1Zvino Soromoni wakaita wanano naFarao, mambo weEgipita, akawana mukunda waFarao, akamuisa kuguta raDhavhidhi, kusvikira apedza kuvaka imba yake neimba yaJehovha, norusvingo runopoteredza Jerusaremu.
1Or Salomone s’imparentò con Faraone, re di Egitto. Sposò la figliuola di Faraone, e la menò nella città di Davide, finché avesse finito di edificare la sua casa, la casa dell’Eterno e le mura di cinta di Gerusalemme.
2Asi vanhu vakabayira zvibayiro pamatunhu akakwirira, nekuti kusvikira mazuva iwayo zita raJehovha rakanga richigere kuvakirwa imba.
2Intanto il popolo non offriva sacrifizi che sugli alti luoghi, perché fino a que’ giorni non era stata edificata casa al nome dell’Eterno.
3Soromoni akada Jehovha, akafamba nemitemo yababa vake Dhavhidhi; asi wakabayira zvibayiro nokupisa zvinonhuhwira pamatunhu akakwirira.
3E Salomone amava l’Eterno e seguiva i precetti di Davide suo padre; soltanto offriva sacrifizi e profumi sugli alti luoghi.
4Zvino mambo akaenda Gibhiyoni kundobayirapo, nekuti ndiwo wakange uri mutunhu mukuru wakakwirira; Soromoni akabayira paaritari iyo zvipiriso zvinopiswa zvine chiuru chimwe.
4Il re si recò a Gabaon per offrirvi sacrifizi, perché quello era il principale fra gli alti luoghi; e su quell’altare Salomone offerse mille olocausti.
5Jehovha akazviratidza kuna Soromoni paGibhiyoni nokurota usiku. Mwari akati, Kumbira chandingakupa.
5A Gabaon, l’Eterno apparve di notte, in sogno, a Salomone. E Dio gli disse: "Chiedi quello che vuoi ch’io ti dia".
6Soromoni akati, Makaitira muranda wenyu Dhavhidhi, baba vangu, unyoro hukuru, zvaakafamba pamberi penyu nechokwadi, nokururama, nomoyo wakanaka kwamuri; mukamuchengeterawo unyoro uhu hukuru, zvamakamupa mwanakomana kugara pachigaro chake choushe, sezvazvakaita nhasi.
6Salomone rispose: "Tu hai trattato con gran benevolenza il tuo servo Davide, mio padre, perch’egli camminava dinanzi a te con fedeltà, con giustizia, con rettitudine di cuore a tuo riguardo; tu gli hai conservata questa gran benevolenza, e gli hai dato un figliuolo che siede sul trono di lui, come oggi avviene.
7Zvino Jehovha Mwari wangu, makaita muranda wenyu mambo panzvimbo yababa vangu Dhavhidhi, asi ndiri mwana hangu, handizivi mutowo wokubuda nawo kana kupinda nawo.
7Ora, o Eterno, o mio Dio, tu hai fatto regnar me, tuo servo, in luogo di Davide mio padre, e io non sono che un giovanetto, e non so come condurmi;
8Muranda wenyu uri pakati pavanhu venyu vamakatsaura, vanhu vazhinji kwazvo, vasingagoni kurahwa kana kuverengwa nokuwanda kwavo.
8e il tuo servo è in mezzo al popolo che tu hai scelto, popolo numeroso, che non può esser contato né calcolato, tanto è grande.
9Naizvozvo ipai muranda wenyu moyo unonzwisisa, kuti nditambe mhaka dzavanhu venyu, ndizive kutsaura pakati pezvakanaka nezvakaipa; nekuti ndianiko anogona kutamba mhaka dzavanhu venyu ava vakawanda?
9Da’ dunque al tuo servo un cuore intelligente ond’egli possa amministrar la giustizia per il tuo popolo e discernere il bene dal male; poiché chi mai potrebbe amministrar la giustizia per questo tuo popolo che è così numeroso?"
10Zvino kutaura uku kwakafadza Ishe, kuti Soromoni wakakumbira chinhu ichi.
10Piacque al Signore che Salomone gli avesse fatta una tale richiesta.
11Ipapo Mwari akati kwaari, Zvawakumbira chinhu ichi, ukasazvikumbirira upenyu hwamazuva mazhinji, kana kuzvikumbirira fuma, kana kukumbira kuti vavengi vako vafe; asi wakazvikumbirira kungwara, kuti unzwisise kutamba mhaka;
11E Dio gli disse: "Giacché tu hai domandato questo, e non hai chiesto per te lunga vita, né ricchezze, né la morte de’ tuoi nemici, ma hai chiesto intelligenza per poter discernere ciò ch’è giusto,
12tarira, ndaita sezvawataura; tarira ndakupa moyo waka ngwara, unonzwisisa; naizvozvo hakuna kumbova nomumwe wakafanana newe, kana shure kwako hakungazovi nomunhu ungafanana newe.
12ecco, io faccio secondo la tua parola; e ti do un cuor savio e intelligente, in guisa che nessuno è stato simile a te per lo innanzi, e nessuno sorgerà simile a te in appresso.
13Ndakupawo zvausina kukumbira, fuma nokukudzwa; naizvozvo hakungazovi nomumwe pakati pamadzimambo ungafanana newe pamazuva ako ose.
13E oltre a questo io ti do quello che non hai domandato: ricchezze e gloria; talmente, che non vi sarà durante tutta la tua vita alcuno fra i re che possa esserti paragonato.
