Shona

Hebrew: Modern

Genesis

26

1Zvino kwakava nenzara panyika; tisingaverengi nzara yekutanga yaivapo mazuva aAbhurahamu. Isaka ndokuenda kuna Abhimereki mambo wevaFirisitia, kuGerari.
1ויהי רעב בארץ מלבד הרעב הראשון אשר היה בימי אברהם וילך יצחק אל אבימלך מלך פלשתים גררה׃
2Jehovha ndokuonekera kwaari, ndokuti: Usaburukira kuEgipita, gara munyika yandichakuudza;
2וירא אליו יהוה ויאמר אל תרד מצרימה שכן בארץ אשר אמר אליך׃
3gara semweni munyika ino; uye ndichava newe, ndigokuropafadza; nekuti kwauri nekumbeu yako ndichapa nyika idzi dzose; uye ndichasimbisa mhiko yandakapika kuna Abhurahamu baba vako.
3גור בארץ הזאת ואהיה עמך ואברכך כי לך ולזרעך אתן את כל הארצת האל והקמתי את השבעה אשר נשבעתי לאברהם אביך׃
4Zvino ndichawanza mbeu yako senyeredzi dzedenga; uye ndichapa kumbeu yako nyika idzi dzose; uye mumbeu yako marudzi ose enyika acharopafadzwa;
4והרביתי את זרעך ככוכבי השמים ונתתי לזרעך את כל הארצת האל והתברכו בזרעך כל גויי הארץ׃
5nekuti Abhurahamu waka­teerera inzwi rangu, akachengeta kuraira kwangu, mirairo yangu, zvimiso zvangu nemitemo yangu.
5עקב אשר שמע אברהם בקלי וישמר משמרתי מצותי חקותי ותורתי׃
6Isaka ndokugara muGerari.
6וישב יצחק בגרר׃
7Vanhu venyika iyoyo ndokumu­bvunza zvemukadzi wake. Iye ndokuti: Ihanzvadzi yangu; nekuti wakatya kuti: Mukadzi wangu. Zvimwe varume venyika ino vangandiu­raya nekuda kwaRabheka, nekuti waka­nge akanaka pakutarisika.
7וישאלו אנשי המקום לאשתו ויאמר אחתי הוא כי ירא לאמר אשתי פן יהרגני אנשי המקום על רבקה כי טובת מראה היא׃
8Zvino zvakaitika paakavapo nguva refu, kuti Abhimereki mambo wevaFirisitia, wakatarira nepahwindo, akaona, zvino tarira, Isaka achitamba naRabheka mu­kadzi wake.
8ויהי כי ארכו לו שם הימים וישקף אבימלך מלך פלשתים בעד החלון וירא והנה יצחק מצחק את רבקה אשתו׃
9Abhimereki ndokudana Isaka ndokuti: Tarira, zvirokwazvo muka­dzi wako; zvino wakataura sei uchiti: Iha­nzvadzi yangu? Isaka ndokuti kwaari: Nekuti ndakati, zvimwe ndingafa nekuda kwake.
9ויקרא אבימלך ליצחק ויאמר אך הנה אשתך הוא ואיך אמרת אחתי הוא ויאמר אליו יצחק כי אמרתי פן אמות עליה׃
10Abhimereki ndokuti: Chii ichi chawaita kwatiri? Umwe wevanhu vedu zvanga zvakareruka kuti arare nemukadzi wako, newe ungadai wauisa mhosva pamusoro pedu.
10ויאמר אבימלך מה זאת עשית לנו כמעט שכב אחד העם את אשתך והבאת עלינו אשם׃
11Abhimereki ndokuraira vanhu vose, achiti: Unobata munhu uyu kana mukadzi wake, achauraiwa zvirokwazvo.
11ויצו אבימלך את כל העם לאמר הנגע באיש הזה ובאשתו מות יומת׃
12Zvino Isaka akadzvara munyika iyoyo, ndokuwana mugore iro zvine zana; Jehovha ndokumuropafadza.
12ויזרע יצחק בארץ ההוא וימצא בשנה ההוא מאה שערים ויברכהו יהוה׃
13Zvino munhu uyu wakava mukuru, akaindirira mberi akakura kusvikira ava mukuru zvikuru.
13ויגדל האיש וילך הלוך וגדל עד כי גדל מאד׃
14Uye waiva nefuma yemakwai nefuma yemombe nevaranda vazhinji; naizvozvo vaFirisitia vakamugodora.
14ויהי לו מקנה צאן ומקנה בקר ועבדה רבה ויקנאו אתו פלשתים׃
15Zvino matsime ose varanda vababa vake avakange vachera pamazuva aAbhurahamu baba vake, vaFirisitia vakaadzivira, vakaafusira nevhu.
15וכל הבארת אשר חפרו עבדי אביו בימי אברהם אביו סתמום פלשתים וימלאום עפר׃
16Abhimereki ndokuti kuna Isaka: Ibva kwatiri, nekuti une simba kwazvo kupfuura isu.
16ויאמר אבימלך אל יצחק לך מעמנו כי עצמת ממנו מאד׃
17Isaka ndokubvapo, ndokudzika musasa wake mumupata weGerari, ndokugarapo.
17וילך משם יצחק ויחן בנחל גרר וישב שם׃
