1Naizvozvo ipapo Pirato wakatora Jesu, akamurova netyava.
1אז לקח פילטוס את ישוע וייסרהו בשוטים׃
2Zvino mauto akaruka korona yemhinzwa akaisa pamusoro wake, ndokumupfekedza nguvo dzine ruvara rwehute.
2וישרגו אנשי הצבא עטרת קצים וישימו אתו על ראשו ויעטהו לבוש ארגמן׃
3Vakati: Hekanhi, Mambo wevaJudha! Ndokumurova nembama.
3ויאמרו שלום לך מלך היהודים ויכהו על הלחי׃
4Naizvozvo Pirato akabudazve panze, ndokuti kwavari: Tarirai, ndinomubudisira kwamuri, kuti muzive kuti handiwani mhosva maari.
4ויצא פילטוס עוד החוצה ויאמר אליהם הנני מוציא אתו אליכם למען תדעו כי לא מצאתי בו כל עון׃
5Naizvozvo Jesu wakabuda panze, akapfeka korona yemhinzwa, nenguvo ine ruvara rwehute. Pirato ndokuti kwavari: Tarirai munhu uyu!
5וישוע יצא החוץ ועליו עטרת הקצים ולבוש הארגמן ויאמר אליהם פילטוס הנה האדם׃
6Naizvozvo vapristi vakuru nemapurisa pavakamuona, vakadanidzira vachiti: Roverera pamuchinjikwa, roverera pamuchinjikwa! Pirato akati kwavari: Mutorei imwi, muroverere pamuchinjikwa; nekuti ini handiwani mhosva kwaari.
6ויהי כאשר ראהו הכהנים הגדולים והמשרתים ויצעקו לאמר הצלב הצלב ויאמר אליהם פילטוס קחהו אתם והצליבהו כי אנכי לא מצאתי בו אשמה׃
7VaJudha vakamupindura vakati: Isu tine murairo, uye nemurairo wedu unofanira kufa, nekuti wakazviita Mwanakomana waMwari.
7ויענו היהודים תורה יש לנו ועל פי תורתנו חיב מות הוא כי עשה עצמו לבן אלהים׃
8Naizvozvo Pirato paakanzwa shoko iro, wakanyanya kutya.
8ויהי כשמע פילטוס את הדבר הזה ויאסף לרא עוד׃
9Akapindazve mumba memutungamiriri, ndokuti kuna Jesu: Unobvepi iwe? Asi Jesu haana kumupa mhinduro.
9וישב ויבא אל בית המשפט ויאמר אל ישוע מאין אתה ולא השיבו ישוע דבר׃
10Pirato akati kwaari: Hautauri neni here? Hauzivi here kuti ndine simba rekukuroverera pamuchinjikwa uye ndine simba rekukusunungura?
10ויאמר אליו פילטוס אלי לא תדבר הלא ידעת כי יש לאל ידי לצלבך ויש לאל ידי לשלחך׃
11Jesu akapindura akati: Haungatongovi nesimba pamusoro pangu, dai usina kuripiwa kubva kumusoro; naizvozvo unondikumikidza kwauri une chivi chikuru.
11ויען ישוע לא היתה לך רשות עלי לולא נתן לך מלמעלה לכן עון המסגיר אתי אליך גדול מעונך׃
12Kubva ipapo Pirato akatsvaka kumusunungura. Asi vaJudha vakadanidzira, vachiti: Kana mukasunungura uyu, hamusi shamwari yaKesari; umwe neumwe unozviita mambo, unopikisana naKesari.
12אז יבקש פילטוס לשלחו והיהודים צעקו ויאמרו אם תשלח את זה אינך אהב לקיסר כי כל המתנשא להיות מלך מרד הוא בקיסר׃
13Naizvozvo Pirato anzwa shoko iri wakabudisa Jesu panze, akagara pachigaro chekutonga, panzvimbo inonzi Pakarongwa neMambwe, asi nechiHebheru Gabhata.
13ויהי כשמע פילטוס את הדבר הזה הוציא את ישוע החוצה וישב על כסא המשפט במקום הנקרא בשם רצפה ובלשונם גבתא׃
14Zvino raiva gadziriro repasika, uye raiva awa rinenge rechitanhatu; ndokuti kuvaJudha: Tarirai Mambo wenyu!
14ואז היתה הכנת הפסח והשעה כשעה הששית ויאמר אל היהודים הנה מלככם והם צעקו טול טול צלב אתו׃
15Asi vakadanidzira vachiti: Bvisai, bvisai, murovererei pamuchinjikwa! Pirato akati kwavari: Ndoroverera pamuchinjikwa mambo wenyu here? Vapristi vakuru vakapindura vachiti: Hatina mambo kunze kwaKesari.
