Shona

Hebrew: Modern

Hebrews

11

1Zvino rutendo ndirwo rusimbiso rwezvinhu zvatinotarisira, umbowo hwezvinhu zvisingaonekwi.
1כי האמונה היא חסן הבטחון במקוה והוכחת דברים לא נראים׃
2Nekuti naiko vanhu vakuru vakapupurirwa zvakanaka.
2ובה נחלו האבות עדות׃
3Kubudikidza nerutendo tinonzwisisa kuti nyika dzakanyatsoumbwa neshoko raMwari, zvekuti zvinhu zvinoonekwa hazvibvi kuzvinhu zvinoonekera.
3באמונה נבין כי העולמות נעשו בדבר האלהים למען אשר יצא הנראה מן הנעלם׃
4Nerutendo Abheri wakabayira kuna Mwari chibayiro chakanakisisa kupfuura Kaini; chaakawana nacho uchapupu kuti wakange akarurama, Mwari achipupurira zvipo zvake; naicho kunyange afa hake, uchiri kungotaura.
4באמונה הקריב הבל לאלהים זבח טוב מקין אשר היה לו לעדות כי צדיק הוא בהעיד אלהים על מנחתיו ובה עודנו מדבר אחרי מותו׃
5Norutendo Enoki wakatamiswa kuti arege kuona rufu, akasawanikwa nekuti Mwari wakange amutamisa; nekuti asati atamiswa wakapupurirwa kuti wakange afadza Mwari.
5באמונה לקח חנוך לבלתי ראותו המות ואיננו כי לקח אתו אלהים והועד עליו לפני הלקחו כי את האלהים התהלך׃
6Kunze kwerutendo hazvibviri kumufadza; nekuti unouya kuna Mwari, unofanira kutenda kuti iye uripo, uye mupi wemubayiro wevanomutsvaka nemoyo wose.
6ובלי אמונה לא יוכל איש להיות רצוי אל האלהים כי כל הקרב אליו צריך להאמין כי יש אלהים וגמול הוא משיב לדרשיו׃
7Nerutendo Nowa wakati ayambirwa naMwari pamusoro pezvinhu zvichigere kuonekwa, nekutya akagadzira areka yeruponeso rwemhuri yake; akapa nyika mhosva nazvo, akava mudyi wenhaka yekururama kunouya nerutendo.
7באמונה בנה נח ביראת יהוה את התבה להצלת ביתו אתרי אשר צוה על דברים לא נראים עדין וירשע בה את העולם ויהי לירש הצדקה עקב האמונה׃
8Nerutendo Abhurahamu wakati adamwa kuti abude, aende kunzvimbo yaakanzi uchazoigamuchira ive nhaka akateerera, akabuda akaenda, asingazivi kwaanoenda.
8באמונה שמע אברהם כאשר נקרא ללכת אל הארץ אשר יירשנה ויצא ולא ידע אנה יבוא׃
9Nerutendo wakagara semutorwa munyika yechivimbiso senyika yeutorwa, achigara mumatende naIsaka naJakobho, vadyi venhaka yechivimbiso chimwecho pamwe naye;
9באמונה היה גר בארץ ההבטחה כמו בנכריה וישב באהלים הוא ויצחק ויעקב אשר ירשו עמו ההבטחה ההיא׃
10Nekuti wakange achitarisira guta rine nheyo, Mwari ari mhizha nemuvaki waro.
10כי חכה לעיר אשר יסודתה נאמנה ובונה ומכוננה האלהים׃
11Nerutendowo Sara pachake wakapiwa simba rekugamuchira mbeu akazvara mwana, apfuura zera, nekuti wakati iye wamuvimbisa wakatendeka.
11באמונה שרה גם היא קבלה הכח להזריע ותלד אחרי בלתה כי חשבה לנאמן את המבטיח׃
12Naizvozvo vakaberekwa neumwe zvichibva kune wakafa vakaita senyeredzi dzekudenga pakuwanda, uye sejecha riri pamahombekombe egungwa risingaverengeki.
