1Tarirai, mambo achabata ushe nokururama, machinda achabata achiruramisira.
1הן לצדק ימלך מלך ולשרים למשפט ישרו׃
2Munhu mumwe nomumwe achava seutiziro pamhepo, sechivando pakunaya kukuru kwemvura, senzizi dzemvura panzvimbo yakaoma, somumvuri wedombo guru panyika yafa nenyota.
2והיה איש כמחבא רוח וסתר זרם כפלגי מים בציון כצל סלע כבד בארץ עיפה׃
3Meso avanoona haangatsinzini, nzeve dzavanonzwa dzichateerera.
3ולא תשעינה עיני ראים ואזני שמעים תקשבנה׃
4moyo yavanotaura vasingarangariri zvakanaka ichanzwisisa ruzivo, marimi avanokakamira achaziva kutaura zvakanaka.
4ולבב נמהרים יבין לדעת ולשון עלגים תמהר לדבר צחות׃
5Benzi harichazonzi munhu akakudzwa, munyengeri haanganzi mukomboreri.
5לא יקרא עוד לנבל נדיב ולכילי לא יאמר שוע׃
6nekuti benzi rinotaura zvohupenzi, moyo waro unoita zvakaipa, zvaanoita zvinomhura Mwari, nokureva zvingarasha vanhu pamusoro paJehovha, zvaanorega kugutisa mweya wavane nzara, nokushaisa vane nyota chinomwiwa.
6כי נבל נבלה ידבר ולבו יעשה און לעשות חנף ולדבר אל יהוה תועה להריק נפש רעב ומשקה צמא יחסיר׃
7Mitoo yomunyengeri yakaipa; anofunga mano akaipa, kuti aparadze vanyoro namashoko enhema, kunyange anoshaiwa achitaura zvakanaka.
7וכלי כליו רעים הוא זמות יעץ לחבל ענוים באמרי שקר ובדבר אביון משפט׃
8Asi akarurama anofunga zvinhu zvakarurama; anorambira panzira yezvakarurama.
8ונדיב נדיבות יעץ והוא על נדיבות יקום׃
9Simukai, imwi vakadzi vagere zvakanaka, munzwe inzwi rangu; imwi vakunda vasine hanya, teererai kutaura kwangu.
9נשים שאננות קמנה שמענה קולי בנות בטחות האזנה אמרתי׃
10nekuti kana kwapfuura gore namazuva, muchatambudzika, imwi vasine hanya; nekuti kukohwiwa kwamazambiringa kuchakona, nguva yokuunganidza haingasviki.
10ימים על שנה תרגזנה בטחות כי כלה בציר אסף בלי יבוא׃
11Dederai, imwi vakadzi vagere zvakanaka; tambudzikai, imwi vasine hanya; zvifukurei, mubvise nguvo dzenyu, muzvisunge zviuno namakudza.
11חרדו שאננות רגזה בטחות פשטה וערה וחגורה על חלצים׃
12Vachazvirova zvipfuva nokuda kweminda yaifadza, nomuzambiringa waibereka zvakanaka.
12על שדים ספדים על שדי חמד על גפן פריה׃
13Panyika yavanhu vangu pachamera mhinzwa norukato; zvirokwazvo, pamusoro pedzimba dzose dzomufaro muguta romufaro.
13על אדמת עמי קוץ שמיר תעלה כי על כל בתי משוש קריה עליזה׃
14nekuti imba yamambo ichasiiwa, guta rina vanhu vazhinji richaita dongo; chikomo nenhare zvichashanduka mapako nokusingaperi, panofara mbizi, namafuro ezvipfuwo;
14כי ארמון נטש המון עיר עזב עפל ובחן היה בעד מערות עד עולם משוש פראים מרעה עדרים׃
15kusvikira mweya uchidururwa pamusoro pedu uchibva kumusoro, renje rikaita munda unobereka zvakanaka, nomunda unobereka zvakanaka uchinzi idondo.
15עד יערה עלינו רוח ממרום והיה מדבר לכרמל וכרמל ליער יחשב׃
16Ipapo kururamisira kuchagara murenje, kururama kuchagara mumunda unobereka zvakanaka.
16ושכן במדבר משפט וצדקה בכרמל תשב׃
17Basa rokururama richava rugare, zvibereko zvokururama zvichava kunyarara nokutenda nokusingaperi.
17והיה מעשה הצדקה שלום ועבדת הצדקה השקט ובטח עד עולם׃
18Vanhu vangu vachagara paugaro vane rugare, napadzimba dzakasimba, napanzvimbo dzokuzorora dzakadzikama.
18וישב עמי בנוה שלום ובמשכנות מבטחים ובמנוחת שאננות׃
19Asi chimvuramabwe chichavapo kana dondo richiwa, neguta richaparadzwa chose.
19וברד ברדת היער ובשפלה תשפל העיר׃
20Makaropafadzwa imwi munokusha pose panemvura, munosundira makumbo enzombe neembongoro.
20אשריכם זרעי על כל מים משלחי רגל השור והחמור׃