1Zvino isu tine simba tinofanira kutakura utera hwevasina simba, uye tisingazvifadzi isu.
1ועלינו החזקים לשאת חלשות הכשלים ואל נבקש הנאת עצמנו׃
2Umwe neumwe wedu ngaafadze umwe wake pane zvakanaka pakusimbisa.
2כי כל אחד ממנו יבקש הנאת חברו לטוב לו למען יבנה׃
3Nekuti kunyange Kristu haana kuzvifadza; asi sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Kutuka kwevakakutukai kwakawira pamusoro pangu.
3כי גם המשיח לא בקש הנאת עצמו אלא ככתוב חרפות חורפיך נפלו עלי׃
4Nekuti zvose zvakagara zvanyorwa zakanyorerwa kudzidza kwedu kuti kubudikidza nemoyo murefu nekunyaradza kwemagwaro tive netariro.
4כי כל אשר נכתב מלפנים ללמדנו נכתב למען תהיה לנו תקוה בסבלנות ובתנחומות הכתובים׃
5Zvino Mwari wemoyo murefu nenyaradzo ngaape kwamuri moyo umwe, umwe kune umwe zvichitevera Kristu Jesu;
5ואלהי הסבלנות והנחמה הוא יתן לכם להיות כלכם לב אחד על פי המשיח ישוע׃
6kuti nemoyo umwe uye nemuromo umwe mukudze Mwari, ivo baba vaIshe wedu Jesu Kristu.
6אשר תכבדו בנפש אחת ובפה אחד את האלהים אבי אדנינו ישוע המשיח׃
7Naizvozvo gamuchiranai, Kristu sezvaakatigamuchirawo, rwuve rukudzo rwaMwari.
7על כן תקבלו איש את אחיו כאשר גם המשיח קבל אתנו לכבוד האלהים׃
8Zvino ndinoti, Jesu Kristu wakava muranda wedzingiso nekuda kwechokwadi chaMwari, kuti asimbise zvivimbiso kumadzibaba.
8ואני אמר כי ישוע המשיח היה למשרת בני המילה למען אמת האלהים לקים את ההבטחות אשר לאבות׃
9Uye kuti vahedheni vakudze Mwari nekuda kwetsitsi; sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Nekuda kweizvozvi ndichakureururai pakati pevahedheni, nekuimbira zita renyu rumbidzo.
9והגוים המה יכבדו את האלהים למען רחמיו ככתוב על כן אודך בגוים ולשמך אזמרה׃
10Uyezve unoti: Farai imwi vahedheni pamwe nevanhu vake.
10ואומר הרנינו גוים עמו׃
11Uyezve: Rumbidzai Ishe imwi vahedheni vose; mumukudze imwi vanhu vose.
11ואומר הללו את יהוה כל גוים שבחוהו כל האמים׃
12uyezve Isaya unoti: Uchavapo mudzi waJese, naiye uchasimuka kutonga vahedheni; vahedheni vachavimba naye.
12וישעיהו אמר והיה שרש ישי אשר עמד לנס עמים אליו גוים יקוו׃
13Dai Mwari wetariro akuzadzai nemufaro wose nerugare parutendo, kuti muwedzere patariro, kubudikidza nesimba reMweya Mutsvene.
13ואלהי התקוה הוא ימלא אתכם כל שמחה ושלום באמונה למען תעדף תקותכם בגבורת רוח הקדש׃
14Zvino ini ndomene ndinogutsikana nemwi hama dzangu, kuti imwi pachenyu muzere nekunaka, makazadzwa neruzivo rwose, munogonawo kurairana.
14והנה אחי מבטח אני בכם כי גם אתם בעצמכם מלאי אהבת חסד ממלאים כל דעת ותוכלו להוכיח איש את רעהו׃
15Asi hama, ndinokunyorerai ndakatsunga zvikuru neimwe nzira, ndichiita sendinokuyeukai nekuda kwenyasha dzandakapiwa naMwari,
15אך העזתי מעט בכתבי אליכם הנה והנה כמזכיר אתכם על פי החסד הנתון לי מאת האלהים׃
16kuti ndive mushumiri waKristu Jesu kuvahedheni, ndichishumira evhangeri yaMwari, kuti zvibayiro zvevahedheni zvigamuchirike, zvichiitwa zvitsvene neMweya Mutsvene.
16להיותי משרת ישוע המשיח לגוים ולכהן בבשורת האלהים למען יהיה קרבן הגוים רצוי ומקדש ברוח הקדש׃
17Naizvozvo ndine kuzvikudza muna Kristu Jesu pazvinhu zvemaererano naMwari.
