1Zvino Isiraeri akabva nezvose zvaakanga anazvo, akasvika Bheerishebha, akabayira Mwari wababa vake Isaka zvibayiro.
1ויסע ישראל וכל אשר לו ויבא בארה שבע ויזבח זבחים לאלהי אביו יצחק׃
2Mwari akataura naIsiraeri nezviratidzo usiku, akati, Jakove ! Jakove ! Iye akati, Ndiri pano hangu.
2ויאמר אלהים לישראל במראת הלילה ויאמר יעקב יעקב ויאמר הנני׃
3Akati, Ndini Mwari, iye Mwari wababa vako; usatya hako kuburukira Egipita; nekuti ndichakuita rudzi rukuru ikoko;
3ויאמר אנכי האל אלהי אביך אל תירא מרדה מצרימה כי לגוי גדול אשימך שם׃
4ndichaburukira Egipita newe, ndigokudzosazve zvirokwazvo; Josefa uchaisa ruoko rwake pachiso chako.
4אנכי ארד עמך מצרימה ואנכי אעלך גם עלה ויוסף ישית ידו על עיניך׃
5Jakove akasimuka, akabva Bheerishebha; vanakomana vaIsiraeri vakatakura Jakove baba vavo, navana vavo vaduku, navakadzi vavo, nengoro dzakanga dzatumwa naFarao kuti dzivatakure.
5ויקם יעקב מבאר שבע וישאו בני ישראל את יעקב אביהם ואת טפם ואת נשיהם בעגלות אשר שלח פרעה לשאת אתו׃
6Vakatora mombe dzavo nenhumbi dzavo dzavakanga vawana munyika yeKanani, vakasvika Egipita, Jakove navanakomana vake vose pamwechete naye;
6ויקחו את מקניהם ואת רכושם אשר רכשו בארץ כנען ויבאו מצרימה יעקב וכל זרעו אתו׃
7vanakomana vake, navana vavanakomana vake pamwechete naye, navakunda vake, navakunda vavanakomana vake, navose vorudzi rwake, vakaenda navo Egipita.
7בניו ובני בניו אתו בנתיו ובנות בניו וכל זרעו הביא אתו מצרימה׃
8Ndiwo mazita avana vaIsiraeri vakasvika Egipita: Jakove, navanakomana vake, vachiti: Rubheni, dangwe raJakobho.
8ואלה שמות בני ישראל הבאים מצרימה יעקב ובניו בכר יעקב ראובן׃
9Navanakomana vaRubheni: Hanoki, naParu, naHezironi, Karami.
9ובני ראובן חנוך ופלוא וחצרון וכרמי׃
10Navanakomana vaSimioni: Jemueri, naJamini, naOhadhi, naJakini, naZohari, naShauri, waiva mwanakomana womukadzi weKanani.
10ובני שמעון ימואל וימין ואהד ויכין וצחר ושאול בן הכנענית׃
11Navanakomana vaRevhi: Gerishoni, naKohati, naMerari.
11ובני לוי גרשון קהת ומררי׃
12Navanakomana vaJudha: Eri, naOnani, naShera, naPerezi, naZera; asi Zera naOnani vakafira panyika yeKanani. Vanakomana vaPerezi vaiva Hezironi, naHamori.
12ובני יהודה ער ואונן ושלה ופרץ וזרח וימת ער ואונן בארץ כנען ויהיו בני פרץ חצרון וחמול׃
13Navanakomana vaIsakari: Tora, naPuwa, naJobho, naShimuroni.
13ובני יששכר תולע ופוה ויוב ושמרון׃
14Navanakomana vaZebhuroni: Seredhi, naEroni, naJareeri.
14ובני זבולן סרד ואלון ויחלאל׃
15Ndivo vanakomana vaRea, vaakaberekera Jakove paPadhanaramu, nomukunda wake Dhina; vanakomana vake navakunda vake vose vaiva vanhu vana makumi matatu navatatu.
15אלה בני לאה אשר ילדה ליעקב בפדן ארם ואת דינה בתו כל נפש בניו ובנותיו שלשים ושלש׃
16Navanakomana vaGadhi: Zifioni, naHagi, naShumi, naEzibhoni, naEri, naArodhi, naAreri.
16ובני גד צפיון וחגי שוני ואצבן ערי וארודי ואראלי׃
17Navanakomana vaAsheri: Imuna, naIshivha, naIshivhi, naBheria, naSera, hanzvadzi yavo; navanakomana vaBhiriha vaiva Hebheri, naMakieri.
17ובני אשר ימנה וישוה וישוי ובריעה ושרח אחתם ובני בריעה חבר ומלכיאל׃
18Ndivo vanakomana vaZiripa, Rabhani waakapa Rea, mukunda wake; akaberekera Jakove vanhu ava vane gumi navatanhatu.
