1Zvino Isaka wakadana Jakove, ndokumuropafadza, ndokumuraira ndokuti kwaari: Usawana mukadzi kuvakunda veKanani.
1ויקרא יצחק אל יעקב ויברך אתו ויצוהו ויאמר לו לא תקח אשה מבנות כנען׃
2Simuka uende Padhani-Aramu, kuimba yaBhetueri baba vamai vako, uye uzviwanire ikoko mukadzi kubva kuvakunda vaRabhani, hanzvadzi yamai vako.
2קום לך פדנה ארם ביתה בתואל אבי אמך וקח לך משם אשה מבנות לבן אחי אמך׃
3Zvino Mwari Wemasimbaose ngaakuropafadze, akuberekese vana, nekukuwanza, kuti uve chaunga chendudzi;
3ואל שדי יברך אתך ויפרך וירבך והיית לקהל עמים׃
4agoparopafadzo yaAbhurahamu, kwauri nekumbeu yako pamwe newe; kuti ugare nhaka yenyika maugere uri mutorwa, Mwari yaakapa Abhurahamu.
4ויתן לך את ברכת אברהם לך ולזרעך אתך לרשתך את ארץ מגריך אשר נתן אלהים לאברהם׃
5Isaka ndokuendesa Jakove, iye ndokuenda Padhani-Aramu kuna Rabhani mwanakomana waBhetueri, muSiriya, hanzvadzi yaRabheka, mai vaJakove naEsau.
5וישלח יצחק את יעקב וילך פדנה ארם אל לבן בן בתואל הארמי אחי רבקה אם יעקב ועשו׃
6Zvino Esau wakaona kuti Isaka waropafadza Jakove, akamuendesa Padhani-Aramu kunozvitorera ikoko mukadzi, pakumuropafadza kwake wakamuraira achiti: Usatora mukadzi kuvakunda veKanani;
6וירא עשו כי ברך יצחק את יעקב ושלח אתו פדנה ארם לקחת לו משם אשה בברכו אתו ויצו עליו לאמר לא תקח אשה מבנות כנען׃
7uye kuti Jakove wakateerera baba vake namai vake, akaenda Padhani-Aramu.
7וישמע יעקב אל אביו ואל אמו וילך פדנה ארם׃
8Esau ndokuona kuti vakunda veKanani vaiva vakaipa pameso aIsaka baba vake.
8וירא עשו כי רעות בנות כנען בעיני יצחק אביו׃
9Naizvozvo Esau wakaenda kuna Ishimaeri, akazvitorera Maharati mukunda walshimaeri, mwanakomana waAbhurahamu, hanzvadzi yaNebhayoti ave mukadzi wake pamusoro pevakadzi vaaiva navo.
9וילך עשו אל ישמעאל ויקח את מחלת בת ישמעאל בן אברהם אחות נביות על נשיו לו לאשה׃
10Zvino Jakove wakabuda paBheerishebha, ndokuenda akananga Harani.
10ויצא יעקב מבאר שבע וילך חרנה׃
11Zvino wakasvika panzvimbo, akavatapo usiku, nekuti zuva rakange ravira. Ndokutora ibwe pamabwe enzvimbo iyo, akaita mutsamhiro, ndokurara panzvimbo iyo.
11ויפגע במקום וילן שם כי בא השמש ויקח מאבני המקום וישם מראשתיו וישכב במקום ההוא׃
12Zvino wakarota, uye tarira, danhiko rakange ramiswa panyika, musoro waro uchibata matenga, zvino tarira, vatumwa vaMwari vachikwira nekuburuka pariri.
12ויחלם והנה סלם מצב ארצה וראשו מגיע השמימה והנה מלאכי אלהים עלים וירדים בו׃
13Zvino tarira, Jehovha amire pamusoro paro, akati: Ndini Jehovha Mwari waAbhurahamu baba vako naMwari waIsaka; nyika yauvete pairi ndichakupa iyo, nembeu yako;
13והנה יהוה נצב עליו ויאמר אני יהוה אלהי אברהם אביך ואלהי יצחק הארץ אשר אתה שכב עליה לך אתננה ולזרעך׃
14uye mbeu yako ichaita seguruva renyika; zvino uchapararira kumavirazuva nekumabvazuva, nokumaodzanyemba nekuchamhembe; uye mauri nemumbeu yako dzimba dzose dzepanyika dzicharopafadzwa.
14והיה זרעך כעפר הארץ ופרצת ימה וקדמה וצפנה ונגבה ונברכו בך כל משפחת האדמה ובזרעך׃
15Zvino tarira, ndinewe, uye ndichakuchengeta kwese kwaunoenda, nekukudzosera kunyika ino; nekuti handingakusii kusvikira ndaita izvo zvandataura kwauri.
15והנה אנכי עמך ושמרתיך בכל אשר תלך והשבתיך אל האדמה הזאת כי לא אעזבך עד אשר אם עשיתי את אשר דברתי לך׃
16Zvino Jakobho wakapepuka pahope dzake, ndokuti: Zvirokwazvo Jehovha uri panzvimbo ino, asi ini ndanga ndisingazivi.
16וייקץ יעקב משנתו ויאמר אכן יש יהוה במקום הזה ואנכי לא ידעתי׃
17Zvino wakatya, ndokuti: Nzvimbo ino inotyisa zvakadii! Haisi chimwe chinhu kunze kweimba yaMwari, iri isuwo rekudenga.
17ויירא ויאמר מה נורא המקום הזה אין זה כי אם בית אלהים וזה שער השמים׃
18Jakove ndokumuka mangwanani-ngwanani, ndokutora ibwe raakange aita mutsamhiro, akarimisa kuva mbiru, ndokudira mafuta pamusoro pepamusoro paro.
18וישכם יעקב בבקר ויקח את האבן אשר שם מראשתיו וישם אתה מצבה ויצק שמן על ראשה׃
19Zvino wakatumidza zita renzvimbo iyo Bheteri, asi zita reguta pakutanga rainzi Ruzi.
19ויקרא את שם המקום ההוא בית אל ואולם לוז שם העיר לראשנה׃
20Jakove ndokupika mhiko achiti: Kana Mwari akava neni, akandichengeta panzira yandinoenda, uye akandipa chikafu chekudya, nezvipfeko zvekupfeka;
20וידר יעקב נדר לאמר אם יהיה אלהים עמדי ושמרני בדרך הזה אשר אנכי הולך ונתן לי לחם לאכל ובגד ללבש׃
21uye ndidzokere nerugare kuimba yababa vangu, ipapo Jehovha uchava Mwari wangu,
21ושבתי בשלום אל בית אבי והיה יהוה לי לאלהים׃
22neiri ibwe randakamisa rikava mbiru richava imba yaMwari; nezvose zvamuchandipa, zvirokwazvo ndichapa chegumi chazvo kwamuri.
22והאבן הזאת אשר שמתי מצבה יהיה בית אלהים וכל אשר תתן לי עשר אעשרנו לך׃