1Zvino mazuva matanhatu pasika isati yasvika Jesu wakasvika Bhetaniya, paiva naRazaro wakange afa, waakamutsa kuvakafa.
1וששת ימים לפני חג הפסח בא ישוע לבית היני מקום לעזר אשר העיר אתו מעם המתים׃
2Naizvozvo vakamuitira chirayiro ipapo, uye Marita waishandira; naRazaro wakange ari umwe wevakange vagere naye pakudya.
2ויעשו לו שם משתה בערב ומרתא משרתת ולעזר היה אחד מן המסבים אתו׃
3Zvino Maria akatora paundi* yemafuta enadhi* omene, ane mutengo mukuru, akazodza tsoka dzaJesu, akapusika tsoka dzake nevhudzi rake; imba ikazadzwa nekunhuhwira kwemafuta.
3ותקח מרים מרקחת נרד זך ויקר מאד לטרא אחת משקלה ותמשח בה את רגלי ישוע ותנגב את רגליו בשערותיה והבית ימלא ריח המרקחת׃
4Naizvozvo umwe wevadzidzi vake, Judhasi Isikariyoti waSimoni wakange achazomutengesa, akati:
4ויאמר אחד מתלמידיו הוא יהודה בן שמעון איש קריות העתיד למסרו׃
5Mafuta awa aregerei kutengeswa nemadhenari* mazana matatu, akapiwa varombo?
5מדוע לא נמכרה המרקחת בשלש מאות דינר ונתן לעניים׃
6Wakarevawo izvi, kwete kuti wakava nehanya nevarombo, asi nekuti waiva mbavha, uye waiva nechikwama, achitakura zvaiiswamo.
6והוא לא דבר את זאת מחמלתו על העניים כי אם גנב היה וכיס הכסף אתו וישא כל אשר ישימו בו׃
7Naizvozvo Jesu wakati: Muregei; wamachengetedzera zuva rekuvigwa kwangu.
7ויאמר ישוע הניחה לה ליום קבורתי צפנה זאת׃
8Nekuti varombo munavo nguva dzose, asi ini hamuneni nguva dzose.
8כי העניים תמיד המה עמכם ואני אינני תמיד עמכם׃
9Naizvozvo chaunga chikuru chevaJudha chakaziva kuti uripo; ndokuuya kwete nekuda kwaJesu chete, asi kuti vaonewo Razaro, waakange amutsa kuvakafa.
9וישמעו עם רב ביהודה כי שם הוא ויבאו לא בעבור ישוע לבדו כי אם לראות גם את לעזר אשר העירו מעם המתים׃
10Asi vapristi vakuru vakarangana kuti vauraye Razarowo;
10וראשי הכהנים התיעצו להרג גם את לעזר׃
11nekuti nekuda kwake vazhinji vevaJudha vaibva, vachitenda kuna Jesu.
11כי בגללו באו שמה רבים מן היהודים ויאמינו בישוע׃
12Chifume chaunga chikuru chakange chauya kumutambo, chakati chanzwa kuti Jesu unouya kuJerusarema,
12ויהי ממחרת כשמוע המון רב אשר באו לחג החג כי יבא ישוע ירושלים׃
13vakatora matavi emichindwe, vakabuda kunomuchingamidza, vakadanidzira vachiti: Hosana*! Wakaropafadzwa unouya muzita raIshe, Mambo waIsraeri.
13ויקחו בידם כפות תמרים ויצאו לקראתו ויריעו לאמר הושע נא ברוך הבא בשם יהוה מלך ישראל׃
14Zvino Jesu awana dhongwana, akagara pamusoro paro, sezvazvakanyorwa zvichinzi:
14וימצא ישוע עיר אחד וירכב עליו כאשר כתוב׃
15Usatya, mukunda weZiyoni; tarira, Mambo wako unouya, agere pamusoro pedhongwana redhongi.
15אל תיראי בת ציון הנה מלכך יבוא לך רכב על עיר בן אתנות׃
16Vadzidzi vake havana kunzwisisa zvinhu izvi pakutanga; asi Jesu wakati akudzwa, ipapo vakazorangarira kuti zvinhu izvi zvakange zvakanyorwa pamusoro pake, uye vakange vamuitira zvinhu izvi.
16וכל זאת לא הבינו תלמידיו בראשונה אך אחרי אשר נתפאר ישוע זכרו כי כן כתוב עליו וכי זאת עשו לו׃
17Naizvozvo chaunga chaiva naye paakadana Razaro kuti abude muguva, nekumumutsa kuvakafa, chakapupura.
