Shona

Hebrew: Modern

Luke

20

1Zvino zvakaitika parimwe remazuva iwayo, achidzidzisa vanhu mutembere nekuparidza evhangeri, vapristi vakuru nevanyori vakasvika nevakuru,
1ויהי היום והוא מלמד את העם במקדש ומבשר ויגשו הכהנים והסופרים עם הזקנים׃
2ndokutaura kwaari vachiti: Tiudzei, munoita zvinhu izvi nesimba ripi, kana ndiani iye wakakupai simba iri?
2ויאמרו אליו אמר נא לנו באי זו רשות אתה עשה את אלה או מי הוא הנתן לך את הרשות הזאת׃
3Zvino wakapindura akati kwavari: Ini ndichakubvunzaiwo shoko rimwe; uye mundiudze:
3ויען ויאמר אליהם אף אני אשאלכם דבר ואמרו לי׃
4Rubhabhatidzo rwaJohwani rwakabva kudenga, kana kuvanhu?
4טבילת יוחנן המן השמים היתה אם מבני אדם׃
5Zvino vakarangana, vachiti: Kana tikati: Kudenga; uchati: Naizvozvo makaregerei kumutenda?
5ויחשבו בלבם לאמר אם נאמר מן השמים ואמר למה זה לא האמנתם לו׃
6Asi kana tikati: Kuvanhu; vanhu vose vachatitaka nemabwe; nekuti vaiva nechokwadi kuti Johwani waiva muporofita.
6ואם נאמר מבני אדם וסקלנו כל העם בעמדם על דעתם כי יוחנן נביא היה׃
7Vakapindura, vachiti havazivi kwarwakabva.
7ויענו לא ידענו מאין׃
8Jesu ndokuti kwavari: Neni handikuudzii kuti ndinoita zvinhu izvi nesimba ripi.
8ויאמר ישוע אליהם גם אני לא אמר לכם באי זו רשות אני עשה אלה׃
9Zvino wakatanga kuudza vanhu mufananidzo uyu: Umwe munhu wakasima munda wemizambiringa, akauhaisa kuvarimi, akaenda parwendo nguva refu;
9ויחל לדבר אל העם את המשל הזה איש אחד נטע כרם ויתן אתו אל כרמים וילך בדרך מרחוק לימים רבים׃
10nenguva yakafanira wakatuma muranda kuvarimi, kuti vamupe zvechibereko chemunda wemizambiringa; asi varimi vakamurova, vakamuendesa asina chinhu.
10ולמועד שלח עבד אל הכרמים לתת לו מפרי הכרם והכרמים הכהו וישלחהו ריקם׃
11Zvino wakatumazve umwe muranda; naiye vakamurovawo vakamunyadzisa, vakamuendesa asina chinhu.
11ויסף שלח עבד אחר ויכו גם אתו ויחרפהו וישלחהו ריקם׃
12Zvino wakatumazve wechitatu; uyuwo ndokumukuvadza, vakamukandira kunze.
12ויסף לשלח שלישי וגם אתו פצעו ויגרשהו וידחפהו חוצה׃
13Zvino mwene wemunda wemizambiringa wakati: Ndichaitei? Ndichatuma mwanakomana wangu unodikamwa, zvimwe vakaona iye vachamukudza.
13ויאמר בעל הכרם מה אעשה אשלחה את בני את ידידי כראותם אותו אולי יגורו מפניו׃
14Asi varimi vakati vachimuona vakarangana, vachiti: Uyu ndiye mugari wenhaka; uyai, ngatimuuraye, kuti nhaka igova yedu.
14וכראות אתו הכרמים נועצו יחדו לאמר זה הוא היורש לכו ונהרגהו ותהי לנו הירשה׃
15Vakamukandira kunze kwemunda wemizambiringa, vakauraya. Naizvozvo mwene wemunda wemizambiringa uchavaitirei?