18אלה בני זלפה אשר נתן לבן ללאה בתו ותלד את אלה ליעקב שש עשרה נפש׃
19Vanakomana vaRakeri, mukadzi waJakove, vaiva Josefa naBhenjamini.
19בני רחל אשת יעקב יוסף ובנימן׃
20Josefa akaberekerwa Manase naEfuremu panyika yeEgipita, ndivo vaakaberekerwa naAsenati, mukunda waPotifari, mupristi weOni.
20ויולד ליוסף בארץ מצרים אשר ילדה לו אסנת בת פוטי פרע כהן אן את מנשה ואת אפרים׃
21Navanakomana vaBhenjamini: Bhera, naBhekeri, naAshibheri naGera, naNaamani, naEhi, naRoshi, naMupimi, naHupimi, naAdhi.
21ובני בנימן בלע ובכר ואשבל גרא ונעמן אחי וראש מפים וחפים וארד׃
22Ndivo vanakomana vaRakeri, vakaberekerwa Jakove; vose vaiva vane gumi navana.
22אלה בני רחל אשר ילד ליעקב כל נפש ארבעה עשר׃
23Navanakomana vaDhani: Hushimi.
23ובני דן חשים׃
24Navanakomana vaNafutari: Jazeeri, naGuni, naJezeri, naShiremi.
24ובני נפתלי יחצאל וגוני ויצר ושלם׃
25Ndivo vanakomana vaBhiriha, Rabhani waakapa Rakeri, mukunda wake; ndivo vaakaberekera Jakove; vose vaiva vanomwe.
25אלה בני בלהה אשר נתן לבן לרחל בתו ותלד את אלה ליעקב כל נפש שבעה׃
26Zvino vanhu vose vakauya naJakobho Egipita, vakanga vabuda pachiuno chake, vakadzi vavanakomana vaJakove vasingaverengwi, vose vaiva vanhu vana makumi matanhatu navatanhatu.
26כל הנפש הבאה ליעקב מצרימה יצאי ירכו מלבד נשי בני יעקב כל נפש ששים ושש׃
27Vanakomana vaJosefa vaakanga aberekerwa Egipita vaiva vanhu vaviri; vose veimba yaJakove vakauya Egipita, vaiva vanhu vana makumi manomwe.
27ובני יוסף אשר ילד לו במצרים נפש שנים כל הנפש לבית יעקב הבאה מצרימה שבעים׃
28Akatuma Judha pamberi pake kuna Josefa kuti amuratidze nzira inoenda Gosheni.
28ואת יהודה שלח לפניו אל יוסף להורת לפניו גשנה ויבאו ארצה גשן׃
29Ipapo Josefa akagadzira ngoro yake, akakwira Gosheni, kundosangana naIsiraeri, baba vake; akazvizivisa kwavari, akawira pamutsipa wavo, akachema pamutsipa wavo nguva huru.
29ויאסר יוסף מרכבתו ויעל לקראת ישראל אביו גשנה וירא אליו ויפל על צואריו ויבך על צואריו עוד׃
30Isiraeri akati kuna Josefa, Zvino ngandichifa hangu, nekuti ndaona chiso chako, kuti uchiri mupenyu.
30ויאמר ישראל אל יוסף אמותה הפעם אחרי ראותי את פניך כי עודך חי׃
31Zvino Josefa akati kuvana vababa vake naveimba yababa vake, Ini ndichakwira kundoudza Farao, ndichiti kwaari, Vana vababa vangu, naveimba yababa vangu, vaigara kunyika yeKanani, vasvika kwandiri;
31ויאמר יוסף אל אחיו ואל בית אביו אעלה ואגידה לפרעה ואמרה אליו אחי ובית אבי אשר בארץ כנען באו אלי׃
32varume ava vafudzi, nekuti vaipfuwa zvipfuwo; vauya namakwai avo, nemombe dzavo, nezvose zvavanazvo.
32והאנשים רעי צאן כי אנשי מקנה היו וצאנם ובקרם וכל אשר להם הביאו׃
33Zvino kana modamwa naFarao, akati, Basa renyu nderei?
33והיה כי יקרא לכם פרעה ואמר מה מעשיכם׃
34Muti, Varanda venyu vaiva vapfuwi vezvipfuwo kubva paucheche hwedu kusvikira zvino, isu namadzibaba edu; kuti mugare munyika yeGosheni, nekuti vafudzi vose vanonyangadza vaEgipita.
34ואמרתם אנשי מקנה היו עבדיך מנעורינו ועד עתה גם אנחנו גם אבתינו בעבור תשבו בארץ גשן כי תועבת מצרים כל רעה צאן׃