18Isaka ndokucherazve matsime emvura, avakange vachera pamazuva aAbhurahamu baba vake, nekuti vaFirisitia vakange vaadzivira shure kwekufa kwaAbhura­hamu. Ndokuatumidza mazita achitevera mazita baba vake avakange vaatumidza.
18וישב יצחק ויחפר את בארת המים אשר חפרו בימי אברהם אביו ויסתמום פלשתים אחרי מות אברהם ויקרא להן שמות כשמת אשר קרא להן אביו׃
19Varanda vaIsaka ndokuchera mu­mupata, ndokuwanapo tsime remvura ino­tubuka.
19ויחפרו עבדי יצחק בנחל וימצאו שם באר מים חיים׃
20Vafudzi veGerari ndokukonana nevafudzi vaIsaka, vachiti: Mvura ndeyedu. Zvino akatumidza zita retsime kuti Eseki, nekuti vakakonana naye.
20ויריבו רעי גרר עם רעי יצחק לאמר לנו המים ויקרא שם הבאר עשק כי התעשקו עמו׃
21Zvino vakachera rimwe tsime, vakakonaniranarozve; akatumidza zita raro Sitina.
21ויחפרו באר אחרת ויריבו גם עליה ויקרא שמה שטנה׃
22Zvino akabvapo, ndokuchera rimwe tsime, iroro havana kurikonanirana. Ndokutumidza zita raro Rehobhoti, akati: Nekuti ikozvino Jehovha watiitira nzvimbo, uye tichabereka panyika.
22ויעתק משם ויחפר באר אחרת ולא רבו עליה ויקרא שמה רחבות ויאמר כי עתה הרחיב יהוה לנו ופרינו בארץ׃
23Zvino wakakwira kubvapo kuenda Bheerishebha.
23ויעל משם באר שבע׃
24Jehovha ndokuonekera kwaari usiku ihwohwo ndokuti: Ndini Mwari waAbhu­rahamu baba vako. Usatya nekuti ndi­newe, uye ndichakuropafadza, nekuwanza mbeu yako nekuda kwaAbhurahamu muranda wangu.
24וירא אליו יהוה בלילה ההוא ויאמר אנכי אלהי אברהם אביך אל תירא כי אתך אנכי וברכתיך והרביתי את זרעך בעבור אברהם עבדי׃
25Zvino wakavaka aritari ipapo, ndokudana muzita raJehovha, ndokudzika tende rake ipapo, zvino ipapo varanda vaIsaka vakachera tsime.
25ויבן שם מזבח ויקרא בשם יהוה ויט שם אהלו ויכרו שם עבדי יצחק באר׃
26Zvino Abhimereki wakaenda kwaari achibva Gerari neshamwari yake Ahuzati naPikori mukuru wehondo yake.
26ואבימלך הלך אליו מגרר ואחזת מרעהו ופיכל שר צבאו׃
27Isaka ndokuti kwavari: Mauyirei kwandiri, zvamunondivenga, uye makandidzi­nga kwamuri?
27ויאמר אלהם יצחק מדוע באתם אלי ואתם שנאתם אתי ותשלחוני מאתכם׃
28Ivo ndokuti: Taona zvirokwazvo kuti Jehovha unewe. Naizvozvo tati: Zvino ngapave nemhiko pakati pedu, isu newe, uye ngatiite sungano newe,
28ויאמרו ראו ראינו כי היה יהוה עמך ונאמר תהי נא אלה בינותינו בינינו ובינך ונכרתה ברית עמך׃
29chokuti usatiitira zvakaipa, sezvo tisina kukubata, uye se­zvo takakuitira zvakanaka chete, uye takue­ndesa murugare; iwe ikozvino uri muropafadzwa waJehovha.
29אם תעשה עמנו רעה כאשר לא נגענוך וכאשר עשינו עמך רק טוב ונשלחך בשלום אתה עתה ברוך יהוה׃
30Iye ndokuvaitira mabiko, ndokudya ndokumwa.
30ויעש להם משתה ויאכלו וישתו׃
31Zvino vakamuka mangwanani-ngwanani, vakapikirana; Isaka ndokuvarega vachienda, zvino vaka­bva kwaari nerugare.
31וישכימו בבקר וישבעו איש לאחיו וישלחם יצחק וילכו מאתו בשלום׃
32Zvino zvakaitika nemusi iwoyo, kuti varanda vaIsaka vakauya, ndokumuudza pamusoro petsime ravakange vachera, ndokuti kwaari: Tawana mvura.
32ויהי ביום ההוא ויבאו עבדי יצחק ויגדו לו על אדות הבאר אשר חפרו ויאמרו לו מצאנו מים׃
33Zvino akaritumidza kuti Shebha; naizvozvo zita reguta ndiBheerishebha kusvi­kira zuva ranhasi.
33ויקרא אתה שבעה על כן שם העיר באר שבע עד היום הזה׃
34Zvino Esau wakati ava nemakore makumi mana akazvitorera kuva mukadzi Judhisi muku­nda waBheeri muHeti naBhasimati mukunda waEroni muHeti.
34ויהי עשו בן ארבעים שנה ויקח אשה את יהודית בת בארי החתי ואת בשמת בת אילן החתי׃
35Ivavo vakava chishungurudzo chemoyo walsaka naRabheka.
35ותהיין מרת רוח ליצחק ולרבקה׃