Shona

Indonesian

Isaiah

38

1Zvino namazuva iwayo Hezekia akarwara, akasvikira pakufa. Muporofita Isaya mwanakomana waAmozi akasvika kwaari, akati kwaari, Zvanzi naJehovha, Chirayira nhaka yako, nekuti uchafa, haungararami.
1Sekitar waktu itu Hizkia jatuh sakit dan hampir saja meninggal. Nabi Yesaya anak Amos, mengunjungi dia dan berkata, "TUHAN berpesan supaya Baginda membereskan semua urusan, sebab Baginda tak akan sembuh. Tidak lama lagi Baginda akan meninggal."
2Ipapo Hezekia akatendeukira kumadziro, akanyengetera kuna Jehovha,
2Hizkia berpaling ke tembok, lalu berdoa,
3akati, Dorangarirai henyu, Jehovha, kuti ndakafamba pamberi penyu nechokwadi nomoyo wose, ndikaita zvakanaka pamberi penyu. Hezekia akachema kwazvo.
3"TUHAN, ingatlah bahwa aku ini sudah mengabdi kepada-Mu dengan setia dan tulus hati. Aku selalu berusaha menuruti kemauan-Mu." Lalu Hizkia menangis dengan pilu.
4Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Isaya, richiti,
4Sesudah Yesaya pergi, TUHAN menyuruh dia
5Enda undoti kuna Hezekia, zvanzi naJehovha, Mwari wababa vako Dhavhidhi, Ndanzwa kunyengetera kwako, ndaona misodzi yako; tarira, ndichawedzera pamazuva ako makore ane gumi namashanu.
5kembali kepada Hizkia dan menyampaikan pesan ini, "Aku, TUHAN, Allah yang disembah Daud leluhurmu, telah mendengar doamu dan melihat air matamu. Aku akan menambah umurmu dengan lima belas tahun lagi.
6Ndichakurwira iwe neguta rino paruoko rwamambo weAsiria; uye ndichadzivirira guta rino.
6Engkau dan kota Yerusalem akan Kulepaskan dari raja Asyur. Kota ini akan tetap Kulindungi."
7Hechi chiratidzo chaJehovha kwauri, kuti Jehovha achaita chinhu ichi chaakataura.
7Yesaya menjawab, "Inilah tanda yang diberikan TUHAN kepada Baginda bahwa Ia menepati janji-Nya.
8Tarira, ndichadzosa mumvuri pamitaro, yakanga yakadzira nezuva pachikati chaAhazi, udzoke mitaro ine gumi. Naizvozvo zuva rakadzoka mitaro ine gumi pachikati chaAhazi, pawakanga wadzikira.
8Pada penunjuk jam matahari buatan Raja Ahas, TUHAN akan membuat bayangannya mundur sepuluh garis." Maka mundurlah bayangan itu sepuluh garis.
9Horwu runyoro rwaHezekia mambo waJudha, panguva yaakanga arwara, akaporazve pakurwara kwake.
9Sesudah Hizkia sembuh, ia menulis lagu pujian ini:
10Ndakati, ndichapinda pamasuwo eSheori achiri masikati pamazuva angu; Ndatorerwa makore angu akanga asara.
10"Kataku, baru setengah umur aku harus pergi, mengakhiri sisa hidupku di dunia orang mati.
11Ndakati, handichazooni Jehovha, iye Jehovha, panyika yavapenyu; Handichazooni vanhu pamwechete navagere panyika.
11Kataku, aku takkan lagi memandang TUHAN di bumi, atau melihat manusia di dunia ini.
12Ugaro hwangu hwaputswa, hwabviswa kwandiri setende romufudzi; Ndapeta upenyu hwangu, somuruki, uchandigura pachirukiso; Muchandigumisa kubvira mangwanani kusvikira madekwana.
12Nyawaku putus, sampailah ajalku, seperti kemah gembala yang dibongkar; seperti kain dipotong dari alat penenun; kusangka Allah akan mengakhiri hidupku.
13Ndakachema kusvikira kwaedza; unovhuna mafupa angu ose seshumba; Muchandigumisa kubvira mangwanani kusvikira madekwana.
13Sepanjang malam aku berteriak kesakitan, seolah-olah tulang-tulangku diremukkan seekor singa; kusangka Allah akan mengakhiri hidupku.
14Ndakarira senyenganyenga kana kondo; Ndakachema senjiva; meso angu akapera nokutarira kumusoro; Haiwa Jehovha, ndakamanikidzwa, ivai mumiririri wangu imi.
14Suaraku makin redup dan lemah, seperti burung dara aku berkeluh kesah. Mataku letih karena menengadah ke langit, TUHAN, bebaskanlah aku dari kesusahan ini.
15Ndingatiiko? Ndiye akataura neni, ndiye akazviita; Ndichanyasa kufamba makore angu ose, nokuda kokurwadziwa komoyo wangu.
15Apa yang dapat kukatakan? Ini perbuatan TUHAN; aku tak dapat tidur karena kesedihan.
16Ishe, vanhu vanorarama nezvinhu izvozvi; Upenyu hwose hwomweya wangu huri mazviri; Naizvozvo ndiporesei, mundiraramise.
16Ya TUHAN, berilah aku hidup oleh perkataan dan perbuatan-Mu, biarlah aku hidup bagi-Mu saja.
17Tarirai, kutambudzika kwangu kukuru kwakazondivigira rugare; Asi makarwira mweya wangu norudo pagomba rokuparadzwa; nekuti makarasira zvivi zvangu zvose shure kwenyu.
17Kepedihanku akan berubah menjadi ketentraman, Engkau menyelamatkan aku dari bahaya; dosa-dosaku telah Kauampuni semuanya.
18nekuti Sheori harigoni kukuvongai, rufu harugoni kukurumbidzai; Vanoburukira kugomba havangagoni kutarira zvokwadi yenyu.
18Di alam maut tak ada yang memuji Engkau, orang mati tak dapat mengharapkan kesetiaan-Mu.
19Mupenyu, mupenyu, ndiye uchakuvongai, sezvandinoita nhasi; baba vachazivisa vana vavo zvokwadi yenyu.
19Hanya orang hidup yang memuji Engkau, seperti yang kulakukan hari ini. Orang tua menceritakan kepada anaknya betapa setianya Engkau, ya TUHAN.
20Jehovha akazvigadzirira kundiponesa; Naizvozvo tichaimba nziyo dzangu nemitengeramwa Mazuva ose oupenyu bwedu mumba maJehovha.
20TUHAN, Engkau telah menyembuhkan aku, maka kami nyanyikan pujian di Rumah-Mu dengan memetik kecapi, sepanjang hidup kami."
21Zvino Isaya akanga ati, Ngavatore bundu, ramawonde varinamire pamota, ipapo achapora.
21Lalu Yesaya menyuruh orang melumatkan buah ara dan mengoleskannya pada bisul Hizkia supaya sembuh.
22Hezekiawo akanga ati, Chiratidzo ndechipi kuti ndichakwira kuimba yaJehovha?
22Raja Hizkia bertanya, "Apakah tandanya bahwa TUHAN akan menyembuhkan aku dan bahwa aku dapat pergi ke Rumah TUHAN lagi?"