17על כן יש לי להתהלל במשיח ישוע נגד האלהים׃
18Nekuti handingashingi kutaura chero chinhu chaizvo Kristu zvaasina kuita kubudikidza neni, kuti vahedheni vateerereswe neshoko nebasa,
18כי לא אעז פני לדבר דבר זולתי אשר עשה המשיח בידי למען הטות באמר ובמעשה את לב הגוים לסור למשמעתו׃
19kubudikidza nezviratidzo nezvishamiso, nesimba reMweya waMwari; kuti kubva kuJerusarema nekwakapoteredza kusvikira Iririkumu, ndakaparidza zvakazara evhangeri yaKristu;
19בגבורת אתות ומופתים ובגבורת רוח אלהים עד כי מלאתי מירושלים וסביבותיה ועד לאלוריקון את בשורת המשיח׃
20nekudaro ndakashingaira kuparidza evhangeri, apo pasina kumborehwa Kristu, kuti ndirege kuvaka pamusoro penheyo dzeumwe munhu;
20בהשתדלי להגיד את הבשורה לא במקמות אשר שם כבר נקרא שם המשיח לבלתי בנות על יסוד אחרים׃
21asi, sezvazvakanyorwa zvichinzi: Kune vasina kuudzwa zvake, vachaona, nevasina kunzwa vachanzwisisa.
21כי אם ככתוב אשר לא ספר להם ראו ואשר לא שמעו התבוננו׃
22Nekuda kweizvozviwo, ndakadzivirirwa kazhinji kuuya kwamuri;
22וזה הוא הדבר אשר נעצרתי בגללו פעם ושתים מבוא אליכם׃
23asi zvino zvandisisina nzvimbo pamatunhu awa, uye ndine chishuwo chikuru makore ose awa chekuuya kwamuri,
23אבל כעת אשר אין עוד מקום לי בגלילות האלה ונכסף נכספתי לבא אליכם זה שנים רבות׃
24kana zvakadaro ndichaenda Sipania ndichauya kwamuri; nekuti ndinovimba kukuonai parwendo rwangu, ndiperekedzwe nemwi ikoko, kana ndatanga ndambogutswa zvishoma nemwi.
24אבוא אליכם בלכתי לאספמיא כי מקוה אנכי לראותכם בעברי ואתם תשלחוני שמה ואשבעה מעט מכם בראשונה׃
25Asi ikozvino ndinoenda kuJerusarema kunoshumira vatsvene.
25אמנם עתה אלכה ירושלימה לעזור את הקדושים׃
26Nekuti zvakavafadza veMakedhonia neAkaya vakati zvakanaka kuti vape zvipo varombo vatsvene vari paJerusarema.
26כי מקדוניא ואכיא הואילו לתת משאת נדבה לאביוני הקדושים אשר בירושלים׃
27Zvakavafadza zvikuru, uye vane ngava navo; nekuti kana vahedheni vakaitwa vagovani navo pazvinhu zvavo zveMweya, vane ngavawo rekuvashumira pazvinhu zvenyama.
27כי הואילו ואף מחיבים הם להם כי אם היה לגוים חלק בדברי הרוח אשר להם הלא עליהם לעזרם גם בדברי הגוף׃
28Naizvozvo kana ndapedza chinhu ichi, ndikasimbisa chibereko ichi kwavari, ndichaenda Spania ndichipfuura nekwenyu.
28לכן כשגמרתי את זאת וחתמתי להם הפרי הזה אז אעברה דרך ארצכם לאספמיא׃
29Uye ndine chokwadi kuti kana ndichiuya kwamuri, ndichauya pakuzara kwemaropafadzo eevhangeri yaKristu.
29ויודע אנכי כי בבאי אליכם אבוא במלא ברכת בשורת המשיח׃
30Zvino ndinokukumbirisai hama, nekuda kwaIshe wedu Jesu Kristu, uye nekuda kwerudo rweMweya, kuti murwise pamwe neni pakunyengetera kwenyu kuna Mwari pamusoro pangu;
30ואני מעורר אתכם אחי באדנינו ישוע המשיח ובאהבת הרוח להתאמץ אתי בהעתיר בעדי אל האלהים׃
31kuti ndisunungurwe kuna avo vasingatendi muJudhiya, uye kuti basa rangu kune veJerusarema rigamuchirwe nevatsvene;
31למען אשר אנצל מהסוררים בארץ יהודה ויערב על הקדושים שמושי לשם ירושלים׃
32kuti ndiuye kwamuri nemufaro nekuda kwaMwari, ndivandudzwe pamwe nemwi.
32ואשר אבוא אליכם במשחה ברצון אלהים ואנפש עמכם׃
33Zvino Mwari werugare ngaave nemwi mose. Ameni.
33ואלהי השלום עם כלכם אמן׃