1Zvino Dhavhidhi navanhu vake vakati vachisvika paZikiragi nezuva retatu, vakawana kuti vaAmareki vakanga vandopambara kurutivi rwezasi, neZikiragiwo, vakakunda Zikiragi nokuripisa nomoto;
1Tre giorni dopo, quando Davide e la sua gente furon giunti a Tsiklag, ecco che gli Amalekiti avean fatto una scorreria verso il mezzogiorno e verso Tsiklag; aveano presa Tsiklag e l’aveano incendiata:
2vakatapa vakadzi navose vakanga varimo, vaduku navakuru; vakanga vasina kuuraya munhu, asi vakavatapa, vakaenda havo.
2avean fatto prigionieri le donne e tutti quelli che vi si trovavano, piccoli e grandi; non avevano ucciso alcuno, ma aveano menato via tutti, e se n’eran tornati donde eran venuti.
3Zvino Dhavhidhi navanhu vake vakati vachisvika paguta vakariwana rapiswa nomoto, navakadzi vavo, navanakomana vavo, navanasikana vavo vatapwa.
3Quando Davide e la sua gente giunsero alla città, ecco ch’essa era distrutta dal fuoco, e le loro mogli, i loro figliuoli e le loro figliuole erano stati menati via prigionieri.
4Dhavhidhi navanhu vakanga vanaye vakachema kwazvo, kusvikira vasisina simba rokuchema.
4Allora Davide e tutti quelli ch’eran con lui alzaron la voce e piansero, finché non ebbero più forza di piangere.
5Navakadzi vaviri vaDhavhidhi vakanga vatapwawo, vanaAhinowamu muJezereeri naAbhigairi waiva mukadzi waNabhari muKarimeri.
5Le due mogli di Davide, Ahinoam la Izreelita e Abigail la Carmelita ch’era stata moglie di Nabal, erano anch’esse prigioniere.
6Dhavhidhi akatambudzika zvikuru, nekuti vanhu vakanga voda kumutaka namabwe, nekuti moyo yavanhu vose yakanga ine shungu, mumwe nomumwe pamusoro pavanakomana vake, navanasikana vake; asi Dhavhidhi wakatsvaka simba rake kuna Jehovha Mwari wake.
6E Davide fu grandemente angosciato perché la gente parlava di lapidarlo, essendo l’animo di tutti amareggiato a motivo dei lor figliuoli e delle loro figliuole; ma Davide si fortificò nell’Eterno, nel suo Dio.
7Zvino Dhavhidhi akati kuna Abhiatari mupristi, mwanakomana waAhimereki, Douya hako pano neefodhi. Abhiatari akaenda neefodhi kuna Dhavhidhi.
7Davide disse al sacerdote Abiathar, figliuolo di Ahimelec: "Ti prego, portami qua l’efod". E Abiathar portò l’efod a Davide.
8Dhavhidhi akabvunza Jehovha, akati, Kana ndikatevera boka iro, ndingavabata here? Akamupindura akati, Tevera hako, nekuti uchavabata kwazvo, uye ucharwira zvose.
8E Davide consultò l’Eterno, dicendo: "Debbo io dar dietro a questa banda di predoni? la raggiungerò io?" L’Eterno rispose: "Dàlle dietro, poiché certamente la raggiungerai, e potrai ricuperare ogni cosa".
9Naizvozvo Dhavhidhi akaenda, iye navarume vana mazana matanhatu vaakanga anavo, vakasvika parukova Bhesori, pakasara vamwe vaakasiya.
9Davide dunque andò coi seicento uomini che avea seco, e giunsero al torrente Besor, dove quelli ch’erano rimasti indietro si fermarono:
10Asi Dhavhidhi wakateverera, iye navanhu vana mazana mana, nekuti vana mazana maviri vakanga vasara shure, nekuti vakanga vaneta kwazvo, vasingagoni kuyambuka rukova Bhesori.
10ma Davide continuò l’inseguimento con quattrocento uomini: duecento erano rimasti addietro, troppo stanchi per poter attraversare il torrente Besor.
