1Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Jona mwanakomana waAmitai, richiti,
1ויהי דבר יהוה אל יונה בן אמתי לאמר׃
2Simuka, uende Ninivhe, riya guta guru, undoriparidzira, nekuti kuipa kwavo kwakwira pamberi pangu.
2קום לך אל נינוה העיר הגדולה וקרא עליה כי עלתה רעתם לפני׃
3Asi Jona akasimuka achida kutizira Tashishi abve pamberi paJehovha; akaburukira Jopa, akawana chikepe chakanga choenda Tashishi, akabudisa mari yacho yokufamba, ndokupinda mukati macho, kuti aende navo Tashishi abve pamberi paJehovha.
3ויקם יונה לברח תרשישה מלפני יהוה וירד יפו וימצא אניה באה תרשיש ויתן שכרה וירד בה לבוא עמהם תרשישה מלפני יהוה׃
4Asi Jehovha akatuma mhepo inopenga pagungwa, dutu guru rikamuka pagungwa, chikepe chikashumba kuputsika.
4ויהוה הטיל רוח גדולה אל הים ויהי סער גדול בים והאניה חשבה להשבר׃
5Ipapo vafambisi vechikepe vakatya, mumwe nomumwe akadana kuna mwari wake, vakarashira mugungwa nhumbi dzakanga dziri muchikepe, kuti dzichirerusire. Asi Jona akanga aburukira mukatikati mechikepe, akavata pasi, nokubatwa nehope chaidzo.
5וייראו המלחים ויזעקו איש אל אלהיו ויטלו את הכלים אשר באניה אל הים להקל מעליהם ויונה ירד אל ירכתי הספינה וישכב וירדם׃
6Ipapo mwene wechikepe akauya kwaari, akati kwaari, Nhai, iwe muvati, wakaita seiko? Simuka, dana kuna Mwari wako, zvimwe Mwari angatirangarira, tikasaparara.
6ויקרב אליו רב החבל ויאמר לו מה לך נרדם קום קרא אל אלהיך אולי יתעשת האלהים לנו ולא נאבד׃
7Zvino mumwe nomumwe wakati kushamwari yake, Uyai tikande mijenya, tizive kuti njodzi iyi yatiwira nokuda kwaani. Ipapo vakakanda mijenya, mujenya ukabata Jona.
7ויאמרו איש אל רעהו לכו ונפילה גורלות ונדעה בשלמי הרעה הזאת לנו ויפלו גורלות ויפל הגורל על יונה׃
8Zvino vakati kwaari, Chitiudza hako, kuti njodzi iyi yatiwira nokuda kwaani; basa rako ndereiko? Wabvepiko? Nyika yako ndeipi? Uri worudzi rupi?
8ויאמרו אליו הגידה נא לנו באשר למי הרעה הזאת לנו מה מלאכתך ומאין תבוא מה ארצך ואי מזה עם אתה׃
9Iye akati kwavari, Ndiri muHebheru, ndinotya Mwari wokudenga, akaita gungwa nenyika yakaoma.
9ויאמר אליהם עברי אנכי ואת יהוה אלהי השמים אני ירא אשר עשה את הים ואת היבשה׃
10Ipapo varume vakatya kwazvo-kwazvo, vakati kwaari, Chinyiko ichi chawaita? nekuti varume vakanga vachiziva kuti anotiza pamberi paJehovha, nekuti akavaudza.
10וייראו האנשים יראה גדולה ויאמרו אליו מה זאת עשית כי ידעו האנשים כי מלפני יהוה הוא ברח כי הגיד להם׃
11Zvino vakati kwaari, Tichakuiteiko, kuti gungwa ritinyararire? nekuti gungwa rakaramba richinyanya kupenga.
11ויאמרו אליו מה נעשה לך וישתק הים מעלינו כי הים הולך וסער׃
12Iye akati kwavari, Ndisimudzei, mundikandire mugungwa, ipapo gungwa richakunyararirai; nekuti ndinoziva kuti dutu iri guru rakakuwirai nokuda kwangu.
12ויאמר אליהם שאוני והטילני אל הים וישתק הים מעליכם כי יודע אני כי בשלי הסער הגדול הזה עליכם׃
13Kunyange zvakadaro varume vakakwasva nesimba vachiidza kudzokera kunyika; asi vakakoniwa, nekuti gungwa rakaramba richinyanya kuvapengera.
13ויחתרו האנשים להשיב אל היבשה ולא יכלו כי הים הולך וסער עליהם׃
14Naizvozvo vakadana kuna Jehovha, vakati, Tinokunyengeterai, imwi Jehovha, tinokunyengeterai, kuti tirege kuparara nokuda koupenyu hwomunhu uyu, murege kutisundira mhosva yeropa risina mhaka; nekuti imwi Jehovha makaita sezvamakada henyu.
14ויקראו אל יהוה ויאמרו אנה יהוה אל נא נאבדה בנפש האיש הזה ואל תתן עלינו דם נקיא כי אתה יהוה כאשר חפצת עשית׃
15Ipapo vakasimudza Jona, vakamukandira mugungwa, gungwa rikanyarara pakupenga kwaro.
15וישאו את יונה ויטלהו אל הים ויעמד הים מזעפו׃
16Ipapo varume vakatya Jehovha kwazvo-kwazvo, vakabayira Jehovha chibayiro, nokumupikira mhiko.
16וייראו האנשים יראה גדולה את יהוה ויזבחו זבח ליהוה וידרו נדרים׃
17Jehovha akatuma hove huru kundomedza Jona, Jona akava mudumbu rehove mazuva matatu novusiku vutatu.
17וימן יהוה דג גדול לבלע את יונה ויהי יונה במעי הדג שלשה ימים ושלשה לילות׃