Shona

Hebrew: Modern

Luke

8

1Zvino zvakaitika shure kweizvozvo, kuti iye wakagura nemuguta nemusha umwe neumwe, achidanidzira nekuparidza mashoko akanaka oushe hwaMwari; nevanegumi neviri vanaye,
1ויהי אחרי כן ויעבר מעיר אל עיר ומכפר אל כפר קורא ומבשר את מלכות האלהים ושנים העשר אתו׃
2nevamwe vakadzi vakange vaporeswa pamweya yakaipa neurwere, Maria unonzi Magidharini, maari makabuda madhimoni manomwe,
2ונשים אשר נרפאו מרוחות רעות ומחליים מרים הנקראה מגדלית אשר גרשו ממנה שבעה שדים׃
3naJohwana mukadzi waKuza mutariri waHerodhe, naSusana, nevamwe vazhinji, vaimubatsira nenhumbi dzavo.
3ויוחנה אשת כוזא סוכן הורדוס ושושנה ואחרות רבות אשר שרתהו מנכסיהן׃
4Zvino chaunga chikuru chakati chaungana, uye vaibva kuguta ripi neripi vachiuya kwaari, akataura nemufananidzo akati:
4ויהי בהתאסף המון עם רב אשר יצאו אליו מעיר ועיר וידבר במשל׃
5Mukushi wakabuda kundokusha mbeu yake; zvino pakukusha kwake, imwe yakawira kurutivi rwenzira, ndokutsikwa netsoka, shiri dzekudenga dzikaidya dzikaipedza.
5הזורע יצא לזרע את זרעו ובזרעו נפל מן הזרע על יד הדרך וירמס ועוף השמים אכלו׃
6Uye imwe ikawira paruware; zvino yakamera, ikawoma, nekuti yakashaiwa unyoro.
6ויש אשר נפל על הסלע ויצמח וייבש כי לא היתה לו לחה׃
7Neimwe ikawira pakati pemhinzwa, mhinzwa ikakura nayo, ikaivhunga.
7ויש אשר נפל בתוך הקצים ויצמחו הקצים עמו וימעכהו׃
8Uye imwe yakawira muvhu rakanaka, ikamera, ikabereka zvibereko zvinezana. Wakati ataura zvinhu izvi, akadanidzira achiti: Une nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.
8ויש אשר נפל על האדמה הטובה ויצמח ויעש פרי מאה שערים כזאת דבר ויזעק מי אשר אזנים לו לשמע ישמע׃
9Vadzidzi vake ndokumubvunza vachiti: Mufananidzo uyo ungavei?
9וישאלהו תלמידיו לאמר מה המשל הזה׃
10Ndokubva ati: Kwamuri kwakapiwa kuziva zvakavanzika zveushe hwaMwari; asi kune vamwe zviri mumifananidzo, kuti vachiona vasaona; uye vachinzwa vasanzwisisa.
10ויאמר לכם נתן לדעת את סודות מלכות האלהים ולאחרים במשלים למען בראתם לא יראו ובשמעם לא יבינו׃
11Zvino mufananidzo ndiwoyu: Mbeu ishoko raMwari.
11וזה הוא המשל הזרע דבר אלהים הוא׃
12Avo vaparutivi rwenzira ndivo vanonzwa, ipapo dhiabhorosi unouya ndokubvisa shoko pamoyo yavo, kuti varege kutenda, vaponeswe.
12ואשר על יד הדרך הם השמעים ואחר כן בא השטן ונשא את הדבר מלבם פן יאמינו ונושעו׃
13Nevaparuware ndevaya, vanoti kana vanzwa, vanogamuchira shoko nemufaro; asi ava havana mudzi, vanotenda kwenguva, asi nenguva yemuedzo vanowa.
13ואשר על הסלע הם המקבלים בשמחה את הדבר בשמעם ושרש אין להם רק לשעה מאמינים ובעת הנסיון יסגו אחור׃
14Neyakawira pamhinzwa, ndevaya kana vanzwa, zvino vanoenda ndokuvhungwa nekufunganya nefuma, nemafaro eupenyu, vakasasvitsa zvibereko.