17ויעידו העם אשר היו אצלו בקראו אל לעזר לצאת מן הקבר ויער אתו מעם המתים׃
18Saka chaunga chakamuchingamidzavo, nekuti vakange vanzwa kuti wakaita chiratidzo ichochi.
18על זאת גם המון העם יצא לקראתו על שמעם כי עשה האות הזה׃
19Naizvozvo vaFarisi vakataurirana, vachiti: Munoona kuti hamubatsiri chinhu; tarirai nyika inomutevera.
19והפרושים דברו איש את אחיו לאמר הראיתם כי הועיל לא תועילו מאומה הנה כל העולם נמשך אחריו׃
20Zvino kwaiva nevamwe vaGiriki pakati pevakange vakwira kunoshumira kumutambo;
20ובתוך העלים להשתחות בחג היו אנשים יונים׃
21ndivo vakauya kuna Firipi weBhetisaidha reGarirea, vakamukumbira vachiti: Ishe, tinoda kuona Jesu.
21ויקרבו אל פילפוס איש בית צידה אשר בארץ הגליל וישאלו ממנו לאמר אדני לראות את ישוע חפצנו׃
22Firipi akasvika akaudza Andiriyasi; uye Andiriyasi naFiripi vakaudzazve Jesu.
22ויבא פילפוס ויגד זאת אל אנדרי ואנדרי ופילפוס הגידו אל ישוע׃
23Jesu ndokuvapindura achiti: Awa rasvika rekuti Mwanakomana wemunhu akudzwe.
23ויען אותם ישוע ויאמר באה השעה שיפאר בן האדם׃
24Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kunze kwekuti tsanga yegorosi yawira muvhu ikafa, iyo inogara iri yoga; asi kana ikafa, inobereka chibereko chakawanda.
24אמן אמן אני אמר לכם אם לא יפל גרגר החטא אל תוך האדמה ומת ישאר לבדו וכאשר מת יעשה פרי הרבה׃
25Uyo unoda upenyu hwake ucharashikirwa nahwo; neunovenga upenyu hwake panyika ino uchahwuchengetedza kusvikira kuupenyu hwusingaperi.
25האהב את נפשו יאבדנה והשנא את נפשו בעולם הזה ינצרה לחיי נצח׃
26Kana munhu achindishandira, ngaanditevere; nepandiri ini, uchavapowo muranda wangu. Uye kana munhu achindishandira, Baba vachamukudza.
26החפץ לשרתני ילך אחרי ובאשר אהיה שם יהיה גם משרתי ואיש אשר ישרתני אתו יכבד אבי׃
27Ikozvino mweya wangu unotambudzika; zvino ndichatiyi? Baba, ndiponesei paawa rino. Asi nekuda kweizvi, ndasvika paawa rino.
27עתה נבהלה נפשי ומה אמר הושיעני אבי מן השעה הזאת אך על כן באתי אל השעה הזאת׃
28Baba, rumbidzai zita renyu. Naizvozvo inzwi rakauya richibva kudenga, richiti: Ndatorikudza, uye ndicharikudzazve.
28אבי פאר את שמך ותצא בת קול מן השמים גם פארתי וגם אוסיף לפאר׃
29Naizvozvo chaunga chakange chimire chichizvinzwa chakati: Kwatinhira. Vamwe vakati: Mutumwa wataura naye.
29והעם העמדים שמה כשמעם אמרו רעם נשמע ואחרים אמרו מלאך דבר אתו׃
30Jesu akapindura akati: Inzwi iri harina kuuya nekuda kwangu, asi nekuda kwenyu.
30ויען ישוע ויאמר לא למעני היה הקול הזה כי אם למענכם׃
31Ikozvino pane mutongo wenyika ino; zvino mutungamiriri wenyika ino uchadzingirwa panze.
31עתה משפט בא על העולם הזה עתה ישלך שר העולם הזה חוצה׃
32Neni, kana ndasimudzwa panyika, ndichakwevera vose kwandiri.
32ואני בהנשאי מעל הארץ אמשך כלם אלי׃
33Wakarevawo izvi achiratidza kuti waizofa nerufu rwakadini.
33וזאת דבר לרמוז אי זה מות הוא עתיד למות׃
34Chaunga chakamupindura chichiti: Isu takanzwa pamurairo kuti Kristu uchagara nekusingaperi; zvino imwi moreva sei kuti: Mwanakomana wemunhu unofanira kusimudzwa? Ndiani uyu Mwanakomana wemunhu?
