Shona

Hebrew: Modern

John

7

1Shure kwezvinhu izvi Jesu wakafamba-famba muGarirea; nekuti wakange asingadi kufamba-famba muJudhiya, nekuti vaJudha vakange vachitsvaka kumuuraya.
1אחרי הדברים האלה הלך ישוע בארץ הגליל הלוך ועבור כי לא אבה להתהלך ביהודה על אשר בקשו היהודים להרגו׃
2Zvino mutambo wevaJudha, mutambo wematende wakange waswedera.
2ויקרב חג היהודים הוא חג הסכות׃
3Naizvozvo vanin'ina vake vakati kwaari: Ibvai pano muende muJudhiya, kuti vadzidzi venyuwo vaone mabasa enyu amunoita.
3ויאמרו אליו אחיו קום ולך מזה ארצה יהודה למען יראו גם תלמידיך את המעשים אשר אתה עשה׃
4Nekuti hakuna unoita chinhu muchivande asi iye amene achitsvaka kuva pachena. Kana uchiita zvinhu izvi, zviratidze kunyika.
4כי לא יעשה איש דבר בסתר והוא חפץ להתפרסם לכן אם אתה עשה כאלה הגלה אל העולם׃
5Nekuti kunyange vanin'ina vake vaiva vasingatendi kwaari.
5כי אחיו גם הם לא האמינו בו׃
6Naizvozvo Jesu akati kwavari: Nguva yangu haisati yasvika, asi nguva yenyu inogara yakagadzirwa.
6ויאמר אליהם ישוע עתי לא באה עד עתה ועתכם תמיד נכונה׃
7Nyika haigoni kukuvengai; asi ini inondivenga, nekuti ini ndinopupura nezvayo, kuti mabasa ayo akaipa.
7לא יוכל העולם לשנוא אתכם ואתי ישנא באשר אני מעיד עליו כי רעים מעלליו׃
8Kwirai imwi kumutambo uyu; ini handisati ndokwira kumutambo uyu, nekuti nguva yangu haisati yazadzisika.
8עלו אתם לחג את החג אני לא אעלה אל החג הזה כי עתי לא מלאה עד עתה׃
9Wakati areva zvinhu izvi kwavari, akagara muGarirea.
9כזאת דבר וישב בגליל׃
10Asi vanin'ina vake vakati vakwira, naiye akabva okwira kumutambo, kwete pachena, asi panenge sepachivande.
10ויהי כאשר עלו אחיו לרגל ויעל גם הוא לא בגלוי כי אם כמסתתר׃
11Zvino vaJudha vakamutsvaka pamutambo, vakati: Uripi iye?
11והיהודים בקשהו בחג ויאמרו איה הוא׃
12Kwakavapo kun'u'nuna kukuru pakati pezvaunga pamusoro pake; vamwe vachiti: Wakanaka. Asi vamwe vachiti: Kwete, asi unotsausa chaunga.
12ותהי תלונה רבה על אדותיו בתוך העם אלה אמרו טוב הוא ואלה אמרו לא כי מתעה הוא את העם׃
13Kunyange zvakadaro kwakange kusina munhu wakataura pachena pamusoro pake nekutya vaJudha.
13אך אין איש מדבר עליו בגלוי מפני יראת היהודים׃
14Zvino pava pakati pemutambo, Jesu akakwira kutembere, akadzidzisa.
14ויהי בחצי ימי החג עלה ישוע אל המקדש וילמד׃
15Zvino vaJudha vakashamisika vachiti: Uyu unoziva sei magwaro asina kudzidza?
15ויתמהו היהודים ויאמרו איך ידע זה ספר והוא לא למד׃
16Jesu akavapindura akati: Dzidziso yangu haizi yangu, asi yake wakandituma.
16ויען אתם ישוע ויאמר לקחי לא שלי הוא כי אם לאשר שלחני׃
17Kana munhu achida kuita chido chake, uchaziva zvedzidziso kana ichibva kuna Mwari, kana kuti ini ndinotaura zvemusoro wangu.
17האיש החפץ לעשות רצונו ידע לקחי אם מאת אלהים הוא ואם מנפשי אדבר׃
18Unozvitaurira pachake, unotsvaka rumbidzo yake; asi unotsvaka kurumbidzwa kwewakamutuma, ndiye wechokwadi, uye hapana kusarurama maari.
