1Zvino Jakove wakanzwa mashoko evanakomana vaRabhani vachiti: Jakove atora zvose zvababa vedu; nezvaiva zvababa vedu vachiita mbiri iyi.
1וישמע את דברי בני לבן לאמר לקח יעקב את כל אשר לאבינו ומאשר לאבינו עשה את כל הכבד הזה׃
2Jakove akaonawo chiso chaRabhani, zvino tarira, chakanga chisakaita kwaari sepakutanga.
2וירא יעקב את פני לבן והנה איננו עמו כתמול שלשום׃
3Jehovha ndokuti kuna Jakove: Dzokera kunyika yemadzibaba ako nekuhama dzako; ndigova newe.
3ויאמר יהוה אל יעקב שוב אל ארץ אבותיך ולמולדתך ואהיה עמך׃
4Zvino Jakove wakatuma ndokudanira Rakeri naRea kusango kuboka rake,
4וישלח יעקב ויקרא לרחל וללאה השדה אל צאנו׃
5ndokuti kwavari: Ndinoona chiso chababa venyu kuti hachisakaita kwandiri sepakutanga; asi Mwari wababa vangu wange aneni.
5ויאמר להן ראה אנכי את פני אביכן כי איננו אלי כתמל שלשם ואלהי אבי היה עמדי׃
6Zvino munoziva kuti nesimba rangu rose dakashandira baba venyu.
6ואתנה ידעתן כי בכל כחי עבדתי את אביכן׃
7Uye baba venyu vakandinyengedzera, vakashandura mubayiro wangu kagumi, asi Mwari haana kuvatendera kundiitira zvakaipa.
7ואביכן התל בי והחלף את משכרתי עשרת מנים ולא נתנו אלהים להרע עמדי׃
8Kana vakataura sezvizvi: Zvine mavara zvichava mubairo wako, ipapo boka rose rakabereka zvine mavara. Zvino vataura seizvi: Zvine mitsetse zvichava mubayiro wako, ipapo boka rose rakabereka zvine mitsetse.
8אם כה יאמר נקדים יהיה שכרך וילדו כל הצאן נקדים ואם כה יאמר עקדים יהיה שכרך וילדו כל הצאן עקדים׃
9Saizvozvo Mwari wakatora zvipfuwo zvababa venyu, akapa kwandiri.
9ויצל אלהים את מקנה אביכם ויתן לי׃
10Zvino zvakaitika panguva iyo boka richitora mazamu, kuti ndakasimudza meso angu ndikaona muchiroto, zvino tarira, nhongo dzinokwira boka, dzaiva nemitsetse, nemavara, nedzakaita pfumbu.
10ויהי בעת יחם הצאן ואשא עיני וארא בחלום והנה העתדים העלים על הצאן עקדים נקדים וברדים׃
11Zvino mutumwa waMwari wakati kwandiri muchiroto: Jakove! Ndikati: Ndiri pano.
11ויאמר אלי מלאך האלהים בחלום יעקב ואמר הנני׃
12Ndokuti: Simudza hako meso ako uone, nhongo dzose, dzinokwira boka, dzine mitsetse, dzine mavara, dzakaita pfumbu; nekuti ndaona zvose Rabhani zvaanoita kwauri.
12ויאמר שא נא עיניך וראה כל העתדים העלים על הצאן עקדים נקדים וברדים כי ראיתי את כל אשר לבן עשה לך׃
13Ndini Mwari weBheteri, pawakazodza mbiru, pawakandipikira mhiko. Ikozvino, simuka, ubude munyika ino, udzokere kunyika yechizvarigo chako.
13אנכי האל בית אל אשר משחת שם מצבה אשר נדרת לי שם נדר עתה קום צא מן הארץ הזאת ושוב אל ארץ מולדתך׃
14Rakeri naRea ndokupindura vakati kwaari: Ko tichine mugove nenhaka kuimba yababa vedu here?
14ותען רחל ולאה ותאמרנה לו העוד לנו חלק ונחלה בבית אבינו׃
15Ko hativerengwi sevatorwa kwavari here? nekuti vakatitengesa, uye vakapedzawo chose mari yedu.
