Shona

Italian: Riveduta Bible (1927)

1 Samuel

14

1zvino rimwe zuva Jonatani mwanakomana waSauro akati kujaya raibata nhumbi dzake dzokurwa nadzo, Hendei tiyambukire kuboka ravarwi vavaFirisitia vari mhiri uko. Asi haana kuudza baba vake.
1Or avvenne che un giorno, Gionathan, figliuolo di Saul, disse al giovane suo scudiero: "Vieni, andiamo verso la guarnigione de’ Filistei, che è la dall’altra parte". Ma non ne disse nulla a suo padre.
2Sauro wakange agere pamugumo weGibhiya, pasi pomutamba wakange uri paMigironi; wakange ana varume vanenge mazana matanhatu naye.
2Saul stava allora all’estremità di Ghibea sotto il melagrano di Migron, e la gente che avea seco noverava circa seicento uomini;
3Ahija, mwanakomana waAhitubi, mukuru waIkabhodhi, mwanakomana waPinehasi, mwanakomana waEri, wakange ari mupristi waJehovha paShiro, akafuka efodhi. Vanhu vakanga vasingazivi kuti Jonatani waenda.
3e Ahia, figliuolo di Ahitub, fratello d’Icabod, figliuolo di Fineas, figliuolo d’Eli sacerdote dell’Eterno a Sciloh, portava l’efod. Il popolo non sapeva che Gionathan se ne fosse andato.
4Zvino pakati pemipata, Jonatani paakanga achida kuyambukira napo mhiri kuboka ravarwi vavaFirisitia, pakanga paneshongwe yebwe kurutivi rumwe, neshongwe yebwezve kuno rumwe rutivi; zita reimwe rakanga riri Bhozezi, nezita reimwe Sene.
4Or fra i passi attraverso ai quali Gionathan cercava d’arrivare alla guarnigione de’ Filistei, c’era una punta di rupe da una parte e una punta di rupe dall’altra parte: una si chiamava Botsets, e l’altra Seneh.
5Shongwe imwe yakanga imire kurutivi rwokumusoro pamberi paMikimashi, neimwe kurutivi rwezasi pamberi peGeba.
5Una di queste punte sorgeva al nord, dirimpetto a Micmas, e l’altra a mezzogiorno, dirimpetto a Ghibea.
6Zvino Jonatani akati kujaya raibata nhumbi dzake dzokurwa nadzo, Hendei tiyambukire kuboka ravarwi ravasina kudzingiswa ava; zvimwe Jehovha uchatibatsira, nekuti hakuna chinhu chingadzivisa Jehovha kuponesa, kunyange navazhinji kana navashoma.
6Gionathan disse al suo giovane scudiero: "Vieni, andiamo verso la guarnigione di questi incirconcisi; forse l’Eterno agirà per noi, poiché nulla può impedire all’Eterno di salvare con molta o con poca gente".
7Ipapo mubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo akati kwaari, Itai zvose zvamunofunga; endai henyu, ini ndinemwi pamunoda kuita napo.
7Il suo scudiero gli rispose: "Fa, tutto quello che ti sta nel cuore; va’ pure; ecco, io son teco dove il cuor ti mena".
8Ipapo Jonatani akati, Tarira, tichayambukira kuvarume avo, tindozviratidza kwavari.
8Allora Gionathan disse: "Ecco, noi andremo verso quella gente, e ci mostreremo a loro.
9Kana vakati kwatiri, Mirai kusvikira tasvika kwamuri, ticharamba timire kwatiri, hatingakwiri kwavari.
9Se ci dicono: Fermatevi finché veniam da voi, ci fermeremo al nostro posto, e non saliremo fino a loro;
10Asi kana vakati, Kwirai kuno kwatiri, tichakwira, nekuti Mwari wavaisa mumaoko edu; ndicho chichava chiratidzo kwatiri.
10ma se ci dicono: Venite su da noi, saliremo, perché l’Eterno li avrà dati nelle nostre mani. Questo ci servirà di segno".
11Zvino vose vari vaviri vakazviratidza kuboka ravarwi vavaFirisitia. VaFirisitia vakati, Tarira, vaHebheru vobuda mumakomba mavakanga vakavanda.
