Shona

Hebrew: Modern

Hosea

14

1Aiwa, imwi Isiraeri, dzokerai kuna Jehovha Mwari wenyu, nekuti makagumburwa nezvakaipa zvenyu.
1שובה ישראל עד יהוה אלהיך כי כשלת בעונך׃
2Endai namashoko, mudzokere kuna Jehovha, muti kwaari, Bvisai zvakaipa zvose, mugamuchire zvinhu zvakanaka, ipapo tichakupai miromo yedu, zvive zvibayiro zvedu.
2קחו עמכם דברים ושובו אל יהוה אמרו אליו כל תשא עון וקח טוב ונשלמה פרים שפתינו׃
3Asiria havangatiponesi; hatingatasvi mabhiza, hatingazoti kubasa ramaoko edu. Ndimi vamwari vedu; nekuti nherera dzinowana nyasha kwamuri.
3אשור לא יושיענו על סוס לא נרכב ולא נאמר עוד אלהינו למעשה ידינו אשר בך ירחם יתום׃
4Ndichaporesa kudzokera kwavo shure, ndichavada nokuda kwangu; nekuti kutsamwa kwangu kwabviswa kwavari.
4ארפא משובתם אהבם נדבה כי שב אפי ממנו׃
5Ndichava sedova kuna Isiraeri, vachatunga seruva, vachatanda midzi yavo seRebhanoni.
5אהיה כטל לישראל יפרח כשושנה ויך שרשיו כלבנון׃
6Matavi avo achatanda, kunaka kwavo kuchafanana nomuorivhi, nokunhuhwira kwavo sokweRebhanoni.
6ילכו ינקותיו ויהי כזית הודו וריח לו כלבנון׃
7Vanogara mumumvuri wavo vachadzoka, vachavandudzika sezviyo, nokutunga maruva somuzambiringa; kurumbidzwa kwavo kuchafanana newaini yeRebhanoni.
7ישבו ישבי בצלו יחיו דגן ויפרחו כגפן זכרו כיין לבנון׃
8Efuremu, ndichineiko nezvifananidzo? Ndakapindura, ndinehanya naye; ndakafanana nomuonde mutema, zvibereko zvako zvichawanikwa kwandiri.
8אפרים מה לי עוד לעצבים אני עניתי ואשורנו אני כברוש רענן ממני פריך נמצא׃
9Ndianiko akachenjera, anzwisise zvinhu izvi, kana akangwara, azvizive? nekuti nzira dzaJehovha dzakarurama, vakarurama vachafamba nadzo; asi vadariki vachawa madziri.
9מי חכם ויבן אלה נבון וידעם כי ישרים דרכי יהוה וצדקים ילכו בם ופשעים יכשלו בם׃