15הלוא נכריות נחשבנו לו כי מכרנו ויאכל גם אכול את כספנו׃
16Nekuti fuma yose Mwari yaakatorera baba vedu ndeyedu nevana vedu; naizvozvo ikozvino chose Mwari chaareva kwauri, chiite.
16כי כל העשר אשר הציל אלהים מאבינו לנו הוא ולבנינו ועתה כל אשר אמר אלהים אליך עשה׃
17Jakove ndokusimuka, ndokutasvisa vana vake nevakadzi vake pamakamera;
17ויקם יעקב וישא את בניו ואת נשיו על הגמלים׃
18ndokutinha zvipfuwo zvake zvose, nenhumbi dzake dzose dzaakange awana, zvipfuwo zvaakange anazvo, zvaakange awana paPadhanaramu, kuti aende kuna Isaka baba vake kunyika yeKanani.
18וינהג את כל מקנהו ואת כל רכשו אשר רכש מקנה קנינו אשר רכש בפדן ארם לבוא אל יצחק אביו ארצה כנען׃
19Zvino Rabhani wakange aenda kunoveura makwai ake, Rakeri ndokuba chifananidzo baba vake chavaiva nacho.
19ולבן הלך לגזז את צאנו ותגנב רחל את התרפים אשר לאביה׃
20Jakove akabva achiverevedza kuna Rabhani muSiriya, nekuti haana kumuzivisa kuti unotiza.
20ויגנב יעקב את לב לבן הארמי על בלי הגיד לו כי ברח הוא׃
21Zvino wakatiza iye nezvose zvaakange anazvo, ndokusimuka, ndokuyambuka rwizi, ndokuringisa chiso chake kugomo reGiriadhi.
21ויברח הוא וכל אשר לו ויקם ויעבר את הנהר וישם את פניו הר הגלעד׃
22Zvino zvakaudzwa Rabhani nezuva retatu kuti Jakove watiza.
22ויגד ללבן ביום השלישי כי ברח יעקב׃
23Iye akatora hama dzake naye akadzingirirana naye rwendo rwemazuva manomwe, vakamuwana mugomo reGiriadhi.
23ויקח את אחיו עמו וירדף אחריו דרך שבעת ימים וידבק אתו בהר הגלעד׃
24Mwari ndokuuya kuna Rabhani muSiriya muchiroto usiku, ndokuti kwaari: Zvichenjerere, zvimwe ungataura kuna Jakove chakanaka kana chakaipa.
24ויבא אלהים אל לבן הארמי בחלם הלילה ויאמר לו השמר לך פן תדבר עם יעקב מטוב עד רע׃
25Rabhani ndokuwana Jakove. Zvino Jakove wakange adzika tende rake mugomo; Rabhaniwo nehama dzake vakadzika matende avo mugomo reGiriadhi.
25וישג לבן את יעקב ויעקב תקע את אהלו בהר ולבן תקע את אחיו בהר הגלעד׃
26Zvino Rabhani ndokuti kuna Jakobho: Waitei, kuti waverevedza ndisingazivi, uchitora vakunda vangu nechisimba sevatapwa nemunondo?
26ויאמר לבן ליעקב מה עשית ותגנב את לבבי ותנהג את בנתי כשביות חרב׃
27Watizirei pachivande, uchindiverevedza, usingandiudzi, kuti ndingadai ndakuoneka nemufaro nenziyo, nengoma nerudimhwa?
27למה נחבאת לברח ותגנב אתי ולא הגדת לי ואשלחך בשמחה ובשרים בתף ובכנור׃
28Uye hauna kunditendera kutsvoda vanakomana vangu nevakunda vangu. Ikozvino waita sebenzi pakuita.
28ולא נטשתני לנשק לבני ולבנתי עתה הסכלת עשו׃
29Zviri pasimba reruoko rwangu kukuitirai zvakaipa; asi Mwari wababa vako wakataura neni usiku hwazuro achiti: Zvichenjerere kuti urege kutaura naJakobho kana chakanaka kana chakaipa.
29יש לאל ידי לעשות עמכם רע ואלהי אביכם אמש אמר אלי לאמר השמר לך מדבר עם יעקב מטוב עד רע׃
30Zvino ikozvino, kuenda waenda, nekuti wanga uchishuva zvikuru imba yababa vako; wabirei vamwari vangu?