15ויאמר אליהם פילטוס הצלב אצלב את מלככם ויענו ראשי הכהנים אין לנו מלך כי אם הקיסר׃
16Naizvozvo ipapo akamukumikidza kwavari, kuti arovererwe pamuchinjikwa. Zvino vakatora Jesu vakamutinha.
16אז מסרו אליהם להצליבו ויקחו את ישוע ויוליכהו׃
17Zvino wakatakura muchinjikwa wake akabuda akaenda kunzvimbo yainzi yeDehenya, ichinzi nechiHebheru Gorogota;
17וישא את צלבו ויצא אל המקום הנקרא מקום הגלגלת ובלשונם גלגלתא׃
18pevakamuroverera pamuchinjikwa nevamwe vaviri naye, parutivi neparutivi, naJesu pakati.
18ויצלבו אתו שמה ושני אנשים אחרים עמו מזה אחד ומזה אחד וישוע בתוך׃
19Pirato ndokunyorawo chiziviso akaisa pamuchinjikwa; chakange chakanyorwa kuti: JESU MUNAZARETA MAMBO WEVAJUDHA.
19ופילטוס כתב על לוח וישם על הצלב וזה מכתבו ישוע הנצרי מלך היהודים׃
20Naizvozvo vazhinji vevaJudha vakaverenga chiziviso ichi; nekuti nzvimbo pakange pakarovererwa Jesu pamuchinjikwa yaiva pedo neguta; uye pakange pakanyorwa nechiHebheru, nechiRoma, nechiGiriki.
20ויהודים רבים קראו את המכתב הזה כי המקום אשר נצלב שם ישוע היה קרוב אל העיר והמכתב היה בלשון עבר יון ורומי׃
21Naizvozvo vapristi vakuru vevaJudha vakati kuna Pirato: Musanyora muchiti: Mambo wevaJudha; asi kuti uyu wakati: Ndiri mambo wevaJudha.
21ויאמרו ראשי כהני היהודים אל פילטוס אל נא תכתב מלך היהודים כי אם אשר אמר אני מלך היהודים׃
22Pirato akapindura akati: Zvandanyora, ndanyora.
22ויען פילטוס ויאמר את אשר כתבתי כתבתי׃
23Naizvozvo mauto akati aroverera Jesu pamuchinjikwa, akatora nguvo dzake, akaita migove mina, kumuuto umwe neumwe mugove; nenguvo yepasi; asi shati iyi yakange isina musono, yakange yakarukwa yose kubva kumusoro.
23ויהי כאשר צלבו אנשי הצבא את ישוע ויקחו את בגדיו ויחלקום לארבעה חלקים לאיש איש חלק אחד וגם את כתנתו והכתנת לא היתה תפורה כי אם מעשה ארג מלמעלה ועד קצה׃
24Naizvozvo vakataurirana vachiti: Ngatirege kuibvarura, asi tiikandire mijenya, kuti ichava yaani; kuti rugwaro ruzadziswe rwunoti: Vakagovana nguvo dzangu pakati pavo, vakakandawo mujenya pamusoro pechokufuka changu. Naizvozvo mauto akaita zvinhu izvi.
24ויאמרו איש אל אחיו אל נא נקרעה לקרעים אך נפיל עליה גורל למי תהיה למלאת דבר הכתוב יחלקו בגדי להם ועל לבושי יפילו גורל ויעשו כן אנשי הצבא׃
25Zvino pamuchinjikwa waJesu pakange pamire mai vake, nemunin'ina wamai vake, Maria mukadzi waKiropasi, naMaria Magidharini.
25ועל יד צלב ישוע עמדו אמו ואחות אמו מרים אשת קלופס ומרים המגדלית׃
26Naizvozvo Jesu wakati achiona mai vake, nemudzidzi waaida amirepo, akati kuna mai vake: Mukadzi, tarira mwanakomana wako.
26וירא ישוע את אמו ואת תלמידו אשר אהב עמדים אצלו ויאמר אל אמו אשה הנה זה בנך׃
27Shure kweizvozvo wakati kumudzidzi: Tarira mai vako. Zvino kubva paawa iro mudzidzi wakavatora akavaisa kumba kwake.