11Così si mostrarono ambedue alla guarnigione de’ Filistei; e i Filistei dissero: "Ecco gli Ebrei che escon dalle grotte dove s’eran nascosti!"
12Varume veboka ravarwi vakapindura Jonatani nomubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo, vakati, Kwirai kuno kwatiri, tikuratidzei chinhu. Jonatani akati kumubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo, Kwira unditevere, nekuti Jehovha wavaisa mumaoko avaIsiraeri.
12E gli uomini della guarnigione, rivolgendosi a Gionathan e al suo scudiero, dissero: "Venite su da noi, e vi faremo saper qualcosa". Gionathan disse al suo scudiero: "Sali dietro a me, poiché l’Eterno li ha dati nelle mani d’Israele".
13Jonatani akakwira namaoko ake namakumbo ake, mubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo achimutevera; ivo vakakundwa naJonatani, nomubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo akamutevera achiuraya.
13Gionathan salì, arrampicandosi con le mani e coi piedi, seguito dal suo scudiero. E i Filistei caddero dinanzi a Gionathan; e lo scudiero dietro a lui dava loro la morte.
14Zvino pakuuraya uku kokutanga, Jonatani nomubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo vakauraya varume vanenge makumi maviri pahafu yendima yomunda.
14In questa prima disfatta, inflitta da Gionathan e dal suo scudiero, caddero circa venti uomini, sullo spazio di circa la metà di un iugero di terra.
15Vanhu, vakanga vari pamisasa, napaminda, navanhu vose vakabvunda; neboka ravarwi, navaparadzi, naivo vakabvunda, nenyikawo yakadengenyeka; naizvozvo kwakanga kunokubvunda kukuru.
15E lo spavento si sparse nell’accampamento, nella campagna e fra tutto il popolo; la guarnigione e i guastatori furono anch’essi spaventati; il paese tremò; fu uno spavento di Dio.
16Zvino nharirire dzaSauro paGibhiya kwaBhenjamini vakatarira, vakaona boka guru ravanhu richinyangarika, richipararira.
16Le sentinelle di Saul a Ghibea di Beniamino guardarono ed ecco che la moltitudine si sbandava e fuggiva di qua e di là.
17Ipapo Sauro akati kuvanhu vaakanga anavo, Verengai zvino, muwone kuti ndianiko usisipo kwatiri. Zvino vakati vaverenga, vakaona kuti Jonatani nomubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo havapo.
17Allora Saul disse alla gente ch’era con lui: "Fate la rassegna, e vedete chi se n’è andato da noi". E, fatta la rassegna, ecco che mancavano Gionathan e il suo scudiero.
18Sauro akati kuna Ahija, Uya pano neareka yaMwari. Nekuti areka yaMwari yakanga iripo pakati pevana vaIsiraeri nenguva iyo.
18E Saul disse ad Ahia: "Fa’ accostare l’arca di Dio!" Poiché l’arca di Dio era allora coi figliuoli d’Israele.
19Zvino Sauro wakati achataurirana nomupristi, bopoto rakanga riri pamisasa yavaFirisitia rikaramba richinyanya. Sauro akati kumupristi: Dzosa ruoko rwako.
19E mentre Saul parlava col sacerdote, il tumulto andava aumentando nel campo de’ Filistei; e Saul disse al sacerdote: "Ritira la mano!"
20Sauro navanhu vose vaakanga anavo vakaungana, vakarwa, vakawana munondo womumwe nomuwe uchirwa neshamwari yake, kukava nokutambudzika kukuru.
20Poi Saul e tutto il popolo ch’era con lui si radunarono e s’avanzarono fino al luogo della battaglia; ed ecco che la spada dell’uno era rivolta contro l’altro, e la confusione era grandissima.
21NavaHebheru, vaibatsira vaFirisitia kare, vakanga vakwira navo kumisasa vaibva kunhivi dzose, naivo vakavashandukira, vakabatsira valsiraeri vakanga vana Sauro naJonatani.
21Or gli Ebrei, che già prima si trovavan coi Filistei ed eran saliti con essi al campo dal paese d’intorno, fecero voltafaccia e s’unirono anch’essi con gl’Israeliti ch’erano con Saul e con Gionathan.
