1Shoko raSamueri rakasvika kuvaIsiraeri vose. Zvino valsiraeri vakaenda kundorwa navaFirisitia, vakavaka misasa yavo pedo neEbheniezeri; vaFirisitia vakavaka misasa yavo paAfeki.
1Or Israele uscì contro i Filistei per dar battaglia, e si accampò presso Eben-Ezer; i Filistei erano accampati presso Afek.
2VaFirisitia vakazvigadzirira kurwa navaIsiraeri; zvino vakati vorwa, vaIsiraeri vakakundwa navaFirisitia, vakauraya pakati pavakanga vakagadzirirwa kurwa varume vanenge zviuru zvina.
2I Filistei si schierarono in battaglia in faccia ad Israele; e, impegnatosi il combattimento, Israele fu sconfitto dai Filistei, che uccisero sul campo di battaglia circa quattromila uomini.
3Zvino vanhu vakati vasvika kumisasa, vakuru vaIsiraeri vakati, Jehovha wakatirovereiko nhasi pamberi pavaFirisitia? Handei, titore areka yesungano yaJehovha paShiro, iuye pakati pedu itirwire pamaoko avavengi vedu.
3Quando il popolo fu tornato nell’accampamento, gli anziani d’Israele dissero: "Perché l’Eterno ci ha egli oggi sconfitti davanti ai Filistei? Andiamo a prendere a Sciloh l’arca del patto dell’Eterno, e venga essa in mezzo a noi e ci salvi dalle mani de’ nostri nemici!"
4Naizvozvo vanhu vakatuma nhume Shiro kundotorapo areka yesungano yaJehovha wehondo, ugere pamusoro pamakerubhi; vanakomana vaviri vaEri, Hofini naPinehasi, vakanga varipo paareka yesungano yaMwari.
4Il popolo quindi mandò gente a Sciloh, e di la fu portata l’arca del patto dell’Eterno degli eserciti, il quale sta fra i cherubini; e i due figliuoli di Eli, Hofni e Fineas, erano là, con l’arca del patto di Dio.
5Zvino areka yesungano yaJehovha yakati yasvika pamisasa, vaIsiraeri vose vakapururudza nokupururudza kukuru, nyika ikaita mawungira.
5E quando l’arca del patto dell’Eterno entrò nel campo, tutto Israele diè in grandi grida di gioia, sì che ne rimbombo la terra.
6VaFirisitia vakati vachinzwa inzwi rokupururudza, vakati, inzwi iro rokupururudza, riri kumisasa yavaHebheru rinoti kudiniko? Vakanzwa kuti areka yaJehovha yasvika kumisasa.
6I Filistei, all’udire quelle alte grida, dissero: "Che significano queste grandi grida nel campo degli Ebrei?" E seppero che l’arca dell’Eterno era arrivata nell’accampamento.
7VaFirisitia vakatya, nekuti vakati, Mwari wasvika kumisasa. Vakati, Tine nhamo! nekuti chinhu chakadai hachina kumbovapo.
7E i Filistei ebbero paura, perché dicevano: "Dio e venuto nell’accampamento". Ed esclamarono: "Guai a noi! poiché non era così nei giorni passati.
8Tine nhamo ! Ndianiko uchatirwira pamaoko avaMwari ava vane simba? Ndivo vaMwari vakadeya kurova vaEgipita namatambudziko amarudzi mazhinji murenje.
8Guai a noi! Chi ci salverà dalle mani di questi dèi potenti? Questi son gli dèi che colpiron gli Egiziani d’ogni sorta di piaghe nel deserto.
9Simbai, muite savarume, imwi vaFirisitia, kuti murege kuva varanda vavaHebheru, sezvavakanga vakaita kwamuri; itai savarume, murwe.
9Siate forti, Filistei, e comportatevi da uomini, onde non abbiate a diventare schiavi degli Ebrei, com’essi sono stati schiavi vostri! Conducetevi da uomini, e combattete!"
10Zvino vaFirisitia vakarwa, vaIsiraeri vakakundwa, vakatiza, mumwe nomumwe kutende rake, kukavapo kuurawa kukuru, nekuti kuvaIsiraeri kwakafa vane zviuru zvina makumi matatu vaifamba namakumbo.
10I Filistei dunque combatterono, e Israele fu sconfitto, e ciascuno se ne fuggì nella sua tenda. La rotta fu enorme, e caddero, d’Israele, trentamila fanti.
11Areka yaMwari ikatorwa, uye vanakomana vaviri vaEri, Hofini naPinehasi, vakaurawa.
