Shona

Hebrew: Modern

Revelation

2

1Kumutumwa wekereke iri paEfeso, nyora uti: Zvinhu izvi ndizvo zvinotaura iye wakabata nyeredzi nomwe muruoko rwake rwerudyi, unofamba pakati pezvigadziko zvemwenje zvinomwe zvendarama:
1אל מלאך קהל אפסוס כתב כה אמר האחז בימינו שבעת הכוכבים המתהלך בתוך שבע מנרות הזהב׃
2Ndinoziva mabasa ako, nekushingaira kwako, nokutsungirira kwako, uye kuti haumirisani nevakaipa; uye wakavaidza ivo vanoti tiri vaapositori asi vasiri ivo, uye ukavawana vari varevi venhema,
2ידעתי את מעשיך ואת עמלך ואת סבלך וכי לא תוכל שאת את הרשעים ותנסה את האמרים שליחים אנחנו ואינם ותמצאם כזבים׃
3ukatsungirira, uye ukava nemoyo murefu, zvekare nekuda kwezita rangu, wakashingaira ukasaneta.
3ואתה נשאת הרבה ויש לך סבלנות ולמען שמי לא יעפת׃
4Asi ndine pandinopokana newe, kuti wakasiya rudo rwako rwekutanga.
4אך יש לי עליך כי עזבת את אהבתך הראשונה׃
5Naizvozvo rangarira pawakawa, uye utendeuke ugoita mabasa ekutanga; kana zvikasadaro ndichauya kwauri nekukurumidza, ndigobvisa chigadziko chako chemwenje panzvimbo yacho, kunze kwekuti watendeuka.
5זכר אפוא אי מזה נפלת ושובה ועשה מעשיך הראשנים ואם לא הנני בא עליך מהר ונסחתי מנורתך ממקומה אם לא תשוב׃
6Asi ichi unacho, kuti unovenga mabasa avaNikoraiti, andinovenga iniwo.
6אבל זאת היא לך כי תשנא את מעשי הניקלסיים אשר שנאתים גם אני׃
7Une nzeve ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke; kuna iye unokunda ndichapa kuti adye zvemuti weupenyu, uri pakati peParadhiso yaMwari.
7מי אשר אזן לו ישמע את אשר הרוח אמר לקהלות המנצח אתן לו לאכל מעץ החיים אשר בתוך גן עדן לאלהים׃
8Nekumutumwa wekereke iri paSimina, nyora uti: Zvinhu izvi ndizvo zvinotaura wekutanga newekupedzisira, wakange akafa uye mupenyu:
8ואל מלאך קהל זמירנא כתב כה אמר הראשון והאחרון אשר מת ויחי׃
9Ndinoziva mabasa ako nedambudziko neurombo (asi uri mufumi), nekunyomba kwaivo vanoti vaJudha, izvo vasiri, asi vari sinagoge raSatani,
9ידעתי את מעשיך ואת צרתך ואת רישך ואולם עשיר אתה ואת גדוף האמרים יהודים אנחנו ואינם כי אם כנסית השטן׃
10usatya zvinhu izvo zvauchatambudzika nazvo; tarira, dhiabhorosi woda kuisa vamwe venyu mutirongo, kuti muidzwe; uye muchava nedambudziko mazuva gumi. Uve wakatendeka kusvikira parufu, ndigokupa korona yeupenyu.
10אל תירא את אשר עליך לסבל הנה עתיד המלשין להשליך מכם לבית המשמר למען תנסו והייתם בצרה עשרת ימים היה נאמן עד מות ואתנה לך עטרת החיים׃
11Uyo une nzeve ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke. Unokunda haangakuvadzwi nerufu rwechipiri.
11מי אשר אזן לו ישמע את אשר הרוח אמר לקהלות המנצח לא ינזק במות השני׃
12Uye kumutumwa wekereke iri paPegamo nyora uti: Zvinhu izvi, unotaura iye une munondo unopinza, unocheka mativi maviri:
12ואל מלאך קהל פרגמוס כתב כה אמר אשר לו חרב פיפיות החדה׃
13Ndinoziva mabasa ako, uye paunogara ndipo pane chigaro cheushe chaSatani, asi wakabatisisa zita rangu, uye hauna kuramba rutendo rwangu, kunyange nepamazuva aAntipasi chapupu changu chakatendeka, wakaurawa pakati penyu, apo panogara Satani;
13ידעתי את מעשיך ואת מקום שבתך אשר שם כסא השטן ותדבק בשמי ולא שקרת באמונתי גם בימי אנטיפס עדי הנאמן אשר נהרג אצלכם מקום מושב השטן׃
