1VaFarisi nevaSadhusi ndokuuya vakamukumbira kuti avaratidze chiratidzo chinobva kudenga vachimuidza.
1ויגשו הפרושים והצדוקים לנסותו וישאלו מאתו להראותם אות מן השמים׃
2Asi wakapindura akati kwavari: Kana ava madekwana munoti: Kunze kwakanaka; nekuti denga rakatsvuka.
2ויען ויאמר להם בערב תאמרו יום צח יהיה כי אדמו השמים׃
3Uye mangwanani munoti: Nhasi kunze kwakaipa; nekuti denga rakatsvuka richikwidibira. Vanyepedzeri, munoziva kuongorora mamiriro edenga, asi hamugoni kuongorora zviratidzo zvenguva here?
3ובבקר תאמרו היום סער כי אדמו והתקדרו השמים חנפים אתם את פני השמים ידעתם לבחן ואתות העתים לא תוכלו׃
4Zera rakaipa uye rinofeva richitsvaka chiratidzo; asi hapana chiratidzo chingapiwa kwariri, kunze kwechiratidzo chaJona muporofita. Ndokuvasiya, akaenda.
4דור רע ומנאף בקש לו אות ואות לא ינתן לו בלתי אם אות יונה הנביא ויעזבם וילך לו׃
5Zvino vadzidzi vakati vasvika mhiri, vakakangamwa kutora zvingwa.
5וכבוא התלמידים אל עבר הים שכחו לקחת אתם לחם׃
6Zvino Jesu akati kwavari: Onai mungwarire mbiriso yevaFarisi nevaSadhusi.
6ויאמר ישוע אליהם ראו והשמרו לכם משאר הפרושים והצדוקים׃
7Vakarangana pakati pavo vachiti: Unodaro nekuti hatina kutora chingwa.
7ויחשבו בלבבם לאמר כי לא לקחנו אתנו לחם׃
8Zvino Jesu azviziva akati kwavari: Imwi verutendo ruduku, nemhaka yei muchirangana kuti hamuna kutora zvingwa?
8וידע ישוע ויאמר אליהם קטני האמונה מה תחשבו בלבבכם כי לא לקחתם אתכם לחם׃
9Muchigere kunzwisisa here, kana kurangarira zvingwa zvishanu zvevanezvuru zvishanu, uye matengu mangani amakanonga?
9העוד לא תשכילו ולא תזכרו את חמשת ככרות הלחם לחמשת אלפי איש וכמה סלים נשאתם׃
10Kana zvingwa zvinomwe zvevanezvuru zvina, uye matengu mangani amakanonga?
10ואת שבע ככרות לחם לארבעת אלפי איש וכמה דודים נשאתם׃
11Hamunzwisisi sei, kuti handina kutaura kwamuri pamusoro pezvingwa kuti muchenjere mbiriso yevaFarisi nevaSadhusi?
11איך לא תבינו כי לא על הלחם אמרתי אליכם השמרו לכם משאר הפרושים והצדוקים׃
12Zvino vakanzwisisa kuti haana kutaura kuti vachenjere mbiriso yezvingwa, asi dzidziso yevaFarisi nevaSadhusi.
12אז הבינו כי לא אמר להשמר משאר הלחם כי אם מלמוד הפרושים והצדוקים׃
13Jesu wakati asvika kumativi eKesariya yeFiripi, akabvunza vadzidzi vake, achiti: Vanhu vanoti ini Mwanakomana wemunhu ndini ani?
13ויהי כבוא ישוע אל גלילות קיסרין של פילפוס וישאל את תלמידיו לאמר מה אמרים האנשים עלי מי הוא בן האדם׃
14Ndokubva vati: Vamwe vanoti Johwani Mubhabhatidzi, uye vamwe Eria, vamwewo Jeremiya, kana umwe wevaporofita.
14ויאמרו יש אמרים יוחנן המטביל הוא ואחרים אמרים אליהו ויש אמרים ירמיהו או אחד מן הנביאים׃
15Akati kwavari: Ko imwi munoti ndini ani?
15ויאמר אליהם ואתם מה תאמרו מי אני׃
16Zvino Simoni Petro akapindura akati: Ndimwi Kristu, Mwanakomana waMwari mupenyu.
