangu, unotorera mukadzi mwanakomana wangu Isaka.
4כי אל ארצי ואל מולדתי תלך ולקחת אשה לבני ליצחק׃
5Zvino muranda wakati kwaari: Zvimwe mukadzi ungasada kunditevera ku­nyika ino, zvino ndingadzosera zvirokwazvo mwanakomana wenyu kunyika kwama­kabva here?
5ויאמר אליו העבד אולי לא תאבה האשה ללכת אחרי אל הארץ הזאת ההשב אשיב את בנך אל הארץ אשר יצאת משם׃
6Abhurahamu ndokuti kwaari: Che­njera kuti urege kudzosera mwanako­mana wangu ikoko.
6ויאמר אליו אברהם השמר לך פן תשיב את בני שמה׃
7Jehovha, Mwari wekumatenga, iye wakanditora paimba yababa vangu nemunyika yechizvarigo cha­ngu, iye wakataura neni, newakandipikira, achiti: Kumbeu yako, ndichapa nyika ino, ndiye achatuma mutumwa wake pamberi pako, kuti umutorere ikoko mukadzi mwanakomana wangu.
7יהוה אלהי השמים אשר לקחני מבית אבי ומארץ מולדתי ואשר דבר לי ואשר נשבע לי לאמר לזרעך אתן את הארץ הזאת הוא ישלח מלאכו לפניך ולקחת אשה לבני משם׃
8Asi kana mukadzi asingatendi kukutevera, ipapo iwe uchasunungurwa pamhiko yangu iyi; chete usadzosera mwanakomana wangu ikoko.
8ואם לא תאבה האשה ללכת אחריך ונקית משבעתי זאת רק את בני לא תשב שמה׃
9Muranda ndokuisa ruoko rwake pasi pechi­dya chaAbhurahama tenzi wake, ndokupika kwaari pamusoro penyaya iyi.
9וישם העבד את ידו תחת ירך אברהם אדניו וישבע לו על הדבר הזה׃
10Muranda ndokutora makamera gumi pamakamera atenzi wake, akaenda, nenhumbi dzose dzakanaka dzatenzi wake muruoko rwake, ndokusimuka ndokuenda Mesopotamia kuguta raNahori.
10ויקח העבד עשרה גמלים מגמלי אדניו וילך וכל טוב אדניו בידו ויקם וילך אל ארם נהרים אל עיר נחור׃
11Zvino wakafugamisa maka­mera kunze kweguta patsime remvura panguva yemadekwana, iri nguva vakadzi yavanobuda kunochera mvura.
11ויברך הגמלים מחוץ לעיר אל באר המים לעת ערב לעת צאת השאבת׃
12Zvino wakati: Jehovha, Mwari watenzi wangu Abhu­rahamu, ndibudiririsei henyu nhasi, muitire tsitsi tenzi wangu Abhurahamu.
12ויאמר יהוה אלהי אדני אברהם הקרה נא לפני היום ועשה חסד עם אדני אברהם׃
13Tarirai, ndimire patsime re­mvura, uye vakunda vevanhu veguta vobuda kuzochera mvura.
13הנה אנכי נצב על עין המים ובנות אנשי העיר יצאת לשאב מים׃
14Zvino ngazviitike kuti musikana muduku wandichati kwaari: Ndirerekerewo chirongo chako ndimwe, ndokuti: Imwai, nemakamera enyu ndichaamwisa; ndiye wamakatsaurira muranda wenyu Isaka; uye neizvozvo ndichaziva kuti makaitira tenzi wangu tsitsi.
14והיה הנער אשר אמר אליה הטי נא כדך ואשתה ואמרה שתה וגם גמליך אשקה אתה הכחת לעבדך ליצחק ובה אדע כי עשית חסד עם אדני׃
15Zvino zvakaitika asati apedza ku­taura, kuti tarira, Rabheka wakabuda, wakaberekerwa Bhetueri, mwanakomana waMirika, mukadzi waNahori munin'ina waAbhurahamu, uye ane chirongo pafudzi rake.