14asi ndine zvinhu zvishoma zvandinopokana newe, nekuti unavo ipapo vanobatisisa dzidziso yaBharami, wakadzidzisa Bharaki kuisa chigumbuso pamberi pevana vaIsraeri, kuti vadye zvakabayirwa zvifananidzo nekuita upombwe.
14אך מעט יש לי עליך כי שם עמך אנשים דבקים בתורת בלעם אשר הורה את בלק לתת מכשול לפני בני ישראל לאכל מזבחי אלילים ולזנות׃
15Nekudaro newe unavo vanobatisisa dzidziso yevaNikoraiti, chinova chinhu chandinovenga.
15כן נמצאו גם בך אנשים דבקים בתורת הניקלסיים אשר שנאתי׃
16Tendeuka; kana zvikasadaro, ndichakurumidza kuuya kwauri, ndigorwa navo nemunondo wemuromo wangu.
16שובה ואם לא כי עתה אבוא עליך מהרה ונלחמתי בם בחרב פי׃
17Une nzeve ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke. Unokunda, ndichapa kwaari kuti adye mana yakavanzika, uye ndichamupa ibwe jena, nepabwe iro zita idzva rakanyorwa, risingazikamwi nemunhu, asi naiye unorigamuchira.
17מי אשר אזן לו ישמע את אשר הרוח אמר לקהלות המנצח אאכילנו מן המן הגנוז ונתתי לו אבן לבנה ועל האבן מפתח שם חדש אשר לא ידענו איש זולתי המקבל׃
18Uye nekumutumwa wekereke iri paTiatira, nyora uti: Zvinhu izvi unoreva Mwanakomana waMwari, une meso ake akafanana nemurazvo wemoto, netsoka dzake dzakaita sendarira inopenya;
18ואל מלאך קהל תיאטירא כתב כה אמר בן האלהים אשר עיניו כלבת אש ומרגלתיו כעין נחשת קלל׃
19Ndinoziva mabasa ako, nerudo, nekushumira nerutendo, nekutsungirira kwako, uye mabasa ako kuti ekupedzisira anopfuura ekutanga.
19ידעתי את מעשיך ואהבתך ואמונתך ועבורתך וסבלך וכי מעשיך האחרונים רבים הם מן הראשנים׃
20Asi zvakadaro ndine zvinhu zvishoma zvandinopokana newe, kuti unotendera mukadzi uya Jezebheri, unozviidza muporofitakadzi kudzidzisa nekutsausa varanda vangu kuti vaite upombwe, nekudya zvakabayirwa zvifananidzo,
20אך מעט יש לי עליך כי תניח את האשה איזבל האמרת כי היא נביאה ללמד ולהתעות את עבדי לזנות ולאכל זבחי אלילים׃
21Ndakamupa nguva kuti atendeuke paufeve hwake akasatendeuka.
21ואתן לה זמן לשוב והיא מאנה לשוב מתזנותיה׃
22Tarira, ndichamukandira panhovo nevanoita upombwe naye padambudziko guru, kunze kwekuti vatendeuka pamabasa avo.
22הנני מפיל אתה על מטה ואת המנאפים אתה בצרה גדולה אם לא ישובו ממעשיהם׃
23Uye ndichauraya vana vake nerufu; nekereke dzose dzichaziva kuti ndini ndinonzvera itsvo nemoyo; zvino ndichapa kwamuri umwe neumwe zvinoenderana nemabasa enyu.
23והרגתי במות את בניה וידעו כל הקהלות כי אני חקר כליות ולב ונתתי לכם לכל איש כפרי מעלליו׃
24Asi ndinotaura kwamuri nekune vamwe vakasara paTiatira, vose vasina dzidziso iyi, uye vasina kuziva zvakadzika zvaSatani, sezvavanotaura vachiti: Handingakutakudziyi umwe mutoro.
24אבל אמר אני לכם ולשאר הנמצאים בתיאטירא כל אשר אין להם הלקח ההוא ולא ידעו את עמקות השטן כאשר הם מתהללים לא אשים עליכם משא אחר׃
25Asi izvo zvamunazvo batisai kusvikira ndichiuya.
25אפס מה שיש לכם החזיקו בו עד כי אבוא׃
26Uye unokunda nekuchengeta mabasa angu kusvikira pakuguma, kwaari ndichapa simba pamusoro pemarudzi;
26והמנצח ושמר את מעשי עד עת קץ אתן לו שלטן על הגוים׃
27uye uchaatonga netsvimbo yedare, semidziyo yemuumbi achaputsanyiwa; sezvandakagamuchirawo kuna Baba vangu.
27ורעם בשבט ברזל ככלי יוצר ינפצו כאשר קבלתי גם אנכי מאת אבי׃
28uye ndichamupa hweva.
28ונתתי לו כוכב השחר׃
29Une nzeve ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke.
29מי אשר אזן לו ישמע את אשר הרוח אמר לקהלות׃