Shona

Hebrew: Modern

Nehemiah

13

1Zvino nezuva iro vakarava mubhuku yaMozisi, vanhu vose vachizvinzwa, vakawana makanyorwa, kuti vaMoabhu navaAmoni havafaniri kupinda paungano yaMwari nokusingaperi;
1ביום ההוא נקרא בספר משה באזני העם ונמצא כתוב בו אשר לא יבוא עמני ומאבי בקהל האלהים עד עולם׃
2nekuti ivo havana kundosangana navana vaIsiraeri nezvokudya nemvura, asi vakaripira Bharamu kuti avatuke; asi Mwari wedu akashandura kutuka akakuita kuropafadza.
2כי לא קדמו את בני ישראל בלחם ובמים וישכר עליו את בלעם לקללו ויהפך אלהינו הקללה לברכה׃
3Zvino vakati vanzwa murau, vakaraura vanhu vazhinji vose vakanga vakavhengana navaIsiraeri.
3ויהי כשמעם את התורה ויבדילו כל ערב מישראל׃
4Zvino izvi zvisati zvaitwa, Eriashibhi mupristi, akanga aitwa mutariri wamakamuri eimba yaMwari wedu, wakashamwaridzana naTobhia,
4ולפני מזה אלישיב הכהן נתון בלשכת בית אלהינו קרוב לטוביה׃
5akamugadzirira kamuri huru pavaichengeta kare zvipiriso zvoupfu, nezvinonhuhwira, nemidziyo, nezvegumi nezviyo, nezvewaini, nezvamafuta, zvakanga zvarairwa kuti zvipiwe vaRevhi, navaimbi, navarindi vemikova, nezvipiriso zvaitsaurirwa vapristi.
5ויעש לו לשכה גדולה ושם היו לפנים נתנים את המנחה הלבונה והכלים ומעשר הדגן התירוש והיצהר מצות הלוים והמשררים והשערים ותרומת הכהנים׃
6Asi nenguva iyo yose ini ndakanga ndisipo paJerusaremu; nekuti negore ramakumi matatu namaviri raAritashasita mambo weBhabhironi, ini ndakaenda kuna mambo; zvino mamwe mazuva akati apfuura ndikakumbira kuna mambo,
6ובכל זה לא הייתי בירושלם כי בשנת שלשים ושתים לארתחשסתא מלך בבל באתי אל המלך ולקץ ימים נשאלתי מן המלך׃
7ndikasvika Jerusaremu, ndikanzwa zvakaipa zvakanga zvaitwa naEriashibhi, kuti wakange agadzirira Tobhia kamuri paruvazhe rweimba yaMwari.
7ואבוא לירושלם ואבינה ברעה אשר עשה אלישיב לטוביה לעשות לו נשכה בחצרי בית האלהים׃
8Ndikava neshungu kwazvo; saka ndakarashira kunze kwekamuri nhumbi dzose dzaTobhia.
8וירע לי מאד ואשליכה את כל כלי בית טוביה החוץ מן הלשכה׃
9Ipapo ndakaraira vakanatsa makamuri; ndikadzoseramozve midziyo yeimba yaMwari, pamwechete nezvipiriso zvoupfu nezvinonhuhwira.
9ואמרה ויטהרו הלשכות ואשיבה שם כלי בית האלהים את המנחה והלבונה׃
10Ndikaona kuti vaRevhi vakanga vasina kupiwa migove yavo; naizvozvo vaRevhi navaimbi, vaibata basa, vakanga vatizira mumwe nomumwe kumunda wake.
10ואדעה כי מניות הלוים לא נתנה ויברחו איש לשדהו הלוים והמשררים עשי המלאכה׃
11Ipapo ndakaita nharo navatariri, ndikati, Imba yaMwari yasiirweiko? Ndikavakokera, ndikavadzoserazve panzvimbo yavo.