22Zvino varume vose vaIsiraeri, vakanga vakawanda kunyika yamakomo yaEfuyenlu, vakati vachinzwa kuti vaFirisitia votiza naivo vakavatevera kuzorwa navo.
22E parimente tutti gl’Israeliti che s’eran nascosti nella contrada montuosa di Efraim, quand’udirono che i Filistei fuggivano, si misero anch’essi a inseguirli da presso, combattendo.
23Naizvozvo Jehovha akaponesa vaIsiraeri nomusi uyo; kurwa kukapfuura napaBhetiaveni.
23In quel giorno l’Eterno salvò Israele, e la battaglia s’estese fin oltre Beth-Aven.
24Zvino varume vaIsiraeri vakaziya nomusi uyo, asi Sauro wakapikira vanhu, akati, Ani nani unodya zvokudya kusvikira madekwana, kusvikira ndatsivira vavengi vangu, ngaatukwe. Naizvozvo hakuna munhu wakaravira zvokudya.
24Or gli uomini d’Israele, in quel giorno, erano sfiniti; ma Saul fece fare al popolo questo giuramento: "Maledetto l’uomo che toccherà cibo prima di sera, prima ch’io mi sia vendicato de’ miei nemici". E nessuno del popolo toccò cibo.
25Zvino vanhu vose vakasvika padondo, vakawana uchi huripo pasi.
25Or tutto il popolo giunse a una foresta, dove c’era del miele per terra.
26Vanhu vakati vasvika padondo, vakawana uchi hoyerera pasi, asi hakuna munhu wakaisa ruoko rwake kumuromo wake, nekuti vanhu vakatya kupika kwaSauro.
26E come il popolo fu entrato nella foresta, vide il miele che colava; ma nessuno si portò la mano alla bocca, perché il popolo rispettava il giuramento.
27Asi Jonatani wakange asina kunzwa baba vake vachiraira vanhu nokupika kwavo; naizvozvo akatambanudza muromo wetsvimbo yake, yakanga iri muruoko rwake, akainyika muzinga rouchi, akaisa ruoko rwake kumuromo wake, meso ake akasvinudzwa.
27Ma Gionathan non avea sentito quando suo padre avea fatto giurare il popolo; e stese la punta del bastone che teneva in mano, la intinse nel miele che colava, portò la mano alla bocca, e gli si rischiarò la vista.
28Ipapo mumwe wavanhu akapindura, akati, Baba vako vakaraira vanhu kwazvo nokupika vachiti, Ani nani unodya zvokudya nhasi ngaatukwe. Asi vanhu vakanga vaziya.
28Uno del popolo, rivolgendosi a lui, gli disse: "Tuo padre ha espressamente fatto fare al popolo questo giuramento: Maledetto l’uomo che toccherà oggi cibo; e il popolo è estenuato".
29Zvino Jonatani akati, Baba vangu vanetsa nyika. Chionai henyu, meso angu asvinudzwa seiko, nekuti ndaravira uchi uhwu;
29Allora Gionathan disse: "Mio padre ha recato un danno al paese; vedete come l’aver gustato un po’ di questo miele m’ha rischiarato la vista!
30ndoda kana vanhu vakanga vatenderwa kudya zvavakanga vapamba kuvavengi vavo! Asi zvino havana kuuraya vaFirisitia vazhinji.
30Ah, se il popolo avesse oggi mangiato a sua voglia del bottino che ha trovato presso i nemici! Non si sarebb’egli fatto una più grande strage de’ Filistei?"
31Nomusi uyo vakauraya vaFirisitia kubva paMikimashi kusvikira paAjaroni; vanhu vakaziya kwazvo.
31Essi dunque sconfissero quel giorno i Filistei da Micmas ad Ajalon; il popolo era estenuato, e si gettò sul bottino;
32Vanhu vakamhanyira zvakapambwa, vakatora makwai nemombe, nemhuru, vakazviurayira pasi, vanhu vakazvidya pamwechete neropa razvo.
32prese pecore, buoi e vitelli, li scannò sul suolo, e li mangiò col sangue.