14ואשר נפל בין הקצים הם השמעים והוליכם להם וימכו בדאגות ובעשר ובתאות החיים ופרי לא ישוו למו׃
15Asi iri muvhu rakanaka, ndevaya vanoti vanzwa shoko, vanorichengeta mumoyo wakarurama nowakanaka, vachibereka zvibereko nekutsungirira.
15ואשר באדמה הטובה הם השמרים בלב טוב וטהור את הדבר אשר שמעו ועשים פרי בתוחלת׃
16Hakuna munhu unoti kana atungidza mwenje, unoufukidzira nemudziyo, kana kuisa pasi pemubhedha; asi unouisa pachigadziko chemwenje, kuti avo vanopinda vaone chiedza.
16ואין איש מדליק נר אשר יכסה אותו בכלי או ישימהו תחת המטה כי אם על המנורה יעלהו למען יראו כל באי הבית את האור׃
17Nekuti hakuna chakavanzika, chisingazovi pachena, kana chakavigwa, chisingazozikamwi nekubuda pachena.
17כי אין דבר נעלם אשר לא יגלה ואין גנוז אשר לא יודע ובא לאור׃
18Naizvozvo chenjerai, kuti munonzwa sei; nekuti ani nani unazvo, uchapiwa; asi ani nani usina, uchatorerwa kunyange icho chaanofunga kuti unacho.
18לכן ראו איך תשמעון כי כל אשר יש לו נתון ינתן לו וכל אשר אין לו גם את אשר הוא חשב להיות לו יקח ממנו׃
19Zvino kwakauya kwaari mai nevanin'ina vake, vakasagona kusvika kwaari nekuda kwechaunga.
19ויבאו אליו אמו ואחיו ולא יכלו לגשת אליו מפני העם׃
20Akaudzwa nevamwe vakati: Mai venyu nevanin'ina venyu vamire panze, vanoda kukuonai.
20ויגד לו לאמר אמך ואחיך עמדים בחוץ והם חפצים לראותך׃
21Asi wakapindura akati kwavari: Mai vangu nevanin'ina vangu ndeava vanonzwa shoko raMwari vachiriita.
21ויען ויאמר אליהם אמי ואחי הם השמעים ועשים את דבר האלהים׃
22Zvino zvakaitika nerimwe remazuva kuti wakapinda muchikepe iye nevadzidzi vake, akati kwavari: Ngatiyambukire kune rumwe rutivi rwegungwa; vakatanga kufamba nechikepe.
22ויהי היום וירד אל אניה הוא ותלמידיו ויאמר אליהם נעברה אל עבר הים וישוטו הימה׃
23Zvino vakati vachienda nechikepe, akavata hope; kukauya dutu guru remhepo pagungwa; vakazarirwa nemvura, vakava munjodzi.
23ויהי בלכתם באניה וישכב ויישן ורוח סערה ירדה על הים וישטפו עליהם המים ויהיו בסכנה׃
24Vakaswedera vakamumutsa, vachiti: Tenzi, tenzi, toparara! Ipapo akamuka, akatsiura mhepo nemafungu emvura; zvikaguma, kukava nekudzikama.
24ויגשו ויעירו אותו לאמר מורה מורה אבדנו ויעור ויגער ברוח ובמשברי ים וישתקו ותהי דממה׃
25Ndokubva ati kwavari: Rutendo rwenyu rwuripi? Asi vachitya vakashamisika, vakataurirana vachiti: Ndeupi uyu, kuti unoraira kunyange nemhepo nemvura, zvichimuteerera?
25ויאמר אליהם איה אמונתכם וייראו ויתמהו ויאמרו איש אל רעהו מי אפוא הוא המצוה גם את הרוחות ואת המים וישמעו לו׃
26Zvino vakaenda nechikepe panyika yevaGadharini, yakatarisana neGarirea.
26ויעברו ויבאו אל ארץ הגדריים אשר ממול הגליל׃
27Wakati achibudira panyika, akamuchingamidza umwe murume achibva muguta, wakange ane madhimoni kwenguva refu, uye asingapfeki nguvo, asingagari mumba, asi kumarinda.
27ויצא אל היבשה ויפגשהו איש מן העיר אשר שדים בו מימים רבים ובגד לא לבש ובבית לא ישב כי אם בקברים׃
28Wakati achiona Jesu, akadanidzira ndokuwira pasi pamberi pake, akati nenzwi guru: Ndinei nemwi, Jesu, Mwanakomana waMwari Wekumusoro-soro? Ndinokukumbirisai, musanditambudza.
