Shona

Hebrew: Modern

John

10

1Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Usingapindi napamukova mudanga remakwai, asi unokwira nekumwe, ndiye mbavha negororo.
1אמן אמן אני אמר לכם איש אשר לא יבוא דרך השער אל מכלא הצאן כי אם יעלה בדרך אחר גנב ופריץ הוא׃
2Zvino unopinda nepamukova mufudzi wemakwai.
2ואשר יבוא דרך השער הוא רעה הצאן׃
3Murindi wemukova unomuzarurira, nemakwai anonzwa inzwi rake, uye unodana makwai ake nezita, nekuatungamirira kunze.
3לו יפתח שמר הסף והצאן את קלו תשמענה והוא לצאנו בשם יקרא ויוציאם׃
4Uye kana abudisa makwai ake, unoatungamirira; nemakwai anomutevera, nekuti anoziva inzwi rake.
4ואחרי הוציאו את צאנו הוא יעבר לפניהן והצאן הלכות אחריו כי ידעו את קולו׃
5Asi mweni haangatongomuteveri, asi anomutiza; nekuti haazivi inzwi revaeni.
5ואחרי זר לא תלכנה כי אם ינוסו מפניו כי את קול הזרים לא ידעו׃
6Jesu wakareva dimikira iri kwavari; asi ivo havana kunzwisisa, kuti zvinhui zvaakataura kwavari.
6המשל הזה דבר ישוע באזניהם והמה לא ידעו מה זאת אשר אמר אליהם׃
7Zvino Jesu akati kwavarizve: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Ini ndiri mukova wemakwai;
7ויוסף ישוע וידבר אליהם אמן אמן אני אמר לכם אני הוא דלת הצאן׃
8vose vakanditangira kuuya imbavha nemakororo, asi makwai haana kuvanzwa.
8כל אשר באו לפני גנבים המה ופריצים והצאן לא שמעו לקולם׃
9Ini ndiri mukova; kana munhu achipinda neni, uchaponeswa, uchapinda nekubuda, nekuwana mafuro.
9אנכי הדלת איש כי יבוא בי יושע ובצאתו ובבואו ימצא מרעה׃
10Mbavha haiuyi asi kungozoba nekuuraya nekuparadza; ini ndakauya, kuti vave neupenyu, uye vave nezvinopfachukira.
10הגנב לא יבוא כי אם לגנוב ולהרוג ולאבד ואני באתי לבעבור הביא להם חיים ומלא ספקם׃
11Ini ndiri mufudzi wakanaka. Mufudzi wakanaka unoradzikira pasi makwai ake upenyu hwake.
11אנכי הוא הרעה הטוב הרעה הטוב יתן את נפשו בעד צאנו׃
12Asi muricho, usati ari mufudzi, makwai asati ari ake pachake, unoona bumhi richiuya, akasiya makwai, ndokutiza; bumhi rinoabata, nekuparadzira makwai.
12והשכיר אשר לא רעה הוא והצאן לא לו הנה בראותו כי בא הזאב יעזב את הצאן ונס והזאב יחטף ויפיץ את הצאן׃
13Muricho unotiza nekuti muricho, uye haana hanya nemakwai.
13השכיר ינוס כי שכיר הוא ולא ידאג לצאן׃
14Ini ndiri mufudzi wakanaka, uye ndinoziva angu, ndinozikamwa neangu,
14אני הרעה הטוב וידעתי את אשר לי ונודעתי לאשר לי׃
15Baba sezvavanondiziva, saizvozvo neni ndinoziva Baba; zvino ndinoradzikira pasi makwai upenyu hwangu.
15כאשר האב ידעני ואני ידעתי את האב ואת נפשי אתן בעד הצאן׃
16Nemamwe makwai ndinawo, asati ari edanga rino. Naiwo ndinofanira kuuya nawo, achanzwa inzwi rangu; uye rive boka rimwe mufudzi umwe.
16וצאן אחרות יש לי אשר אינן מן המכלה הזאת ועלי לנהל גם אתן ותשמענה קולי והיה עדר אחד ורעה אחד׃
17Nekuda kwaizvozvo Baba vanondida, nekuti ini ndinoradzika upenyu hwangu pasi, kuti ndihwutorezve.
17על כן אהב אתי אבי כי את נפשי אתן למען אשוב ואקחה׃
18Hakuna ungahwutora kubva kwandiri, asi ini ndinohwuradzika pasi pachangu. Simba ndinaro rekuhwuradzika pasi, uye simba ndinaro rekuhwutorazve. Uyu murairo ndakaugamuchira kuna Baba vangu.
18ואיש לא יקחנה מאתי כי אם אני מעצמי אתננה יש בידי לתת אתה ובידי לשוב לקחתה את המצוה הזאת לקחתי מעם אבי׃
19Naizvozvo kukavapozve kupesana pakati pevaJudha nekuda kwemashoko awa.
19ותהי מחלקת גם בפעם הזאת בין היהודים על הדברים האלה׃
20Vazhinji vavo vakati: Une dhimoni uye unopenga; munomuteererei?
20ויאמרו רבים מהם שד בו ומשגע הוא למה תשמעו אליו׃