18המדבר מנפשי כבוד עצמו יבקש אבל המבקש כבוד שלחו נאמן הוא ואין עולתה בו׃
19Mozisi haana kukupai murairo here? Asi hakuna wenyu unoita murairo. Munotsvakirei kundiuraya?
19הלא משה נתן לכם את התורה ואין איש מכם עשה התורה מדוע תבקשו להרגני׃
20Chaunga chikapindura chikati: Une dhimoni; ndiani unotsvaka kukuuraya?
20ויען העם ויאמר שד בקרבך מי מבקש להרגך׃
21Jesu akapindura akati kwavari: Ndakaita basa rimwe, uye munoshamisika mose.
21ויען ישוע ויאמר להם פעלה אחת פעלתי וכלכם עליה תתמהו׃
22Naizvozvo Mozisi wakakupai dzingiso (kusiri kuti yakabva kuna Mozisi, asi kumadzibaba), zvino nesabata munodzingisa munhu.
22משה נתן לכם המילה אך לא ממשה היא כי אם מן האבות וביום השבת תמולו כל זכר׃
23Kana munhu nesabata achigamuchira dzingiso, kuti murairo waMozisi urege kutyorwa, munonditsamwira nekuti ndaporesa munhu zvakaperera nesabata here?
23ועתה אם ימול זכר בשבת למען אשר לא תופר תורת משה מה תקצפו עלי כי רפאתי איש כלו בשבת׃
24Musatonga nezvinoonekwa, asi tongai kutonga kwakarurama.
24אל תשפטו למראה עין כי אם משפט צדק שפטו׃
25Vamwe veveJerusarema ndokuti: Uyu haazi iye wavanotsvaka kuuraya here?
25ויאמרו אנשים מישבי ירושלים הלא זה הוא אשר בקשו להמיתו׃
26Asi tarira, unotaura pachena, asi havarevi chinhu kwaari. Kuti vatungamiriri vanoziva zvechokwadi here kuti ndiye Kristu chaiye?
26והנה הוא דבר בגלוי ולא יגערו בו האף אמנם ידעו ראשינו כי באמת זה הוא המשיח׃
27Asi uyu tinoziva kwaanobva; asi Kristu kana achisvika, hakuna ungaziva kwaanobva.
27אך את זה ידענו מאין הוא וכאשר יבוא המשיח לא ידע איש אי מזה הוא׃
28Naizvozvo Jesu wakadanidzira mutembere achidzidzisa achiti: Nemwi munoziva ini, uye munoziva kwandakabva; uye handina kuzviuira, asi wakandituma ndewechokwadi, wamusingazivi imwi.
28אז קרא ישוע במקדש וילמד לאמר הן ידעתם אתי אף ידעתם מאין אני ומנפשי לא באתי אכן יש אמתי אשר שלחני ואתו לא ידעתם׃
29Asi ini ndinomuziva, nekuti ndinobva kwaari, uye iye wakandituma.
29ואני ידעתיו כי מאתו אני והוא שלחני׃
30Naizvozvo vakatsvaka kumubata, asi hakuna wakaisa ruoko paari, nekuti awa rake rakange risati rasvika.
30ויבקשו לתפשו ואיש לא שלח בו יד כי לא בא עתו׃
31Asi vazhinji vechaunga vakatenda kwaari, vakati: Kana Kristu achisvika, ungaita zviratidzo zvizhinji kune izvi uyu zvaaita here?
31ורבים מן העם האמינו בו ויאמרו אם יבא המשיח הגם יעשה אתות רבות מאשר עשה זה׃
32VaFarisi vakanzwa chaunga chichin'un'una zvinhu izvi pamusoro pake; vaFarisi nevapristi vakuru ndokutuma vabatsiri kuti vamubate.
32והפרושים שמעו את העם מתלחשים עליו כזאת וישלחו הפרושים וראשי הכהנים משרתים לתפשו׃
33Naizvozvo Jesu akati kwavari: Ndichinemwi chinguvana, ndoenda kune wakandituma.
33ויאמר אליהם ישוע אך למצער עודני עמכם והלכתי אל אשר שלחני׃
34Muchanditsvaka mukasandiwana; uye apo pandiri ini, imwi hamugoni kuuya.
34תשחרנני ולא תמצאנני ובאשר אני שם אתם לא תוכלו לבוא׃
35Naizvozvo vaJudha vakataurirana vachiti: Uyu uchaendepi kuti isu tisamuwana? Uchaenda kune vakapararira vevaGiriki, adzidzise vaGiriki here?
