1Isa hwamanda pamuromo wako. Zvinouya segondo kuzorwa neimba yaJehovha, nekuti vakadarika sungano yangu nokutadzira murayiro wangu.
1אל חכך שפר כנשר על בית יהוה יען עברו בריתי ועל תורתי פשעו׃
2Vachadana kwandiri, vachiti, Mwari wangu, isu vaIsiraeri tinokuzivai.
2לי יזעקו אלהי ידענוך ישראל׃
3Isiraeri vakarasha zvakanaka; muvengi wavo achavateverera.
3זנח ישראל טוב אויב ירדפו׃
4Vakagadza madzimambo, asi havana kurairwa neni; vakazvitsaurira machinda, ini ndisingazvizivi; vakazviitira zvifananidzo nesirivha uye nendarama yavo, kuti zviparadzwe.
4הם המליכו ולא ממני השירו ולא ידעתי כספם וזהבם עשו להם עצבים למען יכרת׃
5Mhuru yako, iwe Samaria, inonyangadza; kutsamwa kwangu kwakavamukira; kusvikira riniko pavachazokwanisa kusununguka pakurangwa?
5זנח עגלך שמרון חרה אפי בם עד מתי לא יוכלו נקין׃
6nekuti chinhu ichi chakabvawo kuvaIsiraeri; mupfuri wakachiita, hachizi Mwari; zvirokwazvo, mhuri yeSamaria ichaputswa-putswa.
6כי מישראל והוא חרש עשהו ולא אלהים הוא כי שבבים יהיה עגל שמרון׃
7nekuti vanodzvara mhepo, vachacheka chamupupuri, havane zviyo pamunda; chipande hachingavigiri hupfu; kunyange chikabereka, zvichamedzwa navatorwa.
7כי רוח יזרעו וסופתה יקצרו קמה אין לו צמח בלי יעשה קמח אולי יעשה זרים יבלעהו׃
8Isiraeri vakamedzwa; zvino vava pakati pamarudzi somudziyo usingadikamwi nomunhu.
8נבלע ישראל עתה היו בגוים ככלי אין חפץ בו׃
9nekuti vakaenda Asiria, sembizi inongozvifambira iri yoga; vaEfuremu vakazvitsvakira shamwari vachidziripira.
9כי המה עלו אשור פרא בודד לו אפרים התנו אהבים׃
10Zvirokwazvo, kunyange vachizvitsvakira idzo pakati pamarudzi, ndichavaunganidza zvino, votanga kutapudzwa nemhaka yokuremedzwa namambo wamachinda.
10גם כי יתנו בגוים עתה אקבצם ויחלו מעט ממשא מלך שרים׃
11Efuremu zvaakawanza maaritari okutadza nawo, maaritari ake akamutadzisa.
11כי הרבה אפרים מזבחת לחטא היו לו מזבחות לחטא׃
12Ndakamunyorera mashoko ane zviuru zvine gumi omurayiro wangu, asi vanoti ndezvavatorwa.
12אכתוב לו רבו תורתי כמו זר נחשבו׃
13Kana zviri zvibayiro zvezvipiriso zvangu, vanobayira nyama ndokuidya; asi Jehovha haana kuzvigamuchira; zvino ucharangarira zvakaipa zvavo, nokuvarova pamusoro pezvivi zvavo; vachadzokera Egipita.
13זבחי הבהבי יזבחו בשר ויאכלו יהוה לא רצם עתה יזכר עונם ויפקד חטאותם המה מצרים ישובו׃
14nekuti Isiraeri vakakangamwa Muiti wavo, vakavaka dzimba dzoushe; Judha vakawanza maguta akakomberedzwa namasvingo; asi ini ndichatuma moto kumaguta avo, uchapedza dzimba dzoushe dzawo.
14וישכח ישראל את עשהו ויבן היכלות ויהודה הרבה ערים בצרות ושלחתי אש בעריו ואכלה ארמנתיה׃