11Vakawana muEgipita kusango, vakauya naye kuna Dhavhidhi, vakamupa zvokudya, akadya, vakamupawo mvura yokumwa;
11Trovarono per la campagna un Egiziano, e lo menarono a Davide. Gli diedero del pane, ch’egli mangiò, e dell’acqua da bere;
12vakamupawo chimedu chebundu ramawonde namasumbu maviri amazambiringa akawomeswa; zvino wakati adya, mweya wake ukararamazve mukati make, nekuti wakange asina kudya zvokudya, kana kumwa mvura, mazuva matatu nousiku hutatu.
12e gli diedero un pezzo di schiacciata di fichi secchi e due picce d’uva. Quand’egli ebbe mangiato, si riebbe, perché non avea mangiato pane né bevuto acqua per tre giorni e tre notti.
13Dhavhidhi akati kwaari, Uri waaniko? Unobvepiko? Iye akati, Ndiri jaya rakabva Egipita, muranda womunhu wavaAmareki; tenzi wangu wakandisiya, nekuti mazuva matatu akapfuura ndakarwara.
13Davide gli chiese: "A chi appartieni? e di dove sei? Quegli rispose: "Sono un giovine egiziano, servo di un Amalekita; e il mio padrone m’ha abbandonato perché tre giorni fa caddi infermo.
14Takanga tandopambara kurutivi rwezasi rwavaKereti, nokunyika yaJudha, nokurutivi rwezasi rwaKarebhi, tikapisawo Zikiragi nomoto.
14Abbiam fatto una scorreria nel mezzogiorno dei Kerethei, sul territorio di Giuda e nel mezzogiorno di Caleb, e abbiamo incendiato Tsiklag".
15Dhavhidhi akati kwaari, Ungandiburutsira kuboka iro here? Iye akati, Ndipikirei naMwari kuti hamungandiurayi, kana kundiisa mumaoko atenzi wangu. Ipapo ndingakuburusirai kuboka iro.
15Davide gli disse: "Vuoi tu condurmi giù dov’è quella banda?" Quegli rispose: "Giurami per il nome di Dio che non mi ucciderai e non mi darai nelle mani del mio padrone, e io ti menerò giù dov’è quella banda".
16Zvino wakati amuburusirako vakavawana vakapararira pasi pose, vachidya nokumwa, nokutamba pakati pezvizhinji zvavakanga vapamba, zvavakanga vatora kunyika yavaFirisitia nokunyika yavaJudha.
16E quand’ei l’ebbe menato là, ecco che gli Amalekiti erano sparsi dappertutto per la campagna, mangiando, bevendo, e facendo festa, a motivo del gran bottino che avean portato via dal paese dei Filistei e da paese di Giuda.
17Dhavhidhi akarwa navo kubva parubvunzavaeni kusvikira madeko ezuva repiri; kwakanga kusina munhu wakapukunyuka, asi majaya ana mazana mana, akanga akatasva makamera, ndiwo akatiza.
17Davide diè loro addosso dalla sera di quel giorno fino alla sera dell’indomani; e non uno ne scampò, tranne quattrocento giovani, che montarono su dei cammelli e fuggirono.
18Dhavhidhi akarwira zvose zvakanga zvatorwa navaAmareki; Dhavhidhi akarwirawo vakadzi vake vaviri.
18Davide ricuperò tutto quello che gli Amalekiti aveano portato via, e liberò anche le sue due mogli.
19Vakanga vasina kurashikirwa nechinhu, kunyange chiduku kana chikuru, kana vanakomana, kana vanasikana, kana nhumbi;kana chinhu chipi nechipi chavakanga vatora; Dhavhidhi wakazvidzosa zvose.
19E non vi mancò alcuno, né dei piccoli né dei grandi, né de’ figliuoli né delle figliuole, né alcun che del bottino, né cosa alcuna che gli Amalekiti avessero presa. Davide ricondusse via tutto.
20Dhavhidhi akatorawo makwai nemombe dzose, vakazvitinha pamberi pezvimwe zvipfuwo, vakati, Ndizvo zvakapambwa naDhavhidhi.
20Davide riprese anche tutti i greggi e tutti gli armenti; e quelli che menavano questo bestiame e camminavano alla sua testa, dicevano: "Questo è il bottino di Davide!"