30ועתה הלך הלכת כי נכסף נכספתה לבית אביך למה גנבת את אלהי׃
31Jakove ndokupindura ndokuti kuna Rabhani: Nekuti ndakanga ndichitya, nekuti ndakati: Zvimwe munganditorera vakunda venyu nechisimba.
31ויען יעקב ויאמר ללבן כי יראתי כי אמרתי פן תגזל את בנותיך מעמי׃
32Uyo wamunowana kwaari vamwari venyu ngaarege kurarama; zvino pamberi pehama dzedu, zviongororerei zvenyu zviri kwandiri, muzvitorere. Nekuti Jakove wakange asingazivi kuti Rakeri wakange aba.
32עם אשר תמצא את אלהיך לא יחיה נגד אחינו הכר לך מה עמדי וקח לך ולא ידע יעקב כי רחל גנבתם׃
33Rabhani ndokupinda mutende raJakove, nemutende raRea, nemutende revarandakadzi vaviri, asi haana kuzviwana. Zvino wakabuda mutende raRea, ndokupinda mutende raRakeri.
33ויבא לבן באהל יעקב ובאהל לאה ובאהל שתי האמהת ולא מצא ויצא מאהל לאה ויבא באהל רחל׃
34Zvino Rakeri wakange atora zvifananidzo, akazviisa muchigaro chekamera, ndokugara pamusoro pazvo. Rabhani ndokubata-bata pose mutende, asi haana kuzviwana.
34ורחל לקחה את התרפים ותשמם בכר הגמל ותשב עליהם וימשש לבן את כל האהל ולא מצא׃
35Iye ndokuti kuna baba vake: Ngazirege kusafadza pameso paishe wangu kuti handigoni kusimuka pamberi penyu; nekuti mutowo wevakadzi uri kwandiri. Iye akatsvakisisa, asi haana kuwana zvifananidzo.
35ותאמר אל אביה אל יחר בעיני אדני כי לוא אוכל לקום מפניך כי דרך נשים לי ויחפש ולא מצא את התרפים׃
36Zvino Jakove wakatsamwa, ndokupikisana naRabhani; Jakove ndokupindura ndokuti kuna Rabhani: Kudarika kwangu chii, chivi changu chii, kuti mundidzingirire neshungu?
36ויחר ליעקב וירב בלבן ויען יעקב ויאמר ללבן מה פשעי מה חטאתי כי דלקת אחרי׃
37Zvamabata-bata nhumbi dzangu dzose mawanei chenhumbi dzekumba kwenyu? Zviisei pano pamberi pehama dzangu nehama dzenyu kuti vatonge pakati pedu isu vaviri.
37כי מששת את כל כלי מה מצאת מכל כלי ביתך שים כה נגד אחי ואחיך ויוכיחו בין שנינו׃
38Makore awa makumi maviri ndinemwi; nhunzvi dzenyu dzemakwai nenhunzvi dzenyu dzembudzi hazvina kusvodza, nemakondobwe enyu emapoka handina kuadya.
38זה עשרים שנה אנכי עמך רחליך ועזיך לא שכלו ואילי צאנך לא אכלתי׃
39Zvakabvamburwa handina kuzviuisa kwamuri; ini ndakazviripa; pamaoko angu makazvireva, zvakabiwa masikati kana zvakabiwa usiku.
39טרפה לא הבאתי אליך אנכי אחטנה מידי תבקשנה גנבתי יום וגנבתי לילה׃
40Masikati ndakapedzwa nezuva, neveta usiku; hope dzangu dzikatiza kumeso angu.
40הייתי ביום אכלני חרב וקרח בלילה ותדד שנתי מעיני׃
41Makore aya makumi maviri ndakange ndiri mumba menyu, ndakakushandirai makore gumi nemana nekuda kwevakunda venyu vaviri, nemakore matanhatu nekuda kwezvipfuwo zvenyu; mukashandura mubayiro wangu kagumi.
41זה לי עשרים שנה בביתך עבדתיך ארבע עשרה שנה בשתי בנתיך ושש שנים בצאנך ותחלף את משכרתי עשרת מנים׃
42Kunze kwekuti Mwari wababa vangu, Mwari waAbhurahamu, nekutya kwaIsaka, dai asaiva neni, zvirokwazvo ikozvino mungadai maindiendesa ndisina chinhu. Dambudziko rangu nebasa remaoko angu Mwari wakaona, akakutsiurai usiku hwazuro.