11ואריבה את הסגנים ואמרה מדוע נעזב בית האלהים ואקבצם ואעמדם על עמדם׃
12Ipapo vaJudha vose vakauya nezvegumi zvezviyo, nezvewaini, nezvamafuta, vakazviisa muzvivigiro.
12וכל יהודה הביאו מעשר הדגן והתירוש והיצהר לאוצרות׃
13Ndikaisa pazvivigiro vachengeti vefuma, Sheremia mupristi, naZadhoki munyori, navaRevhi, Pedhaya; vachibatsirwa naHanani, mwanakomana waZakuri, mwanakomana waMatania; nekuti vakanga vachinzi vakatendeka; basa ravo rakanga riri rokupa hama dzavo mugove wavo.
13ואוצרה על אוצרות שלמיה הכהן וצדוק הסופר ופדיה מן הלוים ועל ידם חנן בן זכור בן מתניה כי נאמנים נחשבו ועליהם לחלק לאחיהם׃
14Chindirangarirai henyu, Mwari wangu, pamusoro paizvozvo; regai henyu kupikisa mabasa angu akanaka andakaitira imba yaMwari wangu nezvaifanira kuitwa mairi.
14זכרה לי אלהי על זאת ואל תמח חסדי אשר עשיתי בבית אלהי ובמשמריו׃
15Zvino pamazuva iwayo ndakaona paJudha vamwe vakanga vachitsika mazambiringa pazvisviniro nesabata, navakanga vachitora zvisote vachizvitakudza mbongoro; uye waini, namazambiringa, namaonde, nemitoro yamarudzi ose, zvavakanga vachiuya nazvo paJerusaremu nezuva resabata; ndikavanyevera pazuva ravakatengesa zvokudya.
15בימים ההמה ראיתי ביהודה דרכים גתות בשבת ומביאים הערמות ועמסים על החמרים ואף יין ענבים ותאנים וכל משא ומביאים ירושלם ביום השבת ואעיד ביום מכרם ציד׃
16Pakanga pagerewo varume veTire, vaiuya nehove, nezvimwe zvinotengeswa zvamarudzi ose; vakazvitengesa kuvanhu vaJudha napaJerusaremu pazuva resabata.
16והצרים ישבו בה מביאים דאג וכל מכר ומכרים בשבת לבני יהודה ובירושלם׃
17Ipapo ndikaita nharo navakuru vavaJudha, ndikati kwavari, Chinhu ichi chakaipa chamunoita ndecheiko, zvamunozvidza zuva resabata?
17ואריבה את חרי יהודה ואמרה להם מה הדבר הרע הזה אשר אתם עשים ומחללים את יום השבת׃
18Ko madzibaba enyu haana kuita saizvozvo, Mwari wedu akauyisa zvakaipa izvi zvose pamusoro pedu napamusoro peguta rino here? Asi imwi munowedzera kutsamwa kwaMwari pamusoro paIsiraeri, zvamunozvidza sabata.
18הלוא כה עשו אבתיכם ויבא אלהינו עלינו את כל הרעה הזאת ועל העיר הזאת ואתם מוסיפים חרון על ישראל לחלל את השבת׃
19Zvino pamasuwo eJerusaremu pakati posviba, sabata risati rasvika, ndakaraira kuti mikova ipfigwe, ndikaraira kuti irege kuzarurwazve kusvikira sabata rapfuura, ndikaisa vamwe varanda vangu pamasuwo, kuti mitoro irege kupinzwa pazuva resabata.
19ויהי כאשר צללו שערי ירושלם לפני השבת ואמרה ויסגרו הדלתות ואמרה אשר לא יפתחום עד אחר השבת ומנערי העמדתי על השערים לא יבוא משא ביום השבת׃
20Naizvozvo vashambadziri navatengesi vezvinhu zvamarudzi ose vakavata kunze kweJerusaremu kamwe kana kaviri.