15ויהי הוא טרם כלה לדבר והנה רבקה יצאת אשר ילדה לבתואל בן מלכה אשת נחור אחי אברהם וכדה על שכמה׃
16Zvino musikana uyu wakange akanaka kwazvo pakuonekera, mhandara isina murume wakambomuziva; ndokuburukira kutsime, ndokuzadza chirongo chake, ndokukwira.
16והנער טבת מראה מאד בתולה ואיש לא ידעה ותרד העינה ותמלא כדה ותעל׃
17Zvino muranda wakamhanyira kunomuchingamidza, ndokuti: Dondipawo svimvura pachirongo chako ndimwe.
17וירץ העבד לקראתה ויאמר הגמיאיני נא מעט מים מכדך׃
18Iye ndokuti: Imwai, ishe wangu; ndokukurumidza kutura chirongo chake paruoko rwake, ndokumumwisa.
18ותאמר שתה אדני ותמהר ותרד כדה על ידה ותשקהו׃
19Zvino apedza kumumwisa wakati: Ndichachererawo makamera enyu ku­svikira apedza kunwa.
19ותכל להשקתו ותאמר גם לגמליך אשאב עד אם כלו לשתת׃
20Zvino akakurumidza ndokudururira chirongo chake muchimwiro, ndokumhanyirazve kutsime kunochera, akacherera makamera ake ose.
20ותמהר ותער כדה אל השקת ותרץ עוד אל הבאר לשאב ותשאב לכל גמליו׃
21Zvino murume wakamutarisisa anyerere, kuti azive kana Jehovha amubudiririsa parwendo rwake kana kwete.
21והאיש משתאה לה מחריש לדעת ההצליח יהוה דרכו אם לא׃
22Zvikaitika makamera apedza kumwa, kuti murume wakatora chindori chendarama chine uremu hwehafu yeshekeri, nezvishongo zviviri zvemaoko ake, uremu hwazvo hwaiva mashekeri gumi endarama;
22ויהי כאשר כלו הגמלים לשתות ויקח האיש נזם זהב בקע משקלו ושני צמידים על ידיה עשרה זהב משקלם׃
23ndokuti: Uri mukunda waani? Ndiudze. Kumba kwababa vako kune nzvimbo yekuti tirare here?
23ויאמר בת מי את הגידי נא לי היש בית אביך מקום לנו ללין׃
24Iye ndokuti: Ndiri mukunda waBhe­tueri mwanakomana waMirika waaka­berekera Nahori.
24ותאמר אליו בת בתואל אנכי בן מלכה אשר ילדה לנחור׃
25Akatiwo kwaari: Zvose tinazvo uswa hwakaoma nechikafu chezvipfuwo chizhinji, nenzvimbo yekurara.
25ותאמר אליו גם תבן גם מספוא רב עמנו גם מקום ללון׃
26Murume ndokukotamisa musoro wake, ndokushumira Jehovha.
26ויקד האיש וישתחו ליהוה׃
27Zvino wakati: Ngaarumbidzwe Jehovha Mwari watenzi wangu Abhurahamu, usina kurega nyasha dzake nekutendeka kwake kuna tenzi wangu; ndiri ini, ndiri munzira, Jehovha wakanditungamirira kumba kwehama dzatenzi wangu.
27ויאמר ברוך יהוה אלהי אדני אברהם אשר לא עזב חסדו ואמתו מעם אדני אנכי בדרך נחני יהוה בית אחי אדני׃
28Zvino musikana wakamhanya, ndokunoudza imba yamai vake zvemashoko akadai.
28ותרץ הנער ותגד לבית אמה כדברים האלה׃
29Zvino Rabheka waiva nehanzvadzi wezita rainzi Rabhani; Rabhani ndokumhanyira panze kumurume kutsime.
