1Zvino iwe taura zvinhu zvakafanira dzidziso mhenyu.
1ואתה דבר את הנאה ללקח הבריא׃
2Varume vakuru kuti vave vakadzikama, vanokudzwa, vakangwara, vapenyu parutendo, parudo, pakutsungirira;
2שיהיו הזקנים משלים ברוחם ומכבדים וצנועים ובריאים באמונה ובאהבה ובסבלנות׃
3saizvozvowo vakadzi vakuru, kuti pamafambiro vave sezvakafanira utsvene, kwete vacheri, kana vanokarira waini zhinji, vadzidzisi vezvinhu zvakanaka,
3וכן הזקנות תהי הנהגתן כאשר נאוה לקדש לא תהיינה מלשינות ולא נכבשות לסבוא יין כי אם מלמדות טוב׃
4kuti vadzidzise vakadzi vaduku kusvinura mufungwa, kuda varume vavo, nekuda vana vavo,
4ומישרות את הצעירות לאהב את בעליהן ולאהב את בניהן׃
5vakachenjera, vakachena, vachengeti vemisha, vakanaka, vanoteerera varume vavo, kuti shoko raMwari rirege kunyombwa.
5ולהיות צנועות וטהרות צופיות הליכות ביתן וטבות ונכנעות לבעליהן למען לא יחלל דבר האלהים׃
6Varume vaduku saizvozvo ukurudzire kuti vave vakasvinura;
6ככה תזהיר גם את הבחורים שיהיו צנועים׃
7pazvinhu zvose iwe uzviratidze semufananidzo wamabasa akanaka, padzidziso isakasvibiswa, nemugariro unokudzwa nekuvimbika,
7ובכל דבר היה אתה למופת במעשים טובים בהוראה צרופה ונהדרה׃
8nhauro yakagwinya isingagoni kushoorwa, kuti uyo wedivi rinopikisa anyare, asina chinhu chakaipa chaangareva pamusoro penyu.
8ובדבר בריא ומום אין בו למען יבוש המתקומם ולא ימצא לדבר עליכם רע׃
9Kurudzira varanda kuzviisa pasi pavatenzi vavo, kuti vafadze pazvose, vasingakakavari,
9העבדים יכנעו לאדניהם ויתרצו להם בכל דבר ולא ימרו את דבריהם׃
10vasingabi, asi varatidze kutendeka kwakanaka kose, kuti vashongedze dzidziso yaMwari Muponesi wedu pazvinhu zvose.
10ולא ימעלו מעל כי אם יראו כל אמונה טובה למען יפארו בכל את לקח אלהינו מושיענו׃
11Nekuti nyasha dzaMwari dzinoponesa dzakaratidzwa kuvanhu vose,
11כי הופיע חסד אלהים להושיע את כל בני האדם׃
12Dzichitidzidzisa kuti, tichiramba kusava neuMwari nekuchiva kwenyika, tirarame nekusvinura, kururama neuMwari panyika yazvino,
12וליסר אתנו אשר נתעב הרשע ותאות העולם ונחיה בעולם הזה בצניעות ובצדק ובחסידות׃
13tichimirira tariro yakaropafadzwa, nekuratidzwa kwekubwinya kwaMwari mukuru neMuponesi wedu Jesu Kristu.
13ונחכה לתקוה המאשרת ולהופעת כבוד אלהינו הגדול ומושיענו ישוע המשיח׃
14wakazvipa nekuda kwedu, kuti atidzikinure pakuipa kose, kuti azvinatsire vanhu vakasanangurwa, vanoshingairira mabasa akanaka.
14אשר נתן את נפשו בעדנו לגאלנו מכל עול ולטהר לו עם סגלה הזריז במעשים טובים׃
15Taura zvinhu izvi, ukurudzire, utsiure nesimba rose; kurege kuva nomunhu unokuzvidza.
15את אלה תדבר ותזהיר ותוכיח בכל חזקה ואיש אל יבוז לך׃