1Zvino mutumwa akanga achitaurirana neni akasvikazve, akandimutsa, somunhu anomutswa pahope dzake.
1וישב המלאך הדבר בי ויעירני כאיש אשר יעור משנתו׃
2Akati kwandiri, Unooneiko? Ini ndikati, Ndakatarira, ndikaona chigadziko chomwenje chendarama yose, chine hadyana yacho pamusoro pacho, nemwenje yacho minomwe iri pamusoro pacho; mwenje mumwe nomumwe uri pamusoro pacho une mbombi nomwe;
2ויאמר אלי מה אתה ראה ויאמר ראיתי והנה מנורת זהב כלה וגלה על ראשה ושבעה נרתיה עליה שבעה ושבעה מוצקות לנרות אשר על ראשה׃
3uye miti miviri yemiorivhi parutivi rwacho, mumwe kurutivi rworudyi rwehadyana, nomumwe kurutivi rworuboshwe.
3ושנים זיתים עליה אחד מימין הגלה ואחד על שמאלה׃
4Ndikapindura ndikataura nomutumwa akanga achitaurirana neni, ndichiti, Izvi zvinyiko, ishe wangu?
4ואען ואמר אל המלאך הדבר בי לאמר מה אלה אדני׃
5Ipapo mutumwa akanga achitaurirana neni, akapindura, akati, kwandiri, Hauzivi here kuti izvi zvinyiko? Ini ndikati, Kwete, ishe wangu.
5ויען המלאך הדבר בי ויאמר אלי הלוא ידעת מה המה אלה ואמר לא אדני׃
6Ipapo akapindura, akataura neni, achiti, Ndiro shoko raJehovha kuna Zerubhabheri, rinoti, Kwete nehondo kana nesimba, asi noMweya wangu, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
6ויען ויאמר אלי לאמר זה דבר יהוה אל זרבבל לאמר לא בחיל ולא בכח כי אם ברוחי אמר יהוה צבאות׃
7Ndiwe aniko, iwe gomo guru? Pamberi paZerubhabheri uchaitwa bani, iye achabudisa ibwe rokumusoro, achidanidzira achiti, Nyasha, nyasha ngadzive kwariri.
7מי אתה הר הגדול לפני זרבבל למישר והוציא את האבן הראשה תשאות חן חן לה׃
8Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,
8ויהי דבר יהוה אלי לאמר׃
9Maoko aZerubhabheri akateya nheyo dzeimba ino, maoko ake achaipedzisawo; ipapo iwe uchaziva kuti Jehovha wehondo ndiye akandituma kwauri.
9ידי זרבבל יסדו הבית הזה וידיו תבצענה וידעת כי יהוה צבאות שלחני אלכם׃
10nekuti ndiani akashoora zuva rezvinhu zviduku? nekuti achafara zvikuru, achaona rwonzi rwokuyera muruoko rwaZerubhabheri; awa ndiwo meso aJehovha anofamba pose-pose panyika yose.
10כי מי בז ליום קטנות ושמחו וראו את האבן הבדיל ביד זרבבל שבעה אלה עיני יהוה המה משוטטים בכל הארץ׃
11Ipapo ndakapindura, ndikati kwaari, Ko miorivhi iyi miviri kurutivi rworudyi rwechigadziko nokurutivi rworuboshwe zvinoti kudiniko?
11ואען ואמר אליו מה שני הזיתים האלה על ימין המנורה ועל שמאולה׃
12Ndikapindurazve rwechipiri, ndikati kwaari, Ko matavi awa maviri emiorivhi ari kumativi emiromo miviri , inodira mafuta endarama pairi, anoti kudiniko?
12ואען שנית ואמר אליו מה שתי שבלי הזיתים אשר ביד שני צנתרות הזהב המריקים מעליהם הזהב׃
13Akandipindura, akati, Hauzivi here kuti izvi zvinyiko? Ini ndikati, Kwete, ishe wangu.
13ויאמר אלי לאמר הלוא ידעת מה אלה ואמר לא אדני׃
14Zvino akati, Ava ndivo vaviri vakazodzwa, vamire pamberi paShe wenyika yose.
14ויאמר אלה שני בני היצהר העמדים על אדון כל הארץ׃