27ואחר אמר אל תלמידו הנה זאת אמך ומן השעה ההיא אסף אתה התלמיד אל ביתו׃
28Shure kwaizvozvi, Jesu achiziva kuti zvinhu zvose zvatopedzwa, kuti rugwaro rwuzadziswe, akati: Ndine nyota.
28ויהי מאחרי כן כאשר ידע ישוע כי עתה זה כלה הכל למען ימלא הכתוב כלו אמר צמאתי׃
29Zvino pakange pakagadzikwa hari izere nevhiniga; zvino vakazadza chipanje nevhiniga vakaisa parutanda rwehisopi*, vakaisa kumuromo wake.
29ושם כלי מלא חמץ ויטבלו ספוג בחמץ וישימהו על אזוב ויקריבהו אל פיו׃
30Naizvozvo Jesu agamuchira vhiniga, wakati: Zvapedzwa! Akakotamisa musoro, akapa Mweya wake.
30ויקח ישוע את החמץ ויאמר כלה ויט את ראשו ויפקד את רוחו׃
31Naizvozvo vaJudha nekuti rakange riri gadziriro, kuti mitumbi isagara pamuchinjikwa nesabata (nekuti zuva resabata iro raiva guru), vakakumbira Pirato kuti makumbo avo avhuniwe, uye vabviswe.
31ולמען לא תשארנה הגויות על הצלב ביום השבת כי ערב שבת היה וגדול יום השבת ההוא שאלו היהודים מן פילטוס לשבר את שוקיהם ולהוריד אתם׃
32Naizvozvo mauto akauya, akavhuna makumbo ewokutanga, neeumwe wakange arovererwa pamuchinjikwa pamwe naye;
32ויבאו אנשי הצבא וישברו את שוקי הראשון והשני הנצלבים עמו׃
33asi vasvika kuna Jesu, pavakaona kuti watofa, havana kuvhuna makumbo ake;
33ויבאו אל ישוע ובראתם כי כבר מת לא שברו את שוקיו׃
34asi umwe wemauto wakabaya rutivi rwake nepfumo, pakarepo kukabuda ropa nemvura.
34אך אחד מאנשי הצבא דקר בחנית את צדו וכרגע יצא דם ומים׃
35Uye iye wakaona wakapupura, uye kupupura kwake ichokwadi; uye iye unoziva kuti unoreva chokwadzi, kuti imwi mutende.
35והראה זאת העיד ועדותו נאמנה והוא יודע כי האמת יגיד למען גם אתם תאמינו׃
36Nekuti zvinhu izvi zvakaitwa kuti rugwaro rwuzadziswe runoti: Fupa rake haringavhunwi.
36כי כל זאת היתה למלאת הכתוב ועצם לא תשברו בו׃
37Uyezve rumwe rugwaro rwunoti: Vachamutarira wavakabvovora.
37ועוד כתוב אחר אמר והביט אליו את אשר דקרו׃
38Shure kweizvozvi Josefa weArimatia, ari mudzidzi waJesu, asi pachivande nekutya vaJudha, wakakumbira kuna Pirato kuti abvise mutumbi waJesu; Zvino Pirato akamutendera. Naizvozvo akauya akabvisa mutumbi waJesu.
38ויהי אחרי כן בא יוסף הרמתי והוא תלמיד ישוע אך בסתר מפני היהודים וישאל מאת פילטוס אשר יתנהו לשאת את גופת ישוע וינח לו פילטוס ויבא וישא את גופת ישוע׃
39Kwakauyawo Nikodhimo, wakauya pakutanga kuna Jesu usiku, akatakura musanganiswa wemura* nearosi* mapaundi anenge zana.
39ויבא גם נקדימון אשר בא לפנים בלילה אל ישוע ויבא ערוב מר ואהלות כמאה ליטרין׃
40Ipapo vakatora mutumbi waJesu, vakamuputira nemicheka yerineni nezvinonhuhwira, seyaiva tsika yevaJudha yekuviga.
40ויקחו את גופת ישוע ויחתלוה בתכריכין עם הבשמים כאשר נהגים היהודים לקבר את מתיהם׃
41Zvino panzvimbo iyo paakarovererwa pamuchinjikwa pakange pane bindu, uye mubindu mune guva idzva, makange musina kumboradzikwa munhu.
41ובמקום אשר נצלב שם היה גן ובגן קבר חדש אשר לא הושם בו איש עד עתה׃
42Naizvozvo vakaradzika Jesu ipapo nekuda kwegadziriro yevaJudha, nekuti guva rakange riri pedo.
42שם שמו את ישוע כי ערב שבת היה ליהודים והקבר קרוב׃