1Naizvozvo hauna manzvengero, iwe munhu, upi neupi unotonga; nekuti pachinhu icho chaunotonga mumwe, unozvipa mhosva iwe, nekuti iwe unotonga unoita zvinhu zvakangodaro.
1לכן אין לך התנצלות אתה בן אדם הדן תהיה מי שתהיה כי במה שתדין את חברך תחיב את נפשך באשר אתה הדן תעשה כמעשהו׃
2Asi tinoziva kuti kutonga kwaMwari kunoenderana nechokwadi pamusoro pevanoita zvinhu izvozvo.
2וידענו כי משפט אלהים כפי האמת על עשי אלה׃
3Zvino unofunga izvi here, iwe munhu unotonga avo vanoita zvinhu zvakadai, uchiitawo zvakadaro, kuti ungatiza kutonga kwaMwari?
3ואתה בן אדם הדן את אשר פעלו כאלה ועשית כמעשיהם התחשב להמלט ממשפט האלהים׃
4Kana unozvidza ufumi hwenyasha dzake nemoyo murefu, nemoyo munyoro; usingazivi kuti nyasha dzaMwari dzinokuisa pakutendeuka?
4או התבוז לעתרת טובו ולחמלתו ולארך רוחו ולא תתבונן כי טובת האלהים תדריך אתך לתשובה׃
5Asi neukukutu hwako, nemoyo usingatendeuki, unozviunganidzira hasha nezuva rekutsamwa nekuzarurwa kwekutonga kwakarurama kwaMwari;
5ובקשי לבבך הממאן לשוב תצבר לך עברה אל יום עברת האלהים ועת הגלות צדקת משפטו׃
6iye uchapa kune umwe neumwe maererano nemabasa ake;
6אשר ישלם לאיש כמעשהו׃
7kuna ivo vane moyo mirefu vanorambira mumabasa akanaka vachitsvaka kubwinya, nokukudzwa, nokusafa, uchavapa upenyu husingaperi.
7למתמידים בעשות הטוב ומבקשים את הכבוד וההדר ואת אשר איננו עבד יתן את חיי העולמים׃
8Asi kuna vane nharo, vasingateereri chokwadi, asi vanoteerera kusarurama, kuchavapo hasha nokutsamwa;
8ועל בני המרי ואשר לא ישמעו לאמת כי אם לעולה שמעו חרון אף וחמה׃
9kutambudzika nenhamo pamusoro pemweya umwe neumwe wemunhu unoita zvakaipa, pakutanga wemuJudha, newemuGiriki;
9צרה ומצוקה על כל נפש אדם עשה הרע על היהודי בראשונה וכן גם על היוני׃
10asi kubwinya nokukudzwa, nerugare kune umwe neumwe unoita zvakanaka, kumuJudha pakutanga, nekumuGirikiwo.
10וכבוד והדר ושלום לכל עשה הטוב ליהודי בראשונה וכן גם ליוני׃
11Nekuti hakuna rusarura gomunhu kuna Mwari.
11כי אין משא פנים עם האלהים׃
12Nekuti vose vakatadza vakatadza vasina murairo; vachaparara vasina murairo; uye vose vakatadza mumurairo, vachatongwa nemurairo;
12כי כל אלה אשר חטאו בלי תורה גם בבלי תורה יאבדו ואשר חטאו בתורה גם על פי התורה ישפטו׃
13nekuti havasi vanzwi vemurairo vakarurama pamberi paMwari, asi vaiti vemurairo ndivo vachanzi vakarurama;
13כי לא שמעי התורה צדיקים לפני האלהים כי אם עשי התורה הם יצדקו׃
14nekuti kana vahedheni vasina murairo vachiita pachisikirwo zvinhu zviri mumurairo, ava vasina murairo ndivo murairo wavo vamene;
14כי הגוים אשר אין להם תורה בעשותם כדברי התורה מאליהם גם באין תורה הם תורה לנפשם׃
15vanoratidza basa remurairo wakanyorwa mumoyo yavo, hana yavo ichipupurawo, nemirangariro panguva iyi ichipa mhosva kana kurwira pakati pavo;
15בהראותם מעשה התורה כתוב על לבם ודעתם מעידה בהם ומחשבותם בקרבם מחיבות זאת את זאת או גם מזכות׃
16nezuva iro Mwari paachatonga zvakavanzika zvevanhu, naJesu Kristu, maererano neevhangeri yangu.