33Zvino vakaudza Sauro, vakati, Tarirai, vanhu vanotadzira Jehovha, nekuti vanodya pamwechete neropa. Akati, Makaita nokusatendeka; ndikungurusirei pano ibwe guru nhasi.
33E questo fu riferito a Saul e gli fu detto: "Ecco, il popolo pecca contro l’Eterno, mangiando carne col sangue". Ed egli disse: "Voi avete commesso un’infedeltà; rotolate subito qua presso di me una gran pietra".
34Zvino Sauro akati, Pararirai pakati pavanhu, muti kwavari, Mumwe nomumwe ngaauye kwandiri nenzombe yake, mumwe nomumwe negwai rake, azviurayire pano, adye murege kutadzira Jehovha muchidya pamwechete neropa. Zvino vanhu vose vakauya usiku uhwo mumwe nomumwe nenzombe yake, vakadziurayirapo.
34E Saul soggiunse: "Andate attorno fra il popolo, e dite a ognuno di menarmi qua il suo bue e la sua pecora, e di scannarli qui; poi mangiate, e non peccate contro l’Eterno, mangiando carne con sangue!" E, quella notte, ognuno del popolo menò di propria mano il suo bue, e lo scannò quivi.
35Sauro akavakira Jehovha aritari, iyo aritari ndiyo yokutanga yaakavakira Jehovha.
35E Saul edifico un altare all’Eterno; questo fu il primo altare ch’egli edificò all’Eterno.
36Zvino Sauro akati, Ngatiburuke, titevere vaFirisitia usiku, tivapambare kusvikira kwaedza, tirege kusiya munhu mumwe kwavari. Ivo vakati, Itai henyu sezvamunoda. Ipapo mupristi akati Ngatiswedere kuna Mwari pano.
36Poi Saul disse: "Scendiamo nella notte a inseguire i Filistei; saccheggiamoli fino alla mattina, e facciamo che non ne scampi uno". Il popolo rispose: "Fa’ tutto quello che ti par bene". Allora disse il sacerdote: "Accostiamoci qui a Dio".
37Sauro akabvunza Mwari, akati, Ndoburuka, nditevere vaFirisitia here? Muchavaisa mumaoko avaIsiraeri here? Asi haana kumupindura musi iwoyo.
37E Saul consultò Dio, dicendo: "Debbo io scendere a inseguire i Filistei? Li darai tu nelle mani d’Israele?" Ma questa volta Iddio non gli diede alcuna risposta.
38Sauro akati, Swederai pano, imwi vakuru vose vavanhu, muzive nokuona kuti chivi ichi chakaitwa nhasi ndecheiko?
38E Saul disse: "Accostatevi qua, voi tutti capi del popolo, riconoscete e vedete in che consista il peccato commesso quest’oggi!
39Nekuti naJehovha mupenyu, iye unoponesa Isiraeri, kunyange zviri kuna Jonatani mwanakomana wangu, achafanira kufa zvirokwazvo. Asi kwakanga kusino munhu pakati pavanhu vose wakamupindura.
39Poiché, com’è vero che l’Eterno, il salvatore d’Israele, vive, quand’anche il reo fosse Gionathan mio figliuolo, egli dovrà morire". Ma in tutto il popolo non ci fu alcuno che gli rispondesse.
40Zvino akati kuvaIsiraeri vose, imwi mirai kurutivi rumwe, neni naJonatani mwanakomana wangu tichamira kuno rumwe rutivi. Vanhu vakati kuna Sauro, Itai henyu sezvamunoda.
40Allora egli disse a tutto Israele: "Mettetevi da un lato, e io e Gionathan mio figliuolo staremo dall’altro". E il popolo disse a Saul: "Fa’ quello che ti par bene".
41Zvino Sauro akati kuna Jehovha, Mwari waIsiraeri, Ratidzai zvakarurama. Zvino Jonatani naSauro vakabatwa nemijenya, asi vanhu vakapukunyuka havo.
41Saul disse all’Eterno: "Dio d’Israele, fa’ conoscere la verità!" E Gionathan e Saul furon designati dalla sorte, e il popolo scampò.
