1Musava vadzidzisi vazhinji, hama dzangu, muchiziva kuti tichagamuchira kutongwa kwakakura kupfuvurisa.
1אחי אל יהיו רבים מכם למורים באשר ידעתם כי בזאת נכביד עלינו את הדין׃
2Nekuti tinokanganisa tose pazvinhu zvizhinji. Kana munhu asingakanganisi pashoko, ndiye munhu wakaperedzerwa, unogona kudzora muviri wosewo.
2כי כלנו מרבים להכשל ואשר לא יכשל בדבור הוא איש תמים וביכלתו לשום רסן גם לכל גופו׃
3Tarira, tinoisa matomu mumiromo yemabhiza kuti atiteerere, tichitenderedza muviri wawo wose.
3הנה בפי הסוסים נשים את הרסן למען אשר ישמעו לנו ונהגנו בו את כל גויתם׃
4Tariraiwo zvikepe, izvo kunyange zviri zvikuru zvakadai zvichitinhwa nemhepo dzinotyisa, zvinodzorwa nechidzoreso chiduku duku kose-kose kune chishuwo chemufambisi.
4והנה האניות אף כי גדלות הנה ורוחות קשות יהדפום ינהג אתן משוט קטן אל כל אשר יחפץ החבל כן גם הלשון אבר קטן היא וגדלות תדבר׃
5Kunyange rurimi mutezo muduku wakadaro, uye rwunozvirumbidza zvikuru. Tarirai moto muduku unotungidza huni zhinji sei!
5ראה מה גדול היער ואש קטנה תבעירנו גם הלשון אש היא עולם מלא עולה׃
6Nerurimi moto, nyika izere nekuipa; ndizvo zvakaita rurimi pakati pemitezo yedu, kuti runosvibisa muviri wose, nekutungidza nzira yose yeupenyu, uye rwunotungidzwa negehena.
6כן הלשון נצבת בין אברינו המגאלת את כל הגוף ומלהטת את גלגל הויתנו והיא להוטה באש גיהנם׃
7Nekuti marudzi ose emhuka, neeshiri, neezvose zvinokambaira, neezvinhu zviri mugungwa angapingudzwa, uye anopingudzwa nechimiro chevanhu;
7כי מין כל בהמה ועוף ורמש וחיות הים יכבש ונכבשים הם על ידי מין האדם׃
8asi hakuna munhu ungapingudza rurimi; rwakaipa, rwunoshanduka-shanduka, rwuzere nechepfu inouraya.
8אבל הלשון אין אדם יכל לכבשה אין מעצור לרעה הזאת וסם המות מלאה׃
9Narwo tinorumbidza Mwari ivo Baba, narwo tinotuka vanhu, ivo vakaitwa nemufananidzo waMwari;
9בה נברך את האלהים אבינו ובה נקלל את האנשים העשוים בצלם אלהים׃
10mumuromo mumwewo munobva kurumbidza nekutuka. Hama dzangu, ngazviitike saizvozvo.
10מפה אחד יצאת ברכה וקללה וכן לא יעשה אחי׃
11Chitubu chinobudisa pamuromo umwe mvura inonaka neinovava here?
11היביע המעין מתוקים ומרים ממוצא אחד׃
12Ko, hama dzangu, muvonde ungabereka maorivhi here, kana muzambiringa maonde? Saizvozvo chutubu hachibudisi mvura inovava neinonaka.
12אחי היוכל עץ התאנה להוציא זיתים או התוכל הגפן להוציא תאנים כן גם מעין אחד לא יוכל נבע מים מלוחים ומתוקים׃
13Ndiani wakachenjera newakangwara pakati penyu? Ngaaratidze nemufambiro wakanaka mabasa ake neunyoro hweuchenjeri.
13מי בכם חכם ונבון יראה בדרכו הטובה את מעשיו בענות החכמה׃
14Asi kana mune godo rinovava norukave mumoyo yenyu, musazvirumbidza nekurevera chokwadi nhema.
14ואם קנאה מרה ומריבה בלבבכם אל תתהללו ואל תשקרו באמת׃
15Kuchenjera uku hakuburuki kuchibva kumusoro, asi ndokwenyika, kwechisikirwo, kweudhimoni.
15אין זאת החכמה הירדת ממעל כי אם חכמת אדמה היא וחכמת היצר והשדים׃
16Nekuti pane godo nerukave, ndipo pane nyongano nebasa rose rakaipa.
16כי במקום קנאה ומריבה שם מהומה וכל מעשה רע׃
17Asi uchenjeri hwunobva kumusoro pakutanga hwakachena, kozouya kuva nerugare, kunyorova, kuteerera, kuzara netsitsi nezvibereko zvakanaka, hwusina kutsaura, hwusina kunyengera.
17אבל החכמה אשר ממעל בראשונה צנועה היא אף אהבת שלום ומכרעת לכף זכות ואיננה עמדת על דעתה ומלאה רחמים ופרי טוב בלא לב ולב ובלי חנפה׃
18Uye chibereko chekururama chinodzwarwa murugare kune vanoita rugare.
18ופרי הצדקה בשלום יזרע לעשי השלום׃