16ביום אשר ישפט האלהים את כל תעלמות בני האדם ביד ישוע המשיח כפי בשורתי׃
17Tarira iwe unonzi muJudha, unozembera pamurairo, unozvikudza pamusoro paMwari,
17הן אתה נקרא בשם יהודי ונשענת על התורה והתהללת באלהים׃
18unoziva chido nekugamuchira zvakanakisisa, uchidzidziswa nemurairo,
18וידעת הראוי ובהיותך מלמד בתורה תבין בין טוב לרע׃
19unozvivimba kuti iwe uri mutungamiriri wemapofu, chiedza chevari murima,
19ובטחת בנפשך להיות מוליך העורים ואור להלכים בחשך׃
20murairi wemapenzi, mudzidzisi wevacheche, une chimiro cheruzivo nechechokwadi mumurairo;
20מיסר לחסרי לב ומורה הפתאים ויש לך צורת המדע והאמת בתורה׃
21Naizvozvo iwe unodzidzisa mumwe, hauzvidzidzisi here? Iwe unoparidza kuti munhu arege kuba, iwe haubi here?
21ואתה אשר תורה אחרים את נפשך לא תורה אמרת לא תגנב והנך גנב׃
22Iwe unoti usapombwe, unoita upombwe here? Iwe unosema zvifananidzo, unopamba tembere dzavo here?
22אמרת לא תנאף ואתה נאף תשקץ את האלילים ואתה גזל את הקדש׃
23Iwe unozvirumbidza nemurairo, unoshoora Mwari nekudarika murairo here?
23תתהלל בתורה ותנבל את האלהים בעברך את התורה׃
24Nekuti zita raMwari rinonyombwa pakati pevahedheni kubudikidza nemwi sezvazvakanyorwa.
24כי שם האלהים בגללכם מחלל בגוים כאשר כתוב׃
25Nekuti kudzingiswa kunobatsira zvirokwazvo, kana uchichengeta murairo; asi kana uri mudariki wemurairo, kudzingiswa kwako kunoitwa kusadzingiswa.
25הן המילה מועילה אם תשמר את התורה אבל אם עבר אתה את התורה אז מילתך היתה לך לערלה׃
26Naizvozvo kana kusadzingiswa kuchichengeta zviga zvemurairo, ko kusadzingiswa kwake hakuveregwi sekudzingiswa here?
26לכן אם ישמר הערל את משפטי התורה הלא תחשב לו ערלתו למילה׃
27Nekusadzingiswa kwepachizvarigo, achizadzisa murairo, haangakutongi here iwe mudariki wemurairo nemagwaro uye kudzingiswa?
27והערל מלדה המקים את התורה הלא הוא ידין אתך אשר יש לך הכתב והמילה ועברת את התורה׃
28Nekuti haazi muJudha, uri muJudha gokunze; hakuzi kudzingiswa kuri kwekunze panyama;
28כי לא הנראה מחוץ הוא היהודי ולא הנראה מחוץ בבשר היא המילה׃
29asi iye muJudha uri iye nechomukati; nekudzingiswa ndekwemoyo mumweya, kwete mumagwaro; kurumbidzwa kwake hakubvi kuvanhu asi kuna Mwari.
29כי אם אשר בפנים הוא יהודי ומילה היא אשר בלב כפי הרוח ולא כפי הכתב אשר לא מבני אדם תהלתו כי אם מאת האלהים׃