34ויענו אתו העם ויאמרו הנה שמענו בתורה כי המשיח יכון לעולם ואיך אמרת כי בן האדם צריך להנשא ומי בן האדם הלזה׃
35Naizvozvo Jesu wakati kwavari: Pachine chinguvana chiedza chichinemwi. Fambai muchine chiedza, zvimwe rima ringakukundai; uye unofamba murima haazivi kwaanoenda.
35ויאמר אליהם ישוע אך למצער יהיה האור עמכם התהלכו בעוד לכם האור פן ישופכם חשך וההלך בחשך לא ידע אנה הוא הלך׃
36Muchine chiedza, tendai kuchiedza, kuti muve vana vechiedza. Jesu wakareva zvinhu izvi, akabva, akazvivanza kwavari.
36בעוד לכם האור האמינו באור למען תהיו בני האור את הדברים האלה דבר ישוע וילך לו ויסתר מפניהם׃
37Kunyange akange aita zviratidzo zvizhinji kudai pamberi pavo, havana kutenda kwaari;
37רבים האתות אשר עשה לעיניהם ובכל זאת לא האמינו בו׃
38kuti shoko raIsaya muporofita rizadziswe, raakareva achiti: Ishe, ndiani wakatenda mharidzo yedu? Neruoko rwaIshe rwakazarurirwa kuna ani?
38למלאת דבר ישעיהו הנביא אשר אמר יהוה מי האמין לשמעתנו וזרוע יהוה על מי נגלתה׃
39Naizvozvo vakange vasingagoni kutenda, nekuti Isaya wakatizve:
39על כן לא יכלו להאמין כי עוד אמר ישעיהו׃
40Wakapofumadza meso avo, akawomesa moyo wavo; kuti varege kuona nemeso kana kunzwisisa nemoyo, vagotendeuka, ndigovaporesa.
40השע עיניהם והשמין לבבם פן יראו בעיניהם ולבבם יבין ושבו ורפאתי להם׃
41Isaya wakareva zvinhu izvi, paakaona kubwinya kwake, ndokutaura pamusoro pake.
41כזאת דבר ישעיהו בראותו את תפארתו וינבא עליו׃
42Asi kunyange zvakadaro, vazhinji vevatongiwo vakatenda kwaari; asi nekuda kwevaFarisi vakange vasingabvumi, kuti varege kubudiswa musinagoge;
42אולם רבים אף מן השרים האמינו בו אך בגלל הפרושים לא הודו למען אשר לא ינדו׃
43nekuti vakada rukudzo rwevanhu kupfuura rukudzo rwaMwari.
43כי אהבו כבוד אנשים יותר מכבוד האלהים׃
44Zvino Jesu wakadanidzira akati: Unotenda kwandiri, haatendi kwandiri, asi kune wakandituma.
44ויקרא ישוע ויאמר המאמין בי לא בי הוא מאמין כי אם בשלח אתי׃
45Neunoona ini, unoona wakandituma.
45והראה אתי את אשר שלחני הוא ראה׃
46Ini ndakauya ndiri chiedza panyika, kuti ani nani unotenda kwandiri arege kugara murima.
46אני באתי לאור אל העולם למען כל אשר יאמין בי לא ישב בחשך׃
47Uye kana ani nani achinzwa mashoko angu akasatenda, handimutongi ini; nekuti handina kuuya kuti nditonge nyika, asi kuti ndiponese nyika.
47והשמע את דברי ולא ישמרם אני לא אשפט אתו כי לא באתי לשפט את העולם כי אם להושיע את העולם׃
48Uyo unondiramba asingagamuchiri mashoko angu, une umwe unomutonga; shoko randakareva, ndiro richamutonga nezuva rekupedzisira.
48ואיש אשר יבזני ולא יקח אמרי יש אחד אשר ידין אתו הדבר אשר דברתי הוא ידין אתו ביום האחרון׃
49Nekuti ini handina kureva zvemusoro wangu, asi Baba vakandituma, ndivo vakandipa murairo, zvandichareva nezvandichataura.
49כי אני לא מלבי דברתי כי אם אבי השלח אתי הוא צוני את אשר אמר ואת אשר אדבר׃
50Uye ndinoziva kuti murairo wavo upenyu hwusingaperi; naizvozvo ini zvandinotaura, saBaba zvavakataura kwandiri, saizvozvo ndinotaura.
50ואני ידעתי כי מצותו חיי עולם לכן כל אשר אדבר כאשר אמר אלי אבי כן אני מדבר׃