1Nezuva iro rwiyo urwu ruchaimbwa panyika yavaJudha: Tine guta rakasimba; iye achaisapo masvingo nenhare ruve ruponeso.
1ביום ההוא יושר השיר הזה בארץ יהודה עיר עז לנו ישועה ישית חומות וחל׃
2Zarurai masuwo, kuti rudzi rwakarurama, runochengeta chokwadi, rupinde.
2פתחו שערים ויבא גוי צדיק שמר אמנים׃
3Anae moyo wakasimba muchamuchengeta murugare rukuru, nekuti anovimba nemi.
3יצר סמוך תצר שלום שלום כי בך בטוח׃
4Vimbai naJehovha nokusingaperi, iye Jehovha ndiye dombo nokusingaperi.
4בטחו ביהוה עדי עד כי ביה יהוה צור עולמים׃
5nekuti akaderedza vagere pakakwirira, iro guta riri kumusoro, anorideredza, anorideredza kusvikira pavhu; anoriputsira pasi muguruva.
5כי השח ישבי מרום קריה נשגבה ישפילנה ישפילה עד ארץ יגיענה עד עפר׃
6Richatsikwa netsoka, idzo tsoka dzavarombo, nokutsika kwavanoshaiwa.
6תרמסנה רגל רגלי עני פעמי דלים׃
7Nzira yavakarurama yakarurama; imwi munoruramisa nzira yavakarurama.
7ארח לצדיק מישרים ישר מעגל צדיק תפלס׃
8Zvirokwazvo, takakumirirai Jehovha, panzira yokutonga kwenyu; mweya yedu inoshuva zita renyu nechirangaridzo chenyu.
8אף ארח משפטיך יהוה קוינוך לשמך ולזכרך תאות נפש׃
9Ndakakushuvai nomweya wangu usiku; zvirokwazvo, ndichakutsvakai zvikuru nomweya wangu uri mukati mangu; nekuti kana kutonga kwenyu kuri panyika, vanhu vagere munyika vanodzidza zvakarurama.
9נפשי אויתיך בלילה אף רוחי בקרבי אשחרך כי כאשר משפטיך לארץ צדק למדו ישבי תבל׃
10Akaipa kunyange achinzwirwa tsitsi, haangadzidzi zvakarurama; achaita hake zvisakarurama panyika yakarurama, haangaoni umambo hwaJehovha.
10יחן רשע בל למד צדק בארץ נכחות יעול ובל יראה גאות יהוה׃
11Jehovha, ruoko rwenyu rwakasimudzwa, asi ivo havaoni; asi vachaona kushingaira kwenyu pamusoro pavanhu, vakanyadziswa; zvirokwazvo moto uchapedza vavengi venyu.
11יהוה רמה ידך בל יחזיון יחזו ויבשו קנאת עם אף אש צריך תאכלם׃
12Jehovha, imwi muchatigadzirira rugare; nekuti makatibatirawo mabasa edu ose.
12יהוה תשפת שלום לנו כי גם כל מעשינו פעלת לנו׃
13Jehovha Mwari wedu, mamwe madzishe kunze kwenyu akanga akatibata; asi ticharumbidza zita renyu tichibatsirwa nemwi moga.
13יהוה אלהינו בעלונו אדנים זולתך לבד בך נזכיר שמך׃
14Vakafa havangararamizve, vaparara, havazomukizve; saka makasvika kwavari, mukavaparadza, nokugumisa kurangarirwa kwavo kose.
14מתים בל יחיו רפאים בל יקמו לכן פקדת ותשמידם ותאבד כל זכר למו׃
15Mawanza rudzi, Jehovha, mawanza rudzi; makurumbira, makurisa miganho yose yenyika.
15יספת לגוי יהוה יספת לגוי נכבדת רחקת כל קצוי ארץ׃
16Jehovha, vakakutsvakai panguva yokutambudzika; vakadurura munyengetero muchivaranga.
16יהוה בצר פקדוך צקון לחש מוסרך למו׃
17Mukadzi ane pamuviri, asvika pedo pakusununguka, sezvaanorwadziwa achichema pakurwadziwa kwake, ndizvo zvatakanga takaita pamberi penyu, Jehovha.
17כמו הרה תקריב ללדת תחיל תזעק בחבליה כן היינו מפניך יהוה׃
18Isu takanga tava nepamuviri, takanga tiri pakurwadziwa, takabereka zvinenge mhepo chete; hatina kuvigira nyika sununguro, uye vangagara panyika havana kuzvarwa.
18הרינו חלנו כמו ילדנו רוח ישועת בל נעשה ארץ ובל יפלו ישבי תבל׃
19Vakafa venyu vachararama, zvitunha zvavo zvichamuka. Mukai, muimbe, imwi mugere muguruva; nekuti dova renyu rakaita sedova rechiedza; nyika ichabudisa vakafa.
19יחיו מתיך נבלתי יקומון הקיצו ורננו שכני עפר כי טל אורת טלך וארץ רפאים תפיל׃
20Fambai vanhu vangu mupinde muimba yenyu yomukati, mupfige mikova yenyu shure kwenyu; muvande nguva duku, kusvikira kutsamwa kwapfuura.
20לך עמי בא בחדריך וסגר דלתיך בעדך חבי כמעט רגע עד יעבור זעם׃
21nekuti tarira Jehovha anobuda panzvimbo yake kurova vagere panyika nokuda kwezvivi zvavo; nyikawo ichafukura ropa rayo, ikasazofukidzazve vakaurawa vayo.
21כי הנה יהוה יצא ממקומו לפקד עון ישב הארץ עליו וגלתה הארץ את דמיה ולא תכסה עוד על הרוגיה׃