20וילינו הרכלים ומכרי כל ממכר מחוץ לירושלם פעם ושתים׃
21Ipapo ndakavanyevera ndikati kwavari, Munovatireiko pamberi porusvingo? Kana mukadarozve ndichakubatai. Zvino kubva panguva iyo havana kuzouyazve nesabata.
21ואעידה בהם ואמרה אליהם מדוע אתם לנים נגד החומה אם תשנו יד אשלח בכם מן העת ההיא לא באו בשבת׃
22Ndikaraira vaRevhi kuti vazvinatse, vauye kuzorinda masuwo, vatsaure zuva resabata. Ndirangarirei henyu nokuda kwechinhu ichiwo, Mwari wangu, mundinzwire tsitsi nenyasha dzenyu huru.
22ואמרה ללוים אשר יהיו מטהרים ובאים שמרים השערים לקדש את יום השבת גם זאת זכרה לי אלהי וחוסה עלי כרב חסדך׃
23Namazuva iwayo ndakaonawo vamwe vaJudha vakanga vawana vakadzi veAshidhodhi, naAmoni, naMoabhu;
23גם בימים ההם ראיתי את היהודים השיבו נשים אשדודיות עמוניות מואביות׃
24vana vavo vaitaura zvimwe nechiAshidhodhi, vasingagoni kutaura rurimi rwavaJudha, asi rurimi rwamarudzi iwayo.
24ובניהם חצי מדבר אשדודית ואינם מכירים לדבר יהודית וכלשון עם ועם׃
25Ndikaita nharo navo, ndikavatuka, ndikarova vamwe vavo, ndikataura vhudzi ravo, ndikavapikisa naMwari, ndichiti, Hamufaniri kupa vanakomana vavo vakunda venyu, kana kutorera vanakomana venyu vakunda vavo, kunyange nemiwo.
25ואריב עמם ואקללם ואכה מהם אנשים ואמרטם ואשביעם באלהים אם תתנו בנתיכם לבניהם ואם תשאו מבנתיהם לבניכם ולכם׃
26Ko Soromoni mambo waIsiraeri haana kutadza pazvinhu izvi here? Kunyange zvakadaro pakati pendudzi zhinji pakanga pasina mambo akafanana naye, naye akanga akadikamwa naMwari wake, Mwari akamuita mambo wavaIsiraeri vose; kunyange zvakadaro naiye akatadziswa navakadzi vatorwa.
26הלוא על אלה חטא שלמה מלך ישראל ובגוים הרבים לא היה מלך כמהו ואהוב לאלהיו היה ויתנהו אלהים מלך על כל ישראל גם אותו החטיאו הנשים הנכריות׃
27Ko zvino tingakuteererai kuti muite chinhu ichi chakaipa chikuru, mutadzire Mwari wedu muchiwana vakadzi vatorwa here?
27ולכם הנשמע לעשת את כל הרעה הגדולה הזאת למעל באלהינו להשיב נשים נכריות׃
28Zvino mumwe wavanakomana vaJoyadha mwanakomana waEriashibhi mupristi mukuru, akanga ari mukwambo waSanibharati muHoroni; saka ndakamudzinga abve kwandiri.
28ומבני יוידע בן אלישיב הכהן הגדול חתן לסנבלט החרני ואבריחהו מעלי׃
29Muvarangarirei henyu, Mwari wangu, nekuti vakasvibisa upristi nesungano youpristi neyavaRevhi.
29זכרה להם אלהי על גאלי הכהנה וברית הכהנה והלוים׃
30Ndikavanatsa saizvozvo ndikabvisa zvose zvavatorwa, ndikaraira madzoro avapristi navaRevhi, mumwe nomumwe pabasa rake;
30וטהרתים מכל נכר ואעמידה משמרות לכהנים וללוים איש במלאכתו׃
31napabasa rezvipo zvehuni panguva dzakatarwa, nerezvitsva. Ndirangarirei henyu, Mwari wangu, mundiitire zvakanaka.
31ולקרבן העצים בעתים מזמנות ולבכורים זכרה לי אלהי לטובה׃