35ויאמרו היהודים איש רעהו אנה ילך זה ואנחנו לא נמצאהו הכי ילך אל הנפוצים בין היונים וילמד אנשי יון׃
36Ishokoi iri raanoti: Muchanditsvaka, asi hamungandiwani; nerokuti: Pandiri ini, imwi hamugoni kuuya?
36מה זה הדבר אשר אמר תשחרנני ולא תמצאנני ובאשר אני שם אתם לא תוכלו לבוא׃
37Zvino nezuva rekupedzisira, iro guru remutambo Jesu wakasimuka akadanidzira achiti: Kana ani nani ane nyota, ngaauye kwandiri amwe.
37ויהי ביום החג האחרון הגדול עמד ישוע ויקרא לאמר איש כי יצמא יבא נא אלי וישתה׃
38Unotenda kwandiri, rugwaro sezvarwakareva, nzizi dzemvura mhenyu dzichaerera kubva mudumbu make.
38המאמין בי כדבר הכתוב מבטנו ינהרו נהרי מים חיים׃
39Asi izvi wakareva zveMweya wavaizogamuchira vanotenda kwaari; nekuti Mweya Mutsvene wakange asati avapo, nekuti Jesu wakange asati akudzwa.
39וזאת אמר על הרוח אשר יקחהו המאמינים בו כי לא נתן רוח הקדש עדנה יען אשר ישוע עוד לא נתפאר׃
40Naizvozvo vazhinji vechaunga vakati vachinzwa shoko iri vakati: Zvirokwazvo uyu ndiye muporofita.
40ורבים מהמון העם כשמעם את הדבר הזה אמרו אכן זה הוא הנביא׃
41Vamwe vakati: Uyu ndiye Kristu. Asi vamwe vakati: Ko Kristu ungabva Garirea here?
41ויש אשר אמרו זה הוא המשיח ואחרים אמרו המן הגליל יבא המשיח׃
42Rugwaro haruna kureva here kuti Kristu uchabva kumbeu yaDhavhidhi, nepamusha weBhetirehemu paiva naDhavhidhi?
42הלא הכתוב אמר כי מזרע דוד ומכפר בית לחם מקום דוד יצא המשיח׃
43Naizvozvo pakava nekupesana pakati pechaunga pamusoro pake.
43ותהי מחלקת בתוך העם על אדותיו׃
44Zvino vamwe vavo vakada kumubata, asi hakuna wakaisa maoko kwaari.
44ומקצתם רצו לתפשו ואיש לא שלח בו יד׃
45Zvino vabatsiri vakaenda kuvapristi vakuru nekuvaFarisi; ivo vakati kwavari: Nemhaka yei musina kumuuisa?
45וישובו המשרתים אל הכהנים הגדולים והפרושים והמה אמרו אליהם מדוע לא הבאתם אתו׃
46Vabatsiri vakapindura vakati: Hakuna kumbotaura munhu seizvi, semunhu uyu.
46ויענו העבדים מעולם לא דבר איש כאיש הזה׃
47Zvino vaFarisi vakavapindura vakati: Nemwi matsauswa kanhi?
47ויאמרו אליהם הפרושים הכי נדהתם גם אתם׃
48Uripo here wakatenda kwaari kuvatungamiriri kana kuvaFarisi?
48הגם האמין בו איש מן השרים או מן הפרושים׃
49Asi chaunga ichi chisingazivi murairo chakatukwa.
49רק ההמון הזה אשר אינם ידעים את התורה ארורים המה׃
50Nikodhimo, uya akauya kwaari usiku, ari umwe wavo, akati kwavari:
50ויאמר אליהם נקדימון אשר בא אליו בלילה והוא היה אחד מהם׃
51Murairo wedu unotonga munhu here, kunze kwekuti wambomunzwa nekuziva chaanoita?
51התשפט תורתנו איש בטרם תחקרהו לדעת את אשר עשה׃
52Vakapindura vakati kwaari: Ko iwewo uri weGarirea here? Nzvera uone kuti hakuna kumuka muporofita kuGarirea.
52ויענו ויאמרו אליו הגם אתה מן הגליל דרש נא וראה כי לא קם נביא מן הגליל׃
53Umwe neumwe ndokuenda kumba kwake.
53וילכו איש איש לביתו׃