29ולרבקה אח ושמו לבן וירץ לבן אל האיש החוצה אל העין׃
30Uye zvakaitika paakaona chindori nezvishongo pamaoko ehanzvadzi yake, anzwa mashoko aRabheka hanzvadzi yake, achiti: Ndizvo zva­taura murume kwandiri, kuti wakaenda kumurume, zvino tarira, umire pamakamera patsime.
30ויהי כראת את הנזם ואת הצמדים על ידי אחתו וכשמעו את דברי רבקה אחתו לאמר כה דבר אלי האיש ויבא אל האיש והנה עמד על הגמלים על העין׃
31Zvino akati: Pinda iwe wakaro­pafadzwa naJehovha; unomirirei ku­nze? nekuti ndagadzirira imba nenzvimbo yemakamera.
31ויאמר בוא ברוך יהוה למה תעמד בחוץ ואנכי פניתי הבית ומקום לגמלים׃
32Murume ndokuuya mumba, ndokusunungura makamera ndokupa makamera uswa hwakaoma nezveku­dya zvezvipfuwo; nemvura yekushambidza tsoka dzake netsoka dzevarume vaiva naye.
32ויבא האיש הביתה ויפתח הגמלים ויתן תבן ומספוא לגמלים ומים לרחץ רגליו ורגלי האנשים אשר אתו׃
33Zvino kwakagadzikwa pa­mberi pake kuti adye; asi iye akati: Handizodyi kusvikira ndataura ­shoko rangu. Iye ndokuti: Taura.
33ויישם לפניו לאכל ויאמר לא אכל עד אם דברתי דברי ויאמר דבר׃
34Ndokuti: Ndiri muranda waAbhurahamu.
34ויאמר עבד אברהם אנכי׃
35Zvino Jehovha wakaropafadza te­nzi wangu zvikuru; uye wava mukuru, waka­mupawo makwai, nemombe, nesirivha, nendarama, nevarandarume nevarandakadzi, nemakamera, nemadhongi.
35ויהוה ברך את אדני מאד ויגדל ויתן לו צאן ובקר וכסף וזהב ועבדם ושפחת וגמלים וחמרים׃
36NaSara mukadzi watenzi wangu wakaberekera tenzi wangu mwanakomana paakange akwegura; zvino wakapa kwaari zvose zvaanazvo.
36ותלד שרה אשת אדני בן לאדני אחרי זקנתה ויתן לו את כל אשר לו׃
37Zvino tenzi wangu wakandipikisa achiti: Usa­torera mwanakomana wangu mukadzi kuvakunda vevaKanani, vemunyika yavo mandigere;
37וישבעני אדני לאמר לא תקח אשה לבני מבנות הכנעני אשר אנכי ישב בארצו׃
38asi uchaenda kuimba yababa vangu nekuhama dzangu unotorera mwanakomana wangu mukadzi.
38אם לא אל בית אבי תלך ואל משפחתי ולקחת אשה לבני׃
39Zvino ndakati kuna tenzi wangu: Zvimwe mukadzi haanganditeveri.
39ואמר אל אדני אלי לא תלך האשה אחרי׃
40Iye ndokuti: Jehovha, wandinogarofamba pamberi pake, uchatuma mutumwa wake newe, uchabudiririsa nzira yako; uye uchatorera mwanakomana wangu mukadzi kuhama dzangu nekuimba yababa vangu.
40ויאמר אלי יהוה אשר התהלכתי לפניו ישלח מלאכו אתך והצליח דרכך ולקחת אשה לבני ממשפחתי ומבית אבי׃
41Ipapo uchasunungurwa pamhiko yangu kana wasvika kuhama dzangu, uye kana vasingakupi iye, uchasunungurwa pamhiko yangu.