14Kana ukada kufamba nenzira dzangu, nokuchengeta mitemo yangu nemirairo yangu, sezvakafamba baba vako Dhavhidhi, ipapo ndichawanza mazuva ako.
14E se cammini nelle mie vie osservando le mie leggi e i miei comandamenti, come fece Davide tuo padre, io prolungherò i tuoi giorni".
15Ipapo Soromoni akamuka, akaona kuti kwakanga kuri kurota; akaenda Jerusaremu, akamira pamberi peareka yesungano yaJehovha, akabayira zvipiriso zvinopiswa, akabayirawo zvipiriso zvokuyananisa, akaitira varanda vake vose mutambo.
15Salomone si svegliò, ed ecco era un sogno; tornò a Gerusalemme, si presentò davanti all’arca del patto del Signore, e offerse olocausti, sacrifizi di azioni di grazie e fece un convito a tutti i suoi servi.
16Zvino vakadzi vaviri, vaiva zvifeve, vakasvika kuna mambo, vakamira pamberi pake.
16Allora due meretrici vennero a presentarsi davanti al re.
17Mumwe mukadzi akati, Haiwa, ishe wangu, ini nomukadzi uyu tigere paimba imwe; ini ndikapona mwana ndigere naye paimba.
17Una delle due disse: "Permetti, Signor mio! Io e questa donna abitavamo nella medesima casa, e io partorii nella camera dov’ella pure stava.
18Zvino ini ndakati ndapona mazuva matatu, mukadzi uyu akaponawo, tigere pamwechete; kwakanga kusino mweni nesu mumba, asi isu vaviri toga mumba.
18E il terzo giorno dopo che ebbi partorito io, questa donna partorì anch’ella; noi stavamo insieme, e non v’era da noi alcun estraneo; non c’eravamo che noi due in casa.
19Zvino mwana womukadzi uyu akafa usiku, nekuti wakavata pamusoro pake.
19Ora, la notte passata, il bimbo di questa donna morì, perch’ella gli s’era coricata addosso.
20Akamuka pakati pausiku, akatora mwanakomana wangu parutivi rwangu, murandakadzi wenyu avete, akamuradzika pachipfuva chake, akaradzika mwana wake wakafa pachipfuva changu.
20Ed essa, alzatasi nel cuor della notte, prese il mio figliuolo d’accanto a me, mentre la tua serva dormiva, e lo pose a giacere sul suo seno, e sul mio seno pose il suo figliuolo morto.
21Zvino ndakati ndichimuka mangwanani kuzomwisa mwana wangu, ndikawana akafa; asi ndakati ndichimucherekedza mangwanani, wonei haazi mwanakomana wangu, wandakabereka.
21E quando m’alzai la mattina per far poppare il mio figlio, ecco ch’era morto; ma, mirandolo meglio a giorno chiaro, m’accorsi che non era il mio figlio ch’io avea partorito".
22Ipapo mumwe mukadzi wakati, Kwete, asi mupenyu ndiye mwanakomana wangu, wakafa ndiye mwanakomana wako; uyu akati, Kwete, asi wakafa ndiye mwanakomana wako, mupenyu ndiye mwanakomana wangu. Vakataura saizvozvo pamberi pamambo.
22L’altra donna disse: "No, il vivo è il figliuolo mio, e il morto è il tuo". Ma la prima replicò: "No, invece, il morto è il figliuolo tuo, e il vivo è il mio". Così altercavano in presenza del re.
23Ipapo mambo akati, Mumwe unoti, Mwanakomana wangu ndouyu mupenyu, mwana wako ndiye wakafa, mumwezve unoti, Kwete, asi mwanakomana wako ndiye wakafa, mupenyu ndiye mwanakomana wangu.
23Allora il re disse: "Una dice: Questo ch’è vivo è il figliuolo mio, e quello ch’è morto è il tuo; e l’altra dice: No, invece, il morto e il figliuolo tuo, e il vivo e il mio".
24Mambo akati, Nditorerei munondo. Vakauya nomunondo kuna mambo.
24Il re soggiunse: "Portatemi una spada!" E portarono una spada davanti al re.
25Mambo akati, Gurai mwana mupenyu napakati, mupe mumwe rutivi rumwe, nomumwe rumwe rutivi.
25E il re disse: "Dividete il bambino vivo in due parti, e datene la metà all’una, e la metà all’altra".
26Ipapo mukadzi waiva mai womwana mupenyu akataura kuna mambo, nekuti moyo wake wakava pamusoro pomwanakomana wake, akati, Haiwa, ishe wan.gu, mumupe henyu mwana mupenyu, regai kumuuraya. Asi mumwe wakati, Ngaachirega kuva wangu kana wako, mugurei.
26Allora la donna di cui era il bambino vivo, sentendosi commuover le viscere per amore del suo figliuolo, disse al re: "Deh! Signor mio, date a lei il bambino vivo, e non l’uccidete, no!" Ma l’altra diceva: "Non sia né mio né tuo; si divida!"
27Ipapo mambo akapindura, akati, Mumupe mwana mupenyu, regai kumuuraya, ndivo mai vake.
27Allora il re, rispondendo, disse: "Date a quella il bambino vivo, e non l’uccidete; la madre del bimbo è lei!"
28Valsiraeri vose vakanzwa kutonga kwamambo, vakatya mambo; nekuti vakaona kuti kungwara kwaMwari kwaiva maari, kuti atambe mhaka zvakanaka.
28E tutto Israele udì parlare del giudizio che il re avea pronunziato, e temettero il re perché vedevano che la sapienza di Dio era in lui per amministrare la giustizia.