21Zvino Dhavhidhi akasvika kuvarume vana mazana maviri, vaya vakanga vasingagoni kutevera Dhavhidhi nokuneta kwavo, vavakanga vasiya kurukova Besori; ivo vakandosangana naDhavhidhi, nokusanganawo navanhu vakanga vanaye; zvino Dhavhidhi wakati aswedera kwavari, akavakwazisa.
21Poi Davide tornò verso quei duecento uomini che per la grande stanchezza non gli avevano potuto tener dietro, e che egli avea fatti rimanere al torrente Besor. Quelli si fecero avanti incontro a Davide e alla gente ch’era con lui. E Davide, accostatosi a loro, li salutò.
22Ipapo vanhu vose vakashata, navanhu vakaisvoipa, vakanga vaenda naDhavhidhi, vakapindura vakati, Zvavasina kuenda nesu, hatingavapi chinhu chimwe chezvakapambwa zvatakandorwira, asi mumwe nomumwe ngaapiwe mukadzi wake navana vake, vavaperekedze, vaende navo.
22Allora tutti i tristi e i perversi fra gli uomini che erano andati con Davide, presero a dire: "Giacché costoro non son venuti con noi, non darem loro nulla del bottino che abbiamo ricuperato; tranne a ciascun di loro la sua moglie e i suoi figliuoli; se li menino via, e se ne vadano!"
23Ipapo Dhavhidhi akati, Hamungaiti kudaro, hama dzangu, nezvatakapiwa naJehovha, iye wakatichengeta, akaisa boka rakanga rauya kuzorwa nesu pamaoko edu.
23Ma Davide disse: "Non fate così, fratelli miei, riguardo alle cose che l’Eterno ci ha date: Egli che ci ha protetti, e ha dato nelle nostre mani la banda ch’era venuta contro di noi.
24Ndiani ungakuteererai pashoko rakadai? Nekuti mugove wowakaenda kundorwa, uchafanana nomugove wowakasara panhumbi; migove yavo inofanira kufanana.
24E chi vi darebbe retta in quest’affare? Qual è la parte di chi scende alla battaglia, tale dev’essere la parte di colui che rimane presso il bagaglio; faranno tra loro le parti uguali.
25Zvino kubva pazuva iro iye akatema kuti uve mutemo nomurayiro kuvaIsiraeri kusvikira zuva ranhasi.
25E da quel giorno in poi si fece così; Davide ne fece in Israele una legge e una norma, che han durato fino al dì d’oggi.
26Zvino Dhavhidhi wakati asvika Zikiragi, akatuma zvimwe zvakanga zvapambwa kuvakuru vavaJudha, idzo hama dzake akati, Hecho chipo chenyu chezvakapambwa kuvavengi vaJehovha;
26Quando Davide fu tornato a Tsiklag, mandò parte di quel bottino agli anziani di Giuda, suoi amici, dicendo: "Eccovi un dono che viene dal bottino preso ai nemici dell’Eterno".
27kuna vakanga vari Bhetieri, nokuna vakanga vari Ramoti kurutivi rwezasi, nokuna vakanga vari Jatiri,
27Ne mandò a quelli di Bethel, a quelli di Ramoth del mezzogiorno, a quelli di Jattir,
28nokuna vakanga vari Aroeri, nokuna vakanga vari Sifimoti, nokuna vakanga vari Eshitemoa;
28a quelli d’Aroer, a quelli di Simoth, a quelli d’Eshtemoa,
29nokuna vakanga vari Rakari, nokuna vakanga vari kumaguta avaJerameeri, nokuna vakanga vari pamaguta avaKeni,
29a quelli di Racal, a quelli delle città degli Ierahmeeliti, a quelli delle città dei Kenei,
30nokuna vakanga vari Horima, nokuna vakanga vari Korashani, nokuna vakanga vari Ataki,
30a quelli di Horma, a quelli di Cor-Ashan, a quelli di Athac,
31nokuna vakanga vari Hebhuroni, nokuna vose vakanga vari panzvimbo dzaifamba Dhavhidhi amene navanhu vake.
31a quelli di Hebron, e a quelli di tutti i luoghi che Davide e la sua gente aveano percorso.