15ויגרשו אותו אל מחוץ לכרם ויהרגהו ועתה מה יעשה להם בעל הכרם׃
16Uchauya, ndokuparadza varimi ivava, agopa munda wemuzambiringa vamwe. Zvino vachinzwa, vakati: Zvisadaro!
16יבוא ויאבד את הכרמים האלה ויתן את הכרם לאחרים ויהי כשמעם ויאמרו חלילה מהיות כזאת׃
17Asi wakavatarisa, akati: Naizvozvo chii ichi chakanyorwa, chinoti: Ibwe vavaki ravakaramba, ndiro rava musoro wekona?
17ויבט בם ויאמר ומה הוא זה הכתוב אבן מאסו הבונים היתה לראש פנה׃
18Wose unowira pamusoro pebwe iro, uchavhuniwavhuniwa; asi ani nani warinowira pamusoro richamukuya.
18כל הנפל על האבן ההיא ישבר ואת אשר תפל עליו תשחקהו׃
19Zvino vapristi vakuru nevanyori neawa iroro vakatsvaka kuisa maoko paari, asi vakatya vanhu; nekuti vakaziva kuti wakareva mufananidzo uyo akanangana navo.
19ויבקשו הכהנים הגדולים והסופרים לשלח בו את ידם בעת ההיא וייראו מפני העם כי ידעו אשר עליהם דבר את המשל הזה׃
20Vakamucherekedza, vakatumira vashori vakanyepedzera kuva vakarurama, kuti vamubate pakutaura, kuti vamukumikidze kuushe nesimba remutungamiriri.
20ויארבו לו וישלחו מארבים והם נדמו כצדיקים למען ילכדו אותו בדבר להסגירו אל השררה ואל יד ההגמון׃
21Zvino vakamubvunza, vachiti: Mudzidzisi, tinoziva kuti munotaura nekudzidzisa zvakarurama, uye hamugamuchiri chiso, asi munodzidzisa nzira yaMwari muchokwadi.
21וישאלהו לאמר רבי ידענו כי נכונה תדבר ותלמד ולא תשא פנים כי באמת מורה אתה את דרך אלהים׃
22Zviri pamutemo here kwatiri kupa mutero kuna Kesari, kana kwete?
22המתר לנו לתת מס אל הקיסר אם לא׃
23Asi wakaziva unyengeri hwavo, ndokuti kwavari: Munondiidzirei?
23ויכר את נכליהם ויאמר להם׃
24Ndiratidzei dhenari*; Rine mufananidzo nerunyoro rwaani? Vakapindura vakati: ZvaKesari.
24מה תנסוני הראוני דינר של מי הצורה והמכתב אשר עליו ויענו ויאמרו של הקיסר׃
25Ndokuti kwavari: Naizvozvo dzorerai kuna Kesari zvinhu zvaKesari, nekuna Mwari zvinhu zvaMwari.
25ויאמר אליהם לכן תנו לקיסר את אשר לקיסר ולאלהים את אשר לאלהים׃
26Vakakoniwa kumubata neshoko rake pamberi pevanhu; vakashamisika nemhinduro yake; vakanyarara.
26ולא יכלו ללכדו בדבר לפני העם ויתמהו על מענהו ויחרישו׃
27Zvino kwakaswedera vamwe vevaSadhusi, vanoramba kuti kune kumuka kwevakafa, ndokumubvunza,
27ויקרבו אנשים מן הצדוקים הכפרים בתחית המתים וישאלהו לאמר׃
28vachiti: Mudzidzisi, Mozisi wakatinyorera kuti: Kana mukoma wemunhu akafa ane mukadzi, asi iye akafa asina vana, munin'ina wake atore mukadzi, amutsire mukoma wake mbeu.