42לולי אלהי אבי אלהי אברהם ופחד יצחק היה לי כי עתה ריקם שלחתני את עניי ואת יגיע כפי ראה אלהים ויוכח אמש׃
43Zvino Rabhani wakapindura akati kuna Jakove: Vakunda vakunda vangu, nevanakomana vanakomana vangu, boka iboka rangu, nezvose zvaunoona ndezvangu; nekuvakunda vangu ndichaitei nhasi, kana kuvana vavo vavakazvara?
43ויען לבן ויאמר אל יעקב הבנות בנתי והבנים בני והצאן צאני וכל אשר אתה ראה לי הוא ולבנתי מה אעשה לאלה היום או לבניהן אשר ילדו׃
44Zvino ikozvino, ngatiite sungano, ini newe; chive uchapupu pakati pangu newe.
44ועתה לכה נכרתה ברית אני ואתה והיה לעד ביני ובינך׃
45Jakove ndokutora ibwe, akarimisa rikava mbiru.
45ויקח יעקב אבן וירימה מצבה׃
46Jakove ndokuti kuhama dzake: Unganidzai mabwe. Zvino vakatora mabwe, vakaita murwi; vakadya ipapo pamusoro pemurwi.
46ויאמר יעקב לאחיו לקטו אבנים ויקחו אבנים ויעשו גל ויאכלו שם על הגל׃
47Rabhani ndokuutumidza Jegarisahadhuta; asi Jakove akautumidza Garidhi.
47ויקרא לו לבן יגר שהדותא ויעקב קרא לו גלעד׃
48Rabhani ndokuti: Murwi uyu uchapupu pakati pangu newe nhasi. Naizvozvo zita rawo rakanzi Garidhi,
48ויאמר לבן הגל הזה עד ביני ובינך היום על כן קרא שמו גלעד׃
49uye Mizipa, nekuti wakati: Jehovha ngaarinde pakati pangu newe, kana tisingaonani umwe neumwe.
49והמצפה אשר אמר יצף יהוה ביני ובינך כי נסתר איש מרעהו׃
50Kana ukatambudza vakunda vangu, uye kana ukawana vamwe vakadzi kunze kwevakunda vangu, hakuna munhu unesu, asi tarira, Mwari chapupu pakati pangu newe.
50אם תענה את בנתי ואם תקח נשים על בנתי אין איש עמנו ראה אלהים עד ביני ובינך׃
51Zvino Rabhani wakati kuna Jakove: Tarira murwi uyu, tarira mbiru iyi, yandakamisa pakati pangu newe.
51ויאמר לבן ליעקב הנה הגל הזה והנה המצבה אשר יריתי ביני ובינך׃
52Murwi uyu ngauve chapupu, nembiru iyi ngaive chapupu, kuti ini handingapfuuri murwi uyu ndichienda kwauri, newe haungapfuuri murwi uyu nembiru uchiuya kwandiri kuti tiitirane zvakaipa.
52עד הגל הזה ועדה המצבה אם אני לא אעבר אליך את הגל הזה ואם אתה לא תעבר אלי את הגל הזה ואת המצבה הזאת לרעה׃
53Mwari waAbhurahamu, naMwari waNahori, Mwari wababa vavo, ngaatonge pakati pedu. Jakove ndokupika neKutya kwababa vake Isaka.
53אלהי אברהם ואלהי נחור ישפטו בינינו אלהי אביהם וישבע יעקב בפחד אביו יצחק׃
54Jakove ndokubaya chibayiro mugomo, akadana hama dzake kuti vadye chingwa; vakadya chingwa, vakarara mugomo.
54ויזבח יעקב זבח בהר ויקרא לאחיו לאכל לחם ויאכלו לחם וילינו בהר׃
55Rabhani ndokumuka mangwanani-ngwani, ndokutsvoda vanakomana vake nevakunda vake, ndokuvaropafadza; Rabhani ndokuenda, ndokudzokera kunzvimbo yake.
55וישכם לבן בבקר וינשק לבניו ולבנותיו ויברך אתהם וילך וישב לבן למקמו׃