1Ndizvo zvinotaura Jehovha, Chengetai mutongo, muite zvakarurama; nekuti ruponeso rwangu rwava pedo kusvika, uye kururama kwangu koratidzwa.
1כה אמר יהוה שמרו משפט ועשו צדקה כי קרובה ישועתי לבוא וצדקתי להגלות׃
2Akaropafadzwa munhu anoita izvi, noMwanakomana womunhu anozvibatisisa; anochengeta sabata arege kurisvibisa , nokudzora ruoko rwake kuti arege kuita chinhu chipi nechipi chakaipa.
2אשרי אנוש יעשה זאת ובן אדם יחזיק בה שמר שבת מחללו ושמר ידו מעשות כל רע׃
3Usaregawo mwanakomana womutorwa akanamatira Jehovha, achitaura achiti, Zvirokwazvo Jehovha akandiparadzanisa navanhu vake; nowakachekwa ngaarege kuti, Tarirai, ndiri muti wakaoma.
3ואל יאמר בן הנכר הנלוה אל יהוה לאמר הבדל יבדילני יהוה מעל עמו ואל יאמר הסריס הן אני עץ יבש׃
4nekuti zvanzi naJehovha pamusoro pavakachekwa, Vanochengeta masabata angu, nokusanangura zvinondifadza, navanobatisisa sungano yangu.
4כי כה אמר יהוה לסריסים אשר ישמרו את שבתותי ובחרו באשר חפצתי ומחזיקים בבריתי׃
5Ndichavapavo mumba mangu nomukati mamasvingo angu chiyeudzo nezita rinopfuura ravanakomana navanasikana; ndichavapa zita risingaperi, risingazogurwi.
5ונתתי להם בביתי ובחומתי יד ושם טוב מבנים ומבנות שם עולם אתן לו אשר לא יכרת׃
6Navanakomana vomutorwawo vanozvisanganisa naJehovha, kuti vamushumire, nokuda zita raJehovha, kuti vave varanda vake, vose vanochengeta sabata kuti arege kurisvibisa, nokubatisisa sungano yangu;
6ובני הנכר הנלוים על יהוה לשרתו ולאהבה את שם יהוה להיות לו לעבדים כל שמר שבת מחללו ומחזיקים בבריתי׃
7naivavo ndichavauyisa kugomo rangu dzvene, nokuvafadza muimba yangu yokunyengetera; zvipiriso zvavo zvinopiswa nezvibayiro zvavo zvichagamuchirwa paaritari yangu; nekuti imba yangu ichanzi imba yokunyengetera yavanhu vose.
7והביאותים אל הר קדשי ושמחתים בבית תפלתי עולתיהם וזבחיהם לרצון על מזבחי כי ביתי בית תפלה יקרא לכל העמים׃
8Ishe Jehovha, anounganidza vakadzingwa vaIsiraeri,anoti,Ipapo ndichaunganidzazve vamwe kwaari, pamusoro pavake vakaunganidzwa.
8נאם אדני יהוה מקבץ נדחי ישראל עוד אקבץ עליו לנקבציו׃
9imwi mose zvikara zvokusango, uyai mudye, imwi mose zvikara zvokudondo.
9כל חיתו שדי אתיו לאכל כל חיתו ביער׃
10Nharirire dzake mapofu, vose havane zivo; vose imbwa mbeveve, havagoni kuhukura, dzinovata, dzinotsivama pasi, dzinofarira kutsumaira.
10צפו עורים כלם לא ידעו כלם כלבים אלמים לא יוכלו לנבח הזים שכבים אהבי לנום׃
11Zvirokwazvo, imbwa dzinokara, dzisingatongoguti; ava vafudzi, vasingagoni kunzwisisa, mumwe nomumwe wakatsaukira kunzira yake, mumwe nomumwe kufuma yake, vose-vose.
11והכלבים עזי נפש לא ידעו שבעה והמה רעים לא ידעו הבין כלם לדרכם פנו איש לבצעו מקצהו׃
12Vanoti, Uyai, ndichauya newaini, tichaguta nezvinobata, mangwana achaita sezuva ranhasi,zuva guru-guru kwazvo.
12אתיו אקחה יין ונסבאה שכר והיה כזה יום מחר גדול יתר מאד׃