1Zvino ndakaona mumwe mutumwa une simba achiburuka kubva kudenga, akapfekedzwa gore; nemurarabungu uri pamusoro wake, chiso chake chakaita sezuva, netsoka dzake sembiru dzemoto;
1וארא מלאך אחר אביר יורד מן השמים והוא עטה ענן ועל ראשו כמראה קשת הענן ופניו כשמש ורגליו כעמודי אש׃
2uye wakange ane bhuku duku rakazaruka muruoko rwake, akaisa rutsoka rwake rwerudyi pamusoro pegungwa, nerweruboshwe pamusoro penyika;
2ובידו ספר קטן פתוח וישם את רגל ימינו על הים ואת שמאלו על הארץ׃
3zvino akadanidzira nenzwi guru seshumba inodzvova; iye wakati adanidzira, kutinhira kunomwe kukabudisa manzwi ako.
3ויקרא בקול גדול כאשר ישאג האריה ובקראו דברו שבעת הרעמים בקולתיהם׃
4Zvino kutinhira kunomwe kwakati kwareva manzwi ako, ndakange ndododa kunyora, ndikanzwa inzwi richibva kudenga richiti kwandiri: Zarira zvarebwa nekutinhira kunomwe usanyora zvinhu izvi.
4וכדבר שבעת הרעמים בקולתיהם חפצתי לכתב ואשמע קול מן השמים לאמר חתום את אשר דברו שבעת הרעמים ואל תכתב זאת׃
5Ipapo mutumwa uya wandakaona amire pamusoro pegungwa nepamusoro penyika, wakasimudzira ruoko rwake kudenga,
5והמלאך אשר ראיתיו עמד על הים ועל הארץ הרים ידו אל השמים׃
6akapika naiye mupenyu kusvikira rinhi narinhi, wakasika denga nezvinhu zvirimo, nenyika nezvinhu zvirimo, negungwa nezvinhu zvirimo, kuti nguva haingazovipo.
6וישבע בחי עולמי העולמים אשר ברא את השמים וכל אשר בהם והארץ וכל אשר בה והים וכל אשר בו כי לא יהיה עוד זמן׃
7Asi nemazuva enzwi remutumwa wechinomwe, kana woda kuridza, chakavanzika chaMwari chichapedziswa, sezvaakaparidzira varanda vake vaporofita.
7אך בימי קול המלאך השביעי בעת עמדו לתקוע ונשלם סוד האלהים כאשר בשר את עבדיו הנביאים׃
8Zvino inzwi randakanzwa richibva kudenga rakataura kwandirizve rikati: Enda utore bhuku duku rakazaruka riri muruoko rwemutumwa, umire pamusoro pegungwa nepamusoro penyika.
8והקול אשר שמעתי מן השמים שב לדבר אלי לאמר לך וקח את הספר הקטן הפתוח אשר ביד המלאך העמד על הים ועל הארץ׃
9Ndikabva ndaenda kumutumwa, ndokuti kwaari: Ndipei bhuku duku. Akati kwandiri: Tora uridye; zvino richavavisa dumbu rako, asi mumuromo mako richatapira seuchi.
9ואבא אל המלאך ואמר לו תנה לי את הספר ויאמר אלי קח ואכל אתו וימר לבטנך אבל בפיך יהיה מתוק כדבש׃
10Zvino ndakatora bhuku duku muruoko rwemutumwa ndikaridya; rikava mumuromo mangu seuchi kutapira; asi ndakangoti ndaridya dumbu rangu rikavava.
10ואקח את הספר מיד המלאך ואכלהו ויהי בפי כדבש למתוק ואחרי אכלי אתו וימלא בטני מרורים׃
11Akati kwandiri: Unofanira kuporofitazve pamberi pevanhu nendudzi nendimi nemadzimambo.
11ויאמר אלי עליך לשוב להנבא עוד על עמים וגוים ולשנות ומלכים רבים׃