1Zvino Jesu wakatungamirirwa neMweya kurenje kuti anoidzwa nadhiabhorosi.
1אז נשא הרוח את ישוע המדברה למען ינסהו השטן׃
2Zvino wakati atsanya mazuva makumi mana neusiku makumi mana, akazonzwa nzara.
2ויהי אחרי צומו ארבעים יום וארבעים לילה וירעב׃
3Zvino muidzi wakati auya kwaari, akati: Kana uri Mwanakomana waMwari, raira kuti mabwe awa aite zvingwa.
3ויגש אליו המנסה ויאמר אם בן האלהים אתה אמר לאבנים האלה ותהיין ללחם׃
4Asi iye wakapindura akati: Kwakanyorwa kuchinzi: Munhu haangararami nechingwa choga, asi neshoko rimwe nerimwe rinobuda mumuromo maMwari.
4ויען ויאמר הן כתוב לא על הלחם לבדו יחיה האדם כי על כל מוצא פי יי׃
5Zvino dhiabhorosi akamutora akamuisa muguta dzvene, akamumisa pachiruvu chetembere,
5וישאהו השטן אל עיר הקדש ויעמידהו על פנת בית המקדש׃
6ndokuti kwaari: Kana uri Mwanakomana waMwari, zvikandire pasi; nekuti kwakanyorwa kuti: Iye ucharaira vatumwa vake pamusoro pako, pamaoko vachakugamha, zvimwe ungagumbusa rutsoka rwako pabwe.
6ויאמר אליו אם בן האלהים אתה התנפל למטה כי כתוב כי מלאכיו יצוה לך ועל כפים ישאונך פן תגף באבן רגלך׃
7Jesu akati kwaari: Kwakanyorwa zvekare: Usaidza Ishe Mwari wako.
7ויאמר אליו ישוע ועוד כתוב לא תנסה את יהוה אלהיך׃
8Dhiabhorosi akamuisazve pagomo refusa, akamuratidza ushe hwose hwenyika, nekubwinya kwahwo.
8ויוסף השטן וישאהו אל הר גבה מאד ויראהו את כל ממלכות תבל וכבודן׃
9Akati kwaari: Zvose zvinhu izvi ndichapa kwauri kana ukawira pasi ukandinamata.
9ויאמר אליו את כל זאת לך אתננה אם תקד ותשתחוה לי׃
10Ipapo Jesu akati kwaari: Ibva, Satani, nekuti kwakanyorwa kuchinzi: Uchanamata Ishe Mwari wako, uchashumira iye woga.
10ויאמר אליו ישוע סור ממני השטן כי כתוב ליהוה אלהיך תשתחוה ואותו לבדו תעבד׃
11Ipapo dhiabhorosi akamusiya; zvino tarira, vatumwa vakauya vakamushandira.
11וירף ממנו השטן והנה נגשו אליו מלאכים וישרתוהו׃
12Zvino Jesu wakati anzwa kuti Johwani wakumikidzwa mutirongo, akabva akaenda Garirea.
12ויהי כשמעו כי הסגירו את יוחנן וילך לו ארץ הגליל׃
13Zvino wakabva Nazareta, akauya akagara muKapenaumi riri pagungwa, mumiganhu yeZebhuroni neNafitarimi;
13ויעזב את נצרת ויבא וישב בכפר נחום אשר על שפת הים בגבול זבלון ונפתלי׃
14kuti zvizadziswe zvakarehwa naIsaya muporofita, achiti:
14למלאת הנאמר על פי ישעיהו הנביא לאמר׃
15Nyika yeZebhuroni nenyika yeNefitarimi, panzira yegungwa, mhiri kwaJoridhani, Garirea revahedheni;
15ארצה זבלון וארצה נפתלי דרך הים עבר הירדן גליל הגוים׃
16vanhu vakange vagere murima vakaona chiedza chikuru; nevakange vagere panharaunda nemumumvuri werufu, chiedza chakabudira kwavari.
16העם ההלכים בחשך ראו אור גדול וישבי בארץ צלמות אור נגה עליהם׃
17Kubvira panguva iyoyo Jesu wakatanga kuparidza nekuti: Tendeukai, nekuti ushe hwekumatenga hwaswedera.
17מן העת ההיא החל ישוע לקרא קרוא ואמור שובו כי הגיעה מלכות השמים׃
18Zvino Jesu wakati achifamba-famba pagungwa reGarirea akaona vanakomana vemunhu umwe vaviri, Simoni anonzi Petro, naAndiriya munin'ina wake, vachikandira mumbure mugungwa; nekuti vakange vari varedzi.
18ויהי בהתהלכו על יד ים הגליל וירא שני אנשים אחים את שמעון הנקרא פטרוס ואת אנדרי אחיו והמה משליכים מצודה בים כי דיגים היו׃
19Akati kwavari: Nditeverei, ndigokuitai varedzi vevanhu.
19ויאמר אליהם לכו אחרי ואשימכם לדיגי אנשים׃
20Pakarepo vakasiya mimbure vakamutevera.
20ויעזבו מהרה את המכמרות וילכו אחריו׃
21Zvino wakati apfuurira kubva ipapo akaona vamwe vaviri vanakomana vemunhu umwe, Jakobho waZebhedhi naJohwani munin'ina wake muchikepe pamwe naZebhedhi baba vavo, vachigadzira mimbure yavo, akavadana.
21ויהי כעברו משם וירא שני אנשים אחים אחרים את יעקב בן זבדי ואת יוחנן אחיו באניה עם זבדי אביהם מתקנים את מכמרותם ויקרא אליהם׃
22Pakarepo vakasiya chikepe nababa vavo vakamutevera.
22ויעזבו מיד את האניה ואת אביהם וילכו אחריו׃
23Jesu akapota neGarirea rose achidzidzisa mumasinagoge avo, nekuparidza evhangeri yeushe, achiporesa denda roga roga neurwere hwoga hwoga pavanhu.
23ויסב ישוע בכל הגליל וילמד בבתי כנסיותיהם ויבשר בשורת המלכות וירפא כל מחלה וכל מדוה בעם׃
24Shoko rake rikabudira kuSiria yose; vakauyisa kwaari varwere vose, vakabatwa nehosha dzakasiyana-siyana nemarwadzo, nevakange vane madhimoni, nevaiva nezvipusha, nevakange vakafa mitezo; akavaporesa.
24ויצא שמעו בכל ארץ סוריא ויביאו אליו את כל החולים המענים בכל חלים ומכאובים ואחוזי שדים ומכי ירח ונכי אברים וירפאם׃
25Zvino zvaunga zvikuru zvakamutevera, vaibva Garirea, neDhekapori, neJerusarema, neJudhiya, nemhiri kwaJoridhani.
25וילכו אחריו המנים המנים מן הגליל ומן עשר הערים ומירושלים ויהודה ומעבר לירדן׃