21Vamwe vakati: Mashoko awa haasi eune dhimoni; ko dhimoni ringagona kusvinudza meso emapofu here?
21ואחרים אמרו לא כאלה ידבר איש אחוז שד היוכל שד לפקח עיני עורים׃
22Zvino paiva nemutambo wekuvandudza paJerusarema, chaiva chando;
22ויהי חג חנכת הבית בירושלים וסתיו היה׃
23Jesu ndokufamba-famba mutembere muberere raSoromoni.
23ויתהלך ישוע במקדש באולם של שלמה׃
24Zvino vaJudha vakamukomba, vakati kwaari: Kusvikira rinhi uchigara wakaremberedza mweya yedu? Kana uri Kristu iwe, tiudze pachena.
24ויסבו אתו היהודים ויאמרו אליו עד אנה תתלה את נפשנו את המשיח אתה הגידה לנו ברור׃
25Jesu akavapindura akati: Ndakakuudzai, asi hamuna kutenda; mabasa andinoita ini muzita raBaba vangu ndiwo anopupura nezvangu;
25ויען אתם ישוע הן אמרתי אליכם ולא האמנתם בי המעשים אשר אני עשה בשם אבי הם יעידו עלי׃
26asi imwi hamutendi; nekuti hamusi vemakwai angu, sezvandakareva kwamuri.
26אבל אתם לא תאמינו יען לא מצאני אתם כאשר אמרתי לכם׃
27Makwai angu anonzwa inzwi rangu, neni ndinoaziva, uye anonditevera;
27צאני תשמענה את קולי ואני ידעתין ואחרי תלכנה׃
28uye ini ndinoapa upenyu hwusingaperi; uye haachatongoparari nekusingaperi, uye hakuna uchaabvuta muruoko rwangu.
28ואני אתן להן חיי עולמים ולא תאבדנה לנצח ואיש לא יחטף אתהן מידי׃
29Baba vangu vakandipa iwo vakuru kune vose; uye hakuna unogona kuabvuta muruoko rwaBaba vangu.
29האב אשר נתנן לי גדול הוא על כל ואיש לא יחטף אתהן מיד האב׃
30Ini naBaba tiri umwe.
30אני ואבי אחד אנחנו׃
31Naizvozvo vaJudha vakanongazve mabwe, kuti vamutake.
31אז ירימו היהודים כפעם בפעם אבנים לסקלו׃
32Jesu akavapindura akati: Ndakakuratidzai mabasa mazhinji akanaka kubva kuna Baba vangu; nderipi remabasa awa ramunonditakira?
32ויען אתם ישוע מעשים טובים רבים הראיתי אתכם מאת אבי על אי זה מן המעשים ההם תסקלני׃
33VaJudha vakamupindura vachiti: Hatikutakiri basa rakanaka, asi kunyomba; uye nekuti iwe uri munhu unozviita Mwari.
33ויענו היהודים אתו לאמר על מעשה טוב לא נסקל אתך כי אם על גדפך את אלהים ועל כי אדם אתה ותעש את עצמך לאלהים׃
34Jesu akavapindura akati: Hazvina kunyorwa here mumurairo wenyu, zvichinzi: Ini ndakati: Muri vamwari?
34ויען אתם ישוע הלא כתוב בתורתכם אני אמרתי אלהים אתם׃
35Kana akavaidza vamwari, ivo shoko raMwari rakasvika kwavari, uye rugwaro harwugoni kuputswa;
35הן קרא שם אלהים לאלה אשר היה דבר האלהים אליהם והכתוב לא יופר׃
36imwi munoti kune uyo Baba vakamuita mutsvene vakamutuma panyika: Unonyomba, nekuti ndati: Ndiri Mwanakomana waMwari?
36ואיך תאמרו על אשר קדשו האב ושלחו לעולם מגדף אתה יען אמרתי בן אלהים אני׃
37Kana ndisingaiti mabasa aBaba vangu, musanditenda.
37אם לא אעשה את מעשי אבי אל תאמינו לי׃
38Asi kana ndichiaita, kunyange musingatendi ini, tendai mabasa; kuti muzive nekutenda kuti Baba vari mandiri, neni mavari.
38ואם עשיתי ולא תאמינו לי האמינו נא למעשי למען תדעו ותאמינו כי בי האב ואני בו׃
39Zvino vakatsvakazve kumubata; asi wakabuda paruoko rwavo.
39אז ישובו ויבקשו לתפשו וימלט מידם׃
40Zvino akaendazve mhiri kwaJoridhani kunzvimbo Johwani kwaaibhabhatidza pakutanga; ndokugarapo.
40וילך וישב אל עבר הירדן אל המקום אשר הטביל שם יוחנן בתחלה וישב שם׃
41Zvino vazhinji vakauya kwaari vakati: Johwani haana kuita chiratidzo, asi chose chakareva Johwani pamusoro peuyu chaiva chokwadi.
41ויבאו אליו רבים ויאמרו הנה יוחנן לא עשה אות אבל כל אשר דבר יוחנן על האיש הזה אמת היה׃
42Vazhinji ndokutenda kwaari ipapo.
42ויאמינו בו רבים במקום ההוא׃