1Zvino Jesu wakapindura akataurazve navo nemifananidzo, achiti:
1ויען ישוע ויסף דבר במשלים אליהם לאמר׃
2Ushe hwekumatenga hwakafananidzwa neumwe mambo, wakaitira mwanakomana wake mutambo wemuchato;
2דומה מלכות השמים למלך בשר ודם אשר עשה חתנה לבנו׃
3akatuma varanda vake kunodana avo vakange vakokwa kumuchato, asi havana kuda kuuya.
3וישלח את עבדיו לקרא הקרואים אל החתנה ולא אבו לבוא׃
4Akatuma zvekare vamwe varanda, achiti: Udzai vakakokerwa muti: Tarirai, ndagadzira chisvusvuro changu, nzombe dzangu nezvakakora zvabayiwa, uye zvinhu zvose zvagadzirwa; uyai kumuchato.
4ויסף שלח עבדים אחרים לאמר אמרו אל הקרואים הנה ערכתי את סעודתי שורי ומריאי טבוחים והכל מוכן באו אל החתנה׃
5Asi havana kuzvikoshesa, vakaenda, umwe kumunda wake, umwe kukutengeserana kwake;
5והם לא שתו לבם לזאת וילכו להם זה אל שדהו וזה אל מסחרו׃
6vakasara vakabata varanda vake, vakavaitira zvakaipa, vakavauraya.
6והנשארים תפשו את עבדיו ויתעללו בם ויהרגום׃
7Zvino mambo wakati azvinzwa, wakatsamwa, akatuma hondo dzake, akaparadza mhondi idzo, akapisa guta ravo.
7ויקצף המלך וישלח צבאותיו ויאבד את המרצחים ההם ואת עירם שרף באש׃
8Zvino akati kuvaranda vake: Muchato wagadzirwa, asi vakange vakokwa vakange vasina kufanira.
8אז אמר אל עבדיו הן החתנה מוכנה והקרואים לא היו ראוים לה׃
9Naizvozvo, endai kumharadzano dzenzira, mukokere kumuchato vose vamunowana.
9לכן לכו נא אל ראשי הדרכים וכל איש אשר תמצאו קראו אתו אל החתנה׃
10Varanda ivavo vakabudira kunzira, vakaunganidza vose nekuwanda kwevavakawana, zvose vakaipa nevakanaka; imba yemuchato ikazara nevagere pakudya.
10ויצאו העבדים ההם אל הדרכים ויאספו את כל אשר מצאו גם רעים גם טובים וימלא בית החתנה מסבים׃
11Zvino mambo wakati achipinda kuzoona vagere pakudya, akaona ipapo munhu usina kupfeka chipfeko chemuchato;
11ויהי כבוא המלך לראות את המסבים וירא בהם איש ולא היה לבוש בגדי חתנה׃
12akati kwaari: Shamwari, wapinda sei pano usina chipfeko chemuchato? Akashaya remuromo.
12ויאמר אליו רעי איכה באת הנה ואין לך בגדי חתנה ויאלם׃
13Zvino mambo akati kuvaranda: Musungei makumbo nemaoko, mumubvise, mumukandire kurima rekunze kwekupedzisira; apo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno.
13ויאמר המלך למשרתים אסרו ידיו ורגליו ונשאתם והשלכתם אותו אל החשך החיצון שם תהיה היללה וחרק השנים׃
14Nekuti vazhinji vakadamwa, asi vashoma vanosanangurwa.
14כי רבים הם הקרואים ומעטים הנבחרים׃
15Zvino vaFarisi vakaenda vakanorangana kuti vangamuteya sei pakutaura.
15וילכו הפרושים ויתיעצו איך יכשילהו בדבר׃
16Vakatuma kwaari vadzidzi vavo vane vaHerodhe, vachiti: Mudzidzisi, tinoziva kuti ndimwi wechokwadi, uye munodzidzisa nzira yaMwari muchokwadi, musingarangariri zvemunhu, nekuti hamutariri chimiro chevanhu.
16וישלחו אליו את תלמידיהם עם ההורדוסיים לאמר רבי ידענו כי איש אמת אתה ותורה באמת את דרך אלהים ולא תגור מפני איש כי אינך מכיר פני אדם׃
17Naizvozvo tiudzei: Imwi munofungei? Zvinotenderwa kupa Kesari mutero here, kana kwete?
17לכן הגידה נא לנו את דעתך הנכון לנו לתת מס אל הקיסר אם לא׃
18Asi Jesu wakaziva kuipa kwavo, akati: Munondiidzirei, vanyepedzeri?
18וישוע ידע את רשעתם ויאמר החנפים מה תנסוני׃
19Ndiratidzei mari yemutero. Vakamuvigira dhenari.*
19הראוני את מטבע המס ויביאו לו דינר׃
20Zvino akati kwavari: Mufananidzo uyu nechinyorwa ichi ndezvani?
20ויאמר אליהם של מי הצורה הזאת והמכתב אשר עליו׃
21Vakati kwaari: ZvaKesari. Ipapo akati kwavari: Naizvozvo dzorerai kuna Kesari zvinhu zvaKesari, nekuna Mwari zvinhu zvaMwari.