41אז תנקה מאלתי כי תבוא אל משפחתי ואם לא יתנו לך והיית נקי מאלתי׃
42Zvino ndasvika nhasi ku­tsime, ndokuti: Jehovha, Mwari watenzi wangu Abhurahamu, kana muchibudiririsa nzira yangu, yandinofamba nayo;
42ואבא היום אל העין ואמר יהוה אלהי אדני אברהם אם ישך נא מצליח דרכי אשר אנכי הלך עליה׃
43tarirai, ndimire patsime remvura; zvino ngazviitike kuti mhandara inobuda kuzochera mvura, uye ndikati kwaari: Ndipewo svimvura pachiro­ngo chako, ndimwe;
43הנה אנכי נצב על עין המים והיה העלמה היצאת לשאב ואמרתי אליה השקיני נא מעט מים מכדך׃
44iye ndokuti kwandiri: Imwai nemwi, uye ndichacherera makamera enyuwo; ave ndiye mukadzi Jehovha waakatsaurira mwanakomana watenzi wangu.
44ואמרה אלי גם אתה שתה וגם לגמליך אשאב הוא האשה אשר הכיח יהוה לבן אדני׃
45Zvino ndisati ndape­dza kutaura mumoyo mangu, tarira, Rabheka wabuda ane chirongo chake pafudzi rake; ndokuburukira kutsime, ndokuchera. Zvino ndati kwaari: Dondipawo ndi­mwe.
45אני טרם אכלה לדבר אל לבי והנה רבקה יצאת וכדה על שכמה ותרד העינה ותשאב ואמר אליה השקיני נא׃
46Iye ndokukurumidza, akatura chirongo paari ndokuti: Imwai, uye ndichamwisa makamera enyu­wo; ini ndikamwa, akamwisa makame­rawo.
46ותמהר ותורד כדה מעליה ותאמר שתה וגם גמליך אשקה ואשת וגם הגמלים השקתה׃
47Zvino ndamubvunza ndokuti: Uri mukunda waani? Iye ndokuti: Mukunda waBhetueri, mwanakomana waNahori, Mirika waakamuberekera; zvino ndaisa chindori mumhino dzake, nezvishongo pamaoko ake.
47ואשאל אתה ואמר בת מי את ותאמר בת בתואל בן נחור אשר ילדה לו מלכה ואשם הנזם על אפה והצמידים על ידיה׃
48Ndokukota­misa musoro wangu, ndokushumira Jeho­vha, ndikakudza Jehovha, Mwari watenzi wangu Abhurahamu, iye wakanditungamirira panzira yakarurama, kuti mukunda wemunin'ina watenzi wangu ndimutorere mwanakomana wake.
48ואקד ואשתחוה ליהוה ואברך את יהוה אלהי אדני אברהם אשר הנחני בדרך אמת לקחת את בת אחי אדני לבנו׃
49Ikozvino kana muchiitira tenzi wangu moyochena nekutendeka, ndiudzei; kana zvisakadaro, ndiudzei, kuti ndiende kuruoko rwerudyi kana kuruboshwe.
49ועתה אם ישכם עשים חסד ואמת את אדני הגידו לי ואם לא הגידו לי ואפנה על ימין או על שמאל׃
50Ipapo Rabhani naBhetueri vakapi­ndura vakati: Chinhu ichi chinobva kuna Jehovha; hatigoni kutaura kwauri zvakaipa kana zvakanaka.
50ויען לבן ובתואל ויאמרו מיהוה יצא הדבר לא נוכל דבר אליך רע או טוב׃
51Tarira, Rabheka uri pamberi pako, tora uende, uye ngaave mukadzi wake, Jehovha sezvakareva.
51הנה רבקה לפניך קח ולך ותהי אשה לבן אדניך כאשר דבר יהוה׃
52Zvino zvakaitika, kuti muranda waAbhura­hamu paakanzwa mashoko avo, waka­kotamira pasi pamberi paJehovha.
52ויהי כאשר שמע עבד אברהם את דבריהם וישתחו ארצה ליהוה׃
53Muranda ndokubudisa zvishongo zvesiri­vha, nezvishongo zvendarama, nenguvo, akapa Rabheka, akapawo hanzvadzi yake namai vake nhumbi dzinokosha.
