Shona

Hebrew: Modern

Isaiah

24

1Tarirai, Jehovha anobvisa zvose panyika nokuiparadza, nokuitsindikira, nokuparadzira vagere mairi.
1הנה יהוה בוקק הארץ ובולקה ועוה פניה והפיץ ישביה׃
2Vanhu vachaitirwa zvinoitirwa mupristi, muranda zvinoitirwa tenzi wake, mushandiri zvinoitirwa vahosi vake, mutengi zvinoitirwa mutengesi, anopa chikwereti zvinoitirwa anokwereta, anoripa mhindu zvinoitirwa anoreva mhindu.
2והיה כעם ככהן כעבד כאדניו כשפחה כגברתה כקונה כמוכר כמלוה כלוה כנשה כאשר נשא בו׃
3Nyika ichabvisirwa zvose zvayo, ichaparadzwa chose; nekuti Jehovha akataura shoko iro.
3הבוק תבוק הארץ והבוז תבוז כי יהוה דבר את הדבר הזה׃
4Nyika inochema nokuoma, pasi pose panopera simba nokuoma, vanhu vakakudzwa venyika vanopera simba.
4אבלה נבלה הארץ אמללה נבלה תבל אמללו מרום עם הארץ׃
5Nyika yakasvibiswawo navagere mairi; nekuti vakadarika mirayiro, vakakanganisa mitemo, nokuputsa sungano isingaperi.
5והארץ חנפה תחת ישביה כי עברו תורת חלפו חק הפרו ברית עולם׃
6Saka kutuka kwaMwari kwapedza nyika, navageremo vava nemhosva; saka vagere munyika vapiswa, vangosara vanhu vashoma.
6על כן אלה אכלה ארץ ויאשמו ישבי בה על כן חרו ישבי ארץ ונשאר אנוש מזער׃
7Waini itsva inochema, muzambiringa wapera simba, vose vanomoyo unofara vanogomera.
7אבל תירוש אמללה גפן נאנחו כל שמחי לב׃
8Kufara kwengoma konyarara, inzwi ravanofara ropera, mufaro wembira wopera.
8שבת משוש תפים חדל שאון עליזים שבת משוש כנור׃
9Havangamwi waini vachiimba; zvinobata zvichavava kuna vanozvimwa.
9בשיר לא ישתו יין ימר שכר לשתיו׃
10Guta, rava dongo, rakoromorwa; dzimba dzose dzakapfigwa, kuti kurege kuva nomunhu angapindamo.
10נשברה קרית תהו סגר כל בית מבוא׃
11Kuchema kunonzwikwa panzira dzomumisha nokuda kwewaini; mufaro wose wasviba, kufara kwenyika kwaenda.
11צוחה על היין בחוצות ערבה כל שמחה גלה משוש הארץ׃
12Muguta masara mangova dongo, suwo raputswa nokuparadzwa.
12נשאר בעיר שמה ושאיה יכת שער׃
13nekuti ndizvo zvazvichaita panyika pakati pamarudzi avanhu, zvichafanana nokuzuzwa komuorivhi, nezvakasara kana mazambiringa akohwiwa.
13כי כה יהיה בקרב הארץ בתוך העמים כנקף זית כעוללת אם כלה בציר׃
14Ivo vachadanidzira, vachapururudza; nokuda koumambo hwaJehovha vanodanidzira vari pagungwa.
14המה ישאו קולם ירנו בגאון יהוה צהלו מים׃
15Saka rumbidzai Jehovha kumabvazuva, iro zita raJehovha, Mwari waIsiraeri, pazvitsuwa zvegungwa.
15על כן בארים כבדו יהוה באיי הים שם יהוה אלהי ישראל׃
16Takanzwa nziyo dzichiimbwa kumigumo yenyika, dzichiti, Vakarurama ngavakudzwe! Asi ini ndakati, Ndinoonda, ndinoonda, ndine nhamo! vanyepedzeri vakaita nokunyengera; zvirokwazvo, vanyepedzeri vakaita nokunyengera kukuru.
16מכנף הארץ זמרת שמענו צבי לצדיק ואמר רזי לי רזי לי אוי לי בגדים בגדו ובגד בוגדים בגדו׃
17Kutya, negomba, nomusungo zvichakuwira, iwe ugere panyika.
17פחד ופחת ופח עליך יושב הארץ׃
18Zvino, anotiza bope rokutyisa, achawira mugomba; anokwira achibva mukati megomba, achabatwa nomusungo; nekuti mahwindo okumusoro azaruka, nenheyo dzenyika dzinodedera.
18והיה הנס מקול הפחד יפל אל הפחת והעולה מתוך הפחת ילכד בפח כי ארבות ממרום נפתחו וירעשו מוסדי ארץ׃
19Nyika yaputswa-putswa chose, nyika yodedera chose, nyika yozununguswa chose.
19רעה התרעעה הארץ פור התפוררה ארץ מוט התמוטטה ארץ׃
20Nyika ichadzedzereka somunhu akabatwa, ichadengenyeka sedumba; kudarika kwayo kuchairemedza kwazvo, ichawa, ikasasimukazve.
20נוע תנוע ארץ כשכור והתנודדה כמלונה וכבד עליה פשעה ונפלה ולא תסיף קום׃
21Zvino nezuva iro Jehovha acharova hondo yavakakudzwa vari kumusoro, namadzimambo enyika panyika.
21והיה ביום ההוא יפקד יהוה על צבא המרום במרום ועל מלכי האדמה על האדמה׃
22Vachaunganidzwa pamwechete, sezvinounganidzwa vasungwa mugomba, vachapfigirwa mutirongo; zvino kana mazuva mazhinji apfuura vachashanyirwa.
22ואספו אספה אסיר על בור וסגרו על מסגר ומרב ימים יפקדו׃
23Ipapo mwedzi uchanyadziswa, nezuva richanyara; nekuti Jehovha wehondo achabata ushe pagomo reZiyoni, napaJerusaremu, pamberi pavakuru vake pachava nokukudzwa.
23וחפרה הלבנה ובושה החמה כי מלך יהוה צבאות בהר ציון ובירושלם ונגד זקניו כבוד׃