12על כן מאחד אשר כמעט מת גופו יצאו ככוכבי השמים לרב וכחול על שפת הים אשר לא יספר׃
13Ivava vose vakafira murutendo, vasina kugamuchira zvivimbiso, asi vakazviona zviri kure, vakagutsikana nazvo, vakazvimbundikira vakabvuma kuti vaeni nevapfuuri panyika.
13כפי אמונה מתו כל אלה ולא השיגו את ההבטחות רק מרחוק ראו אותן ויבטחו וישמחו לקראתן ויודו כי גרים הם ותושבים בארץ׃
14Nekuti ivo vanotaura zvinhu zvakadaro, vanoratidza pachena kuti vanotsvaka nyika yekwavo.
14הלא המדברים כזאת יודיעו כי הם מבקשי ארץ מושב׃
15Nekuti kana zvirokwazvo vaifungisisa zvenyika iyo yavakabva kwairi, vangadai vakawana mukana wekudzokera.
15ואם היתה דעתם על הארץ ההיא אשר יצאו ממנה הלא היה בידם לשוב אליה׃
16Asi zvino vanoshuva yakanaka kuipfuura, ndiyo yekudenga; naizvozvo Mwari haana nyadzi pamusoro pavo kuti aidzwe Mwari wavo; nekuti wakavagadzirira guta.
16אכן נכספו למושב טוב ממנו והוא בשמים ועל כן לא בוש האלהים להקרא אלהיהם כי הכין להם עיר׃
17Nerutendo Abhurahamu paakaidzwa wakabayira Isaka, uye iye wakange agamuchira zvivimbiso akabayira mwana wake wakaberekwa umwe woga;
17באמונה העלה אברהם את יצחק כאשר נסה ואת יחידו הקריב המקבל את ההבטחות׃
18wakanzi pamusoro pake: Muna Isaka vana vako vachatumidzwa;
18אשר נאמר לו כי ביצחק יקרא לך זרע׃
19nekurangarira kuti Mwari unogona kumutsa kunyange kuvakafa; ndipapowo paakamugamuchira mumufananidzo.
19ויחשב בלבו כי יכול יוכל אלהים להחיות גם את המתים על כן גם הושב אליו להיות למשל׃
20Nerutendo Isaka wakaropafadza Jakobho naEsau pamusoro pezvinhu zvinouya.
20באמונה ברך יצחק את יעקב ואת עשו וידבר על העתידות׃
21Nerutendo Jakobho ofa wakaropafadza mwanakomana umwe neumwe waJosefa; akanamata akasendamira pamusoro pemudonzvo wake.
21באמונה ברך יעקב את שני בני יוסף לפני מותו וישתחו על ראש המטה׃
22Nerutendo Josefa ava kufa wakataura zvekubuda kwevana vaIsraeri, akaraira pamusoro pemafupa ake.
22באמונה הזכיר יוסף בקרב קצו את יציאת בני ישראל ויצו על אדות עצמותיו׃
23Nerutendo Mozisi aberekwa wakavanzwa mwedzi mitatu nevabereki vake, nekuti vakavona kuti mwana wakanaka; uye havana kutya murairo wamambo.
23באמונה הצפינו את משה אבותיו שלשה ירחים אהרי הולדו כראתם את הילד כי טוב הוא ולא יראו את מצות המלך׃
24Nerutendo Mozisi akura wakaramba kunzi mwanakomana wemukunda waFarao,
24באמונה מאן משה כאשר גדל להקרא בן לבת פרעה׃
25pachinzvimbo chaizvozvo wakasarudza kuitirwa zvakaipa pamwe nevanhu vaMwari pane kuva mumufaro wezvivi kwechinguvana;
25ויבחר לסבל את עני עם אלהים מלהתענג לשעה בתענוגי החטא׃
26akati kunyombwa kwaKristu ifuma huru pakufuma kose kweEgipita; nekuti wakarangarira muripo wemubayiro.
