1Tumirai mubati wenyika makwayana, abve Sera aende kurenje, kugomo romukunda weZiyoni.
1שלחו כר משל ארץ מסלע מדברה אל הר בת ציון׃
2nekuti seshiri dzinodzungaira, sedendere rakaparadzirwa, ndizvo zvichaita vakunda vaMoabhi pamazambuko aArinoni.
2והיה כעוף נודד קן משלח תהיינה בנות מואב מעברת לארנון׃
3Itai mano, ruramisira; mumvuri wako uuite sousiku pakati pamasikati makuru; vanza vadzingwa, usapandukira anotiza.
3הביאו עצה עשו פלילה שיתי כליל צלך בתוך צהרים סתרי נדחים נדד אל תגלי׃
4Vanhu vangu vakadzingwa ngavagare newe; kana ari Moabhi, uve kwaari paangavanda pamberi pomuparadzi; nekuti mutambudzi haachipo, kuparadza kwapera, vamanikidzi vabva panyika.
4יגורו בך נדחי מואב הוי סתר למו מפני שודד כי אפס המץ כלה שד תמו רמס מן הארץ׃
5Chigaro choushe chichamiswa netsitsi; mumwe uchagara pamusoro pacho nechokwadi, mutende raDhavhidhi, achitonga, achitsvaka kururamisira vanhu, achikurumidza kuita zvakarurama.
5והוכן בחסד כסא וישב עליו באמת באהל דוד שפט ודרש משפט ומהר צדק׃
6Takanzwa zvokuzvikudza kwaMoabhi, kuti unozvikudza kwazvo; zvamanyawi ake, nokuzvikudza kwake, nehasha dzake; asi kuzvirumbidza kwake hakuna maturo.
6שמענו גאון מואב גא מאד גאותו וגאונו ועברתו לא כן בדיו׃
7Saka Moabhi achachema Moabhi, mumwe nomumwe achachema; muchachemera mapundu amazambiringa eKirihareseti, mamanikidzwa kwazvo.
7לכן ייליל מואב למואב כלה ייליל לאשישי קיר חרשת תהגו אך נכאים׃
8nekuti minda yeHeshibhoni yaoma, nomuzambiringa weSibhima; madzishe amarudzi avhuna matavi awo akanaka, akanga achisvikira Jazeri, akanga atandira kurenje; matavi awo akanga atandavara, ayambukira gungwa.
8כי שדמות חשבון אמלל גפן שבמה בעלי גוים הלמו שרוקיה עד יעזר נגעו תעו מדבר שלחותיה נטשו עברו ים׃
9Saka ndichachema nokuchema kwaJazeri ndichichemera muzambiringa weSibhima; ndichakudiridza iwe Heshibhoni neEreare nemisodzi yangu; nekuti mhere yokurwa yawira pamusoro pezvibereko zvako zvezhizha napamusoro pokukohwa kwako.
9על כן אבכה בבכי יעזר גפן שבמה אריוך דמעתי חשבון ואלעלה כי על קיצך ועל קצירך הידד נפל׃
10Mufaro wabviswa, nokufara pamunda waibereka zvakanaka; paminda yemizambiringa hapachazovi nokuimba kana inzwi romufaro; hapachazovi musviniri anosvinira mazambiringa pazvisviniro, ndagumisa kupururudza.
10ונאסף שמחה וגיל מן הכרמל ובכרמים לא ירנן לא ירעע יין ביקבים לא ידרך הדרך הידד השבתי׃
11Naizvozvo moyo wangu unorira sembira pamusoro paMoabhi, nedumbu rangu pamusoro peKiriheresi.
11על כן מעי למואב ככנור יהמו וקרבי לקיר חרש׃
12Zvino kana Moabhi achizviratidza pamberi paJehovha, kana achizvinetsa padunhu rakakwirira, nokupinda panzvimbo yake tsvene kuzonyengetera, haangatongobatsirwi chinhu.
12והיה כי נראה כי נלאה מואב על הבמה ובא אל מקדשו להתפלל ולא יוכל׃
13Ndirori shoko rakataurwa naJehovha pamusoro paMoabhi panguva yakare.
13זה הדבר אשר דבר יהוה אל מואב מאז׃
14Asi zvino Jehovha akataura achiti, Makore matatu asati apfuura, samakore omunhu anobatira mubayiro, kukudzwa kwaMoabhi kuchazvidzwa, pamwechete navanhu vake vazhinji; vakasara vachava vashoma kwazvo, vasina simba.
14ועתה דבר יהוה לאמר בשלש שנים כשני שכיר ונקלה כבוד מואב בכל ההמון הרב ושאר מעט מזער לוא כביר׃