28וירא את ישוע ויפל לפניו ויקרא בקול גדול מה לי ולך ישוע בן אל עליון מבקש אני ממך אשר לא תענני׃
29Nekuti wakange araira mweya wetsvina kuti ubude kumunhu; nekuti wakange wamubata nguva zhinji uye waichengetwa akasungwa nemaketani nemabote; asi akadambura zvisungo, achitinhirwa kumarenje nedhimoni.
29כי צוה את הרוח הטמא לצאת מן האיש כי ימים רבים חטף אתו ונאסר בזיקים ונשמר בכבלים והיה בנתקו את המוסרות ונדחף ביד השד אל המדברות׃
30Jesu ndokumubvunza achiti: Zita rako ndiani? Akati: Regiyoni; nekuti madhimoni mazhinji akange apinda maari.
30וישאל אתו ישוע לאמר מה שמך ויאמר לגיון שמי כי שדים רבים נכנסו בו׃
31Akamukumbirisa kuti arege kuiraira kuti iende kugomba risina chigadziko.
31ויתחנן לו לבלתי צות אתם לרדת אל התהום׃
32Zvino kwakange kuripo ipapo boka renguruve zhinji dzaifura mugomo; akamukumbirisa kuti amatendere kupinda madziri. Akamatendera.
32ויהי שם עדר חזירים רבים על המרעה בהר ויתחננו לו כי יניח להם לבוא אל תוכם וינח להם׃
33Zvino madhimoni akabuda kumunhu, akapinda munguruve; boka ndokupitirikira kumawere richiinda kudziva, rikabitirirwa.
33ויצאו השדים מן האדם ההוא ויבאו בחזירים וישתער העדר מן המורד אל הים ויטבע׃
34Zvino vaidzifudza vachiona zvaitika, vakatiza, vakaenda kunotaura muguta nemuruwa.
34וינוסו הרעים כראותם את אשר נעשה ויגידו הדבר בעיר ובכפרים׃
35Zvino vakabuda kunoona zvaitika; vakasvika kuna Jesu, vakawana munhu, wakange abuda madhimoni maari agere patsoka dzaJesu, akapfeka uye akakwana mupfungwa; vakatya.
35ויצאו לראת את אשר נעשה ויבאו אל ישוע וימצאו שם את האדם אשר יצאו ממנו השדים ישב לרגלי ישוע מלבש וטוב שכל וייראו׃
36Vakange vazvionawo vakavaudza kuti wakaponeswa sei waiva nemadhimoni.
36ויספרו להם הראים איך נרפא אחוז השדים׃
37Zvino chaunga chose chedunhu rakapoteredza vaGadharini chakakumbirisa kwaari kuti abve kwavari, nekuti vabatwa nekutya kukuru; akapinda muchikepe, akadzokera.
37ויבקשו ממנו כל המון חבל הגדריים ללכת מאתם כי אימה גדולה נפלה עליהם וירד אל האניה וישב׃
38Asi murume wakange abuda madhimoni maari, wakakumbirisa kwaari kuti ave naye. Asi Jesu wakamurega achienda, achiti:
38ויבקש ממנו האיש אשר יצאו ממנו השדים לשבת אתו וישלח אתו ישוע באמרו׃
39Dzokera kumba kwako, undotaura kuti zvikuru sei Mwari zvaaita kwauri. Akaenda, akaparidza muguta rose kuti zvikuru sei Jesu zvaakamuitira.
39שוב לביתך וספר הגדלות אשר עשה לך האלהים וילך לו וישמע בכל העיר את הגדלות אשר עשה לו ישוע׃
40Zvino zvakaitika kuti pakudzoka kwaJesu, chaunga chakamugamuchira; nekuti vose vakange vakamurindira.