11L’arca di Dio fu presa, e i due figliuoli d’Eli, Hofni e Fineas, morirono.
12Zvino mumwe murume wavaBhenjamini akabva kuhondo, akamhanya, akasvika paShiro nomusi iwoyo, ane nguvo dzakabvarurwa neguruva pamusoro wake.
12Un uomo di Beniamino, fuggito dal campo di battaglia, giunse correndo a Sciloh quel medesimo giorno, con le vesti stracciate e la testa coperta di terra.
13Pakusvika kwake, Eri wakange agere pachigaro chake kurutivi rwenzira, akataririra, nekuti moyo wake wakange uchibvunda pamusoro peareka yaMwari. Murume wakati asvika muguta, akavaudza izvozvo, vanhu vose veguta vakachema.
13Al suo arrivo, ecco che Eli stava sull’orlo della strada, seduto sul suo seggio, aspettando ansiosamente, perché gli tremava il cuore per l’arca di Dio. E come quell’uomo entrò nella città portando la nuova, un grido si levò da tutta la città.
14Zvino Eri wakati achinzwa inzwi rokuchema, akati, inzwi rebopoto iri rinoti kudiniko? Murume akakurumidza, akandoudza Eri.
14Ed Eli, udendo lo strepito delle grida, disse: "Che significa il chiasso di questo tumulto?" E quell’uomo andò in fretta a portar la nuova ad Eli.
15Zvino Eri wakange ava namakore ana makumi mapfumbamwe namasere, meso ake akanga ava norutara, asichagoni kuona kwazvo.
15Or Eli avea novantott’anni; la vista gli era venuta meno, sicché non potea vedere.
16Murume akati kuna Eri, Ndini ndakabva kuhondo, ndatiza nhasi kuhondo. Akati, Kwaitweiko, mwana wangu?
16Quell’uomo gli disse: "Son io che vengo dal campo di battaglia e che ne son fuggito oggi". Ed Eli disse: "Com’è andata la cosa, figliuol mio?"
17Zvino murume wakange auya neshoko akapindura, akati, VaIsiraeri vatiza pamberi pavaFirisitia; vanhu vazhinji vaurawa; uye vanakomana venyu vaviri, Hofini naPinehasi, vafawo; uye areka yaMwari yatorwa.
17E colui che portava la nuova, rispondendo, disse: "Israele e fuggito d’innanzi ai Filistei; e v’è stata una grande strage fra il popolo; anche i tuoi due figliuoli, Hofni e Fineas, sono morti, e l’arca di Dio e stata presa".
18Zvino wakati achireva areka yaMwari, Eri akawa pachigaro negotsi kurutivi rwesuwo, akavhunika mutsipa, akafa; nekuti wakange ava mutana, ano muviri mukobvu. wakange atonga vaIsiraeri makore makumi mana.
18E come ebbe mentovato l’arca di Dio, Eli cadde dal suo seggio all’indietro, allato alla porta, si ruppe la nuca, e morì, perché era un uomo vecchio e pesante. Era stato giudice d’Israele quarant’anni.
19Zvino mukadzi womwanakomana wake Pinehasi, wakange ava nemimba, oda kupona mwana; akati achinzwa kuti areka yaMwari yatorwa, uye kuti baba vomurume wake, nomurume wakewo, vafa vose, akapfugama, akapona mwana, nekuti wakasvikirwa nokurwadziwa kwake.
19La nuora di lui, moglie di Fineas, era incinta e prossima al parto; quando udì la nuova che l’arca di Dio era presa e che il suo suocero e il suo marito erano morti, si curvò e partorì, perché sorpresa a un tratto dai dolori.
20Nenguva yokufa kwake vakanga vamirepo naye vakati, Usatya hako, nekuti wapona mwana womukomana. Asi haana kupindura, kana kurangarira izvozvo.
20E nel punto che stava per morire, le donne che l’assistevano le dissero: "Non temere, poiché hai partorito un figliuolo". Ma ella non rispose e non ne fece caso.
21Akatumidza mwana zita rinonzi Ikabhodhi, achiti, Kukudzwa kwabviswa kuna Isiraeri; nekuti areka yaMwari yakanga yatorwa, uye nokuda kwababa vomurume wake, nomurume wake.
21E al suo bambino pose nome Icabod, dicendo: "La gloria ha esulato da Israele", perché l’arca di Dio era stata presa, e a motivo del suo suocero e del suo marito.
22Akati, Kukudzwa kwabviswa kuna Isiraeri; nekuti areka yaMwari yatorwa.
22E disse: "La gloria ha esulato da Israele, perché l’arca di Dio e stata presa".