53ויוצא העבד כלי כסף וכלי זהב ובגדים ויתן לרבקה ומגדנת נתן לאחיה ולאמה׃
54Zvino vakadya vakamwa, iye nevarume vaiva naye, vakagara usiku hwose, vakamuka mangwanani, iye ndokuti: Regai ndiende kuna tenzi wangu.
54ויאכלו וישתו הוא והאנשים אשר עמו וילינו ויקומו בבקר ויאמר שלחני לאדני׃
55Asi hanzvadzi yake namai vake vakati: Musikana ngaagare nesu ma­zuva kana gumi, shure kweizvozvi ngaaende.
55ויאמר אחיה ואמה תשב הנער אתנו ימים או עשור אחר תלך׃
56Zvino wakati kwavari: Musandinonosa, Jehovha zvaakabudiririsa nzira yangu; regai ndie­nde kuti ndiende kuna tenzi wangu.
56ויאמר אלהם אל תאחרו אתי ויהוה הצליח דרכי שלחוני ואלכה לאדני׃
57Ivo ndokuti: Ngatidane musikana, tinzwe muromo wake.
57ויאמרו נקרא לנער ונשאלה את פיה׃
58Zvino vakadana Rabheka, ndokuti kwaari: Uchaenda nemu­rume uyu here? Iye ndokuti: Ndichaenda.
58ויקראו לרבקה ויאמרו אליה התלכי עם האיש הזה ותאמר אלך׃
59Zvino vakarega Rabheka hanzvadzi yavo achienda, nemureri wake, nemu­randa waAbhurahamu nevarume vake.
59וישלחו את רבקה אחתם ואת מנקתה ואת עבד אברהם ואת אנשיו׃
60Zvino vakaropafadza Rabheka, vakati kwaari: Iwe, hanzvadzi yedu, uve zvuru zvemazana, mbeu yako ngaive varidzi vemasuwo evanoivenga.
60ויברכו את רבקה ויאמרו לה אחתנו את היי לאלפי רבבה ויירש זרעך את שער שנאיו׃
61Zvino Rabheka wakasimuka nevasikana vake, vakatasva makamera, vakatevera murume uyo; muranda akatora Rabheka, akaenda.
61ותקם רבקה ונערתיה ותרכבנה על הגמלים ותלכנה אחרי האיש ויקח העבד את רבקה וילך׃
62Zvino Isaka wakasvika achibva pamusuwo wetsime Rahayi-Royi; nekuti waigara kunyika yekuchamhembe.
62ויצחק בא מבוא באר לחי ראי והוא יושב בארץ הנגב׃
63Zvino Isaka waka­buda kunorangarira kusango nenguva yemadekwani; ndokusimudza meso ake, akaona, tarira, makamera anouya.
63ויצא יצחק לשוח בשדה לפנות ערב וישא עיניו וירא והנה גמלים באים׃
64Zvino Rabheka wakasimudza meso ake; akati aona Isaka akazviwisa paka­mera.
64ותשא רבקה את עיניה ותרא את יצחק ותפל מעל הגמל׃
65Zvino wakati kumuranda: Ndiani mu­rume uyu unofamba musango kuzotichingamidza? Muranda ndokuti: Nditenzi wangu. Iye ndokutora chifukidzo chechiso chake, akazvifukidza.
65ותאמר אל העבד מי האיש הלזה ההלך בשדה לקראתנו ויאמר העבד הוא אדני ותקח הצעיף ותתכס׃
66Zvino muranda wakaudza Isaka zvinhu zvose zvaakange aita.
66ויספר העבד ליצחק את כל הדברים אשר עשה׃
67Isaka aka­muisa mutende ramai vake Sara, akatora Rabheka, akava mukadzi wake; akamuda. Isaka akanyaradzwa shure kwekufa kwa­mai vake.
67ויבאה יצחק האהלה שרה אמו ויקח את רבקה ותהי לו לאשה ויאהבה וינחם יצחק אחרי אמו׃