40ויהי בשוב ישוע ויקבל אתו העם כי כלם היו מחכים לו׃
41Zvino tarira, kwakasvika murume, zita rake rainzi Jairosi, iye wakange ari mukuru wesinagoge, ndokuwira patsoka dzaJesu, akamukumbirisa kuti apinde mumba make;
41והנה בא איש ושמו יאיר והוא ראש בית הכנסת ויפל לרגלי ישוע ויתחנן לו לבוא אתו אל ביתו׃
42nekuti wakange ane mukunda wakaberekwa umwe woga wemakore anenge gumi nemaviri, uye iye wakange achitandadza. Zvino wakati achaenda, zvaunga zvikamumbandidzira.
42כי בת יחידה כשתים עשרה שנה היתה לו והיא נוטה למות ויהי בלכתו שמה וידחקהו המון העם׃
43Uye mukadzi, waiva nekubuda ropa makore gumi nemaviri, wakange apedzera zvose zveupenyu hwake kuvarapi, asingagoni kurapwa kwete neumwe.
43ואשה זבת דם שתים עשרה שנה אשר הוציאה כל קנינה לרפאים ואין איש יכל לרפאתה׃
44Akauya mushure make, akabata mupendero wenguvo yake; pakarepo kubuda kweropa kwake kukaguma.
44היא קרבה מאחריו ותגע בציצת בגדו וזוב דמה עמד פתאם׃
45Jesu ndokuti: Ndiani wandibata? Zvino vose vakati vachiramba, Petro nevaiva naye vakati: Tenzi, chaunga chinokumbandidzirai nekukutsikirirai zvino moti: Ndiani wandibata?
45ויאמר ישוע מי זה נגע בי וכלם כחשו ויאמר פטרוס והעמדים אצלו מורה המון העם דחקים ולחצים אתך ואתה תאמר מי נגע בי׃
46Asi Jesu wakati: Uripo wandibata; nekuti ini ndaziva kuti simba rabuda kwandiri.
46ויאמר ישוע נגע בי אדם כי ידעתי אשר יצאה ממני גבורה׃
47Zvino mukadzi wakati achiona kuti haana kuvanzika, akauya achibvunda, akawira pasi pamberi pake, akarondedzera kwaari pamberi pevanhu vose kuti wakamubata nechikonzero chipi, uye kuti wakaporeswa pakarepo sei.
47ותרא האשה כי לא נסתרה ממנו ותחרד לקראתו ותפל לפניו ותגד באזני כל העם על מה נגעה בו ואיך נרפאה פתאם׃
48Zvino akati kwaari: Mukunda, tsunga moyo, rutendo rwako rwakuponesa; enda nerugare.
48ויאמר אליה חזקי בתי אמונתך הושיעה לך לכי לשלום׃
49Wakati achataura, kwakauya umwe achibva kumba kwemukuru wesinagoge, achiti kwaari: Mukunda wenyu wafa; musatambudza Mudzidzisi.
49עודנו מדבר ואיש בא מבית ראש הכנסת ויאמר מתה בתך אל תטריח את המורה׃
50Asi Jesu wakati achinzwa, akamupindura, achiti: Usatya, tenda chete, uye uchaponeswa.
50וישמע ישוע ויען ויאמר לו אל תירא אך האמן והיא תושע׃
51Zvino wakati apinda mumba, haana kutendera munhu kupinda, kunze kwaPetro, naJakobho, naJohwani, nababa vemusikana, namai.
51ויבא הביתה ולא הניח לאיש לבוא אתו בלתי אם לפטרוס וליעקב וליוחנן ולאבי הילדה ולאמה׃
52Uye vose vakachema, vachimuririra. Asi wakati: Musachema, haana kufa, asi uvete.
52וכלם בכים וספדים לה ויאמר אל תבכו כי לא מתה אך ישנה היא׃
53Vakamuseka nekumhura, vachiziva kuti wafa.
53וישחקו עליו באשר ידעו כי מתה׃
54Asi wakavabudisira vose panze, akamubata ruoko, akadanidzira, achiti: Musikana, muka!
54והוא אחז בידה ויקרא לאמר הילדה קומי׃
55Mweya wake ukadzoka, akamuka pakarepo; akaraira kuti apiwe chikafu.
55ותשב רוחה ותקם פתאם ויצו לתת לה לאכול׃
56Zvino vabereki vake vakavhiringidzika; asi wakavaraira kuti varege kuudza munhu zvakaitika.
56וישתוממו אביה ואמה והוא צוה אתם לבלתי הגיד לאיש את אשר נעשה׃