28מורה משה כתב לנו כי ימות אח בעל אשה ובנים אין לו ולקח אחיו את אשתו והקים זרע לאחיו׃
29Naizvozvo kwakange kune vanakomana vemunhu umwe vanomwe; wekutanga ndokutora mukadzi, akafa asina vana;
29והנה היו שבעה אחים והראשון לקח אשה וימת לא בנים׃
30newechipiri akatora mukadzi uyo, naiye akafa asina mwana;
30ויקח אתה השני וימת גם הוא לא בנים׃
31newechitatu akamutora. Zvikadarowo nevanomwe, uye vakasasiya vana, vakafa.
31ויקח אתה השלישי וככה עשו אף השבעה ולא הניחו בנים וימותו׃
32Pakupedzisira kwavo vose mukadzi wakafawo.
32ובאחרונה מתה גם האשה׃
33Naizvozvo pakumuka kwevakafa, uchava mukadzi waani kwavari? Nekuti vanomwe vakava naye semukadzi.
33והנה בתחית המתים למי מהם תהיה לאשה כי היתה אשה לשבעה׃
34Zvino Jesu wakapindura akati kwavari: Vana venyika ino vanowana, vanowaniswa;
34ויען ישוע ויאמר אליהם בני העולם הזה ישאו נשים ותנשאנה׃
35asi avo vachanzi vakafanira kuwana nyika iyo nekumuka kuvakafa havawani kana kuwaniswa;
35והזכים לנחל את העולם הבא ואת תחית המתים לא ישאו נשים ולא תנשאנה׃
36nekuti havagoni kufazve; nekuti vakaita sevatumwa, uye vanakomana vaMwari, vari vanakomana vekumuka kwevakafa.
36כי לא יוכלו עוד למות כי שוים הם למלאכים ובני אלהים המה בהיותם בני התקומה׃
37Asi kuti vakafa vanomutswa, kunyange Mozisi wakaratidza pagwenzi, paakaidza Ishe Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho.
37וגם משה רמז בסנה כי יקומו המתים בקראו את יהוה אלהי אברהם אלהי יצחק ואלהי יעקב׃
38Nekuti haazi Mwari wevakafa, asi wevapenyu; nekuti vose vanoraramira iye.
38והאלהים איננו אלהי המתים כי אם אלהי החיים כי כלם חיים לו׃
39Zvino vamwe vevanyori vakapindura vakati: Mudzidzisi, mataura zvakanaka.
39ויענו מן הסופרים רבי יפה דברת׃
40Uye havana kuzoshinga kumubvunzazve chinhu.
40ולא ערבו עוד את לבם לשאל אותו דבר׃
41Zvino wakati kwavari: Vanoreva sei kuti Kristu Mwanakomana waDavhidhi?
41ויאמר אליהם איך יאמרו על המשיח כי הוא בן דוד׃
42Nekuti Dhavhidhi pachake wakareva mubhuku reMapisarema achiti: Ishe wakati kuna Ishe wangu: Gara kuruoko rwangu rwerudyi,
42והוא דוד אמר בספר תהלים נאם יהוה לאדני שב לימיני׃
43kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako.
43עד אשית איביך הדם לרגליך׃
44Naizvozvo Dhavhidhi unomuidza Ishe, ko Mwanakomana wake sei?
44הנה דוד קרא לו אדון ואיך הוא בנו׃
45Zvino vanhu vose vachakateerera, wakati kuvadzidzi vake:
45ויאמר אל תלמידיו באזני כל העם׃
46Chenjerai vanyori, vanoda kufamba nenguvo refu, uye vanoda kwaziso pamisika, nezvigaro zvepamusorosa mumasinagoge, nezvigaro zvemberi pazvirairo;
46הזהרו מן הסופרים החפצים להתהלך עטופי טלית ואהבים את שאלות שלומם בשוקים ואת מושבי הראש בבתי הכנסיות ואת מסבות הראש בסעודות׃
47vanodya dzimba dzechirikadzi, vanonyepedzera nekuita minyengetero mirefu; ivavo vachagamuchira kurashwa kukuru.
47הבלעים את בתי האלמנות ומאריכים תפלתם למראה עינים המה משפט על יתר יקחו׃