21ויאמרו אליו של הקיסר ויאמר אליהם לכן תנו לקיסר את אשר לקיסר ולאלהים את אשר לאלהים׃
22Vakati vanzwa vakashamisika, vakamusiya, vakaenda.
22וכשמעם את זאת תמהו ויעזבהו וילכו להם׃
23Nezuva iroro kwakauya kwaari vaSadhusi, ivo vanoti hakuna kumuka kwevakafa, vakamubvunza,
23ביום ההוא נגשו אליו צדוקים האמרים כי אין תחית המתים וישאלו אתו לאמר׃
24vachiti: Mudzidzisi, Mozisi wakati: Kana munhu akafa asina vana, munin'ina wake uchawana mukadzi wake, agomutsira mukoma wake mbeu.
24רבי הן משה אמר איש כי ימות ובנים אין לו אחיו ייבם את אשתו והקים זרע לאחיו׃
25Paiva pakati pedu nevanakomana vemunhu umwe vanomwe; wekutanga akawana mukadzi, akafa; uye asina mbeu, akasiya mukadzi wake kumunin'ina wake.
25ואתנו היו שבעה אחים והראשון נשא אשה וימת וזרע אין לו ויעזב את אשתו לאחיו׃
26Saizvozvowo wechipiri, newechitatu, kusvikira kune wechinomwe.
26וכמו כן גם השני וכן גם השלישי עד השבעה׃
27Pakupedzisira kwevose mukadzi akafawo.
27ואחרי כלם מתה גם האשה׃
28Zvino pakumuka kwevakafa, uchava mukadzi waani pavanomwe? Nekuti vose vakava naye.
28ועתה בתחית המתים למי מן השבעה תהיה לאשה כי לכלם היתה׃
29Jesu akapindura, akati kwavari: Marashika, musingazivi magwaro, kana simba raMwari;
29ויען ישוע ויאמר להם טעים אתם באשר אינכם יודעים את הכתובים וגם את גבורת האלהים׃
30nekuti pakumuka kwevakafa havawanani, havawaniswi; asi vakaita sevatumwa vaMwari kudenga.
30כי בתחית המתים לא ישאו נשים ולא תנשאנה כי אם כמלאכי אלהים בשמים יהיו׃
31Asi maererano nekumuka kwevakafa, hamuna kuverenga here zvakataurwa kwamuri naMwari, achiti:
31ועל דבר תחית המתים הלא קראתם את הנאמר לכם מפי האלהים לאמר׃
32Ini ndiri Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho? Mwari haazi Mwari wevakafa, asi wevapenyu.
32אנכי אלהי אברהם ואלהי יצחק ואלהי יעקב והוא איננו אלהי המתים כי אם אלהי החיים׃
33Zvino zvaunga zvichizvinzwa, zvakashamisika nedzidziso yake.
33וישמע המון העם וישתומממו על תורתו׃
34VaFarisi vakati vachinzwa kuti washayisa vaSadhusi remuromo, vakaungana pamwe.
34והפרושים כשמעם כי סכר פי הצדוקים ויועדו יחדו׃
35Zvino umwe wavo, nyanzvi yemutemo, wakamubvunza, achimuidza, ichiti:
35ואחד מהם מבין בתורה שאל אתו לנסותו לאמר׃
36Mudzidzisi, ndeupi mutemo mukuru pamurairo?
36רבי אי זו מצוה גדולה היא בתורה׃
37Jesu akati kwaari: Ida Ishe Mwari wako, nemoyo wako wose, uye nemweya wako wose, uye nefungwa dzako dzose.
37ויאמר ישוע אליו ואהבת את יהוה אלהיך בכל לבבך ובכל נפשך ובכל מדעך׃
38Ndiwo murairo wekutanga uye mukuru.
38זאת היא המצוה הגדולה והראשונה׃
39Wechipiri unofanana nawo, ndiwoyu: Ida umwe wako sezvaunozvida iwe.
39והשנית דומה לה ואהבת לרעך כמוך׃
40Murairo wose nevaporofita zvakaremberedzwa pamirairo iyi miviri.
40בשתי המצות האלה כל התורה תלויה וגם הנביאים׃
41Zvino vaFarisi vachakaungana, Jesu akavabvunza,
41ויהי בהקהל הפרושים וישאלם ישוע לאמר׃
42achiti: Munofungei pamusoro paKristu? Mwanakomana waani? Vakati kwaari: WaDhavhidhi.
42מה דעתכם על המשיח בן מי הוא ויאמרו אליו בן דוד׃
43Akati kwavari: Ko Dhavhidhi wakagomudana sei muMweya kuti Ishe, achiti:
43ויאמר אליהם ואיך קרא לו דוד ברוח אדון באמרו׃
44Ishe wakati kuna Ishe wangu: Gara kurudyi rwangu, kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako?
44נאם יהוה לאדני שב לימיני עד אשית איביך הדם לרגליך׃
45Zvino, kana Dhavhidhi achimuti Ishe, unogova mwanakomana wake sei?
45ועתה אם דוד קרא לו אדון איך הוא בנו׃
46Zvino hakuna wakagona kumupindura shoko; uye kwakange kusina munhu kubva pazuva iro wakatsunga kumubvunzazve.
46ולא יכל איש לענות אתו דבר ולא ערב עוד איש את לבו מן היום ההוא לשאל אותו׃