42Zvino Sauro akati kuvaIsiraeri vose, Kandai mijenya pakati pangu naJonatani mwanakomana wangu. Jonatani akabatwa.
42Poi Saul disse: "Tirate a sorte fra me e Gionathan mio figliuolo". E Gionathan fu designato.
43Zvino Sauro akati kuna Jonatani, Ndiudze chawaita. Jonatani akamuudza, akati, Ndakaravira hangu zviuchi nomuromo wetsvimbo yandakanga ndakabata muruoko rwangu; zvino ndinofanira kufa hangu.
43Allora Saul disse a Gionathan: "Dimmi quello che hai fatto". E Gionathan glielo confessò, e disse: "Sì, io assaggiai un po’ di miele, con la punta del bastone che avevo in mano; eccomi qui: morrò!"
44Sauro akati, Mwari ngaandirove, arambe achidaro, nekuti zvirokwazvo unofanira kufa, Jonatani.
44Saul disse: "Mi tratti Iddio con tutto il suo rigore, se non andrai alla morte, o Gionathan!"
45Zvino vanhu vakati kuna Sauro, Jonatani ungafa seiko, iye wakaponesa vaIsiraeri nokuponesa kukuru uku? Ngazvisadaro! NaJehovha mupenyu, ruvhudzi rumwe rwomusoro wake harungawiri pasi, nekuti wakabata pamwechete naMwari nhasi. Naizvozvo vanhu vakadzikunura Jonatani, akasafa.
45E il popolo disse a Saul: "Gionathan, che ha operato questa gran liberazione in Israele, dovrebb’egli morire? Non sarà mai! Com’è vero che l’Eterno vive, non cadrà in terra un capello del suo capo; poiché oggi egli ha operato con Dio! Così il popolo salvò Gionathan, che non fu messo a morte.
46Zvino Sauro akarega kutevera vaFirisitia, vaFirisitia vakaenda kunyika yavo.
46Poi Saul tornò dall’inseguimento de’ Filistei, e i Filistei se ne tornarono al loro paese.
47Zvino Sauro wakati agadzwa ushe hwaIsiraeri, akarwa navavengi vake vose kunhivi dzose, navaMoabhu, navana vaAmoni, navaEdhomu, namadzimambo eZoba, navaFirisitia; pose paakaenda wakakunda.
47Or Saul, quand’ebbe preso possesso del suo regno in Israele, mosse guerra a tutti i suoi nemici d’ogn’intorno: a Moab, ai figliuoli d’Ammon, a Edom, ai re di Tsoba e ai Filistei; e dovunque si volgeva, vinceva.
48Akarwa noumhare, akakunda vaAmareki, akarwira vaIsiraeri pamaoko avaivapambara.
48Spiegò il suo valore, sconfisse gli Amalekiti, e liberò Israele dalle mani di quelli che lo predavano.
49Zvino vanakomana vaSauro vaiva Jonatani, naIshivi, naMarikishua, namazita avanasikana vake vaviri aiti, Zita rowedangwe Merabhi, nezita romuduku Mikari.
49I figliuoli di Saul erano: Gionathan, Ishvi e Malkishua; e delle sue due figliuole, la primogenita si chiamava Merab, e la minore Mical.
50Zita romukadzi waSauro raiva Ahinowamu, mwanasikana waAhimaazi, nezita romutungamiriri wehondo yake raiva Abhineri, mwanakomana waNeri, babamunini vaSauro.
50Il nome della moglie di Saul era Ahinoam, figliuola di Ahimaaz, e il nome del capitano del suo esercito era Abner, figliuolo di Ner, zio di Saul.
51Kishi ndiye waiva baba vaSauro; naNeri, baba vaAbhineri, waiva mwanakomana waAbhieri.
51E Kis, padre di Saul, e Ner, padre d’Abner, erano figliuoli d’Abiel.
52Pamazuva ose aSauro vakanga vachirwa zvikuru navaFirisitia; zvino Sauro wakati kana achiona murume ane simba kana murume uno umhare, waimugarisa naye.
52Per tutto il tempo di Saul, vi fu guerra accanita contro i Filistei; e, come Saul scorgeva un uomo forte e valoroso, lo prendeva seco.