26בחשבו את חרפת המשיח לעשר גדול מאצרות מצרים כי הביט אל הגמול׃
27Nerutendo wakasiya Egipita, asingatyi kutsamwa kwamambo; nekuti wakatsungirira seunomuona iye usingaonekwi.
27באמונה עזב את ארץ מצרים ולא ירא מחמת המלך כי היה כראה אשר איננו נראה ויתחזק׃
28Nerutendo wakachengetedza pasika nekusaswa kweropa, kuti unouraya matangwe arege kuvabata.
28באמונה עשה את הפסח ונתינת הדם למען אשר לא יגע המשחית בבכוריהם׃
29Nerutendo vakagura Gungwa Dzvuku sepavhu rakawoma; vaEgipita vachizviidza vakabitirirwa.
29באמונה עברו את ים סוף ביבשה אשר נסו מצרים גם המה לעבר בו ויטבעו׃
30Nerutendo masvingo eJeriko akawira pasi, apoteredzwa mazuva manomwe.
30באמונה נפלו חומות יריחו אחרי הקיפו אותן שבעת ימים׃
31Nerutendo Rakabhi chifeve haana kuparara pamwe nevasina rutendo, paakanga agamuchira vashori nerugare.
31באמונה לא אבדה רחב הזונה עם הסוררים כי אספה את המרגלים אל ביתה בשלום׃
32Zvino ndichataurirei zvimwe? Nekuti ndichapererwa nenguva ndichitaura zvaGidhioni, naBharaki, naSamusoni, naJefita, Dhavhidhiwo, naSamueri, nevaporofita;
32ומה אמר עוד הן תקצר לי העת אם אספר מעשי גדעון וברק ושמשון ויפתח ודוד ושמואל והנביאים׃
33avo kubudikidza nerutendo vakakunda ushe, vakaita kururama, vakawana zvivimbiso, vakadzivira miromo yeshumba,
33אשר באמונה כבשו ממלכות ופעלו צדק והשגו הבטחות וסכרו פי אריות׃
34vakadzima simba remoto, vakapukunyuka kwakapinza kwemunondo, vakasimbiswa pautera, vakava nesimba pakurwa, vakadzinga hondo dzemamwe marudzi.
34וכבו גבורת האש ונמלטו מפי החרב והתחזקו מחלים ועשו חיל במלחמה והפילו מחנות זרים׃
35Vakadzi vakagamuchirazve vakafa vavo vachimukazve; vamwe vakashungurudzwa, vasingagamuchiri kudzikunungurwa, kuti vawane kumuka kuri nani;
35נשים לקחו מתחיה את מתיהן ואחרים רטשו בענוים ולא אבו להנצל למען יזכו לתחיה טובה ממנה׃
36vamwewo vakaidzwa nekuitwa chiseko, nekuzvambaradzwa, uyezve nezvisungo nemujere;
36מהם נסו בתעלולים ובמכות וגם נמסרו לכבל ומסגר׃
37vakatakwa nembwe, vakatsemurwa nepakati, vakaidzwa, vakashinjwa nemunondo; vakadzungaira vakafuka matehwe emakwai nematehwe embudzi; vari nhoronhondo, vachitambudzika, vachishungurudzwa,
37נסקלו באבנים נסרו במגרה נבחנו ביסורים מתו לפי חרב וינעו עטופי עורת כבשים ועזים בחסר ובעצר רעה ויגון׃
38(nyika haina kuvafanira), vachidzungaira mumagwenga, nemakomo, nemapako, nemakomba enyika.
38אשר העולם לא היה כדי להם הם תעו במדבר ובהרים ובמערות ובנקיקי הארץ׃
39Naivava vose vapupurirwa zvakanaka kubudikidza nerutendo havana kugamuchira zvivimbiso,
39וכל אלה אף היתה להם העדות בגלל אמונתם לא קבלו את ההבטחה׃
40Nekuti Mwari wakange atigadzirira chinhu chiri nani, kuti ivo varege kupedzeredzwa pasina isu.
40למען אשר לא ישלמו בלעדינו כי צפה לנו אלהים מקדם טובה יתרה׃