16ויען שמעון פטרוס ויאמר אתה הוא המשיח בן אלהים חיים׃
17Jesu akapindura akati kwaari: Wakaropafadzwa, Simoni mwanakomana waJona, nekuti nyama neropa hazvina kukuzarurira izvozvo, asi Baba vangu vari kumatenga.
17ויען ויאמר אליו אשריך שמעון בר יונה כי בשר ודם לא גלה לך את זאת כי אם אבי שבשמים׃
18Neni ndinoti kwauri: Ndiwe Petro, uye pamusoro peruware urwu ndichavaka kereke yangu, nemasuwo egehena* haangaikundi.
18ואף אני אמר אליך כי אתה פטרוס ועל הסלע הזה אבנה את קהלתי ושערי שאול לא יגברו עליה׃
19Uye ndichapa kwauri kiyi dzeushe hwekumatenga; uye chipi nechipi chauchasunga panyika, chichasungwa kumatenga; nechipi nechipi chauchasunungura panyika, chichasunungurwa kumatenga.
19ואתן לך את מפתחות מלכות השמים וכל אשר תאסר על הארץ אסור יהיה בשמים וכל אשר תתיר על הארץ מתר יהיה בשמים׃
20Ipapo akarairisa vadzidzi vake kuti varege kuudza munhu kuti ndiye Jesu iye Kristu.
20אז צוה את התלמידים בגערה לבלתי הגיד לאיש כי הוא ישוע המשיח׃
21Kubva panguva iyo Jesu wakatanga kuratidza kuvadzidzi vake kuti unofanira kuenda kuJerusarema, uye kutambudzika zvizhinji zvichibva kuvakuru, nevapristi vakuru, nevanyori, nekuurawa, nekumutswa nezuva retatu.
21מן העת ההיא החל ישוע להורות את תלמידיו שהוא צריך ללכת ירושלים ויענה הרבה בידי הזקנים והכהנים הגדולים והסופרים ויהרג וביום השלישי קום יקום׃
22Petro akamutora parutivi, akatanga kumutsiura akati: Ngazvirege kuva kwamuri, Ishe; izvi hazvingatongoitiki kwamuri.
22ויקחהו פטרוס ויחל לגער בו לאמר חס לך אדני אל יהי לך כזאת׃
23Asi iye wakatendeuka akati kuna Petro: Ibva shure kwangu, Satani! Uri chigumbuso kwandiri; nekuti haurangariri zvinhu zvaMwari, asi zvinhu zvevanhu.
23ויפן ויאמר לפטרוס סור מעלי השטן למכשול אתה לי כי אין לבך לדברי אלהים כי אם לדברי בני אדם׃
24Zvino Jesu akati kuvadzidzi vake: Kana ani nani achida kuuya shure kwangu, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake, anditevere.
24ויאמר ישוע אל תלמידיו איש כי יחפץ ללכת אחרי יכחש בנפשו ונשא את צלבו והלך אחרי׃
25Nekuti ani nani unoda kuponesa upenyu hwake ucharashikirwa nahwo; asi ani nani unorashikirwa neupenyu hwake nekuda kwangu uchahuwana.
25כי כל אשר יחפץ להושיע את נפשו תאבד נפשו ממנו וכל אשר תאבד לו נפשו למעני הוא ימצאנה׃
26Nekuti munhu unobatsirwei kana akawana nyika yose, akarashikirwa nemweya wake? Kana munhu uchapei kuti chive muripo wemweya wake?
26כי מה יועיל האדם כי יקנה את כל העולם ונפשו תשחת או מה יתן האדם פדיון נפשו׃
27Nekuti Mwanakomana wemunhu achauya mukubwinya kwaBaba vake nevatumwa vake, ipapo achapa mubairo umwe neumwe zvichienderana nebasa rake.
27כי עתיד בן האדם לבוא בכבוד אביו עם מלאכיו ואז ישלם לכל איש כמעשהו׃
28Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vamwe varipo kune vamire pano, vasingazoraviri rufu kusvikira vaona Mwanakomana wemunhu achiuya muushe hwake.
28אמן אמר אני לכם כי יש מן העמדים פה אשר לא יטעמו מות עד כי יראו את בן האדם בא במלכותו׃