Shona

Hebrew: Modern

Hosea

11

1Isiraeri achiri mwana muduku, ndaimuda, ndikadana mwanakomana wangu abve Egipita.
1כי נער ישראל ואהבהו וממצרים קראתי לבני׃
2Vaporofita vachinyanya kuvadana,, ivo vakanyanya kuvatiza; vakabayira vaBhaari, nokupisira zvifananidzo zvakavezwa zvinonhuhwira.
2קראו להם כן הלכו מפניהם לבעלים יזבחו ולפסלים יקטרון׃
3Kunyange zvakadaro ini ndakadzidzisa Efuremu kufamba; ndakavatakura mumaoko angu, asi havana kuziva kuti ndini ndakavaporesa.
3ואנכי תרגלתי לאפרים קחם על זרועתיו ולא ידעו כי רפאתים׃
4Ndakavakakata namabote omunhu, nezvisungo zvorudo; ndakava kwavari somunhu anobvisa joko pashaya dzavo, ndikagadza zvokudya pamberi pavo.
4בחבלי אדם אמשכם בעבתות אהבה ואהיה להם כמרימי על על לחיהם ואט אליו אוכיל׃
5Havangadzokeri kunyika yeEgipita, asi muAsiria ndiye achava mambo wavo, nekuti vakaramba kudzokera kwandiri.
5לא ישוב אל ארץ מצרים ואשור הוא מלכו כי מאנו לשוב׃
6Munondo uchava nehasha pakati pemaguta avo, uchapedza zvipfigiso zvavo nokuzviparadza, nemhaka yamano avo.
6וחלה חרב בעריו וכלתה בדיו ואכלה ממעצותיהם׃
7Vanhu vangu vanoramba vachida kudzokera shure vachindisiya; kunyange vachidamwa kune Wekumusoro-soro, havatongosimuki.
7ועמי תלואים למשובתי ואל על יקראהו יחד לא ירומם׃
8Ndingakuregedza seiko, iwe Isiraeri? Ndingakuita seiko seAdhima? Ndingakuenzanisa seiko neZebhoimi? Mwoyo wangu washandukurwa mukati mangu, tsitsi dzangu dzamutswa pamwechete.
8איך אתנך אפרים אמגנך ישראל איך אתנך כאדמה אשימך כצבאים נהפך עלי לבי יחד נכמרו נחומי׃
9Handingaiti nokutsamwa kwangu kukuru, handingadzoki ndichiti ndiparadze Efuremu; nekuti ndiri Mwari, handizi munhu, ndini Mutsvene pakati penyu, handingauyi ndakatsamwa.
9לא אעשה חרון אפי לא אשוב לשחת אפרים כי אל אנכי ולא איש בקרבך קדוש ולא אבוא בעיר׃
10Vachatevera Jehovha, achiomba seshumba; nekuti uchaomba, vana vachauya vachidedera vachibva mavirazuva.
10אחרי יהוה ילכו כאריה ישאג כי הוא ישאג ויחרדו בנים מים׃
11Vachauya seshiri vachibva Egipita, senjiva vachibva panyika yeAsiria; ini ndichavagarisa mudzimba dzavo, ndizvo zvinotaura Jehovha.
11יחרדו כצפור ממצרים וכיונה מארץ אשור והושבתים על בתיהם נאם יהוה׃
12Efuremu vakandikombera nenhema, uye imba yaIsiraeri nokunyengera; Judha vanongoramba vachipenga pamberi paMwari, pamberi paiye Mutsvene akatendeka.
12סבבני בכחש אפרים ובמרמה בית ישראל ויהודה עד רד עם אל ועם קדושים נאמן׃